VaRoma
1 Pauro, muranda+ waJesu Kristu, akadanwa+ kuti ave muapostora,+ akatsaurwa kuti aparidze mashoko akanaka aMwari,+ 2 aakapikira kare muMagwaro matsvene achishandisa vaprofita+ vake, 3 pamusoro poMwanakomana wake, akabva kuvana vaDhavhidhi+ panyama,+ 4 asi uya akaziviswa nesimba+ soMwanakomana waMwari+ maererano nomudzimu+ mutsvene nokumuka kubva kuvakafa+—chokwadi, iye Jesu Kristu Ishe wedu, 5 watakagamuchira nokwaari mutsa usina kukodzera kuwanwa+ nouapostora+ kuti pave nokuteerera kunobva mukutenda pamusoro pezita rake pakati pemarudzi ose,+ 6 pakati pemarudzi ayo imiwo muri vaya vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu— 7 kune vaya vose vari muRoma sevanodiwa vaMwari, vakadanwa+ kuti vave vatsvene:+
Mutsa usina kukodzera kuwanwa norugare+ zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.+
8 Kutanga, ndinoonga+ Mwari wangu nokuna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kuri kutaurwa nezvakwo+ munyika yose. 9 Nokuti Mwari, wandinoitira basa dzvene zvizere, rine chokuita nokuparidza mashoko akanaka pamusoro poMwanakomana wake, ndiye chapupu changu+ chokuti ndinogara ndichitaura nezvenyu sei muminyengetero yangu ndisingaregi,+ 10 ndichikumbira kuti kana zvichibvira zvino pakupedzisira ndiitwe kuti ndibudirire pane zvinodiwa+ naMwari kuti ndiuye kwamuri. 11 Nokuti ndiri kusuwa kukuonai,+ kuti ndikupei chipo chomudzimu+ kuti musimbiswe; 12 kana kuti, panzvimbo paizvozvo, kuti tikurudzirane,+ mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe,+ kwenyu nokwangu.
13 Asi handidi kuti murege kuziva, hama,+ kuti kazhinji ndaida kuuya kwamuri,+ asi ndakadziviswa kusvikira zvino, kuti ndiwanewo zvibereko+ pakati penyu kunyange sezvazvakaita pakati pemamwe marudzi ose. 14 Ndine chikwereti nevaGiriki nevasiri vaGiriki, nevakachenjera+ uye nemapenzi: 15 naizvozvo ndinoda kwazvo kuzivisawo mashoko akanaka+ kwamuri kuRoma ikoko.+ 16 Nokuti handinyari+ nemashoko akanaka; iwo chokwadi, isimba raMwari+ rinoponesa kumunhu wose anotenda,+ kutanga, kumuJudha+ uyewo kumuGiriki;+ 17 nokuti kururama kwaMwari+ kuri kuratidzwa maari nokuda kwokutenda+ uye zvichiwedzerazve kutenda, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Asi munhu akarurama—achararama nokutenda.”+
18 Nokuti hasha dzaMwari+ dziri kuratidzwa dzichibva kudenga kuzorwisa kusada Mwari kwose uye kusarurama+ kwevanhu vaya vari kudzivisa chokwadi+ nenzira isina kururama,+ 19 nokuti izvo zvingazivikanwa pamusoro paMwari zvinoratidzwa pachena pakati pavo,+ nokuti Mwari akaita kuti zviratidzwe pachena kwavari.+ 20 Nokuti izvo zvaari zvisingaoneki,+ iro simba+ rake risingagumi nokuva kwake Mwari,+ zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika,+ nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa,+ zvokuti havana chokuzvipembedza nacho;+ 21 nokuti, kunyange zvazvo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari uyewo havana kumuonga,+ asi vakafunga zvisina musoro+ uye mwoyo yavo isina kungwara yakava nerima.+ 22 Kunyange zvazvo vaitaura kuti vakanga vakachenjera, vakava mapenzi,+ 23 vakachinja kubwinya+ kwaMwari asingaori kuti kuve chimwe chinhu chakafanana nomufananidzo+ womunhu anoora noweshiri nezvisikwa zvine makumbo mana nezvinhu zvinokambaira.+
24 Naizvozvo Mwari, maererano nokuchiva kwemwoyo yavo, akavaisa kuzvinhu zvisina kuchena,+ kuti varege kuremekedza+ miviri yavo,+ 25 kunyange vaya vakachinjanisa chokwadi+ chaMwari nenhema+ vakanamata uye vakaitira zvinhu zvakasikwa basa dzvene panzvimbo paIye akazvisika, anorumbidzwa nokusingaperi. Ameni. 26 Ndokusaka Mwari akavarega vachiva nechido chinonyadzisa chokurara nomumwe munhu,+ nokuti vanhukadzi vavo vakachinja zvavakasikirwa kuti zvive zvakasiyana nemasikirwo avo;+ 27 saizvozvowo kunyange vanhurume vakasiya zvakasikirwa munhukadzi+ vakatsva kwazvo pakuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume,+ vachiita zvinonyadzisa+ uye vachigamuchira muripo wakakwana,+ uyo wakanga wakakodzera kukanganisa kwavo.+
28 Zvavasina kubvuma kuramba vachiziva Mwari zvakarurama,+ Mwari akavarega vachiva nemafungiro akaipa,+ kuti vaite zvinhu zvisina kukodzera,+ 29 zvavakanga vakazara nezvinhu zvose zvinoti, kusarurama kwose,+ uipi,+ kuchochora,+ ushati,+ vakazara neshanje,+ umhondi,+ kukakavadzana,+ unyengeri,+ pfini,+ vari vanhu vanoita makuhwa,+ 30 vanonyeya,+ vanovenga Mwari, vanoita zvinokuvadza,+ vanozvikudza,+ vanozvitutumadza,+ vanotanga zvinhu zvakaipa,+ vasingateereri vabereki,+ 31 vasinganzwisisi,+ vasingachengeti zvibvumirano,+ vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo,+ vasina ngoni.+ 32 Kunyange zvazvo ivava vachinyatsoziva murayiro wakarurama waMwari,+ kuti vanhu vane tsika yokuita zvinhu zvakadaro vakakodzerwa norufu,+ havangorambi vachizviita chete asiwo vanobvumirana+ nevaya vane tsika yokuzviita.