Isaya
Mudiwa wangu aiva nemunda wemizambiringa mujinga mechikomo chakaorera.
2 Akautimba, akaubvisa matombo.
Akadyara muzambiringa mutsvuku wakanaka kwazvo mauri,
Akavaka shongwe pakati pawo,
Uye akachera chisviniro chewaini mauri.+
Zvadaro, akaramba achitarisira kuti uchabereka mazambiringa,
Asi iwo wakabereka mazambiringa emusango chete.+
3 “Zvino, imi vagari vemuJerusarema nevarume veJudha,
Ndinokumbira kuti mutonge pakati pangu nemunda wangu wemizambiringa.+
Pandaitarisira kuwana mazambiringa,
Nei iwo wakabereka mazambiringa emusango chete?
5 Zvino chiregai ndikuudzei
Zvandichaitira munda wangu wemizambiringa:
Ndichaputsa rusvingo rwawo rwematombo,
Uye iwo uchatsikwa-tsikwa.
7 Nekuti imba yaIsraeri ndiyo munda wemizambiringa waJehovha wemauto;+
Varume veJudha ndivo munda wemiti waaida chaizvo.
Akaramba achitarisira kuti patongwe zvakarurama,+
Asi paitongwa zvisina kururama;
Achitarisira kururama,
Asi paiva nekuchema nemhaka yekutambudzika.”+
8 Vane nhamo vaya vanobatanidza imba neimwe imba+
Uye vanobatanidza munda nemumwe munda+
Kusvikira pasisina nzvimbo
Uye mava kugara mega panyika!
9 Jehovha wemauto apika munzeve dzangu
Kuti dzimba zhinji, kunyange dziri huru uye dzakanaka,
Dzichava chinhu chinoita kuti vanhu vatye,
Dzisina anodzigara.+
11 Vane nhamo vaya vanomukira mangwanani kuti vanwe doro,+
Vanoramba vachingonwa kusvikira kwasviba, kusvikira waini yava kuvapengesa!
12 Pamitambo yavo pane rudimbwa nechiridzwa chine tambo,
Netambureni, nenyere, newaini;
Asi havafungi zvinoitwa naJehovha,
Uye havaoni basa remaoko ake.
13 Saka vanhu vangu vachatapwa
Nemhaka yekushayiwa ruzivo;+
Varume vavo vanokudzwa vachashaya zvekudya,+
Uye vanhu vavo vese vachafa nenyota.
14 Saka Guva* rakawedzera kukura kwaro*
Uye rakashama muromo waro zvisina muganhu;+
Uye kunaka kukuru kweguta racho,* vanhu varo vazhinji vane ruzha, nevaya vanoita mafaro akanyanyisa,
Zvese zvichapinda muGuva racho.
16 Jehovha wemauto achakwidziridzwa nemutongo wake;*
Mwari wechokwadi, iye Mutsvene,+ acharatidza utsvene hwake kuburikidza nekururama.+
17 Makwayana achafura sekunge ari mumafuro awo;
Vanhu vekune imwe nyika vachadya munzvimbo dzaimbogarwa nemhuka dzakakodzwa.
18 Vane nhamo vaya vanokweva kukanganisa kwavo netambo dzekunyengera,
Uye chivi chavo netambo dzengoro;
19 Vaya vanoti: “Ngaaite basa rake achikurumidza;
Ngaakurumidze kuriita tirione.
20 Vane nhamo vaya vanoti zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka,+
Vaya vanoisa rima panzvimbo pechiedza uye chiedza panzvimbo perima,
Vaya vanoisa zvinovava panzvimbo pezvinotapira uye zvinotapira panzvimbo pezvinovava!
22 Vane nhamo vaya vane simba pakunwa waini
Nevarume shasha pakuvhenganisa doro,+
23 Vaya vanoti munhu akaipa haana mhosva nekuda kwechiokomuhomwe+
Uye vasingatongeri munhu akarurama zvakanaka!+
24 Saka sekuparadza kunoita rimi remoto mashanga
Uye sekuputana kunoita uswa hwakaoma mumarimi emoto,
Midzi yavo ichaora,
Uye maruva avo achati mwarara seupfu,
Nekuti vakaramba mutemo* waJehovha wemauto
Uye havana kuremekedza shoko reMutsvene waIsraeri.+
Makomo achazununguswa,
Uye zvitunha zvavo zvichaita semarara mumigwagwa.+
Nekuda kweizvi zvese, kutsamwa kwake hakuna kupera,
Asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa kuti rurove.
26 Akasimudzira rudzi ruri kure chiratidzo;*+
Akaruridzira muridzo kuti ruuye ruchibva kumigumo yenyika;+
Tarisai muone! vari kuuya vachikurumidza chaizvo.+
27 Pakati pavo hapana akaneta kana ari kugumburwa.
Hapana ari kutsimwaira kana kurara.
Bhandi riri muzviuno zvavo harina kusununguka,
Uyewo tambo dzeshangu dzavo hadzina kudambuka.
Mahwanda emabhiza avo akaita sedombo rakaomarara,
Uye mavhiri avo akaita sedutu.+
Vachaomba vobata mhuka
Voenda nayo pasina anoinunura.
Munhu anoramba akatarisa nyika yacho achaona rima rinotambudza;
Kunyangewo chiedza chasviba nemhaka yemakore.+