2 Madzimambo
17 Mugore rechigumi nemaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea+ mwanakomana waEraa akava mambo waIsraeri muSamariya+ kwemakore mapfumbamwe. 2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, asi kwete semadzimambo aIsraeri akanga amutangira.+ 3 Sharimaneseri+ mambo weAsiriya+ akauya kuzomurwisa, Hoshea akava mushandi wake, akatanga kumubhadhara muripo.+ 4 Asi mambo weAsiriya akaziva kuti Hoshea aida kumukira,+ pakuti akanga atuma nhume kuna So mambo weIjipiti,+ akarega kuendesa muripo kuna mambo weAsiriya sezvaaiita makore akanga apfuura. Nokudaro mambo weAsiriya akamuvharira, akaramba akamusunga muimba yevasungwa.+
5 Mambo weAsiriya akaenda kunorwisa nyika yose, akaendawo kuSamariya, akarikomba+ kwemakore matatu. 6 Mugore rechipfumbamwe raHoshea, mambo weAsiriya akatora Samariya,+ akabva atapa+ vaIsraeri, akavaendesa kuAsiriya, akaita kuti vagare muHeira+ nomuHabhori parwizi rwaGozani+ uye mumaguta evaMedhiya.+
7 Izvozvo zvakaitika nokuti vanakomana vaIsraeri vakanga vatadzira+ Jehovha Mwari wavo, iye akavabudisa munyika yeIjipiti mavaidzvinyirirwa naFarao mambo weIjipiti,+ vakatanga kutya vamwe vanamwari;+ 8 uye vakaramba vachifamba mumirau+ yemamwe marudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevanakomana vaIsraeri, nomumirau yakanga yaitwa nemadzimambo aIsraeri; 9 uye vanakomana vaIsraeri vakatsvaka zvinhu zvakanga zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo,+ vakaramba vachizvivakira nzvimbo dzakakwirira+ mumaguta avo ose, kubvira kushongwe+ yevarindi kusvikira kuguta rakavakirirwa; 10 uye vakaramba vachizvimisira shongwe tsvene+ nematanda matsvene+ pazvikomo zvose zvakakwirira+ nepasi pemiti yose yakasvibirira;+ 11 uye vari ikoko vakaramba vachikwidzira utsi hwezvibayiro panzvimbo dzose dzakakwirira sezvaiitwa nemarudzi+ akanga atapwa naJehovha nokuda kwavo, vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa kuti vagumbure+ Jehovha;
12 Vakaramba vachishumira zvidhori zvaisemesa sendove,+ zvavakanga vanzi naJehovha: “Musaita chinhu ichi”;+ 13 uye Jehovha akaramba achinyevera+ Israeri+ naJudha+ achishandisa vaprofita vake vose+ nevaoni+ vose, achiti: “Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa,+ muchengete mirayiro yangu,+ mirau yangu,+ maererano nomutemo wose+ wandakarayira madzibaba+ enyu uye wandakakutumirai ndichishandisa vashumiri vangu vaprofita”;+ 14 ivo havana kuteerera asi vakaramba vachiomesa mitsipa+ yavo semitsipa yemadzitateguru avo akanga asina kutenda+ muna Jehovha Mwari wawo; 15 uye vakapfuurira kuramba mirau yake nesungano+ yake yaakanga aita nemadzitateguru avo nezviyeuchidzo+ zvake zvaakanga avanyevera nazvo, uye vakaramba vachitevera zvidhori zvisina zvazvinobatsira,+ ivo vakava vasina zvavanobatsira,+ vachitevedzera marudzi akanga akavapoteredza, avakanga varayirwa naJehovha kuti vasaita saiwo;+
16 Vakaramba vachisiya mitemo+ yose yaJehovha Mwari wavo, vakazvigadzirira mifananidzo yakagadzirwa nesimbi yakanyungudutswa,+ mhuru mbiri,+ uye vakagadzira danda dzvene,+ vakatanga kukotamira uto rose rokumatenga,+ vakashumira Bhaari;+ 17 uye vakaramba vachipinza vanakomana vavo nevanasikana vavo mumoto,+ vachishopera,+ vachitenda mashura,+ vakaramba vachizvitengesa+ kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, kuti vamugumbure;+
18 Naizvozvo Jehovha akatsamwira+ vaIsraeri kwazvo, zvokuti akavabvisa pamberi pake.+ Haana kana waakasiya kunze kwedzinza raJudha chete.+
19 VaJudha havana kuchengetawo mirayiro yaJehovha Mwari wavo,+ asi vakaramba vachifamba mumirau yevaIsraeri+ yavakanga vaita. 20 Naizvozvo Jehovha akaramba vana+ vose vaIsraeri, akaramba achivatambudza, achivaisa mumaoko evapambi, kusvikira avarasa kuti vabve pamberi pake.+ 21 Nokuti iye akabvisa vaIsraeri kuimba yaDhavhidhi, vakagadza Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati kuti ave mambo; uye Jerobhoamu akaita kuti vaIsraeri varege kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru.+ 22 Vanakomana vaIsraeri vakafamba muzvivi zvose zvaJerobhoamu zvaakanga aita.+ Havana kuzvirega, 23 kusvikira Jehovha abvisa Israeri pamberi pake,+ sezvaakanga ataura achishandisa vashumiri vake vose vaprofita.+ Naizvozvo Israeri akabva panyika yake akatapwa, akaendeswa kuAsiriya kusvikira nhasi.+
24 Naizvozvo mambo weAsiriya akaunza vanhu kubva kuBhabhironi+ neKuta neAvha+ neHamati+ neSefavhaimu,+ akaita kuti vagare mumaguta eSamariya+ panzvimbo pevanakomana vaIsraeri; uye vakatanga kuita kuti Samariya rive ravo nokugara mumaguta aro. 25 Pavakatanga kugara imomo havana kutya+ Jehovha. Naizvozvo Jehovha akatuma shumba+ pakati pavo, dzikauraya vamwe vavo. 26 Naizvozvo vakatumira shoko kuna mambo weAsiriya vachiti: “Marudzi amakatapa, mukaita kuti agare mumaguta eSamariya haazivi manamatirwo aMwari wenyika yacho, zvokuti iye ari kuramba achituma shumba pakati pavo;+ uye tarirai! dziri kuvauraya, zvakusina anoziva manamatirwo aMwari wenyika yacho.”
27 Zvino mambo weAsiriya akarayira achiti: “Itai kuti mumwe mupristi+ wamakatapa ikoko aende ikoko, kuti aende agare ikoko, avadzidzise manamatirwo aMwari wenyika yacho.” 28 Naizvozvo mumwe mupristi wavakanga vatapa kuSamariya akauya, akagara muBheteri,+ akavadzidzisa kuti vangatya Jehovha sei.+
29 Zvisinei, rudzi rumwe norumwe rwakagadzira mwari warwo,+ vachibva vavaisa mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira dzakanga dzagadzirwa nevaSamariya, rudzi rumwe norumwe, mumaguta avo avakanga vachigara. 30 Varume vokuBhabhironi vakagadzira Sukoti-bhenoti, varume vokuKuti+ vakagadzira Negari, uye varume vokuHamati vakagadzira Ashima. 31 VaAvhi+ vakagadzira Nibhazi naTataki; uye vaSefavhaimu+ vakanga vachipisa vanakomana vavo mumoto+ nokuda kwaAdramereki naAnamereki vanamwari veSefavhaimu. 32 Ivo vakatya Jehovha, vakagadza vapristi+ venzvimbo dzakakwirira vachivatora pavanhuwo zvavo, vakava vashandi vavo muimba yenzvimbo dzakakwirira. 33 Vakatya Jehovha,+ asi vakanamata vanamwari vavo,+ maererano nemanamatiro aiita marudzi avakanga vatapwa vachibva kwaari.+
34 Kusvikira nhasi vari kuita maererano nemanamatiro avo ekare.+ Kwakanga kusina aitya Jehovha+ uye kusina aiita maererano nemirau yake nezvaakatonga+ nomutemo+ uye nomurayiro,+ zvakanga zvarayirwa naJehovha kuvanakomana vaJakobho,+ uya waakatumidza kuti Israeri;+ 35 Jehovha paakaita sungano+ navo akavarayira achiti: “Musatya vamwe vanamwari,+ uye musavakotamira kana kuvashumira kana kubayira kwavari.+ 36 Asi Jehovha, iye akakubudisai munyika yeIjipiti nesimba guru noruoko rwakatambanudzwa,+ Iye ndiye wamunofanira kutya,+ ndiye wamunofanira kukotamira,+ uye ndiye wamunofanira kubayira kwaari.+ 37 Munofanira kuchenjerera kuchengeta nguva dzose+ mirau+ nezvaakatonga+ nomutemo nomurayiro zvaakakunyorerai;+ uye musatya vamwe vanamwari. 38 Musakanganwa+ sungano yandakaita nemi; uye musatya vamwe vanamwari.+ 39 Asi Jehovha+ Mwari wenyu ndiye wamunofanira kutya, zvaari iye achakununurai mumaoko evavengi venyu vose.”+
40 Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakanga vachiita maererano nemanamatiro avo ekare.+ 41 Marudzi aya akatya Jehovha,+ asi akashumira zvifananidzo zvawo zvakavezwa. Vanakomana vavo nevazukuru vavo, vachiri kuita sezvakaitwa nemadzitateguru avo kusvikira nhasi.