Ruka
11 Zvino panguva yaakanga ari mune imwe nzvimbo achinyengetera, paakapedza, mumwe wevadzidzi vake akati kwaari: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera,+ sokudzidzisawo kwakaita Johani vadzidzi vake.”+
2 Iye akabva ati kwavari: “Pose pamunonyengetera,+ itii, ‘Baba, zita renyu ngaritsveneswe.+ Umambo hwenyu ngahuuye.+ 3 Tipeiwo zvokudya zvedu+ zvanhasi maererano nezvinodiwa zvezuva racho. 4 Tikanganwirei zvivi* zvedu,+ nokuti isu tinokanganwirawo munhu wose anotitadzira;+ uye musatipinza mumuedzo.’”+
5 Uyezve, akati kwavari: “Ndiani wenyu angava neshamwari, anoenda kwairi pakati pousiku, oti kwairi, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu, 6 nokuti shamwari yangu iri parwendo ichangobva kusvika uye handina chokuipa’? 7 Zvino achipindura, uya ari mukati anoti, ‘Rega kundinetsa.+ Suo ratokiyiwa, uye ini nevana vangu tatorara; handigoni kumuka ndikakupa chero chinhu chipi zvacho.’ 8 Ndinokuudzai kuti, Kunyange asingamuki akamupa chero chinhu chipi zvacho nokuti ishamwari yake, chokwadi nokuda kwokusimbirira kwake+ iye achamuka akamupa zvinhu zvaanoda. 9 Naizvozvo ndinoti kwamuri, Rambai muchikumbira,+ uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka,+ uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. 10 Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira,+ munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa. 11 Chokwadi, ndibaba vapi pakati penyu, vanoti kana mwanakomana wavo+ akakumbira hove, vangamutambidza nyoka panzvimbo pehove? 12 Kana kuti akakumbirawo zai, vangamugamuchidza chinyavada here? 13 Naizvozvo, kana imi muchiziva kupa vana+ venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene+ zvikuru sei!”
14 Gare gare akanga achidzinga dhimoni raiita kuti munhu ave mbeveve.+ Pashure pokunge dhimoni racho rabuda, mbeveve yakataura. Uye mapoka evanhu akashamiswa. 15 Asi vamwe vavo vakati: “Anodzinga madhimoni achishandisa Bherizebhubhu mutongi wemadhimoni.”+ 16 Zvisinei, vamwe, kuti vamuedze, vakatanga kutsvaka chiratidzo+ chinobva kudenga kubva kwaari. 17 Achiziva zvavaifunga+ akati kwavari: “Umambo hwose hwakapesana pachahwo hunoparara, uye imba yakapesana pachayo inowa.+ 18 Naizvozvo kana Satani akapesana pachake, umambo hwake huchamira sei?+ Nokuti munoti ndinodzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu. 19 Kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu, vanakomana venyu+ vanoadzinga vachishandisa ani? Nokuda kweizvi ivo vachava vatongi venyu. 20 Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari,+ chokwadi umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.+ 21 Munhu akasimba,+ ane zvombo zvakakwana, paanorinda muzinda wake, zvinhu zvake zvinoramba zviri murugare. 22 Asi kana mumwe munhu akasimba kumupfuura+ akauya, akamurwisa akamukunda,+ iye anotora zvombo zvake zvose zvaanga achivimba nazvo, ogova zvinhu zvaamupamba. 23 Asiri kurutivi rwangu anopesana neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni anoparadzira.+
24 “Mudzimu usina kuchena paunobuda mumunhu, unopfuura nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka nzvimbo yokuzororera, uye, kana waishaya, unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda.’+ 25 Uchisvika unoiwana yakatsvairwa yakachena uye yakashongedzwa. 26 Unobva waenda, wonotora mimwe midzimu minomwe+ yakaipa kwazvo kupfuura iwo, uye, kana yapinda, inogara imomo; uye kuguma kwomunhu iyeye kunova kwakaipa kwazvo kupfuura kutanga kwake.”+
27 Zvino paaitaura zvinhu izvi mumwe mukadzi akanga ari mukati meboka revanhu akashevedzera, akati kwaari: “Rinofara dumbu+ rakakutakurai nemazamu amakayamwa!” 28 Asi iye akati: “Aiwa, panzvimbo paizvozvo, Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”+
29 Mapoka evanhu paakanga achiungana, iye akatanga kuti: “Chizvarwa chino chizvarwa chakaipa; chinotsvaka chiratidzo.+ Asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona.+ 30 Nokuti Jona+ zvaakava chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvowo Mwanakomana womunhu achavawo akadaro kuchizvarwa chino. 31 Mambokadzi+ wokumaodzanyemba achamutswa pakutongwa pamwe chete nevanhu vechizvarwa chino uye achavapa mhosva; nokuti akabva kumigumo yenyika kuti azonzwa uchenjeri hwaSoromoni, asi, tarirai! mumwe munhu anopfuura+ Soromoni ari pano. 32 Vanhu vokuNinivhi vachamuka pakutongwa pamwe chete nechizvarwa chino uye vachachipa mhosva; nokuti vakapfidza pane zvakaparidzwa naJona;+ asi, tarirai! mumwe munhu anopfuura+ Jona ari pano. 33 Munhu akabatidza rambi, haariisi mudura repasi pemba kana kurikwidibira nedengu rokuyeresa, asi anoriisa pachigadziko cherambi,+ kuti vaya vanopinda vaone chiedza. 34 Rambi romuviri iziso rako. Kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose wakajekawo;+ asi kana rakaipa, muviri wako une rimawo. 35 Naizvozvo svinurirai. Zvichida chiedza chiri mamuri irima.+ 36 Naizvozvo, kana muviri wako wose wakajeka pasina kana rutivi rune rima, wose uchava wakajeka+ sepaya rambi parinokuvhenekera nemwaranzi yaro.”
37 Paakanga ataura zvinhu izvi, mumwe muFarisi akamukumbira kuti adye+ naye. Naizvozvo akapinda, akatsenhama patafura. 38 Zvisinei, muFarisi wacho akashamisika paakaona kuti haana kutanga ageza+ asati adya zvokudya zvemasikati. 39 Asi Ishe akati kwaari: “Zvino imi vaFarisi, munochenesa kunze kwekapu nedhishi, asi mukati+ menyu makazara kupamba nouipi.+ 40 Mapenzi! Akaita kunze+ haasi iye akaitawo mukati here? 41 Kunyange zvakadaro, ipai varombo zvinhu zviri mukati kuti zvive zvipo muchivanzwira ngoni,+ uye tarirai! zvimwe zvinhu zvose zvakachena kwamuri. 42 Asi mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa chegumi+ chemindi neruyi nechemimwe miriwo yose, asi munodarika kururamisira uye kuda Mwari! Maisungirwa kuti muite zvinhu izvi, asi kwete kurega zvimwe zvinhu zviya.+ 43 Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nokukwaziswa pamisika!+ 44 Mune nhamo imi, nokuti makafanana nemakuva aya asiri pachena, zvokuti vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazvizivi!”+
45 Achipindura, mumwe wevaya vaiziva+ Mutemo kwazvo akati kwaari: “Mudzidzisi, pamunotaura zvinhu izvi munotizvidzawo.” 46 Iye akabva ati: “Mune nhamo nemiwo munoziva Mutemo kwazvo, nokuti munotakudza vanhu mitoro yakaoma kutakura, asi imi hamubati mitoro yacho kana nomumwe weminwe yenyu!+
47 “Mune nhamo imi, nokuti munovaka makuva evaprofita, asi madzitateguru enyu akavauraya!+ 48 Chokwadi muri zvapupu zvemabasa emadzitateguru enyu asi munobvumirana+ nazvo, nokuti ava vakauraya+ vaprofita asi imi muri kuvaka makuva avo. 49 Nokuda kweizvi uchenjeri+ hwaMwari hwakatiwo, ‘Ndichavatumira vaprofita nevaapostora, uye vachauraya nokutambudza vamwe vavo, 50 kuti ropa revaprofita+ vose rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ribvunzwe pachizvarwa chino,+ 51 kubvira paropa raAbheri+ kusvikira kuropa raZekariya,+ akaurayirwa pakati peatari neimba.’+ Chokwadi, ndinokuudzai, richabvunzwa pachizvarwa chino.
52 “Mune nhamo imi munoziva Mutemo kwazvo, nokuti makabvisa kiyi yezivo;+ imi hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vaipinda!”+
53 Zvino paakabuda ipapo vanyori nevaFarisi vakatanga kumumomotera kwazvo uye vakaramba vachimubvunza pamusoro pezvimwe zvinhu, 54 vachimuvandira,+ kuti vabate+ chimwe chinhu pakutaura kwake.