RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 9:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Asi chokwadi ndaita kuti urambe uchirarama nokuda kwechikonzero ichi,+ kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe munyika yose.+

  • Eksodho 15:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari?+

      Ndiani akafanana nemi, mutsvene zvikuru kwazvo?+

      Iye anofanira kutyiwa+ nenziyo dzokurumbidza,+ Iye anoita zvishamiso.+

  • Eksodho 18:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru pane vamwe vanamwari+ vose nokuda kwechinhu ichi, icho vaIjipiti vakazvikudza nacho kwavari.”

  • Joshua 2:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 Nokuti takanzwa kuomesa kwakaita Jehovha mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pamakabuda muIjipiti,+ nezvamakaitira madzimambo maviri evaAmori aiva mhiri kwaJodhani, kureva Sihoni+ naOgi,+ amakaparadza+ chose.

  • Nehemiya 9:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Makakamura gungwa+ pamberi pavo, zvokuti vakayambuka nepakati pegungwa nepanyika yakaoma;+ uye makakanda vaivatevera munzvimbo dzakadzika,+ sedombo+ mumvura ine simba.+

  • Isaya 2:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Maziso anozvikudza omunhu wepanyika achaninipiswa, manyawi evanhu achaderedzwa;+ uye Jehovha oga achakwidziridzwa pazuva iroro.+

  • VaRoma 9:17
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 17 Nokuti Rugwaro runoti kuna Farao: “Nokuda kwechikonzero ichochi ndaita kuti urambe uchirarama, kuti ndiratidze simba rangu nokwauri, uye kuti zita rangu riziviswe munyika yose.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe