Isaya
14 Nokuti Jehovha achanzwira Jakobho ngoni,+ achasarudza Israeri;+ uye iye achavapa zororo panyika yavo,+ mutorwa achava pamwe chete navo, uye vachabatana neimba yaJakobho.+ 2 Marudzi achavatora ouya navo kunzvimbo yawo, uye imba yaIsraeri ichavatora kuti vave vavo panyika yaJehovha kuti vave vashandirume nevashandikadzi;+ vachatapa+ vaya vaivatapa, uye vachava nesimba pane vaya vaivashandisa.+
3 Zvino nezuva raunozorodzwa naJehovha pakurwadziwa kwako nepakusagadzikana kwako nepauranda hwakaoma hwawakaitwa muranda pahuri,+ 4 uchataura chirevo ichi pamusoro pamambo weBhabhironi woti:
“Aishandisa vamwe aregedza sei, kudzvinyirira kwapera sei!+ 5 Jehovha atyora shamhu yevakaipa, mudonzvo wevanotonga,+ 6 uya airamba achirova vanhu neshamhu akashatirwa kwazvo,+ uya aikunda marudzi akatsamwa kwazvo nokutambudza kusingadzorwi.+ 7 Nyika yose yazorora,+ haisisina chinonetsa. Vanhu vava kufara nokushevedzera kwokufara.+ 8 Kunyange mijunipa+ yakafarawo pamusoro pako, iyo misidhari yokuRebhanoni, ichiti, ‘Kubvira pawakarara pasi, hakuna mutemi wemiti+ anouya kuzotitema.’
9 “Sheori+ iri pasi yazununguswa nemhosva yako kuti isangane newe pakupinda. Yamutsa vaya vasina simba vari murufu+ nemhosva yako, ivo vatungamiriri vose venyika vakaita sembudzi.+ Yasimudza madzimambo ose emarudzi pazvigaro zvawo zvoumambo.+ 10 Ose zvawo anotaura uye anoti kwauri, ‘Newewo wakaitwa asina simba kufanana nesu here?+ Wakafananidzwa nesu here?+ 11 Kudada kwako, irwo ruzha rwezviridzwa zvako zvine tambo,+ kwaburutsirwa kuSheori. Honye dzakawaridzwa pasi pako sepokurara; uye chokufuka chako ihonye.’+
12 “Haiwa wawa sei kudenga,+ iwe anopenya, mwanakomana wemambakwedza! Warigirwa sei pasi,+ iwe waipedza marudzi simba!+ 13 Iwe wakati mumwoyo mako, ‘Ndichakwira kumatenga.+ Ndichakwidza chigaro changu choumambo+ pamusoro penyeredzi+ dzaMwari, uye ndichagara pasi pagomo rokusanganira,+ kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe.+ 14 Ndichakwira kumusoro kwenzvimbo dzakakwirira dzemakore;+ ndichazvifananidza neWokumusorosoro.’+
15 “Asi iwe uchaburutsirwa kuSheori,+ pasi pasi pegomba+ racho. 16 Vaya vanokuona vacharamba vakakutarira; vachanyatsokukuongorora, vachiti, ‘Uyu ndiye here murume uya aidederesa nyika, aizunungusa madzimambo,+ 17 akaita kuti nyika inobereka ive serenje uye uya akaparadza maguta ayo,+ asina kuvhurira kunyange vasungwa vake nzira inoenda kumusha?’+ 18 Mamwe madzimambo ose emarudzi, chokwadi iwo ose zvawo, akarara mukukudzwa, mumwe nomumwe muimba yake.+ 19 Asi iwe, waraswa usina guva rokuti uvigwe,+ senhungirwa inosemwa, wakafukidzwa nevanhu vakaurayiwa vakabayiwa nebakatwa vari kuburukira kumatombo egomba,+ sechitunha chakatsikwa-tsikwa.+ 20 Hauzovigwi pamwe chete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, wakauraya vanhu vako. Vana vevanoita zvakaipa havangataurwi nezvavo nokusingagumi.+
21 “Gadzirirai danda rokuurayira vanakomana vake nokuda kwokukanganisa kwemadzitateguru avo,+ kuti varege kusimuka vatore nyika inobereka uye vazadze pasi pose nemaguta.”+
22 “Ndichavamukira,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto.
“Ndichaparadza zita+ nevakasara nechizvarwa nevazukuru muBhabhironi,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
23 “Ndichariita nzvimbo yenungu nemadziva emvura ane tsanga zhinji, ndicharitsvaira nomutsvairo wokutsakatisa,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto.
24 Jehovha wemauto akapika,+ achiti: “Chokwadi zvichaitikawo sezvandakafunga; uye zvichaitikawo sezvandakasarudza,+ 25 kuti ndityore muAsiriya munyika mangu+ uye kuti ndimutsike-tsike pamakomo angu;+ kuti joko rake ribve pavari nomutoro wake ubve papfudzi ravo.”+
26 Izvi ndizvo zvakatemwa, zvakatemerwa nyika yose, uye urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa marudzi ose. 27 Nokuti Jehovha wemauto asarudza,+ ndiani angazviputsa?+ Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa?+
28 Mugore rakafa Mambo Ahazi+ chirevo ichi chakaitika: 29 “Ani naani wako ngaarege kufara,+ haiwa iwe Firistiya,+ nokuti mudonzvo womunhu anokurova watyoka.+ Nokuti pamudzi wenyoka+ pachabuda nyoka ine uturu,+ uye chibereko chayo chichava nyoka yomoto inobhururuka.+ 30 Matangwe evakaderera achadya, uye varombo vacharara pasi vakachengeteka.+ Ndichauraya mudzi wako nenzara, uye vanosara vako vachaurayiwa.+ 31 Ungudza, haiwa iwe gedhi! Shevedzera, haiwa iwe guta! Imi mose muchaora mwoyo, haiwa imi vaFiristiya! Nokuti kuchamhembe kuri kubva utsi, uye hakuna munhu anobva pahondo yakarongwa.”+
32 Zvino vanhu vachapindura nhume+ dzorudzi rwacho vachitii? Kuti Jehovha avaka nheyo dzeZiyoni,+ uye vanotambudzika vevanhu vake vachapotera mariri.