Isaya
“Usatya, nekuti ndakakudzikinura.+
Ndakakushevedza nezita rako.
Uri wangu.
Paunofamba nemumoto, hauzopiswi,
Uye rimi remoto harizokubvuraudzi.
3 Nekuti ndini Jehovha Mwari wako,
Iye Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako.
Ndakapa Ijipiti kuti ive rudzikinuro rwako,
Itiopiya neSebha panzvimbo pako.
Saka ndichapa vanhu panzvimbo pako
Uye marudzi panzvimbo peupenyu hwako.*
6 Ndichati kuchamhembe, ‘Varegedze!’+
Uye kumaodzanyemba, ‘Usavadzivisa.
Uyai nevanakomana vangu kubva kure, uye vanasikana vangu kubva kumigumo yenyika,+
7 Iye munhu wese anoshevedzwa nezita rangu+
Uye wandakasikira kukudzwa kwangu,
Wandakaumba uye wandakaita.’+
Ndiani pakati pawo angataura izvi?
Kana kuti iwo angaita kuti tinzwe zvinhu zvekutanga* here?+
Ngaaunze zvapupu zvawo kuti aratidze kuti akarurama,
Kana kuti ngaanzwe ati, ‘Ndicho chokwadi!’”+
10 “Imi muri zvapupu zvangu,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Mushumiri wangu wandakasarudza,+
Kuti muzive uye mutende mandiri,*
Monzwisisa kuti ndini iye mumwe chete.+
Hapana mumwe Mwari akanditangira,
Uye hapana mumwe akazotevera.+
11 Ini ndini Jehovha,+ uye hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.”+
12 “Ndini ndakazivisa, ndakaponesa uye ndakaita kuti zvizivikanwe
Pakwakanga kusina mwari wekumwe pakati penyu.+
Saka muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye ini ndini Mwari.+
Pandinoita chimwe chinhu, ndiani angachitadzisa kuitika?”+
14 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri:+
“Ndichatuma vanhu kuBhabhironi ndichiitira imi, ndowisira pasi mazariro* ese emagedhi,+
Uye vaKadheya vachashevedzera vachishungurudzika vari mungarava dzavo.+
15 Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu,+ Musiki waIsraeri,+ Mambo wenyu.”+
16 Zvanzi naJehovha,
Iye ari kugadzira nzira mugungwa
Kunyange gwara mumvura isina kugadzikana,+
17 Iye anobudisa ngoro yehondo nebhiza,+
Uto pamwe chete nevarwi vane simba:
“Vacharara pasi uye havazomuki.+
Vachadzimwa; vachadzimwa vachiita zvekudimburwa setambo iri kubvira.”
18 “Musayeuka zvinhu zvekare,
Uye musaramba muchifunga zvinhu zvakapfuura.
20 Mhuka yemusango ichandikudza,
Hunguhwe* nemhou,
Nekuti ndinoita kuti murenje muve nemvura,
Mugwenga muve nenzizi,+
Kuti vanhu vangu vandakasarudza+ vanwe,
21 Ivo vanhu vandakazviumbira
Kuti vazivise kurumbidzwa kwangu.+
23 Hauna kundiunzira makwai ezvibayiro zvako zvinopiswa
Kana kundikudza nezvibayiro zvako.
Handina kukumanikidza kuti undiunzire chipo,
Uye handina kukunetesa nekukuudza kuti undipe zvinonhuhwirira zvichena.+
24 Hauna kunditengera tsanga dzinonhuhwirira nemari yako,
Uye hauna kundigutsa nemafuta ezvibayiro zvako.+
Asi wakatondiremedza nezvivi zvako,
Ukandinetesa nekukanganisa kwako.+
25 Ini ndini iye ari kudzima kudarika kwako*+ ndichiitira zita rangu,+
Uye handizoyeuki zvivi zvako.+
26 Ndiyeuchidze; ngatipinzei nyaya yedu mudare;
Taura divi rako panyaya yacho kuti uratidze kuti wakarurama.