Isaya
55 Uyai imi mese mune nyota,+ uyai kumvura!+
Imi vasina mari, uyai, tengai mudye!
Chokwadi, uyai mutenge waini nemukaka+ pasina mari uye pasina mutengo.+
2 Munorambirei muchibhadhara mari pazvinhu zvisiri zvekudya,
Uye munopedzerei zvamunotambiriswa* pazvinhu zvisingagutsi?
Nyatsonditeererai, mudye zvinhu zvakanaka,+
3 Rerekai nzeve dzenyu muuye kwandiri.+
Teererai, uye mucharamba muri vapenyu,
Uye ndichabva ndangoita nemi sungano inogara nekusingaperi+
Maererano nerudo rusingachinji runoratidzwa kuna Dhavhidhi urwo rwakatendeka.*+
5 Inzwa! Uchashevedza rudzi rwausingazivi,
Uye vaya verudzi rusina kumbokuziva vachamhanyira kwauri
Nekuda kwaJehovha Mwari wako,+ Mutsvene waIsraeri,
Nekuti achaita kuti ukudzwe.+
6 Tsvagai Jehovha achiri kuwanika.+
Danai kwaari achiri pedyo.+
7 Munhu akaipa ngaasiye nzira yake+
Uye munhu anoita zvakaipa ngaasiye kufunga kwake;
Ngaadzokere kuna Jehovha, uyo achamunzwira tsitsi,+
8 “Nekuti kufunga kwangu hakusi kufunga kwenyu,+
Uye nzira dzenyu hadzisi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
9 “Nekuti sekukwirira kwakaita denga kupfuura nyika,
Nzira dzangu dzakakwirirawo kupfuura nzira dzenyu,
Uye kufunga kwangu kupfuura kufunga kwenyu.+
10 Nekuti sezvinoita mvura nechando zvinonaya zvichibva kudenga,
Izvo zvisingadzokeri ikoko kusvikira zvanyatsonyorovesa nyika, zvoita kuti ibereke uye imere,
Zvopa mudyari mbeu uye zvekudya kune anodya,
Harizodzoki kwandiri risina zvaraita,+
Asi richatoita zvese zvandinofarira,*+
Uye richatobudirira pane zvandinorituma kuti riite.
Makomo nezvikomo zvichafara pamberi penyu zvichishevedzera nemufaro,+
Uye miti yese yesango ichaombera.+
13 Panzvimbo pemakwenzi eminzwa pachamera mujunipa,+
Uye panzvimbo perukato runobaya pachamera mukute.
Uye zvichaita kuti Jehovha ave nemukurumbira,+
Chiratidzo chisingaperi chisingazomboparari.”