RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Makoronike 34
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

2 Makoronike 34:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 13:2; Zef 1:1; Mt 1:10
  • +2Mak 24:1
  • +2Mad 22:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/1/2005, p. 21

2 Makoronike 34:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 18:3
  • +1Mad 11:38
  • +2Mad 22:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/1/2005, p. 21

2 Makoronike 34:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 22:5; Pis 119:9
  • +2Mak 15:2
  • +2Mad 23:4
  • +2Mak 33:17
  • +2Mad 23:14
  • +2Mak 33:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/1996, pp. 8-9

2 Makoronike 34:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:30; Dhe 7:5
  • +Vat 2:11; 2Mak 33:3
  • +2Mak 14:5
  • +2Mad 23:4
  • +Vat 18:18
  • +Eks 32:20; Dhe 9:21
  • +2Mad 10:25; 23:6

2 Makoronike 34:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 13:2
  • +2Mad 23:16

2 Makoronike 34:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 30:10; 31:1
  • +2Mad 23:19; 2Mak 30:1

2 Makoronike 34:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 12:3; 2Mad 23:12
  • +2Mad 23:4
  • +2Mad 17:41; 2Mak 33:19
  • +Dhe 9:21
  • +2Mak 14:5

2 Makoronike 34:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:3
  • +2Mad 22:12
  • +2Mad 22:5

2 Makoronike 34:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:4
  • +1Mak 26:12
  • +2Mak 30:11
  • +2Mak 31:1
  • +2Mak 30:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 55

2 Makoronike 34:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 55

2 Makoronike 34:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 12:12
  • +2Mad 22:6
  • +2Mad 16:14; 2Mak 28:24; 33:4, 7, 22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 55

2 Makoronike 34:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 12:15; Ne 7:2; Zvi 28:20; 1VaK 4:2
  • +1Mak 23:6; 24:26
  • +1Mak 9:32; 2Mak 20:19
  • +1Mak 16:4; 25:1

2 Makoronike 34:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 2:10
  • +2Mak 2:18
  • +1Mak 23:3
  • +1Mak 18:16
  • +1Mak 9:17; 2Mak 8:14

2 Makoronike 34:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:4
  • +2Mad 22:8
  • +Dhe 31:24, 26
  • +Dhe 17:18; 2Mak 35:26
  • +Re 10:11; 26:46

2 Makoronike 34:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:10

2 Makoronike 34:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:5

2 Makoronike 34:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:24; Jos 1:8
  • +2Mad 22:8
  • +Dhe 17:19; Pis 119:46

2 Makoronike 34:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 119:120

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2001, p. 27

2 Makoronike 34:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:14
  • +2Mad 25:22; Jer 40:14
  • +2Mad 19:2
  • +2Mad 22:9
  • +2Mad 22:12

2 Makoronike 34:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 18:15; 1Sa 9:9; 1Mad 22:7; Jer 42:2
  • +Dhe 31:24; Jos 1:8
  • +Re 26:16; Dhe 28:15
  • +Dhe 30:18; 31:16; 32:15; VaH 10:31

2 Makoronike 34:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:20; Vat 4:4; Ru 2:36; Mab 21:9
  • +2Mad 22:14
  • +2Mad 10:22; Ne 7:72

2 Makoronike 34:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 23:16; 2Mad 21:12
  • +Jer 35:17
  • +Re 26:16; Dhe 28:15; 30:18; Jos 23:13; Dha 9:11
  • +2Mad 22:16

2 Makoronike 34:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:20; 2Mak 24:20
  • +2Mad 23:5; 2Mak 28:3
  • +1Mad 14:9; 2Mad 21:3
  • +2Mad 22:17
  • +Dhe 29:23; 2Mak 34:21
  • +Jer 4:4; 7:20; Eze 20:48

2 Makoronike 34:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 22:18
  • +Dhe 28:15; 2Mak 34:19

2 Makoronike 34:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 34:18
  • +2Mak 32:26
  • +2Mad 22:19
  • +2Mak 34:19
  • +2Mak 33:13; Pis 10:17; 86:5

2 Makoronike 34:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 37:37
  • +1Mad 21:29; Isa 39:8; 1Pe 5:5
  • +2Mad 22:20

2 Makoronike 34:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:1

2 Makoronike 34:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 6:1; 8:10
  • +2Mad 23:2
  • +2Mak 17:9; Ne 8:3
  • +2Mad 22:10

2 Makoronike 34:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 23:3
  • +Ezr 10:3
  • +Dhe 5:1; 6:1
  • +Dhe 4:45; 1Mad 2:3
  • +Dhe 12:1
  • +Dhe 6:5; 10:12
  • +Dhe 11:13
  • +Pis 119:106
  • +Dhe 31:24; 2Mad 22:8

2 Makoronike 34:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 30:12; 33:16

2 Makoronike 34:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:5
  • +2Mad 23:5
  • +Eks 3:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/1/2005, p. 21

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Mak. 34:11Mad 13:2; Zef 1:1; Mt 1:10
2 Mak. 34:12Mak 24:1
2 Mak. 34:12Mad 22:1
2 Mak. 34:22Mad 18:3
2 Mak. 34:21Mad 11:38
2 Mak. 34:22Mad 22:2
2 Mak. 34:31Mak 22:5; Pis 119:9
2 Mak. 34:32Mak 15:2
2 Mak. 34:32Mad 23:4
2 Mak. 34:32Mak 33:17
2 Mak. 34:32Mad 23:14
2 Mak. 34:32Mak 33:22
2 Mak. 34:4Re 26:30; Dhe 7:5
2 Mak. 34:4Vat 2:11; 2Mak 33:3
2 Mak. 34:42Mak 14:5
2 Mak. 34:42Mad 23:4
2 Mak. 34:4Vat 18:18
2 Mak. 34:4Eks 32:20; Dhe 9:21
2 Mak. 34:42Mad 10:25; 23:6
2 Mak. 34:51Mad 13:2
2 Mak. 34:52Mad 23:16
2 Mak. 34:62Mak 30:10; 31:1
2 Mak. 34:62Mad 23:19; 2Mak 30:1
2 Mak. 34:7Dhe 12:3; 2Mad 23:12
2 Mak. 34:72Mad 23:4
2 Mak. 34:72Mad 17:41; 2Mak 33:19
2 Mak. 34:7Dhe 9:21
2 Mak. 34:72Mak 14:5
2 Mak. 34:82Mad 22:3
2 Mak. 34:82Mad 22:12
2 Mak. 34:82Mad 22:5
2 Mak. 34:92Mad 22:4
2 Mak. 34:91Mak 26:12
2 Mak. 34:92Mak 30:11
2 Mak. 34:92Mak 31:1
2 Mak. 34:92Mak 30:18
2 Mak. 34:102Mad 22:5
2 Mak. 34:112Mad 12:12
2 Mak. 34:112Mad 22:6
2 Mak. 34:112Mad 16:14; 2Mak 28:24; 33:4, 7, 22
2 Mak. 34:122Mad 12:15; Ne 7:2; Zvi 28:20; 1VaK 4:2
2 Mak. 34:121Mak 23:6; 24:26
2 Mak. 34:121Mak 9:32; 2Mak 20:19
2 Mak. 34:121Mak 16:4; 25:1
2 Mak. 34:132Mak 2:10
2 Mak. 34:132Mak 2:18
2 Mak. 34:131Mak 23:3
2 Mak. 34:131Mak 18:16
2 Mak. 34:131Mak 9:17; 2Mak 8:14
2 Mak. 34:142Mad 22:4
2 Mak. 34:142Mad 22:8
2 Mak. 34:14Dhe 31:24, 26
2 Mak. 34:14Dhe 17:18; 2Mak 35:26
2 Mak. 34:14Re 10:11; 26:46
2 Mak. 34:152Mad 22:10
2 Mak. 34:172Mad 22:5
2 Mak. 34:18Dhe 31:24; Jos 1:8
2 Mak. 34:182Mad 22:8
2 Mak. 34:18Dhe 17:19; Pis 119:46
2 Mak. 34:19Pis 119:120
2 Mak. 34:202Mad 22:14
2 Mak. 34:202Mad 25:22; Jer 40:14
2 Mak. 34:202Mad 19:2
2 Mak. 34:202Mad 22:9
2 Mak. 34:202Mad 22:12
2 Mak. 34:21Eks 18:15; 1Sa 9:9; 1Mad 22:7; Jer 42:2
2 Mak. 34:21Dhe 31:24; Jos 1:8
2 Mak. 34:21Re 26:16; Dhe 28:15
2 Mak. 34:21Dhe 30:18; 31:16; 32:15; VaH 10:31
2 Mak. 34:22Eks 15:20; Vat 4:4; Ru 2:36; Mab 21:9
2 Mak. 34:222Mad 22:14
2 Mak. 34:222Mad 10:22; Ne 7:72
2 Mak. 34:24Jos 23:16; 2Mad 21:12
2 Mak. 34:24Jer 35:17
2 Mak. 34:24Re 26:16; Dhe 28:15; 30:18; Jos 23:13; Dha 9:11
2 Mak. 34:242Mad 22:16
2 Mak. 34:25Dhe 28:20; 2Mak 24:20
2 Mak. 34:252Mad 23:5; 2Mak 28:3
2 Mak. 34:251Mad 14:9; 2Mad 21:3
2 Mak. 34:252Mad 22:17
2 Mak. 34:25Dhe 29:23; 2Mak 34:21
2 Mak. 34:25Jer 4:4; 7:20; Eze 20:48
2 Mak. 34:262Mad 22:18
2 Mak. 34:26Dhe 28:15; 2Mak 34:19
2 Mak. 34:27Pis 34:18
2 Mak. 34:272Mak 32:26
2 Mak. 34:272Mad 22:19
2 Mak. 34:272Mak 34:19
2 Mak. 34:272Mak 33:13; Pis 10:17; 86:5
2 Mak. 34:28Pis 37:37
2 Mak. 34:281Mad 21:29; Isa 39:8; 1Pe 5:5
2 Mak. 34:282Mad 22:20
2 Mak. 34:292Mad 23:1
2 Mak. 34:301Mad 6:1; 8:10
2 Mak. 34:302Mad 23:2
2 Mak. 34:302Mak 17:9; Ne 8:3
2 Mak. 34:302Mad 22:10
2 Mak. 34:312Mad 23:3
2 Mak. 34:31Ezr 10:3
2 Mak. 34:31Dhe 5:1; 6:1
2 Mak. 34:31Dhe 4:45; 1Mad 2:3
2 Mak. 34:31Dhe 12:1
2 Mak. 34:31Dhe 6:5; 10:12
2 Mak. 34:31Dhe 11:13
2 Mak. 34:31Pis 119:106
2 Mak. 34:31Dhe 31:24; 2Mad 22:8
2 Mak. 34:322Mak 30:12; 33:16
2 Mak. 34:331Mad 11:5
2 Mak. 34:332Mad 23:5
2 Mak. 34:33Eks 3:6
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
2 Makoronike 34:1-33

2 Makoronike

34 Josiya+ akanga aine makore masere+ paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore makumi matatu nerimwe chete ari muJerusarema.+ 2 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha,+ akafamba nenzira dzatateguru vake Dhavhidhi;+ uye haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.+

3 Zvino mugore rechisere rokutonga kwake, paakanga achiri mukomana,+ akatanga kutsvaka+ Mwari watateguru vake Dhavhidhi; uye mugore rechigumi nemaviri akatanga kuchenesa+ Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira+ nematanda matsvene+ nemifananidzo yakavezwa+ nemifananidzo yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa. 4 Vakaputsawo atari+ dzavanaBhaari+ iye aripo; uye akagura zvigadziko zvokupisira rusenzi+ zvakanga zviri pamusoro padzo; uye akagura-gura matanda matsvene+ nemifananidzo yakavezwa+ nemifananidzo yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa, akazvikuya-kuya kuita upfu,+ akabva ahumwaya pamusoro penzvimbo dzemakuva evaya vaiwanzobayira kwazviri.+ 5 Akapisa mapfupa+ evapristi paatari dzavo.+ Nokudaro akachenesa Judha neJerusarema.

6 Uyewo, mumaguta aManase+ naEfremu+ naSimiyoni kusvikira kwaNaftari, munzvimbo dzavo dzakaparadzwa kumativi ose, 7 akaputsawo atari+ nematanda matsvene,+ akapwanya mifananidzo yakavezwa,+ akaikuya-kuya kuita upfu;+ uye akagura zvigadziko zvose zvokupisira rusenzi+ munyika yose yaIsraeri, achibva azodzokera kuJerusarema.

8 Mugore rechigumi nemasere+ rokutonga kwake, paakanga achenesa nyika uye imba yacho, akatuma Shafani+ mwanakomana waAzaria naMaaseya mukuru weguta naJoa mwanakomana waJoahazi aiva munyori wezvaiitika kuti vagadzire+ imba yaJehovha Mwari wake. 9 Zvino vakaenda kumupristi mukuru Hirikiya,+ vakamupa mari yaiunzwa kuimba yaMwari, yakanga yaunganidzwa nevaRevhi vaiva vachengeti vemasuo+ ichibva muruoko rwaManase+ naEfremu+ neyaibva kune vamwe vaIsraeri+ vose nevaJudha vose nevaBhenjamini nevagari vomuJerusarema. 10 Vakabva vaiisa mumaoko evanhu vaiita basa vakanga vagadzwa kuti vatarisire imba yaJehovha.+ Vanhu vaiita basa vaishanda muimba yaJehovha vakaishandisawo kugadziridza nokugadzira imba yacho. 11 Naizvozvo vakaipa mhizha nevavaki+ kuti vatenge matombo akavezwa+ nematanda okusungisa uye kuti vavake nematanda dzimba dzakanga dzaparadzwa nemadzimambo+ aJudha.

12 Varume vacho vakanga vachiita basa racho nokutendeka;+ uye vaRevhi vaiti Jahati naObhadhiya, vokuvanakomana vaMerari,+ naZekariya naMeshuramu, vokuvanakomana vevaKohati,+ ndivo vakanga vagadzwa kuti vave vatariri vavo. Uye mumwe nomumwe wevaRevhi vaiva nyanzvi dzokuridza zviridzwa,+ 13 vaitarisira vatakuri vemitoro,+ nevatariri+ vevanhu vaiita mabasa akasiyana-siyana; uye kuvaRevhi+ kwaiva nevanyori+ nevakuru nevachengeti vemagedhi.+

14 Zvino pavakanga vachibudisa mari+ yaiunzwa kuimba yaJehovha, mupristi Hirikiya+ akawana bhuku+ romutemo+ waJehovha wakapiwa pachishandiswa Mosesi.+ 15 Naizvozvo Hirikiya akapindura munyori Shafani,+ akati: “Ndawana bhuku romutemo muimba yaJehovha.” Naizvozvo Hirikiya akapa Shafani bhuku racho. 16 Shafani akabva aenda nebhuku racho kuna mambo, akapindurazve mambo achiti: “Vashandi venyu vari kuita zvose zvakaiswa mumaoko avo. 17 Vari kudurura mari iri mumba maJehovha, vachiiisa mumaoko evarume vakagadzwa nomumaoko evanhu vari kuita basa.”+ 18 Munyori Shafani akaudza mambo kuti: “Pane bhuku+ randapiwa nomupristi Hirikiya.”+ Shafani akatanga kuriverenga pamberi pamambo.+

19 Zvino mambo paakangonzwa mashoko omutemo, akabva abvarura nguo dzake.+ 20 Mambo akabva arayira Hirikiya+ naAhikamu+ mwanakomana waShafani naAbdhoni mwanakomana waMika nomunyori+ Shafani+ naAsaya+ mushandi wamambo, achiti: 21 “Endai munondibvunzira+ Jehovha, ini nevakasara muIsraeri nomuJudha pamusoro pemashoko ebhuku+ iri rawanikwa, nokuti kutsamwa kwaJehovha kukuru+ kunofanira kudururirwa patiri nokuti madzitateguru edu haana kuchengeta shoko raJehovha nokuita maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku iri.”+

22 Naizvozvo Hirikiya pamwe chete nevakanga vataurwa namambo vakaenda kumuprofitakadzi+ Huridha,+ mudzimai waSharumu mwanakomana waTikvha mwanakomana waHahasi, muchengeti wenguo,+ zvaakanga achigara muJerusarema muchikamu chechipiri pazvikamu zvina; uye vakataura naye saizvozvi. 23 Iye akati kwavari:

“Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Itii kumurume akutumai kwandiri: 24 “Zvanzi naJehovha, ‘Tarira ndichaunza dambudziko+ panzvimbo ino nevagari vayo,+ iko kutukwa kwose+ kwakanyorwa mubhuku ravakaverenga pamberi pamambo waJudha,+ 25 nokuti vakandisiya,+ vakakwidzira vamwe vanamwari utsi hwezvibayiro,+ kuti vandigumbure+ nezvose zvinoitwa nemaoko avo+ uye kuti kutsamwa+ kwangu kudururwe panzvimbo ino uye kurege kuzodzimwa.’”+ 26 Asi muti kuna mambo waJudha akutumai kuzobvunza Jehovha: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri,+ ‘Kana ari mashoko+ awanzwa, 27 mwoyo wako+ zvawanga uri munyoro zvokuti wazvininipisa+ nokuda kwaMwari pawanzwa mashoko ake pamusoro penzvimbo ino nevagari vayo, ukazvininipisa pamberi pangu,+ ukabvarura+ nguo dzako, ukasvimha misodzi pamberi pangu, ini, iyeni, ndanzwa,+ ndizvo zvinotaura Jehovha. 28 Tarira ndichakuisa kwakaiswa madzitateguru ako, uchaiswa muguva rako norugare,+ maziso ako haazooni dambudziko+ rose randichaunza panzvimbo ino nevagari vayo.’”’”+

Ivo vakabva vauya nemhinduro kuna mambo. 29 Mambo akatumira shoko, akaunganidza varume vakuru vose vaJudha nevomuJerusarema.+ 30 Zvino mambo akaenda kuimba yaJehovha+ aine varume vose vaJudha nevagari vomuJerusarema nevapristi+ nevaRevhi nevanhu vose, vakuru nevaduku; uye akatanga kuverenga+ ivo vachinzwa mashoko ose ebhuku resungano, rakanga rawanikwa muimba yaJehovha.+ 31 Mambo akaramba akamira panzvimbo yake,+ akaita sungano+ pamberi paJehovha yokuti atevere Jehovha uye yokuti achengete mirayiro yake+ nezvipupuriro zvake+ nemirau+ yake nomwoyo wake wose+ uye nomweya wake wose,+ kuti aite+ mashoko esungano akanga akanyorwa mubhuku iri.+ 32 Akaitawo kuti vose vakanga vari muJerusarema nevokwaBhenjamini vabvumiranewo nawo. Vagari vomuJerusarema vakaita maererano nesungano yaMwari, iye Mwari wemadzitateguru avo.+ 33 Pashure paizvozvo Josiya akabvisa zvinhu zvose zvaisemesa+ munyika dzose dzevanakomana vaIsraeri,+ uye akaita kuti vose vakanga vari muIsraeri vaite basa racho, kuti vashumire Jehovha Mwari wavo. Pamazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe