Tsamba Yekutanga kuvaKorinde
9 Handina kusununguka here? Handisi muapostora here? Handina kuona Jesu Ishe wedu here?+ Ko imi hamusi basa rangu munaShe here? 2 Kunyange kana ndisiri muapostora kune vamwe, kwamuri zvechokwadi ndiri muapostora! Nekuti imi ndimi chisimbiso* chinosimbisa kuva kwangu muapostora munaShe.
3 Mashoko angu ekuzvipupurira kune vaya vanondiongorora ndeaya: 4 Hatina kodzero yekudya nekunwa here? 5 Hatinawo kodzero yekufamba nemudzimai anotenda here,+ sezvinoita vamwe vaapostora vese nevanin’ina vaShe+ naKefasi?*+ 6 Kana kuti ini naBhanabhasi+ ndisu chete tisinawo kodzero yekurega kuita basa rekuzviriritira here? 7 Pane murwi angashanda asingabhadharwi here? Pane angadyara munda wemizambiringa orega kuzodya mazambiringa acho here?+ Kana kuti pane angafudza zvipfuwo orega kunwawo mukaka wacho here?
8 Ndiri kutaura zvandiri kungofungawo semunhu here? Mutemo hautauriwo izvozvo here? 9 Nekuti Mutemo waMozisi unoti: “Usasunga muromo wenzombe* painenge ichipura zviyo.”+ Ko Mwari ari kuva nehanya nenzombe here? 10 Hakusi kuti ari kutozvitaurira isu here? Zvakatonyorerwa isu, nekuti munhu anorima uye munhu anopura anofanira kudaro aine tariro yekuzowanawo mugove wake.
11 Kana takadyara zvinhu zvemweya pakati penyu, pane chakaipa here kana tikazokohwa zvinhu zvinotitsigira pakurarama kubva kwamuri?+ 12 Kana vamwe vanhu vaine kodzero iyi pamuri, ko isu hatina kodzero inotopfuura yavo here? Kunyange zvakadaro, hatina kushandisa kodzero iyi,+ asi tiri kutsungirira zvinhu zvese, kuti tisambokanganisa mashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 13 Hamuzivi here kuti vanhu vanoita mabasa matsvene vanodya zvinhu zvepatemberi, uye vaya vanogara vachishumira paatari vanodyawo zviri paatari?+ 14 Saka Ishe akarayirawo vaya vanozivisa mashoko akanaka kuti vararame nemashoko akanaka.+
15 Asi zvese izvi handina kumbozvishandisa.+ Hakusi kuti ndiri kunyora zvinhu izvi kuti ndizviitirwe, nekuti zviri nani kuti ndife pane kuti—hapana munhu anogona kumboramba zvandiri kuzvirumbidza nazvo!+ 16 Saka kana ndiri kuzivisa mashoko akanaka, hachisi chikonzero chekuti ndizvirumbidze, nekuti ndinofanira kuzviita. Chokwadi ndechekuti ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!+ 17 Kana ndichiita izvi ndichida, ndine mubayiro; asi kunyange kana ndikazviita ndisingadi, ndine utariri hwandakapiwa.+ 18 Saka mubayiro wangu ndewei? Kuti pandinozivisa mashoko akanaka, ndizivise mashoko akanaka ndisingabhadharisi, kuti ndisashandisa simba rangu* zvisiri izvo pakuzivisa mashoko akanaka.
19 Kunyange zvazvo ndakasununguka kuvanhu vese, ndakazviita muranda wevanhu vese, kuti ndiwane vanhu vakawanda. 20 KuvaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane vaJudha;+ kune vaya vari pasi pemutemo ndakava semunhu ari pasi pemutemo, kunyange zvazvo ini ndisiri pasi pemutemo, kuti ndiwane vaya vari pasi pemutemo.+ 21 Kune vaya vasina mutemo ndakava semunhu asina mutemo, kunyange zvazvo ndisiri munhu asina mutemo kuna Mwari asi ari pasi pemutemo kuna Kristu,+ kuti ndiwane vaya vasina mutemo. 22 Kune vasina simba ndakava munhu asina simba,+ kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvese kuvanhu vakasiyana-siyana, kuti ndiponese vamwe nenzira dzese dzandaikwanisa. 23 Asi ndinoita zvinhu zvese nekuda kwemashoko akanaka, kuti ndiazivise vamwe.+
24 Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vese, asi mumwe chete ndiye anowana mubayiro? Mhanyai zvinoita kuti muuwane.+ 25 Munhu wese anopinda mumakwikwi* anozvidzora muzvinhu zvese. Zvino ivo vanozviitira kuti vawane korona inoparara,+ asi isu isingaparari.+ 26 Saka mamhanyiro andiri kuita haasi emunhu asina chinangwa;+ makandiro andiri kuita zvibhakera ndeekuti ndisarova mhepo; 27 asi ndinorwadzisa* muviri wangu+ ndichiuita semuranda, kuti pashure pekunge ndaparidzira vamwe, ini wacho ndirege kuzova asingakodzeri.*