1 VaKorinde
4 Munhu ngaatione setiri pasi+ paKristu uye vatariri+ vezvakavanzika zvitsvene+ zvaMwari. 2 Uyewo pane izvi, chinotsvakwa muvatariri+ ndechokuti munhu awanikwe akatendeka.+ 3 Zvino kwandiri inyaya dukuduku kuti ndiongororwe nemi kana nedare revanhu.+ Kunyange ini handizviongorori. 4 Nokuti hapana chandiri kuziva+ chandinopomerwa. Asi handinzi ndakarurama neizvi, asi Jehovha ndiye anondiongorora.+ 5 Nokudaro musatonga+ chero chinhu chipi zvacho nguva yakakodzera isati yasvika, kusvikira Ishe auya,+ uyo achaisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima+ nokuita kuti zvinorongwa nomwoyo zvioneke,+ uye panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.+
6 Zvino, hama, ndachinja zvinhu izvi kuti zvishande kwandiri naAporo+ kuti zvikunakirei imi, kuti mudzidze kwatiri murau wokuti: “Musapfuura zvinhu zvakanyorwa,”+ kuti murege kuzvitutumadza+ somunhu oga muchifarira mumwe panzvimbo pomumwe.+ 7 Nokuti ndiani anoita kuti usiyane+ nomumwe? Chokwadi, chii chauinacho chausina kugamuchira?+ Zvino, kana wakachigamuchira+ zvechokwadi, nei uchizvirumbidza+ sokunge kuti hauna kuchigamuchira?
8 Matoguta here? Matopfuma here?+ Matotanga kutonga semadzimambo+ isu tisipo here? Chokwadi ndaizoda kuti dai manga matanga kutonga semadzimambo, kuti isuwo titonge nemi semadzimambo.+ 9 Nokuti ndinoona sokuti Mwari akatiisa isu vaapostora pakupedzisira pakuratidzirwa+ sevanhu vakatemerwa kufa,+ nokuti tava chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo+ kunyika, nokungirozi,+ nokuvanhu.+ 10 Tiri mapenzi+ nokuda kwaKristu, asi imi makangwara+ muna Kristu; isu hatina simba,+ asi imi makasimba;+ imi mune mukurumbira wakanaka,+ asi isu tinozvidzwa.+ 11 Kusvikira kuawa ino chaiyo tinoramba tiine nzara+ uyewo tiine nyota,+ tisina kupfeka,+ tichiitirwa zvakaipa,+ tisina misha+ 12 uye tichishanda zvakaoma,+ tichishanda nemaoko edu.+ Patinenge tichitukwa, tinokomborera;+ patinenge tichitambudzwa, tinotsungirira;+ 13 patinenge tichireverwa zvakaipa, tinoteterera;+ tava semarara enyika, tsvina inobviswa pazvinhu zvose, kusvikira zvino.+
14 Ndiri kunyora zvinhu izvi, kuti ndikurayirei sevana vangu vanodiwa,+ kwete kuti ndikunyadzisei. 15 Nokuti kunyange mungava nevadzidzisi+ zviuru gumi muna Kristu, chokwadi hamuna vanababa vazhinji;+ nokuti ndakava baba venyu muna Kristu Jesu nokuda kwemashoko akanaka.+ 16 Naizvozvo, ndinokutetererai, kuti muve vatevedzeri vangu.+ 17 Ndokusaka ndiri kukutumirai Timoti,+ zvaari mwana wangu anodiwa+ uye akatendeka munaShe; uye iye achakuyeuchidzai nezvenzira dzangu pamusoro paKristu Jesu,+ sokudzidzisa kwandiri kuita kwose kwose muungano dzose.
18 Vamwe vanozvitutumadza+ sokunge kuti chokwadi handizouyi kwamuri. 19 Asi ndichakurumidza kuuya kwamuri, kana Jehovha achida,+ uye ndichasvika pakuziva, kwete kutaura kwevanozvitutumadza, asi simba ravo. 20 Nokuti umambo hwaMwari hahusi mukutaura, asi musimba.+ 21 Munodei? Ndiuye kwamuri neshamhu here,+ kana norudo nounyoro?+