Isaya
Ngaaswedere pedyo; uye ngaataure.+
Ngatiunganei kuzotongwa.
2 Ndiani aita kuti pave nemumwe munhu anobva kumabvazuva?+
Achimushevedza mukururama kuti auye patsoka dzake,*
Kuti aise marudzi mumaoko ake
Uye kuti amuite kuti akunde madzimambo?+
Ndiani anoaita kuti asare ava guruva pamberi pebakatwa rake,
Semashanga ari kupeperetswa nemhepo, pamberi peuta hwake?
3 Anoatevera achipfuura pasina chinomuvhiringidza,
Achifamba nemumakwara asina kumbofambwa netsoka dzake.
4 Ndiani abata basa iri, achiita izvi,
Achishevedza zvizvarwa kubvira pakutanga?
5 Zvitsuwa zvakazviona zvikatya.
Migumo yenyika yakatanga kudedera.
Inoswedera pedyo youya pamberi.
6 Mumwe nemumwe anobatsira shamwari yake,
Oti kuhama yake: “Simba.”
7 Saka mhizha inosimbisa mupfuri wesimbi;+
Munhu anorova nesando achiita kuti zvienzane
Anosimbisa uya anopfura achishandisa pekupfurira.
Anoti nezvekubatanidza simbi: “Dzaitwa zvakanaka.”
Mufananidzo wacho unobva wabatanidzwa nezvipikiri kuti urege kudonha.
8 “Asi iwe, haiwa Israeri, uri mushumiri wangu,+
Iwe Jakobho wandakasarudza,+
Vana* veshamwari yangu Abrahamu,+
9 Iwe wandakatora kumigumo yenyika,+
Uye iwe wandakashevedza kubva kumativi ayo ari kure chaizvo.
Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako.+
Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira,+
Chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.’
11 Inzwa! Vaya vese vari kukutsamwira chaizvo vachanyadziswa voninipiswa.+
Vaya vanorwa newe vachasara vasiri chinhu uye vachaparara.+
12 Uchatsvaga varume vari kurwa newe, asi hauzovawani;
Varume vari kukurwisa vachaita sevasipo, sechinhu chisingabatsiri.+
13 Nekuti ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi,
Uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’+
14 Usatya Jakobho, iwe honye,*+
Imi varume veIsraeri, ini ndichakubatsirai,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, iye Mudzikinuri wenyu,+ Mutsvene waIsraeri.
Uchatsika-tsika makomo woaputsa
Woita kuti zvikomo zviite sehundi.
17 “Varombo nevanoshayiwa vari kutsvaga mvura, asi vari kuishaya.
Rurimi rwavo rwakaoma nenyota.+
Ini Jehovha ndichavapindura.+
Ini Mwari waIsraeri, handizovasiyi.+
Ndichaita kuti renje rive dziva remvura rine tsanga zhinji
Uye kuti nyika isina mvura ive zvitubu zvemvura.+
Murenje ndichadyara mujunipa,
Pamwe chete nemufiri nemusaipresi,+
20 Kuti vanhu vese vaone uye vazive,
Vateerere uye vanzwisise,
Kuti ruoko rwaJehovha rwaita izvi,
Uye kuti iye Mutsvene waIsraeri azviunza.”+
21 “Taurai nyaya yenyu,” anodaro Jehovha.
“Ipai uchapupu hwenyu,” anodaro Mambo waJakobho.
22 “Ipai uchapupu uye tiudzei zvinhu zvichaitika.
Kana kuti tizivisei zvinhu zviri kuuya.+
Itai chimwe chinhu, chakanaka kana kuti chakaipa,
Kuti tishamiswe patinochiona.+
Chero anokusarudzai anosemesa.+
25 Ndaita kuti pave neanobva kuchamhembe, uye achauya,+
Iye anobva kumabvazuva,+ uyo achadana zita rangu.
26 Ndiani akataura pamusoro peizvi kubvira pakutanga, kuti tizive,
Kana kuti kubvira panguva yakapfuura, kuti titi, ‘Iye akarurama’?+
Chokwadi hapana akazvizivisa!
Hapana akazvitaura!
Hapana ane chaakanzwa kwamuri!”+
27 Ndini ndakatanga kuti kuZiyoni: “Tarisai muone! Hezvino zvichaitika!”+
Uye ndichatumira munhu anoenda nemashoko akanaka kuJerusarema.+
28 Asi ndakaramba ndakatarisa, uye pakanga pasina munhu;
Pakati pavo pakanga pasina anopa mazano.
Uye ndakaramba ndichivaudza kuti vapindure.
29 Onai! Vese chinhu chisipo.
Mabasa avo haabatsiri.