Johani
8 Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi. 2 Zvisinei, ava mambakwedza, iye akaenda kutemberi, uye vanhu vose vakatanga kuuya kwaari, uye akagara pasi, akatanga kuvadzidzisa. 3 Zvino vanyori nevaFarisi vakauya nomukadzi akabatwa achiita upombwe, uye, pashure pokunge vamumisa pakati pavo, 4 vakati kwaari: “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe. 5 MuMutemo Mosesi akatirayira kutema nematombo vakadzi vorudzi urwu. Imi, munoti kudini?” 6 Chokwadi, vakanga vachitaura izvi kuti vamuedze, kuti vave nechimwe chinhu chokumupomera. Asi Jesu akakotama, akatanga kunyora pasi nomunwe wake. 7 Pavakaramba vachimubvunza, akatwasuka, akati kwavari: “Mumwe wenyu asina chivi ngaave wokutanga kumutema nedombo.” 8 Achikotamazve akaramba achinyora pasi. 9 Asi vaya vakanzwa izvi vakatanga kubuda panze, mumwe nomumwe, kutanga nevarume vakuru, uye akasara ari oga, nomukadzi akanga ari pakati pavo. 10 Achitwasuka, Jesu akati kwaari: “Iwe mukadzi, vari kupi? Hapana akupa mhosva here?” 11 Iye akati: “Hapana, changamire.” Jesu akati: “Neniwo handikupi mhosva. Enda hako; kubvira zvino usava netsika yokuita chivi.”
12 Naizvozvo Jesu akataurazve navo, achiti: “Ndini chiedza+ chenyika. Anonditevera haazombofambi murima,+ asi achava nechiedza choupenyu.” 13 Nokudaro vaFarisi vakati kwaari: “Unozvipupurira; kupupurira kwako hakusi kwechokwadi.” 14 Achipindura, Jesu akati kwavari: “Kunyange kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu+ ndokwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva nokwandiri kuenda.+ Asi imi hamuzivi kwandakabva nokwandiri kuenda. 15 Munotonga maererano nenyama;+ ini handimbotongi chero munhu upi zvake.+ 16 Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi, nokuti handisi ndoga, asi Baba vakandituma vaneni.+ 17 Uyewo, muMutemo wenyu makanyorwa kuti, ‘Uchapupu hwevanhu vaviri ndohwechokwadi.’+ 18 Ndini ndinozvipupurira, uye Baba vakandituma vanondipupurira.”+ 19 Naizvozvo vakati kwaari: “Baba vako vari kupi?” Jesu akapindura kuti: “Hapana wamunoziva, ini kunyange Baba vangu.+ Kudai maindiziva, maizozivawo Baba vangu.”+ 20 Akataura mashoko aya ari panzvimbo yaiiswa pfuma+ paaidzidzisa mutemberi. Asi hapana akamubata,+ nokuti awa yake+ yakanga isati yasvika.
21 Nokudaro akatizve kwavari: “Ndiri kuenda, muchanditsvaka,+ asi imi muchafira muchivi chenyu.+ Hamungauyi kwandiri kuenda.” 22 Naizvozvo vaJudha vakatanga kuti: “Asi achazviuraya? Nokuti ari kuti, ‘Hamungauyi kwandiri kuenda.’”+ 23 Naizvozvo iye akati kwavari: “Imi munobva munzvimbo dziri pasi; ini ndinobva kunzvimbo dziri kumusoro.+ Imi munobva munyika ino;+ ini handibvi munyika ino.+ 24 Naizvozvo ndati kwamuri, Muchafira muzvivi zvenyu.+ Nokuti kana musingatendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.”+ 25 Naizvozvo vakatanga kuti kwaari: “Ndiwe ani?” Jesu akati kwavari: “Ndiri kumbotaurirei nemi? 26 Ndine zvinhu zvizhinji zvokutaura pamusoro penyu uye zvokutonga pamusoro pazvo. Chokwadi, uya akandituma ndowechokwadi, uye ndiri kutaura munyika zvinhu chaizvo zvandakanzwa kwaari.”+ 27 Ivo havana kunzwisisa kuti akanga achitaura navo pamusoro paBaba. 28 Naizvozvo Jesu akati: “Pamunenge mangosimudza+ Mwanakomana womunhu,+ muchabva maziva kuti ndini iye,+ uye kuti handiiti chinhu chandinozvitangira ndoga;+ asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.+ 29 Iye akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.”+ 30 Sezvaaitaura zvinhu izvi, vazhinji vakatenda maari.+
31 Naizvozvo Jesu akati kuvaJudha vakanga vamutenda: “Kana mukaramba muri mushoko rangu,+ chokwadi muri vadzidzi vangu, 32 muchaziva chokwadi,+ uye chokwadi chichakusunungurai.”+ 33 Ivo vakamupindura kuti: “Tiri vana vaAbrahamu+ uye hatina kumbova varanda chero vomunhu upi zvake.+ Sei uchiti, ‘Muchasunungurwa’?” 34 Jesu akavapindura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose anoita chivi muranda wechivi.+ 35 Zvakare, muranda haarambi ari mumba nokusingaperi; asi mwanakomana anoramba aripo nokusingaperi.+ 36 Naizvozvo kana Mwanakomana akakusunungurai, chokwadi muchava vakasununguka.+ 37 Ndinoziva kuti muri vana vaAbrahamu; asi munotsvaka kundiuraya,+ nokuti shoko rangu harifambiri mberi pakati penyu.+ 38 Ndinotaura+ zvinhu zvandakaona kuna Baba+ vangu; imi, naizvozvo, itai zvinhu zvamakanzwa kuna baba venyu.” 39 Vachipindura ivo vakati kwaari: “Baba vedu ndiAbrahamu.”+ Jesu akati kwavari: “Kana muri vana vaAbrahamu,+ itai mabasa aAbrahamu. 40 Asi zvino munotsvaka kundiuraya, munhu akakuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari.+ Abrahamu haana kudaro.+ 41 Munoita mabasa ababa venyu.” Ivo vakati kwaari: “Hatina kuberekwa noufeve; tina Baba+ vamwe chete, iye Mwari.”
42 Jesu akati kwavari: “Kudai Mwari aiva Baba venyu, maizondida,+ nokuti ndakabva kuna Mwari uye ndiri pano.+ Uyewo handina kungozviuyira ndoga, asi Iyeye akandituma.+ 43 Nei musingazivi zvandiri kutaura? Nokuti hamugoni kuteerera shoko rangu.+ 44 Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi,+ uye munoda kuita zvinodiwa nababa venyu.+ Iye akanga ari muurayi paakatanga,+ uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.+ 45 Asi ini, zvandinotaura chokwadi, hamunditendi.+ 46 Ndiani wenyu anondipa mhosva yechivi?+ Kana ndichitaura chokwadi, nei musinganditendi? 47 Uya anobva kuna Mwari anoteerera mashoko aMwari.+ Ndokusaka musingateereri, nokuti hamubvi kuna Mwari.”+
48 Vachipindura, vaJudha vakati kwaari: “Hatitauri nomazvo here kuti, Iwe uri muSamariya+ uye une dhimoni?”+ 49 Jesu akapindura kuti: “Handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu,+ uye imi munondizvidza. 50 Asi handisi kuzvitsvakira kukudzwa;+ kune Uyo anotsvaka neanotonga.+ 51 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana munhu akachengeta shoko rangu, haazombooni rufu.”+ 52 VaJudha vakati kwaari: “Zvino tava kuziva kuti une dhimoni.+ Abrahamu akafa,+ uye ndizvo zvakaitawo vaprofita;+ asi iwe unoti, ‘Kana munhu akachengeta shoko rangu, haazombooni+ rufu.’ 53 Uri mukuru+ here kuna baba vedu Abrahamu, vakafa? Uyewo, vaprofita vakafa.+ Unozviti uri ani?” 54 Jesu akapindura kuti: “Kana ndikazvikudza, kuzvikudza kwangu hakusi chinhu. Baba vangu ndivo vanondikudza,+ ivo vamunoti ndiMwari wenyu; 55 asi hamusati mavaziva.+ Asi ini ndinovaziva.+ Kana ndikataura kuti handivazivi ndingava murevi wenhema kufanana nemi. Asi ini ndinovaziva uye ndiri kuchengeta shoko ravo.+ 56 Abrahamu baba venyu vakafara kwazvo vachitarisira kuona zuva rangu,+ uye vakariona, vakafara.”+ 57 Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: “Iwe hausati wava nemakore makumi mashanu, saka wakaona Abrahamu sei?” 58 Jesu akati kwavari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Abrahamu asati avapo, ini ndaivapo.”+ 59 Naizvozvo vakanhonga matombo kuti vamuteme nawo;+ asi Jesu akavanda, akabuda mutemberi.