Eksodho
20 Zvino Mwari akataura mashoko aya ose, achiti:+
2 “Ndini Jehovha Mwari wako,+ akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yevaranda.+ 3 Usava nevamwe vanamwari+ kunze kwangu.
4 “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika.+ 5 Usazvikotamira kana kunyengedzwa kuti uzvishumire,+ nokuti ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara,+ anoranga vanakomana nokuda kwokukanganisa kwemadzibaba, kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina chevaya vanondivenga;+ 6 asi ane mutsa worudo kuzviuru zvezvizvarwa zvevaya vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.+
7 “Usashandisa zita raJehovha Mwari wako pasina,+ nokuti Jehovha haazoregi kuranga munhu anoshandisa zita rake pasina.+
8 “Uchiyeuka zuva resabata kuti uriite dzvene,+ 9 unofanira kushanda uye unofanira kuita basa rako rose kwemazuva matanhatu.+ 10 Asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako.+ Usaita basa ripi neripi, iwe kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, murandarume wako kana murandasikana wako, kana chipfuwo chako kana mutorwa wako ari mukati memagedhi ako.+ 11 Nokuti mumazuva matanhatu Jehovha akaita matenga nenyika, gungwa nezvinhu zvose zviri mazviri,+ akazorora pazuva rechinomwe.+ Ndokusaka Jehovha akakomborera zuva resabata akariita dzvene.+
12 “Kudza baba vako naamai vako+ kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.+
16 “Usava chapupu chinopupurira wokwako zvenhema.+
17 “Usachiva imba yowokwako. Usachiva mudzimai wowokwako,+ kana murandarume wake kana murandasikana wake, kana nzombe yake kana mbongoro yake, kana chero chinhu chipi zvacho chowokwako.”+
18 Zvino vanhu vose vakanga vachiona mabhanan’ana nokupenya kwemheni nokurira kwehwamanda negomo richipfungaira. Vanhu pavakazviona, vakabva vadedera, vakamira kure.+ 19 Vakatanga kuti kuna Mosesi: “Imi taurai nesu, isu titeerere; asi Mwari ngaarege kutaura nesu kuti tirege kufa.”+ 20 Naizvozvo Mosesi akati kuvanhu: “Musatya henyu, nokuti Mwari wechokwadi auya kuti azokuedzai,+ kuti kumutya kwenyu kurambe kuri pamberi penyu kuti murege kutadza.”+ 21 Vanhu vakaramba vakamira kure, asi Mosesi akaenda pedyo negore dema kwaiva naMwari wechokwadi.+
22 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi:+ “Uti kuvanakomana vaIsraeri, ‘Imi makaona kuti ndakataura nemi ndiri kumatenga.+ 23 Musagadzira vanamwari vesirivha muchivaenzanisa neni, uye musazvigadzirira vanamwari vendarama.+ 24 Undigadzirire atari yevhu,+ uye ubayire pairi zvinopiwa zvako zvinopiswa nezvibayiro zvako zvokugoverana, makwai ako nemombe dzako.+ Ndichauya kwauri ndokukomborera munzvimbo dzose dzandichaita kuti zita rangu riyeukwe.+ 25 Kana ukandigadzirira atari yematombo, usavaka nematombo akavezwa. Kana ukashandisa nhemo yako pairi, uchaisvibisa.+ 26 Usakwira kuatari yangu nematanho, kuti nhengo dzako dzakavanzika dzirege kufukurirwa pairi.’