Joshua
24 Zvino Joshua akaunganidza madzinza ose aIsraeri kuShekemu,+ akashevedza varume vakuru vaIsraeri+ nevakuru vavo nevatongi vavo nevatungamiriri vavo, uye ivo vakamira pamberi paMwari wechokwadi.+ 2 Joshua akati kuvanhu vose: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Kare kare madzibaba+ enyu aigara mhiri kwoRwizi,+ Tera baba vaAbrahamu nababa vaNahori,+ uye vaishumira vamwe vanamwari.
3 “‘Kwapera nguva yakati, ndakatora tateguru venyu Abrahamu+ mhiri kwoRwizi,+ ndikavafambisa munyika yose yeKenani, ndikaita kuti vana vavo vawande.+ Naizvozvo ndakavapa Isaka.+ 4 Isaka ndakabva ndamupa Jakobho naIsau.+ Gare gare ndakapa Isau Gomo reSeiri kuti rive rake;+ uye Jakobho nevanakomana vake vakaenda kuIjipiti.+ 5 Gare gare ndakatuma Mosesi naAroni,+ ndikatambudza Ijipiti nezvandakaita mukati mayo;+ uye pashure ndakakubudisai.+ 6 Pandaibudisa madzibaba enyu muIjipiti+ mukasvika pagungwa, vaIjipiti vakabva vatevera+ madzibaba enyu nengoro dzehondo nevarwi vakatasva mabhiza kusvikira kuGungwa Dzvuku. 7 Vakatanga kuchemera Jehovha.+ Naizvozvo akaisa rima pakati penyu nevaIjipiti,+ akaunza gungwa pamusoro pavo, akavafukidza,+ uye maziso enyu akaona zvandakaita muIjipiti;+ uye makagara murenje kwemazuva mazhinji.+
8 “‘Ndakazokuunzai kunyika yevaAmori vaigara mhiri kwaJodhani, vakatanga kukurwisai.+ Ipapo ndakavaisa mumaoko enyu kuti muite kuti nyika yavo ive yenyu, ndikavatsakatisa pamberi penyu.+ 9 Bharaki mwanakomana waZipori,+ mambo weMoabhi, akabva asimuka, akarwisa Israeri.+ Naizvozvo akatumira shoko, akashevedza Bharami mwanakomana waBheori kuti akutukei.+ 10 Asi handina kuda kuteerera Bharami.+ Naizvozvo akaramba achingokukomborerai.+ Nokudaro ndakakununurai paruoko rwake.+
11 “‘Makabva mayambuka Jodhani+ mukasvika kuJeriko.+ Varidzi venyika yeJeriko, vaAmori nevaPerizi nevaKenani nevaHiti nevaGigashi, vaHivhi nevaJebhusi vakatanga kukurwisai; asi ndakavaisa mumaoko enyu.+ 12 Naizvozvo ndakatuma kusuruvara pamberi penyu, uye kwakavadzinga zvishoma nezvishoma pamberi penyu+—iwo madzimambo maviri evaAmori—kwete nebakatwa renyu uye kwete nouta hwenyu.+ 13 Nokudaro ndakakupai nyika yamakanga musina kushandira zvakaoma nemaguta amakanga musina kuvaka,+ mukagara maari. Minda yemizambiringa neminda yemiorivhi yamusina kudyara ndiyo yamuri kudya.’+
14 “Zvino ityai Jehovha+ mumushumire musina mhosva uye muchokwadi,+ bvisai vanamwari vakashumirwa nemadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi nomuIjipiti,+ mushumire Jehovha. 15 Zvino kana zvakaipa kwamuri kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamuchashumira,+ vangava vanamwari vakashumirwa nemadzitateguru enyu aiva mhiri kwoRwizi+ kana vanamwari vevaAmori vane nyika yamuri kugara.+ Asi ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.”+
16 Vanhu vakapindura vakati: “Hatingambofungi zvakadaro, kusiya Jehovha kuti tishumire vamwe vanamwari. 17 Nokuti ndiJehovha Mwari wedu akatibudisa isu nemadzibaba edu munyika yeIjipiti,+ muimba yevaranda,+ uye uyo akaita zviratidzo zvikuru izvi tichiona,+ akaramba achitirinda panzira yose yatakafamba nepakati pemarudzi ose atakapfuura nepakati pawo.+ 18 Jehovha akadzinga marudzi ose pamberi pedu,+ kunyange vaAmori, vaigara munyika yacho. Isuwo, tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.”+
19 Joshua akabva ati kuvanhu: “Hamukwanisi kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene;+ ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.+ Haazoregereri kumukira kwenyu nezvivi zvenyu.+ 20 Kana mukasiya Jehovha+ mukashumira vamwe vanamwari+ vokune dzimwe nyika, chokwadi iyewo achadzoka, okuitirai zvinokuvadza, okutsakatisai pashure pokunge ambokuitirai zvakanaka.”+
21 Vanhu vakatiwo kuna Joshua: “Aiwa, asi isu tichashumira Jehovha!”+ 22 Joshua akati kuvanhu: “Muri zvapupu zvenyu pachenyu+ kuti imi nokuzvidira kwenyu masarudza Jehovha, kuti mumushumire.”+ Vakabva vati: “Tiri zvapupu.”
23 “Zvino bvisai vanamwari vokune dzimwe nyika vari pakati penyu,+ mwoyo yenyu iende kuna Jehovha Mwari waIsraeri.” 24 Vanhu vakatiwo kuna Joshua: “Tichashumira Jehovha Mwari wedu, uye tichateerera inzwi rake!”+
25 Joshua akaita sungano nevanhu zuva iroro, akavaitira murau nezvakatongwa+ vari muShekemu. 26 Joshua akabva anyora mashoko aya mubhuku romutemo+ waMwari, akatora dombo+ guru, akarimisa ipapo pasi pomuti+ mukuru uri pedyo nenzvimbo tsvene yaJehovha.
27 Joshua akati kuvanhu vose: “Tarirai! Dombo iri ndiro richava chapupu kwatiri,+ nokuti ranzwa mashoko ose aJehovha aataura nesu, richava chapupu kwamuri, kuti murege kuramba Mwari wenyu.” 28 Naizvozvo Joshua akarega vanhu vachienda, mumwe nomumwe kunhaka yake.+
29 Zvino pashure pezvinhu izvi Joshua mwanakomana waNuni, mushumiri waJehovha, akafa ava nemakore zana negumi.+ 30 Naizvozvo vakamuviga munharaunda yenhaka yake yaiva muTimnati-sera,+ iri munzvimbo ine makomo yaEfremu, kuchamhembe kweGomo reGaashi. 31 Israeri akaramba achishumira Jehovha mazuva ose aJoshua+ nemazuva ose evarume vakuru vakanga vachiri kurarama Joshua afa uye vakanga vaziva basa rose raJehovha raakaitira Israeri.+
32 Vakaviga mapfupa aJosefa,+ akanga auya nevanakomana vaIsraeri vachibva kuIjipiti muShekemu muchikamu chomunda wakanga wawanwa naJakobho kuvanakomana vaHamori,+ baba vaShekemu, nokuda kwezana remari;+ uye wakava wevanakomana vaJosefa ukava nhaka yavo.+
33 Uyewo, Eriyezari mwanakomana waAroni akafa.+ Naizvozvo vakamuviga muChikomo chaFiniyasi mwanakomana wake,+ chaakanga amupa munzvimbo ine makomo yaEfremu.