Johani
13 Zvino, nokuti akaziva mutambo wepaseka usati waitika kuti awa yake yakanga yasvika+ yokuti abve munyika ino aende kuna Baba,+ Jesu, zvaakanga ada vake vakanga vari munyika,+ akavada kusvikira kumugumo. 2 Naizvozvo, kudya kwemanheru pakwakanga kuchipfuurira, Dhiyabhorosi atoisa mumwoyo maJudhasi Iskariyoti,+ mwanakomana waSimoni, kuti amutengese,+ 3 iye, achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose mumaoko ake+ uye kuti akabva kuna Mwari uye kuti akanga achienda kuna Mwari,+ 4 akasimuka pakudya kwemanheru, akaisa parutivi nguo dzake dzokunze. Achitora jira, akazvisunga chiuno.+ 5 Pashure paizvozvo akaisa mvura mumudziyo wokugezera, akatanga kugeza tsoka+ dzevadzidzi nokudzipukuta nejira raakanga akasunga naro muchiuno. 6 Naizvozvo akasvika pana Simoni Petro. Iye akati kwaari: “Ishe, muri kugeza tsoka dzangu here?”+ 7 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Zvandiri kuita hauzvinzwisisi panguva ino, asi uchanzwisisa pashure pezvinhu izvi.”+ 8 Petro akati kwaari: “Chokwadi hamungambogezi tsoka dzangu.” Jesu akamupindura kuti: “Kana ndikasakugeza,+ hauna mugove neni.” 9 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, kwete tsoka dzangu chete, asiwo maoko angu nomusoro wangu.” 10 Jesu akati kwaari: “Uyo ashamba muviri+ anofanira kugezwa tsoka dzake chete, nokuti akachena muviri wose. Imi makachena, asi kwete mose.” 11 Chokwadi, aiziva, munhu aizomutengesa.+ Ndokusaka akati: “Hamusi mose makachena.”
12 Zvino, paakanga ageza tsoka dzavo uye apfeka nguo dzake dzokunze uye atsenhamazve patafura, akati kwavari: “Munoziva here zvandakuitirai? 13 Munonditi, ‘Mudzidzisi,’+ uye, ‘Ishe,’+ munotaura nomazvo, nokuti ndizvo zvandiri.+ 14 Naizvozvo, kana ini, kunyange ndiri Ishe noMudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu,+ nemiwo munofanira kugezana tsoka.+ 15 Nokuti ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.+ 16 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uyewo akatumwa haasi mukuru kune akamutuma.+ 17 Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.+ 18 Handisi kutaura pamusoro penyu mose; ndinoziva vandakasarudza.+ Asi zvinhu izvi zviri kuitika kuti Rugwaro ruzadzike+ runoti, ‘Uya aidya chingwa changu akandisimudzira chitsitsinho chake.’+ 19 Kubvira panguva ino ndinokuudzai zvisati zvaitika,+ kuti pazvinozoitika mutende kuti ndini iye. 20 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Anogamuchira munhu wandinotuma anondigamuchirawo.+ Uyewo anondigamuchira, anogamuchirawo akandituma.”+
21 Pashure pokutaura zvinhu izvi, Jesu akashungurudzika, uye akapupura, akati: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Mumwe wenyu achanditengesa.”+ 22 Vadzidzi vakatanga kutarirana, vachishaya kuti akanga achitaura izvi pamusoro paani.+ 23 Pedyo nechipfuva chaJesu pakanga pakatsenhama mumwe wevadzidzi vake, uye Jesu aimuda.+ 24 Naizvozvo Simoni Petro akanongedza nomusoro kune iyeyu, akati kwaari: “Tiudze kuti ndiani waari kutaura nezvake.” 25 Zvino iyeyu akazendamira pachipfuva chaJesu, akati kwaari: “Ishe, ndiani?”+ 26 Naizvozvo Jesu akapindura kuti: “Ndouyo wandichapa chimedu chandinoseva.”+ Nokudaro, aseva chimedu, akachitora, akachipa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskariyoti. 27 Pashure pokupiwa chimedu chacho Satani akabva apinda muna Judhasi.+ Naizvozvo, Jesu akati kwaari: “Kurumidza kwazvo kuita zvauri kuita.” 28 Zvisinei, hapana mumwe wevaya vakanga vakatsenhama patafura akaziva kuti akazvitaurirei kwaari. 29 Chokwadi, vamwe vaifunga kuti, Judhasi zvaakanga achichengeta bhokisi remari,+ Jesu akanga achimuudza kuti: “Tenga zvinhu zvatinoda nokuda kwomutambo,” kana kuti aifanira kupa varombo chimwe chinhu.+ 30 Naizvozvo, agamuchira chimedu, akabva abuda. Uye hwaiva usiku.+
31 Nokudaro paakanga abuda, Jesu akati: “Zvino Mwanakomana womunhu ari kukudzwa,+ uye Mwari ari kukudzwa nokuda kwake. 32 Mwari achamukudza,+ uye achabva angomukudza. 33 Vana vaduku,+ ndinemi kwenguva duku. Muchanditsvaka; uye sokutaura kwandakaita kuvaJudha kuti, ‘Hamungauyi kwandinoenda,’+ ndinotaurawo kwamuri panguva ino. 34 Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai,+ kuti nemiwo mudanane.+ 35 Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”+
36 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, muri kuenda kupi?” Jesu akapindura kuti: “Kwandiri kuenda haunganditeveri iye zvino, asi uchatevera gare gare.”+ 37 Petro akati kwaari: “Ishe, nei ndisingagoni kukuteverai panguva ino? Ndichapa mweya wangu nokuda kwenyu.”+ 38 Jesu akapindura kuti: “Uchapa mweya wako nokuda kwangu here? Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Jongwe harizomboriri kusvikira wandiramba katatu.”+