Mateu
27 Paakanga ava mangwanani, vapristi vakuru vose nevarume vakuru vevanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye.+ 2 Zvino, pashure pokunge vamusunga, vakaenda naye vakamugamuchidza kuna gavhuna Pirato.+
3 Zvino Judhasi, uya akamutengesa, achiona kuti iye akanga atongerwa rufu, akazvidemba, akadzorera masirivha aya makumi matatu+ kuvapristi vakuru nevarume vakuru, 4 achiti: “Ndakatadza pandakatengesa ropa rakarurama.”+ Ivo vakati: “Izvozvo zvinei nesu? Unofanira kuzvionera!”+ 5 Naizvozvo akakanda masirivha acho mutemberi akabva, akaenda, akanozvisungirira.+ 6 Asi vapristi vakuru vakatora masirivha acho, vakati: “Hazvibvumirwi nomutemo kuakanda munzvimbo tsvene inochengeterwa pfuma, nokuti iwo mutengo weropa.” 7 Pashure pokurangana, vakatenga nawo sango romuumbi kuti vavige vaeni. 8 Naizvozvo munda iwoyo wakanzi “Munda Weropa”+ kusvikira nhasi. 9 Zvakataurwa pachishandiswa muprofita Jeremiya zvakabva zvazadzika, zvichinzi: “Zvino vakatora masirivha makumi matatu,+ mutengo womunhu akatemerwa mutengo, munhu akatemerwa mutengo nevamwe vanakomana vaIsraeri, 10 vakatenga nawo munda womuumbi,+ maererano nezvandakanga ndarayirwa naJehovha.”
11 Zvino Jesu akamira pamberi pagavhuna; uye gavhuna wacho akamubvunza kuti: “Ndiwe mambo wevaJudha here?”+ Jesu akapindura kuti: “Iwe ndiwe uri kuzvitaura.”+ 12 Asi, paakanga achipomerwa+ nevapristi vakuru nevarume vakuru, haana kupindura.+ 13 Pirato akabva ati kwaari: “Haunzwi here kuti zvinhu zvizhinji sei zvavari kukupomera?”+ 14 Asi iye haana kumupindura, aiwa, kana shoko rimwe chete zvaro, zvokuti gavhuna wacho akashamisika kwazvo.+
15 Zvino pamutambo mumwe nomumwe yakanga iri tsika yagavhuna kusunungurira boka revanhu musungwa wavaida.+ 16 Panguva iyoyo chaiyo vakanga vaine musungwa aiva nomukurumbira wakaipa ainzi Bharabhasi.+ 17 Nokudaro pavakanga vakaungana Pirato akati kwavari: “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi kana kuti Jesu, iye anonzi Kristu?”+ 18 Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamugamuchidza+ nokuda kweshanje.+ 19 Zvakare, paakanga agere pachigaro chokutonga, mudzimai wake akatuma munhu kwaari, achiti: “Siyana nomunhu iyeye akarurama,+ nokuti ndatambura kwazvo nhasi nokuda kwake pandanga ndichirota.”+ 20 Asi vapristi vakuru nevarume vakuru vakanyengetedza mapoka evanhu kuti vakumbire Bharabhasi,+ asi kuti vaite kuti Jesu aparadzwe. 21 Zvino gavhuna akavapindura kuti: “Pavaviri ava ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati: “Bharabhasi.”+ 22 Pirato akati kwavari: “Saka, ndichaitei naJesu, iye anonzi Kristu?” Vose vakati: “Ngaarovererwe!”+ 23 Iye akati: “Nemhosva yei, akatadzei?” Zvisinei ivo vakaramba vachitonyanya kushevedzera vachiti: “Ngaarovererwe!”+
24 Achiona kuti hazvina kubatsira asi, mheremhere yakanga yomuka, Pirato akatora mvura,+ akageza maoko ake pamberi peboka iroro revanhu, achiti: “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Imi munofanira kuzvionera.” 25 Vanhu vose, vachipindura, vakati: “Ropa rake ngariuye patiri nepavana vedu.”+ 26 Akabva avasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe,+ akamugamuchidza kuti arovererwe.+
27 Zvino varwi vagavhuna vakapinza Jesu mumuzinda wagavhuna, vakaunganidzira boka rose revarwi kwaari.+ 28 Vachimupfekenura, vakamupfekedza jasi dzvuku,+ 29 vakaruka korona neminzwa vakaiisa mumusoro make uye tsanga muruoko rwake rworudyi. Zvino, vachipfugama pamberi pake, vakamuseka,+ vachiti: “Kwaziwai, imi Mambo wevaJudha!”+ 30 Vakamupfira mate,+ vakatora tsanga, vakatanga kumurova mumusoro. 31 Pakupedzisira, pavakanga vamuseka,+ vakamupfekenura jasi, vakamupfekedza nguo dzake dzokunze, vakaenda naye kuti anorovererwa.+
32 Sezvavakanga vachibuda vakawana munhu wokuKurini ainzi Simoni.+ Vakamanikidza murume uyu kuti atakure danda rake rokutambudzikira. 33 Zvino pavakasvika panzvimbo yainzi Gorogota,+ zvinoreva kuti, Nzvimbo yeDehenya, 34 vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru+ kuti anwe; asi, pashure pokunge airavira, akaramba kuinwa.+ 35 Pavakanga vamuroverera+ vakagova nguo dzake dzokunze+ vachiita zvokukanda mijenya,+ 36 uye, zvavakanga vagere, vakamurinda vari ipapo. 37 Uyewo, vakaisa mhosva yaaipomerwa pamusoro pomusoro wake, yakanyorwa kuti: “Uyu ndiJesu Mambo wevaJudha.”+
38 Zvino makororo maviri akarovererwa pamwe chete naye, rimwe kurudyi rwake uye rimwe kuruboshwe rwake.+ 39 Naizvozvo vaipfuura napo vakatanga kumutuka,+ vachidzungudza+ misoro yavo, 40 vachiti: “Haiwa iwe wokuda kuputsa temberi+ woivaka mumazuva matatu, zviponese! Kana uri mwanakomana waMwari, buruka padanda rokutambudzikira!”+ 41 Saizvozvowo vapristi vakuru nevanyori nevarume vakuru vakatanga kumuseka vachiti:+ 42 “Akaponesa vamwe; iye haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo+ waIsraeri; zvino ngaaburuke padanda rokutambudzikira uye tichamutenda.+ 43 Aivimba naMwari; Iye ngaachimununura+ zvino kana achimuda, nokuti iye akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’”+ 44 Saizvozvowo kunyange makororo akanga akarovererwa pamwe chete naye akatanga kumuzvidza.+
45 Kubvira paawa yechitanhatu rima rakavapo+ panyika yose, kusvikira paawa yechipfumbamwe.+ 46 Panenge paawa yechipfumbamwe Jesu akashevedzera nenzwi guru, achiti: “Eri, Eri, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?”+ 47 Vachinzwa izvi, vamwe vevakanga vakamira ipapo vakatanga kuti: “Munhu uyu ari kushevedza Eriya.”+ 48 Mumwe wavo akabva amhanya, akatora chipanji, akachinyatisa newaini yakashapa,+ akachibayirira patsanga, akatanga kumunwisa.+ 49 Asi vamwe vose vakati: “Murege! Rega tione kana Eriya akauya kuzomuponesa.”+ [[Mumwe murume akatora pfumo akabaya rutivi rwake, ropa nemvura zvikabuda.]]+ 50 Jesu akashevedzerazve nenzwi guru, akabudisa simba rake roupenyu.+
51 Zvino tarira! keteni+ renzvimbo tsvene rakabvaruka nepakati, kubva kumusoro kusvikira pasi,+ nyika ikadengenyeka, uye matombo makuru akatsemuka.+ 52 Makuva akazaruka, mitumbi mizhinji yevatsvene vakanga varara ikabudiswa, 53 uye yakaonekwa nevanhu vazhinji (uye vanhu, vakanga vachibva kumakuva pashure pokumutswa kwake, vakapinda muguta dzvene).+ 54 Asi mukuru weuto nevaya vaiva naye vachirinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakanga zvichiitika, vakatya kwazvo, vachiti: “Chokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”+
55 Zvakare, vakadzi vazhinji vakanga varipo vachiona vari kure zvishoma,+ vakanga vauya pamwe chete naJesu vachibva kuGarireya kuzomushumira;+ 56 pakati pavo paiva naMariya Magadharini, uyewo Mariya amai vaJakobho naJosesi, uye amai vevanakomana vaZebhedhi.+
57 Zvino zvaakanga atova manheru, kwakauya mumwe mupfumi wokuArimatiya, ainzi Josefa uyowo akanga ava mudzidzi waJesu.+ 58 Murume uyu akaenda kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu.+ Pirato akabva arayira kuti aupiwe.+ 59 Zvino Josefa akatora mutumbi wacho, akauputira nomucheka werineni yakachena, yakanaka kwazvo,+ 60 akauradzika muguva rake idzva,+ raakanga achera padombo guru. Pashure pokukungurutsira dombo guru pasuo reguva, iye akaenda.+ 61 Asi Mariya Magadharini nomumwe Mariya vakaramba varipo, vakagara pamberi peguva.+
62 Zuva rakatevera, raiuya pashure pezuva roKugadzirira,+ vapristi vakuru nevaFarisi vakaungana pamberi paPirato, 63 vachiti: “Changamire, tayeuka kuti munyengeri uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Pashure pemazuva matatu+ ndichamutswa.’ 64 Naizvozvo rayirai kuti guva richengetedzwe kusvikira pazuva rechitatu, kuti vadzidzi vake varege kumbouya vomuba+ voti kuvanhu, ‘Akamutswa kubva kuvakafa!’ uye unyengeri uhwu hwokupedzisira huchava hwakaipa kwazvo kupfuura hwokutanga.” 65 Pirato akati kwavari: “Imi mune varindi.+ Endai murichengetedze sokuziva kwamunoita.” 66 Naizvozvo vakaenda, vakaita kuti guva richengetedzwe nokunama dombo+ racho uye kuita kuti pave nevarindi.