Isaya
52 Muka! Muka! Pfeka simba,+ haiwa iwe Ziyoni!+
Pfeka nguo dzako dzakanaka,+ haiwa iwe Jerusarema, guta dzvene!
Nekuti munhu asina kuchecheudzwa uye asina kuchena haazopindizve mauri.+
2 Zunza guruva, simuka ugare pachigaro, haiwa iwe Jerusarema.
Sunungura zvisungo zviri mumutsipa mako, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni akatapwa.+
3 Nekuti zvanzi naJehovha:
4 Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Pakutanga vanhu vangu vakadzika kuIjipiti kuti vagare ikoko vari vatorwa;+
Asiriya yakabva yavadzvinyirira pasina chikonzero.”
5 “Zvino ndoita sei?” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“Nekuti vanhu vangu vakatorwa pasina mubhadharo.
Vaya vari kuvatonga vanoramba vachishevedzera nekuda kwekukunda kwavo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Uye nguva dzese, muswere wese, zita rangu harisi kuremekedzwa.+
6 Nekuda kwaizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu;+
Nekuda kwaizvozvo, pazuva iroro vachaziva kuti ndini ndiri kutaura.
Inzwai, ndini!”
7 Dzakanaka sei mumakomo tsoka dzeuya ari kuuya nemashoko akanaka,+
Iye ari kuzivisa rugare,+
Iye ari kuuya nemashoko akanaka ezvinhu zvakanaka,
Iye ari kuzivisa ruponeso,
Iye ari kuti kuZiyoni: “Mwari wako ava Mambo!”+
8 Teerera! Varindi vako vanoshevedzera.
Vanoshevedzera pamwe chete vachifara,
Nekuti vachanyatsozviona, Jehovha paachaunganidzazve Ziyoni.
9 Farai, shevedzerai nemufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema,+
Nekuti Jehovha anyaradza vanhu vake;+ adzikinura Jerusarema.+
11 Ibvai, ibvai, budai imomo,+ musabata chinhu chisina kuchena!+
12 Nekuti hamuzovhunduki pamuchabuda,
Uye hamuzofaniri henyu kutiza,
Nekuti Jehovha achakutungamirirai,+
Uye Mwari waIsraeri achava murindi wenyu weshure.+
13 Inzwai! Mushumiri wangu+ achaita zvinhu nenjere.
Achakwidziridzwa pamusoro,
Achaiswa pamusoro uye achakwidziridzwa kwazvo.+
14 Vazhinji zvavakaramba vakamutarisa vachishamiswa,
Nekuti chiso chake chakanga chakakanganisika kupfuura vamwe vanhu vese
Uye chimiro chake chakanaka chakanga chakakanganisika kupfuura chevanhu,