Rwiyo rwaDhavhidhi.
א [Aleph]
37 Usarwadziwa nemhaka yevakaipa
Kana kuchiva vanhu vanoita zvakaipa.+
2 Vachakurumidza kuoma seuswa+
Uye vachasvava seuswa huchangomera hwakasvibirira.
ב [Beth]
3 Vimba naJehovha uye ita zvakanaka;+
Gara panyika, uye ita zvinhu wakatendeka.+
4 Wana mufaro mukuru muna Jehovha,
Uye iye achakupa zvinodiwa nemwoyo wako.
ג [Gimel]
5 Isa nzira yako pana Jehovha;+
Vimba naye, uye iye achagadzirisa zvinhu.+
6 Achaita kuti kururama kwako kupenye sechiedza chemangwanani,
Uye kutonga kwako zvakarurama kupenye sezuva remasikati.
ד [Daleth]
7 Ramba wakanyarara pamberi paJehovha,+
Umumirire uchitarisira nemufaro.
Usatsamwiswa nemunhu
Anobudirira pakuita zvinhu zvakaipa zvaakaronga.+
ה [He]
8 Rega kutsamwa, usiye hasha;+
Usashatirwa woita zvakaipa.
9 Nekuti vanhu vakaipa vachaparadzwa,+
Asi vaya vanotarisira kuna Jehovha vachagara nhaka yenyika.+
ו [Waw]
10 Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve;+
Uchatarisa pavaiva,
Asi vanenge vasisipo.+
11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika,+
Uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.+
ז [Zayin]
12 Munhu akaipa anorongera munhu akarurama zvakaipa;+
Anomurumanisira mazino.
13 Asi Jehovha achamuseka,
Nekuti anoziva kuti zuva rake richasvika.+
ח [Heth]
14 Vakaipa vanovhomora mapakatwa avo uye vanokunga uta hwavo
Kuti vawisire pasi vaya vanodzvinyirirwa uye varombo,
Kuti vauraye vaya vari munzira yakarurama.
15 Asi bakatwa ravo richaboora mwoyo yavo ivo vacho;+
Uta hwavo huchatyoka.
ט [Teth]
16 Zvishoma zvemunhu akarurama zviri nani
Pane zvakawanda zvevakaipa vazhinji.+
17 Nekuti maoko evakaipa achatyorwa,
Asi Jehovha achatsigira vakarurama.
י [Yod]
18 Jehovha anoziva zviri kusangana nevanhu vasina mhosva,
Uye nhaka yavo ichagara nekusingagumi.+
19 Havazonyadziswi panguva yedambudziko;
Panguva yenzara, vachange vaine zvekudya zvakawanda.
כ [Kaph]
20 Asi vakaipa vachaparara;+
Vavengi vaJehovha vachanyangarika semafuro akanaka;
Vachanyangarika seutsi.
ל [Lamed]
21 Munhu akaipa anokwereta asingadzoreri,
Asi munhu akarurama anonzwira nyasha uye anopa.+
22 Vaya vanokomborerwa naMwari vachagara nhaka yenyika,
Asi vaya vanotukwa naye vachaparadzwa.+
מ [Mem]
23 Jehovha anotungamirira nhanho dzemunhu+
Kana afarira nzira yemunhu iyeye.+
24 Kunyange angadonha, haaiti zvekuwisirwa pasi,+
Nekuti Jehovha anomutsigira neruoko rwake.+
נ [Nun]
25 Ndaimbova mudiki asi iye zvino ndakwegura.
Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa,+
Kana vana vake vachitsvaga zvekudya.+
26 Haanyimi chikwereti,+
Uye vana vake vachakomborerwa.
ס [Samekh]
27 Rega zvakaipa uite zvakanaka,+
Uye ucharamba uripo nekusingaperi.
28 Nekuti Jehovha anoda kutonga zvakarurama,
Uye haazosiyi vanhu vake vakavimbika.+
ע [Ayin]
Vacharamba vakachengetedzwa;+
Asi vana vevanhu vakaipa vachaparadzwa.+
29 Vakarurama vachagara nhaka yenyika,+
Uye vachagara mairi nekusingaperi.+
פ [Pe]
30 Muromo wemunhu akarurama unopa uchenjeri,
Uye rurimi rwake runotaura nezvekururama.+
31 Mutemo waMwari wake uri mumwoyo make;+
Tsoka dzake hadzizotsvedzi.+
צ [Tsade]
32 Munhu akaipa anotarisa munhu akarurama,
Achitsvaga kumuuraya.
33 Asi Jehovha haazomuisi mumaoko emunhu iyeye+
Kana kumuwana aine mhosva paanotongwa.+
ק [Qoph]
34 Tarisira kuna Jehovha wotevera nzira yake,
Uye iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika.
Vakaipa pavanoparadzwa,+ iwe uchazviona.+
ר [Resh]
35 Ndakaona munhu ane utsinye, akaipa,
Achitandavara semuti wakasvibirira uri muvhu rawo.+
36 Asi iye akangoerekana afa uye akanga asisipo;+
Ndakaramba ndichimutsvaga, asi akanga asingachawaniki.+
ש [Shin]
37 Cherechedza munhu asina chaanopomerwa,
Uye ramba wakatarisa munhu akarurama,+
Nekuti ramangwana remunhu iyeye rine rugare.+
38 Asi vatadzi vese vachaparadzwa;
Ramangwana revakaipa richagumiswa.+
ת [Taw]
39 Ruponeso rwevakarurama runobva kuna Jehovha;+
Ndiye nhare yavo munguva yekutambudzika.+
40 Jehovha achavabatsira, ovanunura.+
Achavanunura pavanhu vakaipa, ovaponesa,
Nekuti vanopotera kwaari.+