Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
103 Rumbidza Jehovha, haiwa mweya wangu,+
Kunyange zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.+
2 Rumbidza Jehovha, haiwa mweya wangu,
Urege kukanganwa zvose zvaakaita,+
3 Iye anokanganwira kukanganisa kwako kwose,+
Anoporesa matenda ako ose,+
4 Anonunura upenyu hwako mugomba,+
Anokupfekedza korona yomutsa worudo nengoni,+
5 Anogutsa upenyu hwako hwose nezvakanaka;+
Uduku hwako hunoramba huchizvimutsidzira sohuya hwegondo.+
6 Jehovha ari kuita mabasa akarurama+
Uye ari kuita zvaakatonga nokuda kwavose vaya vari kubiridzirwa.+
10 Haana kumbotiitira maererano nezvivi zvedu;+
Uyewo haana kutiitira zvatakafanirwa nazvo maererano nokukanganisa kwedu.+
11 Nokuti sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,+
Ndizvo zvakaita ukuru hwomutsa wake worudo kune vaya vanomutya.+
12 Sokuva kure kwakaita kunobuda zuva kubva kumavirira,+
Saizvozvowo akaisa kudarika kwedu kure nesu.+
15 Kana ari munhuwo zvake, mazuva ake akaita seaya ouswa hwakasvibirira;+
Anotumbuka sezvinoita ruva romusango.+
17 Asi mutsa worudo waJehovha uripo kubvira narini kusvikira narini+
Kune vaya vanomutya,+
Kururama kwake kuripo kusvikira kuvanakomana vevanakomana,+
18 Kune vaya vanochengeta sungano yake+
Nokune vaya vanoyeuka mirayiro yake kuti vaiite.+