Johani
3 Zvino kwaiva nomumwe murume, mumwe wevaFarisi, ainzi Nikodhimo,+ mutongi wevaJudha. 2 Iyeyu akauya kwaari usiku,+ akati kwaari: “Rabhi,+ tinoziva kuti imi somudzidzisi+ makabva kuna Mwari;+ nokuti hapana angagona kuita zviratidzo+ izvi zvamunoita kunze kwokunge Mwari ainaye.”+ 3 Achipindura, Jesu akati kwaari:+ “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Kana munhu akasaberekwazve,+ haangaoni umambo hwaMwari.”+ 4 Nikodhimo akati kwaari: “Munhu angaberekwa sei kana iye akura? Angapinda mudumbu raamai vake kechipiri oberekwa here?” 5 Jesu akapindura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Kana munhu akasaberekwa nemvura+ nomudzimu,+ haangapindi muumambo hwaMwari. 6 Chakaberekwa nenyama, inyama, uye chakaberekwa nomudzimu, mudzimu.+ 7 Usashamiswa nokuti ndakuudza kuti, Imi munofanira kuberekwazve.+ 8 Mhepo+ inovhuvhutira kwainoda, uye unonzwa kuvhuvhuta kwayo, asi hauzivi kwainobva nokwairi kuenda. Ndizvo zvakaita munhu wose akaberekwa nomudzimu.”+
9 Achipindura, Nikodhimo akati kwaari: “Zvinhu izvi zvingaitika sei?” 10 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Uri mudzidzisi waIsraeri, asi usingazivi zvinhu izvi here?+ 11 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Tinotaura zvatinoziva uye tinopupurira zvatakaona,+ asi imi hamugamuchiri uchapupu hwatinopa.+ 12 Kana ndakuudzai zvinhu zvepanyika asi musingatendi, muchatenda sei kana ndikakuudzai zvinhu zvokudenga?+ 13 Zvakare, hapana munhu akakwira kudenga+ asi uya akaburuka achibva kudenga,+ iye Mwanakomana womunhu.+ 14 Sokusimudza kwakaita Mosesi nyoka+ murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa,+ 15 kuti munhu wose anotenda maari ave noupenyu husingaperi.+
16 “Nokuti Mwari akada+ nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti munhu wose anotenda+ maari arege kuparadzwa+ asi ave noupenyu husingaperi.+ 17 Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake munyika kuti atonge+ nyika, asi kuti nyika iponeswe+ naye. 18 Anotenda maari haafaniri kutongwa.+ Asingatendi atotongwa, nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.+ 19 Zvino kutongwa kunobva pachinhu ichi, kuti chiedza+ chakauya munyika+ asi vanhu vakada rima panzvimbo pechiedza,+ nokuti mabasa avo akanga akaipa. 20 Nokuti uya ane tsika yokuita zvakaipa+ anovenga chiedza uye haauyi kuchiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.+ 21 Asi uya anoita zvinhu zvechokwadi anouya kuchiedza,+ kuti mabasa ake aiswe pachena seakaitwa maererano naMwari.”
22 Pashure pezvinhu izvi Jesu nevadzidzi vake vakapinda munyika yeJudhiya, uye imomo akapedza nguva yakati ainavo uye akabhabhatidza.+ 23 Asi Johani+ akanga achibhabhatidzawo ari muAinoni pedyo neSarimu, nokuti pakanga paine mvura zhinji kwazvo+ ipapo, uye vanhu vakaramba vachiuya, vachibhabhatidzwa;+ 24 nokuti Johani akanga asati akandwa mujeri.+
25 Zvino vadzidzi vaJohani vakamutsa nharo nomumwe muJudha pamusoro pokunatswa.+ 26 Naizvozvo vakauya kuna Johani, vakati kwaari: “Rabhi, murume akanga ainemi mhiri kwaJodhani, wamakapupurira,+ onai, iyeyu ari kubhabhatidza uye vose vari kuenda kwaari.”+ 27 Achipindura, Johani akati: “Munhu haangagamuchiri chinhu chimwe chete kunze kwokunge achipiwa chichibva kudenga.+ 28 Imi munondipupurira kuti ndakati, handisi Kristu,+ asi, ndakatumwa pamberi paiyeye.+ 29 Uya ane mwenga ndiye muroori.+ Zvisinei, shamwari yomuroori, painosimuka yomunzwa, ine mufaro mukuru kwazvo nokuda kweinzwi romuroori. Naizvozvo uyu mufaro wangu wazadziswa.+ 30 Iyeye anofanira kuramba achiwedzera, asi ini ndinofanira kuramba ndichiderera.”
31 Uya anobva kumusoro ari pamusoro pevamwe vose.+ Wepanyika ndewepanyika uye anotaura nezvezvinhu zvepanyika.+ Uya anobva kudenga ari pamusoro pevamwe vose.+ 32 Zvaakaona nokunzwa, anopupura nezvaizvozvi,+ asi hapana munhu ari kugamuchira uchapupu hwake.+ 33 Uya akagamuchira uchapupu hwake akaisa chisimbiso chake kwahuri kuti Mwari ndowechokwadi.+ 34 Nokuti uya akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari,+ nokuti haapi mudzimu nechiyero.+ 35 Baba vanoda+ Mwanakomana uye vakaisa zvinhu zvose muruoko rwake.+ 36 Anotenda+ muMwanakomana ane upenyu husingaperi;+ asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu,+ asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.+