Mateu
26 Zvino Jesu paakapedza mashoko aya ose, akati kuvadzidzi vake: 2 “Munoziva kuti mazuva maviri kubva zvino paseka ichaitika,+ uye Mwanakomana womunhu achaiswa kwavari kuti arovererwe.”+
3 Zvino vapristi vakuru nevarume vakuru vevanhu vakaungana muchivanze chomupristi mukuru ainzi Kayafasi,+ 4 vakarangana+ kuti vabate Jesu vachishandisa zano remanomano kuti vamuuraye. 5 Zvisinei, vakaramba vachiti: “Kwete pamutambo, kuti parege kumuka mheremhere pakati pevanhu.”+
6 Zvino Jesu paaiva muBhetani+ mumba maSimoni wemaperembudzi,+ 7 mumwe mukadzi akanga aine chinu chearabhasta chaiva nemafuta anonhuhwirira,+ anodhura kwazvo, akasvika kwaari, akatanga kuadira mumusoro make paakanga akatsenhama patafura. 8 Vadzidzi vachiona izvi vakatsamwa, vakati: “Nei mafuta aya apambadzwa kudai?+ 9 Nokuti aya angadai atengeswa nemari zhinji uye yapiwa varombo.”+ 10 Achiziva izvi,+ Jesu akati kwavari: “Nei muchiedza kunetsa mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka.+ 11 Nokuti varombo munogara muinavo,+ asi hamusi kuzogara muineni.+ 12 Nokuti mukadzi uyu paaisa mafuta aya anonhuhwirira pamuviri wangu, azviita achigadzirira ini nokuda kwokuvigwa.+ 13 Chokwadi ndinoti kwamuri, Kwose kuchaparidzwa mashoko aya akanaka munyika yose, zvaitwa nomukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”+
14 Zvino mumwe wevane gumi nevaviri, ainzi Judhasi Iskariyoti,+ akaenda kuvapristi vakuru, 15 akati: “Muchandipei kuti ndimutengese kwamuri?”+ Ivo vakamutemera masirivha makumi matatu.+ 16 Naizvozvo kubvira panguva iyoyo akaramba achitsvaka mukana wakanaka wokumutengesa.+
17 Pazuva rokutanga remakeke asina kuviriswa+ vadzidzi vakauya kuna Jesu, vachiti: “Munoda kuti tikugadzirirei kupi kuti mudye paseka?”+ 18 Iye akati: “Pindai muguta kuna Nhingi+ muti kwaari, Mudzidzisi ati, ‘Nguva yangu yakatarwa yava pedyo; ndichachengetera paseka pamba pako nevadzidzi vangu.’”+ 19 Zvino vadzidzi vakaita sezvavakarayirwa naJesu, vakagadzirira zvinhu nokuda kwepaseka.+
20 Zvino, paakanga ava manheru,+ akanga akatsenhama patafura nevadzidzi gumi nevaviri.+ 21 Pavakanga vachidya, akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Mumwe wenyu achanditengesa.”+ 22 Vashungurudzwa kwazvo neizvi, mumwe nomumwe wavo akatanga kuti kwaari: “Ishe, ndini here?”+ 23 Achipindura, iye akati: “Iye ari kuseva neni mundiro ndiye achanditengesa.+ 24 Chokwadi, Mwanakomana womunhu ari kuenda, sokunyorwa kwazvakaitwa+ pamusoro pake, asi ane nhamo+ munhu iyeye anotengesa Mwanakomana womunhu!+ Zvaizova zvakamunakira kwazvo kudai munhu iyeye akanga asina kuberekwa.” 25 Judhasi akanga ava kuda kumutengesa, achipindura, akati: “Ndini here, Rabhi?” Iye akati kwaari: “Iwe ndiwe wazvitaura.”
26 Zvavakaramba vachidya, Jesu akatora chingwa+ uye, akumbira chikomborero, akachimedura+ uye, achichipa vadzidzi, akati: “Torai, mudye. Ichi chinomirira muviri wangu.”+ 27 Uyewo, akatora kapu+ uye aonga, akaipa kwavari, achiti: “Inwai, imi mose;+ 28 nokuti iyi inomirira+ ‘ropa rangu+ resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ nokuda kwokukanganwirwa zvivi.+ 29 Asi ndinokuudzai kuti, Handichazombonwizve zvibereko izvi zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iroro pandichazvinwa nemi zvava zvitsva muumambo hwaBaba vangu.”+ 30 Pakupedzisira, pashure pokunge vaimba nziyo dzokurumbidza,+ vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.+
31 Zvino Jesu akati kwavari: “Imi mose muchagumburwa nezvichaitika kwandiri usiku huno, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achapararira kwose.’+ 32 Asi kana ndamutswa, ndichafanoenda kuGarireya.”+ 33 Asi Petro, achipindura, akati kwaari: “Kunyange zvazvo vamwe vose vakagumburwa nezvichaitika kwamuri, ini handizombogumburwi!”+ 34 Jesu akati kwaari: “Chokwadi ndinoti kwauri, Usiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+ 35 Petro akati kwaari: “Kunyange kana ndichifanira kufa nemi, handizombokurambii.” Vamwe vadzidzi vose vakataurawo zvakafanana.+
36 Zvino Jesu akasvika navo panzvimbo+ inonzi Getsemane, akati kuvadzidzi vacho: “Garai pano ini ndiende uko kunonyengetera.”+ 37 Zvino achienda naPetro nevanakomana vaviri+ vaZebhedhi, akatanga kushungurudzika uye kunetseka kwazvo.+ 38 Akabva ati kwavari: “Mweya wangu uri kushungurudzwa kwazvo, zvokufa.+ Garai pano murambe makarinda neni.”+ 39 Achienda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake, achinyengetera+ achiti: “Baba vangu, kana zvichibvira, kapu iyi+ ngaindipfuure. Zvisinei, kwete sokuda kwangu,+ asi sokuda kwenyu.”+
40 Zvino akadzoka kuvadzidzi, akavawana vachirara, akati kuna Petro: “Nhai, maisagona kurinda neni kunyange kweawa imwe chete here?+ 41 Rambai makarinda+ murambe muchinyengetera,+ kuti murege kupinda mumuedzo.+ Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”+ 42 Akaendazve, kechipiri,+ akanyengetera, achiti: “Baba vangu, kana zvisingabviri kuti ipfuure kunze kwokuti ndinwire mairi, kuda kwenyu ngakuitwe.”+ 43 Akadzokazve akavawana vachirara, nokuti maziso avo akanga orema.+ 44 Naizvozvo achivasiya, akaendazve, akanyengetera kechitatu,+ achitaurazve shoko rakafanana. 45 Akabva adzoka kuvadzidzi akati kwavari: “Panguva yakaita seino muri kurara muchizorora henyu! Tarirai! Awa yaswedera pedyo yokuti Mwanakomana womunhu atengeswe mumaoko evatadzi.+ 46 Simukai, handei. Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.”+ 47 Achiri kutaura, tarira! Judhasi,+ mumwe wevane gumi nevaviri, akauya aine boka guru revanhu raiva nemapakatwa+ netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru nevarume vakuru vevanhu.+
48 Zvino mutengesi wake akanga avapa chiratidzo, achiti: “Wandichatsvoda, ndiye; musungei.”+ 49 Achinanga kuna Jesu akati: “Kwaziwai, Rabhi!”+ uye akamutsvoda+ zvinyoronyoro. 50 Asi Jesu+ akati kwaari: “Shamwari, wavingei?” Ivo vakabva vauya, vakabata Jesu, vakamusunga.+ 51 Asi, tarira! mumwe wevaya vakanga vaina Jesu akatambanudza ruoko rwake, akavhomora bakatwa rake, akatema muranda womupristi mukuru, akabvisa nzeve yake.+ 52 Jesu akabva ati kwaari: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro,+ nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.+ 53 Kana kuti unofunga kuti handigoni here kukumbira Baba vangu kuti vandipe panguva ino mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri?+ 54 Saka, Magwaro aizozadzika sei okuti zvinofanira kuitika saizvozvi?” 55 Muawa iyoyo Jesu akati kumapoka acho evanhu: “Mauya nemapakatwa netsvimbo semuri kurwisana negororo kuti muzondisunga here?+ Zuva nezuva ndaigara mutemberi+ ndichidzidzisa, asi hamuna kundisunga. 56 Asi izvi zvose zvaitika kuti magwaro evaprofita azadzike.”+ Vadzidzi vose vakabva vamusiya, vakatiza.+
57 Vaya vakasunga Jesu vakaenda naye kumupristi mukuru Kayafasi,+ kwakanga kwakaungana vanyori nevarume vakuru.+ 58 Asi Petro akaramba achimutevera ari kure zvishoma, kusvikira pachivanze+ chomupristi mukuru, uye apinda mukati, akanga agere nevashandi vepamba kuti aone kuti zvaizoguma sei.+
59 Munguva iyoyi vapristi vakuru neSanihedrini yose vakanga vachitsvaka uchapupu hwenhema hwokupomera Jesu kuti vamuuraye,+ 60 asi hapana hwavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvizhinji zvenhema zvakauya.+ Gare gare zviviri zvakauya, 61 zvikati: “Munhu uyu akati, ‘Ndinokwanisa kukoromora temberi yaMwari ndoivaka mumazuva matatu.’”+ 62 Naizvozvo mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: “Hauna mhinduro here? Unoti chii nezvavari kukupomera?”+ 63 Asi Jesu akaramba akanyarara.+ Naizvozvo mupristi mukuru akati kwaari: “Ndinoita kuti upike+ naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri Kristu+ Mwanakomana waMwari!” 64 Jesu akati+ kwaari: “Iwe ndiwe wazvitaura.+ Asi ndinoti kwamuri, Kubvira zvino+ muchaona Mwanakomana womunhu+ agere kuruoko rworudyi+ rwesimba achiuya ari pamusoro pemakore okudenga.”+ 65 Mupristi mukuru akabva abvarura nguo dzake dzokunze, achiti: “Amhura!+ Tichadireizve zvapupu?+ Onai! Zvino manzwa kumhura kwacho.+ 66 Munofungei?” Ivo vakapindura kuti: “Anofanira kufa.”+ 67 Vakabva vamupfira mate kuchiso,+ vakamurova+ nezvibhakera. Vamwe vakamurova nembama kuchiso,+ 68 vachiti: “Iwe Kristu, tiprofitire.+ Ndiani akurova?”+
69 Zvino Petro akanga agere panze muchivanze; uye mumwe mushandikadzi akauya kwaari, achiti: “Newewo wakanga uina Jesu wokuGarireya!”+ 70 Asi iye akaramba pamberi pavo vose, achiti: “Handizivi zvauri kutaura.” 71 Pashure pokunge aenda kukamba kepagedhi, mumwe musikana akamuziva akati kune vakanga varipo: “Murume uyu akanga aina Jesu wokuNazareta.”+ 72 Iye akarambazve, achipika, achiti: “Munhu wacho handimuzivi!”+ 73 Pashure penguva duku vakanga vakamira ipapo vakauya vakati kuna Petro: “Chokwadi iwewo uri mumwe wavo, nokuti chokwadi, matauriro ako anokubatisa.”+ 74 Iye akabva atanga kutuka achipika, achiti: “Ini munhu wacho handimuzivi!” Zvino jongwe rakabva rarira.+ 75 Petro akayeuka mashoko akataurwa naJesu, okuti: “Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+ Uye akabuda panze akasvimha misodzi kwazvo.+