Johani
12 Naizvozvo, mazuva matanhatu paseka isati yasvika, Jesu akasvika kuBhetani,+ kwaiva naRazaro+ uyo Jesu akanga amutsa kubva kuvakafa. 2 Naizvozvo vakamugadzirira kudya kwemanheru ipapo, uye Marita+ akanga achivashumira,+ asi Razaro akanga ari mumwe wevaya vakanga vakatsenhama patafura naye.+ 3 Naizvozvo, Mariya akatora paundi yemafuta anonhuhwirira, nadhi+ chaiyo, inodhura kwazvo, akazora tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake dzikaoma.+ Imba yakazara nokunhuhwirira kwemafuta anonhuhwirira. 4 Asi Judhasi Iskariyoti,+ mumwe wevadzidzi vake, akanga ava kuda kumutengesa, akati: 5 “Nei mafuta aya anonhuhwirira+ asina kutengeswa nemadhinari mazana matatu, akapiwa varombo?”+ 6 Zvisinei, haana kutaura izvi nokuti aiva nehanya nevarombo, asi nokuti aiva mbavha+ uye aiva nebhokisi remari+ uye aigara achitora mari dzaiiswa mariri. 7 Naizvozvo Jesu akati: “Muregei akadaro, kuti achengete tsika iyi nokuda kwezuva rokuvigwa kwangu.+ 8 Nokuti varombo+ munogara muinavo, asi hamuzogari muineni.”
9 Naizvozvo boka guru revaJudha rakasvika pakuziva kuti akanga aripo, uye havana kuuya nokuda kwaJesu chete, asiwo kuti vaone Razaro, waakamutsa kubva kuvakafa.+ 10 Zvino vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro,+ 11 nokuti vazhinji vevaJudha vakanga vachienda ikoko nokuda kwake uye vachitenda muna Jesu.+
12 Zuva rakatevera boka guru revanhu rakanga rauya kumutambo, pavakanzwa kuti Jesu akanga achiuya kuJerusarema, 13 vakatora mapazi emichindwe,+ vakabuda kunomuchingura. Zvino vakatanga kushevedzera+ vachiti: “Tapota, ponesai!+ Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha,+ iye mambo+ waIsraeri!” 14 Asi Jesu paakanga awana mwana wembongoro,+ akamutasva, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: 15 “Usatya, mwanasikana weZiyoni. Tarira! Mambo wako ari kuuya,+ akatasva mwana wembongoro.”+ 16 Vadzidzi vake havana kuziva zvinhu izvi pakutanga,+ asi Jesu paakakudzwa,+ vakabva vayeuka kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake uye kuti vakamuitira zvinhu izvi.+
17 Naizvozvo boka revanhu raiva naye paakashevedza Razaro+ kuti abude muguva, akamumutsa kubva kuvakafa, rakaramba richipupura.+ 18 Nokuda kweizvi, nokuti boka revanhu rakanga ranzwa kuti akanga aita chiratidzo+ ichi, rakamuchingurawo. 19 Naizvozvo vaFarisi+ vakataurirana kuti: “Munoona kuti hapana kwamuri kumbosvika. Onai! Nyika yamutevera.”+
20 Zvino paiva nevaGiriki+ pakati pevaya vakakwira kunonamata pamutambo. 21 Naizvozvo, ava, vakasvika kuna Firipi+ aibva kuBhetisaidha reGarireya, uye vakatanga kumukumbira, vachiti: “Changamire, tinoda kuona Jesu.”+ 22 Firipi akauya akaudza Andreya. Andreya naFiripi vakauya vakaudza Jesu.
23 Asi Jesu akavapindura, achiti: “Awa yasvika yokuti Mwanakomana womunhu akudzwe.+ 24 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu, ikafa, inoramba ichingova tsanga imwe chete; asi kana ikafa,+ inobva yabereka zvibereko zvizhinji. 25 Anoda mweya wake anouparadza, asi anovenga mweya wake+ munyika ino achauchengetedza nokuda kwoupenyu husingaperi.+ 26 Kana munhu achizondishumira, ngaanditevere, uye pandinenge ndiri ndipo pachavawo nomushumiri wangu.+ Kana munhu achizondishumira, Baba vachamukudza.+ 27 Zvino mweya wangu unonetseka,+ ndichatii? Baba, ndiponesei muawa ino.+ Kunyange zvakadaro, ndokusaka ndasvika paawa ino. 28 Baba, kudzai zita renyu.” Naizvozvo inzwi+ rakabva kudenga rikati: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.”+
29 Nokudaro boka revanhu vakanga vakamira ipapo rakazvinzwa, vakatanga kutaura kuti kwakanga kwatinhira. Vamwe vakatanga kuti: “Ngirozi yataura naye.” 30 Achipindura, Jesu akati: “Iri inzwi harina kunzwika nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.+ 31 Zvino pane kutongwa kwenyika ino; zvino mutongi wenyika ino+ achadzingwa.+ 32 Asi ini, kana ndasimudzwa+ kubva panyika, ndichaita kuti vanhu vose vauye kwandiri.”+ 33 Chokwadi akanga achitaura izvi kuti aratidze rudzi rworufu rwaakanga ava kuda kufa.+ 34 Naizvozvo boka revanhu rakamupindura kuti: “Takanzwa muMutemo kuti Kristu anoramba aripo nokusingaperi;+ zvino sei muchiti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa?+ Ndiani uyu Mwanakomana womunhu?”+ 35 Naizvozvo Jesu akati kwavari: “Chiedza chichava pakati penyu kwenguva duku. Fambai muchiine chiedza, kuti rima+ rirege kukukundai; uye anofamba murima haazivi kwaari kuenda.+ 36 Pamunenge muchine chiedza, ivai nokutenda muchiedza, kuti muve vanakomana vechiedza.”+
Jesu akataura zvinhu izvi, akaenda, akanovavanda. 37 Asi kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji kwazvo pamberi pavo, ivo vakanga vasingatendi maari, 38 zvokuti shoko romuprofita Isaya rakazadzika raakati: “Jehovha, ndiani akatenda chinhu chatakanzwa?+ Kana ruri ruoko rwaJehovha, rwakaratidzwa kuna ani?”+ 39 Chikonzero nei vaisakwanisa kutenda ndicho chakataurwazve naIsaya kuti: 40 “Akapofumadza maziso avo uye akaomesa mwoyo yavo,+ kuti varege kuona nemaziso avo vonzwisisa nemwoyo yavo vatendeuke uye ndivaporese.”+ 41 Isaya akataura zvinhu izvi nokuti akaona kubwinya kwake,+ uye akataura pamusoro pake. 42 Kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongi vakatenda maari,+ asi nokuda kwevaFarisi vakanga vasingamubvumi pachena, kuti varege kudzingwa musinagogi;+ 43 nokuti vaida kukudzwa nevanhu kupfuura kukudzwa naMwari.+
44 Zvisinei, Jesu akashevedzera, akati: “Anotenda mandiri haatendi mandiri chete, asi muna iyewo akandituma;+ 45 uye anondiona anoonawo iye akandituma.+ 46 Ndakauya sechiedza munyika,+ kuti munhu wose anotenda mandiri arege kuramba ari murima.+ 47 Asi kana munhu akanzwa mashoko angu akasaachengeta, handimutongi; nokuti handina kuuya kuzotonga nyika,+ asi kuzoponesa nyika.+ 48 Asinganditeereri uye asingagamuchiri mashoko angu ane anomutonga. Shoko+ randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira; 49 nokuti handina kutaura zvangu pachangu, asi ivo Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura.+ 50 Uyewo, ndinoziva kuti murayiro wavo unoreva upenyu husingaperi.+ Naizvozvo zvinhu zvandinotaura, ndinozvitaura, sokuzviudzwa kwandakaitwa naBaba.”+