Mateu
12 Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yezviyo pasabata.+ Vadzidzi vake vakanzwa nzara, vakatanga kutanha hura dzezviyo uye kudya.+ 2 VaFarisi vachiona izvi vakati kwaari:+ “Tarira! Vadzidzi vako vari kuita zvisingabvumirwi nomutemo kuti zviitwe pasabata.”+ 3 Iye akati kwavari: “Hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi apo iye nevarume vaaiva navo vakanzwa nzara?+ 4 Mapindiro aakaita muimba yaMwari, vakadya zvingwa zvokuratidzira,+ chinhu chakanga chisingabvumirwi nomutemo+ kuti adye, kana vaya vaaiva navo, kunze kwevapristi chete?+ 5 Kana kuti, hamuna kuverenga here muMutemo+ kuti pamasabata vapristi vari mutemberi vanoona sabata serisiri dzvene asi vachiramba vasina mhosva?+ 6 Asi ndinokuudzai kuti chimwe chinhu chikuru kupfuura temberi+ chiri pano. 7 Zvisinei, kudai makanga manzwisisa zvinorehwa neizvi, zvokuti, ‘Ndinoda ngoni,+ kwete chibayiro,’+ mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva. 8 Nokuti Mwanakomana womunhu+ ndiye Ishe wesabata.”+
9 Abva panzvimbo iyoyo akapinda musinagogi ravo; 10 uye, tarira! paiva nomumwe murume akanga aine ruoko rwakakokonyara!+ Naizvozvo vakamubvunza kuti, “Zvinobvumirwa nomutemo here kurapa pasabata?” kuti vawane chokumupomera.+ 11 Iye akati kwavari: “Ndoupi munhu pakati penyu angava negwai rimwe chete uye, kana iro rikawira mugomba+ pasabata, angarega kuribata akaribudisa?+ 12 Zvose zvafungwa nezvazvo, munhu anokosha zvikuru sei kupfuura gwai!+ Naizvozvo zvinobvumirwa nomutemo kuita chinhu chakanaka pasabata.” 13 Iye akabva ati kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, rukava rwakanaka kufanana norumwe ruoko.+ 14 Asi vaFarisi vakabuda vakarangana pamusoro pake kuti vamuparadze.+ 15 Aziva izvi, Jesu akabva ipapo. Vazhinji vakamuteverawo, uye akavarapa vose,+ 16 asi akavarayira zvakasimba kuti vasaita kuti azivikanwe;+ 17 kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa muprofita Isaya, uya akati:
18 “Tarirai! Mushandi wangu+ wandakasarudza, anodiwa wangu,+ akafarirwa nomweya wangu! Ndichaisa mudzimu wangu paari,+ uye achabudisa pachena kumarudzi kuti kururamisira chii. 19 Haazokakavari,+ kana kushevedzera, uyewo hapana munhu achanzwa inzwi rake mumigwagwa yakafara. 20 Hapana tsanga yakakuzvuka yaachapwanya, uye hapana tambo inopfungaira yomufurakisi yaachadzima,+ kusvikira aita kuti kururamisira+ kubudirire. 21 Chokwadi, marudzi achava netariro muzita rake.”+
22 Zvino vakauya kwaari nomurume aiva nedhimoni, aiva bofu uye mbeveve; uye iye akamurapa, zvokuti murume wacho aiva mbeveve akataura, akaona. 23 Naizvozvo, mapoka evanhu ose akashamiswa kwazvo akatanga kuti:+ “Kuti uyu haangavi iye Mwanakomana waDhavhidhi here?”+ 24 Vachinzwa izvi, vaFarisi vakati: “Munhu uyu hapana chimwe chaanoshandisa kudzinga madhimoni kunze kwaBherizebhubhu, mutongi wemadhimoni.”+ 25 Achiziva zvavaifunga,+ iye akati kwavari: “Umambo hwose hwakapesana hunoparara,+ uye guta rose kana imba yakapesana haizomiri. 26 Saizvozvowo, kana Satani achidzinga Satani, iye apesana pachake; saka, umambo hwake huchamira sei? 27 Zvakare, kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu,+ vanakomana venyu vanoadzinga vachishandisa ani? Ndokusaka ivo vachazova vatongi venyu. 28 Asi kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa mudzimu waMwari, chokwadi umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.+ 29 Kana kuti munhu anogona sei kupinda nechisimba muimba yomunhu akasimba otora nechisimba zvinhu zvake zvinotakurika, kana akasatanga asunga munhu wacho akasimba? Uye achabva apamba imba yake.+ 30 Iye asiri kurutivi rwangu anorwisana neni, uye asingaunganidzi neni anoparadzira.+
31 “Nokuda kweizvi ndinoti kwamuri, Zvivi zvemarudzi ose nokumhura zvichakanganwirwa vanhu, asi kumhura mudzimu hakuzokanganwirwi.+ 32 Somuenzaniso, munhu wose anotaura shoko rokuzvidza Mwanakomana womunhu, achakanganwirwa;+ asi munhu wose anozvidza mudzimu mutsvene, haazokanganwirwi, aiwa, kwete mumamiriro ano ezvinhu kana mune aya anouya.+
33 “Imi munoita kuti muti uve wakanaka uye zvibereko zvawo zvive zvakanaka kana zvimwe munoita kuti muti uve wakaora uye zvibereko zvawo zvive zvakaora; nokuti muti unozivikanwa nezvibereko zvawo.+ 34 Vana venyoka,+ munogona sei kutaura zvinhu zvakanaka, asi imi makaipa?+ Nokuti muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.+ 35 Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka,+ asi munhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa.+ 36 Ndinokuudzai kuti shoko rose risingabatsiri rinotaurwa nevanhu, vachazvidavirira+ pamusoro paro paZuva Rokutongwa; 37 nokuti uchanzi wakarurama nemashoko ako, uye uchapiwa mhosva nemashoko ako.”+
38 Zvino vamwe vevanyori nevaFarisi vachimupindura, vakati: “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chinobva kwamuri.”+ 39 Achipindura, iye akati kwavari: “Chizvarwa chakaipa nechoupombwe+ chinoramba chichitsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chomuprofita Jona.+ 40 Nokuti Jona+ zvaakanga ari mudumbu rehove huru kwemazuva matatu nousiku hutatu, naizvozvo Mwanakomana womunhu+ achava mumwoyo wenyika+ kwemazuva matatu nousiku hutatu.+ 41 Vanhu vokuNinivhi vachamuka pakutongwa nechizvarwa chino+ uye vachachipa mhosva;+ nokuti vakapfidza pane zvakaparidzwa naJona,+ asi tarirai! mumwe munhu anopfuura Jona ari pano. 42 Mambokadzi wokumaodzanyemba+ achamutswa pakutongwa pamwe chete nechizvarwa chino uye achachipa mhosva; nokuti akabva kumigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, asi tarirai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.+
43 “Mudzimu usina kuchena paunobuda mumunhu, unopfuura nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka nzvimbo yokuzororera, woishayiwa.+ 44 Unobva wati, ‘Ndichadzokera kuimba yangu yandakatama’; uye uchisvika unoiwana isingagarwi asi yakatsvairwa yakachena uye yakashongedzwa. 45 Unobva waenda wonotora mimwe midzimu minomwe yakaipa kwazvo kuupfuura,+ uye, kana yapinda mukati, inogara imomo; uye kuguma kwomunhu iyeye kunova kwakaipa kwazvo kupfuura pakutanga.+ Ndizvo zvazvichaitawo nechizvarwa chino chakaipa.”+
46 Achiri kutaura nemapoka evanhu, tarira! amai vake nevanun’una vake+ vakamira kunze vachitsvaka kutaura naye. 47 Naizvozvo mumwe munhu akati kwaari: “Tarira! Amai vako nevanun’una vako vamire panze, vari kuda kutaura newe.” 48 Achipindura, iye akati kumunhu akanga achimuudza: “Amai vangu ndiani, uye vanun’una vangu ndivanaani?”+ 49 Achitambanudzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: “Tarirai! Amai vangu nevanun’una vangu!+ 50 Nokuti munhu wose anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, iyeye ndiye munun’una wangu, uye hanzvadzi, uye amai.”