Isaya
65 “Ndakabvuma kutsvagwa nevaya vasina kubvunza nezvangu;
Ndakabvuma kuwanikwa nevaya vasina kunditsvaga.+
Ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano!’ kurudzi rwakanga rusiri kudana zita rangu.+
2 Ndakaita zuva rese ndakatambanudzira maoko angu kuvanhu vakaoma musoro,+
Kune vaya vari kufamba munzira isina kunaka,+
Vachitevera pfungwa dzavo;+
3 Vanhu vanogara vachindigumbura ndakatarisa,+
Vanopa zvibayiro muminda,+ vachikwidza utsi hwezvibayiro pazvidhinha.
Vanhu ava utsi huri mumhino dzangu, moto uri kubvira zuva rese.
6 Inzwa! Zvakanyorwa pamberi pangu;
Handizorambi ndakamira,
Asi ndichavaranga,+
Ndichavaranga zvizere*
7 Nemhaka yekukanganisa kwavo uye kukanganisa kwemadzitateguru avo,”+ anodaro Jehovha.
“Vakakwidzira utsi hwezvibayiro mumakomo
Uye vakandizvidza muzvikomo,+
Saka ndichatanga ndayera mubayiro wavo uzere.”*
8 Zvanzi naJehovha:
“Sezvinoitika panowanika waini itsva musumbu remazambiringa
Mumwe munhu oti, ‘Usariparadza, nekuti pasumbu racho pane zvakanaka,’*
Ndizvo zvandichaitawo nekuda kwevashumiri vangu;
Handizopedzi vese ndichivaparadza.+
9 Ndichaita kuti kuna Jakobho kubve mwana*
Uye kuti kuna Judha kubve iye achagara nhaka makomo angu;+
Vaya vandakasarudza vachaitora kuti ive yavo,
Uye vashumiri vangu vachagara imomo.+
10 Sharoni+ ichava mafuro emakwai
Uye Bani reAkori+ nzvimbo yekuzororera yemombe,
Nekuda kwevanhu vangu vanonditsvaga.
11 Asi imi muri pakati pevaya vanosiya Jehovha,+
Vaya vanokanganwa gomo rangu dzvene,+
Vaya vanogadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura yezvekudya,
Uye vaya vanozadzira mwari Anosarudza Zvichaitika makapu ewaini yakavhenganiswa.
12 Saka ndichagara ndakusarudzirai bakatwa,+
Uye mese muchakotama kuti muurayiwe,+
Nekuti ndakashevedza, asi hamuna kupindura,
Ndakataura, asi hamuna kuteerera;+
Makaramba muchiita zvakaipa pamberi pangu,
Uye makasarudza zvinhu zvisina kundifadza.”+
13 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Inzwai! Vashumiri vangu vachadya, asi imi muchava nenzara.+
Inzwai! Vashumiri vangu vachanwa,+ asi imi muchava nenyota.
Inzwai! Vashumiri vangu vachapembera nemufaro,+ asi imi muchanyara.+
14 Inzwai! Vashumiri vangu vachashevedzera vachifara nekuti vanenge vakagadzikana mumwoyo,
Asi imi muchashevedzera nemhaka yekurwadziwa mumwoyo
Uye mucharidza mhere nemhaka yekushungurudzika.
15 Zita ramuchasara muchiyeukwa naro richashandiswa pakutuka nevaya vandakasarudza,
Uye Changamire Ishe Jehovha achauraya mumwe nemumwe wenyu,
Asi achashevedza vashumiri vake nerimwe zita;+
16 Kuti wese anotsvaga kukomborerwa panyika
Akomborerwe naMwari wechokwadi,*
Uye wese anoita mhiko panyika
Nekuti matambudziko ekare achakanganwika;
Achabviswa pamberi pangu.+
17 Nekuti inzwai! ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva;+
Uye zvinhu zvekare hazvizouyi mupfungwa,*
Uyewo hazvizouyi mumwoyo.+
18 Saka pemberai nemufaro, uye farai nekusingaperi pamusoro pezvandiri kusika.
Nekuti inzwai! ndiri kusika Jerusarema kuti rive chikonzero chekufara
Uye vanhu varo kuti vave chikonzero chekupembera nemufaro.+
19 Uye ndichafarira Jerusarema ndopembera nemufaro pamusoro pevanhu vangu;+
Mariri hamuzonzwikizve inzwi rekuchema kana kuchema kwevari kutambura.”+
20 “Munzvimbo iyoyo hamuzovizve nemucheche anongorarama mazuva mashoma,
Kana munhu akwegura anotadza kurarama mazuva ake ese.
Nekuti chero munhu achafa aine makore zana achangoonekwa semukomana,
Uye mutadzi achatukwa kunyange ava nemakore zana.*
22 Havazovaki kuti mumwe munhu agare,
Kana kudyara kuti mumwe munhu adye.
Nekuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva emuti,+
Uye vanhu vandakasarudza vachanyatsofadzwa nebasa remaoko avo.
23 Havazoshandi zvakaoma* pasina,+
Kana kubereka vana vachatambudzika,
Nekuti ivo vana* vakakomborerwa naJehovha,+
Pamwe chete nevazukuru vavo.+
24 Ndichapindura kunyange vasati vashevedzera;
Ndichanzwa vachiri kutaura.
Hazvizokuvadzi kana kuparadza mugomo rangu rese dzvene,”+ anodaro Jehovha.