VaRoma
2 Naizvozvo hauna chokuzvipembedza nacho, haiwa iwe munhu,+ pasinei nokuti uri ani, kana uchitonga;+ nokuti pachinhu chaunotonga mumwe munhu, unozvipa mhosva, iwe unotonga+ zvauine tsika yokuita zvinhu izvozvo.+ 2 Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari, kunoenderana nechokwadi,+ kunorwisana nevaya vane tsika yokuita zvinhu zvakadaro.
3 Asi une pfungwa iyi here, haiwa iwe munhu,+ yokuti zvaunotonga vaya vane tsika yokuita zvinhu zvakadaro asi iwe uchizviitawo, unoti uchapukunyuka kutonga kwaMwari here?+ 4 Kana kuti unozvidza here pfuma yomutsa+ wake nokushivirira+ nomwoyo murefu,+ nokuti hauzivi kuti mutsa waMwari uri kuedza kukuita kuti upfidze?+ 5 Asi maererano noukukutu+ hwako nomwoyo usingapfidzi+ uri kuzviunganidzira hasha+ pazuva rehasha+ uye rokuratidzwa+ kwokutonga kwakarurama kwaMwari.+ 6 Iye achaitira mumwe nomumwe maererano nemabasa ake:+ 7 upenyu husingaperi kune vaya vari kutsvaka kubwinya nokukudzwa nokusaora+ vachitsungirira mubasa rakanaka; 8 zvisinei, pane vaya vanokakavara+ uye vasingateereri chokwadi+ asi vanoteerera zvinhu zvisina kururama pachava nehasha nokutsamwa,+ 9 kutambudzika nenhamo zvichava pamweya womunhu wose anoita zvinokuvadza, kutanga pamweya womuJudha+ uyewo pane womuGiriki;+ 10 asi kubwinya nokukudzwa norugare zvichava pamunhu wose anoita zvakanaka,+ kutanga pamuJudha+ uyewo pamuGiriki.+ 11 Nokuti Mwari haasaruri.+
12 Somuenzaniso, vose vakatadza vasina mutemo vachapararawo vasina mutemo;+ asi vose vakatadza vari pasi pomutemo+ vachatongwa nomutemo.+ 13 Nokuti vanonzwa mutemo havasi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vanoita+ zvinodiwa nomutemo vachanzi vakarurama.+ 14 Nokuti nguva yose vanhu vemamwe marudzi+ vasina mutemo+ pavanoita zvinhu zvomutemo+ maererano nemasikirwo avakaitwa, vanhu ava, kunyange vasina mutemo, ivo mutemo pachavo. 15 Ivo ndivo vanoratidza kuti zvinhu zvine chokuita nomutemo zvakanyorwa mumwoyo mavo,+ hana+ yavo painenge ichipupurirana navo uye, pane zvavanofunga, vari kupiwa mhosva+ kana kuti kunyange kupembedzwa. 16 Izvi zvichaitika pazuva iro Mwari achashandisa Kristu Jesu kuti atonge+ zvinhu zvakavanzika+ zvevanhu,+ maererano nemashoko akanaka andinozivisa.+
17 Zvino, kana uri muJudha nezita+ uye uchivimba nomutemo+ uye uchizvirumbidza muna Mwari,+ 18 uchiziva zvaanoda+ uye uchibvumira zvinhu zvakanaka kwazvo nokuti unorayiridzwa muMutemo uchiita zvokutaurirwa nomuromo;+ 19 uye unotenda kuti uri mutungamiriri wemapofu,+ chiedza chevaya vari murima,+ 20 mururamisi wemapenzi,+ mudzidzisi wevacheche,+ uye munhu ane kuumbwa+ kwezivo nokwechokwadi+ zviri muMutemo— 21 zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?+ Iwe, unoparidza kuti “Usaba,”+ haubi here?+ 22 Iwe, unoti “Usaita upombwe,”+ hauiti upombwe here? Iwe, unosema zvidhori, haubiri+ temberi here? 23 Iwe, unozvirumbidza nomutemo, hauzvidzi Mwari here nokudarika kwako Mutemo?+ 24 Nokuti sokunyorwa kwazvakaitwa; “zita raMwari riri kumhurwa pakati pemamwe marudzi nemhosva yenyu.”+
25 Chokwadi, kudzingiswa,+ kunobatsira chete kana uchichengeta mutemo;+ asi kana uri mudariki womutemo, kudzingiswa kwako+ kwava kusadzingiswa.+ 26 Naizvozvo, kana munhu asina kudzingiswa+ achichengeta zvinhu zvakarurama zvinodiwa+ noMutemo, kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?+ 27 Nokuchengeta Mutemo, munhu akagara asina kudzingiswa kubvira pakuzvarwa achatonga iwe+ mudariki womutemo akadzingiswa uye ane bumbiro rawo rakanyorwa. 28 Nokuti anonzi muJudha haasi uya akadaro nechokunze,+ uye kudzingiswa hakusi kuya kwokunze kunoitwa panyama.+ 29 Asi anonzi muJudha ndiye uya akadaro nechomukati,+ uye kudzingiswa kwake ndiko kuya kwomwoyo+ nomudzimu, kwete nebumbiro romutemo rakanyorwa.+ Kurumbidzwa+ kwaiyeyo kunobva kuna Mwari, kwete kuvanhu.+