1 VaKorinde
11 Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.+
2 Zvino ndinokurumbidzai nokuti muzvinhu zvose munofunga nezvangu uye muri kubatisisa tsika+ sokukugamuchidzai kwandakadziita. 3 Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu;+ uyewo musoro womukadzi murume;+ uyewo musoro waKristu ndiMwari.+ 4 Murume wose anonyengetera kana anoprofita aine chimwe chinhu mumusoro make anonyadzisa musoro wake;+ 5 asi mukadzi wose anonyengetera kana anoprofita+ musoro wake usina kufukidzwa anonyadzisa musoro wake,+ nokuti zvakafanana nokuti mukadzi ane musoro wakaveurwa.+ 6 Nokuti kana mukadzi asingazvifukidzi, ngaagerwe; asi kana zvichinyadzisa kuti mukadzi agerwe kana kuti aveurwe,+ ngaazvifukidze.+
7 Nokuti murume haafaniri kufukidza musoro wake, zvaari mufananidzo+ nokukudzwa+ kwaMwari; asi mukadzi kukudzwa kwomurume.+ 8 Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;+ 9 uyezve, murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi akasikirwa murume.+ 10 Ndokusaka mukadzi achifanira kuva nechiratidzo chesimba mumusoro+ make nokuda kwengirozi.+
11 Kunze kwaizvozvo, munaShe hapana mukadzi kana pasina murume uyewo hapana murume kana pasina mukadzi.+ 12 Nokuti mukadzi zvaanobva kumurume,+ naizvozvowo murume aripo nomukadzi;+ asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari.+ 13 Zvisarudzirei moga: Zvakakodzera here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro? 14 Masikirwo akaitwa vanhu haakudzidzisii here kuti kana murume aine bvudzi refu, zvinoita kuti azvidzwe; 15 asi kana mukadzi aine bvudzi refu, zvinoita kuti akudzwe?+ Nokuti anopiwa bvudzi rake panzvimbo pechishongo chomumusoro.+ 16 Zvisinei, kana chero munhu upi zvake achiita sokunge anoita nharo+ pamusoro peimwe tsika,+ isu hatina imwe, uye ungano dzaMwari hadzinawo.
17 Asi, kunyange zvazvo ndichipa mirayiridzo iyi, handikurumbidzii nokuti hamusangani pamwe chete nokuda kwezviri nani, asi nokuda kwezvakaipa kwazvo.+ 18 Nokuti kutanga, pamunoungana muungano, ndinonzwa kuti pane kupesana pakati penyu;+ uye ndingangozvitenda kuti ndizvo. 19 Nokuti pakati penyu panofanirawo kunge paine mapoka,+ kuti vanhu vanotenderwa vaonekewo pakati penyu.+
20 Naizvozvo, pamunoungana panzvimbo imwe, hazvibviri kuti mudye kudya kwaShe kwemanheru.+ 21 Nokuti, pamunokudya, mumwe nomumwe anofanodya kudya kwake kwemanheru, zvokuti mumwe ane nzara asi mumwe akadhakwa. 22 Chokwadi hamuna dzimba dzokudyira nokunwira here?+ Kana kuti munozvidza ungano yaMwari here muchiita kuti vaya vasina chinhu+ vanyare? Ndichatii kwamuri? Ndikurumbidzei here? Pane izvi handikurumbidzii.
23 Nokuti ndakagamuchira kubva kunaShe zviya zvandakakugamuchidzaiwo, kuti Ishe Jesu muusiku+ hwaakanga achizogamuchidzwa, akatora chingwa, 24 uye, pashure pokunge aonga, akachimedura,+ akati: “Ichi chinomirira muviri wangu+ uri kupiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”+ 25 Akaitawo saizvozvo nekapu,+ paakanga apedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva+ muropa rangu.+ Rambai muchiita izvi, nguva dzose pamunonwira mairi, muchindiyeuka.”+ 26 Nokuti pose+ pamunodya chingwa ichi nokunwira mukapu iyi, munoramba muchizivisa rufu+ rwaShe, kusvikira asvika.+
27 Naizvozvo munhu wose anodya chingwa kana kunwira mukapu yaShe zvisina kukodzera achava nemhosva+ pamusoro pomuviri neropa+ raShe. 28 Munhu ngaatange azviongorora aone kana akakodzera,+ ozodya chingwa nokunwira mukapu yacho. 29 Nokuti anodya nokunwa anozvidyira nokuzvinwira kutongwa+ kana asinganzwisisi muviri. 30 Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vari ndonda, uye vakati wandei varere+ murufu. 31 Asi kudai tainzwisisa zvatiri, taisazotongwa.+ 32 Zvisinei, kana tatongwa,+ tinorangwa naJehovha,+ kuti tirege kupiwa mhosva+ pamwe chete nenyika.+ 33 Naizvozvo, hama dzangu, pamunoungana kuti mudye kudya uku,+ miriranai. 34 Kana munhu aine nzara, ngaadye kumba,+ kuti murege kuunganira kutongwa.+ Asi dzimwe nyaya dzasara ndichadzigadzirisa pandinosvika ikoko.