Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani
13 Jesu akaziva mutambo wePaseka usati wasvika kuti nguva yake yakanga yakwana+ yekuti abve munyika ino aende kuna Baba.+ Sezvo aida vake vaiva panyika, akaramba achivada kusvikira pamugumo.+ 2 Pavaidya zvekudya zvemanheru, Dhiyabhorosi akanga atoisa pfungwa yekumutengesa mumwoyo maJudhasi Iskariyoti,+ mwanakomana waSimoni.+ 3 Jesu aiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvese mumaoko ake uye kuti akabva kuna Mwari uye kuti aienda kuna Mwari,+ 4 saka akasimuka pavaidya, akabvisa nguo dzake dzekunze. Akatora jira, akarimonera* muchiuno make.+ 5 Akabva aisa mvura mumudziyo wekugezera, akatanga kugeza tsoka dzevadzidzi achidzipukuta nejira raakanga akamonera* muchiuno. 6 Akabva asvika pana Simoni Petro. Iye akati kwaari: “Ishe, muri kuda kugeza tsoka dzangu here?” 7 Jesu akamupindura kuti: “Zvandiri kuita hausi kuzvinzwisisa iye zvino, asi kana zvapfuura uchazozvinzwisisa.” 8 Petro akati kwaari: “Hazvitomboiti kuti mugeze tsoka dzangu.” Jesu akamupindura kuti: “Kana ndikasakugeza,+ hauna mugove neni.” 9 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, musageza tsoka dzangu chete. Chibvai magezawo maoko angu nemusoro.” 10 Jesu akati kwaari: “Munhu anenge akageza muviri anofanira kugezwa tsoka chete, nekuti muviri wese wakachena. Imi makachena, asi kwete mese.” 11 Nekuti aiziva munhu ari kumutengesa.+ Ndokusaka akati: “Hamusi mese makachena.”
12 Paakanga ageza tsoka dzavo, apfeka nguo dzake dzekunze, uye agara zvakare patafura, akati kwavari: “Manzwisisa here zvandakuitirai? 13 Munonditi, ‘Mudzidzisi’ uye ‘Ishe,’ uye ndizvozvo chaizvo, nekuti ndizvo zvandiri.+ 14 Saka kana ini, Ishe uye Mudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu,+ nemiwo munofanira kugezana tsoka.+ 15 Nekuti ndakuratidzai muenzaniso, kuti zvandakuitirai, muitewo saizvozvo.+ 16 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye anotumwa haasi mukuru kune akamutuma. 17 Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.+ 18 Handisi kutaura pamusoro penyu mese; ndinoziva vandakasarudza. Asi izvi zviri kuitika kuti rugwaro ruzadziswe+ runoti: ‘Uya aidya chingwa changu, andisimudzira chitsitsinho chake.’*+ 19 Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuti pazvinozoitika mutende kuti ndini wacho.+ 20 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, wese anogamuchira munhu wandinotuma anondigamuchirawo,+ uye wese anondigamuchira anogamuchirawo akandituma.”+
21 Pashure pekutaura izvi, Jesu akashungurudzika, uye akapupura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achanditengesa.”+ 22 Vadzidzi vakatanga kutarisana, vachishaya kuti akanga achireva ani.+ 23 Mumwe wevadzidzi aidiwa naJesu+ akanga akagara pedyo naJesu.* 24 Simoni Petro akabva anongedza nemusoro kwaari, akati: “Tiudze kuti ari kutaura nezvaani.” 25 Saka mudzidzi wacho akazendamira pachipfuva chaJesu, akati kwaari: “Ishe, ndiani?”+ 26 Jesu akapindura kuti: “Ndeuyo wandichapa chimedu chechingwa chandinoseva.”+ Saka akaseva chingwa chacho, akachipa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskariyoti. 27 Judhasi paakanga atora chingwa chacho, Satani akabva apinda maari.+ Saka Jesu akati kwaari: “Kurumidza kuita zvauri kuita.” 28 Asi vamwe vese vakanga vakagara patafura havana kuziva kuti akazvitaurirei kwaari. 29 Vamwe vaitofunga kuti sezvo Judhasi ari iye aichengeta bhokisi remari,+ Jesu akanga achimuudza kuti, “Tenga zvinhu zvatinoda kushandisa pamutambo,” kana kuti aifanira kupa varombo chimwe chinhu. 30 Saka paakatambira chingwa chacho akabva abuda pakarepo. Uye hwaiva usiku.+
31 Saka paakanga aenda, Jesu akati: “Iye zvino Mwanakomana wemunhu ava kukudzwa,+ uye ava kuita kuti Mwari akudzwe. 32 Mwari pachake achamukudza,+ uye achamukudza pakarepo. 33 Vana,* ndasarirwa nenguva shomanana ndiinemi. Muchanditsvaga; uye sezvandakataura kuvaJudha kuti, ‘Hamukwanisi kuuya kwandiri kuenda,’+ ndinozvitaurawo kwamuri iye zvino. 34 Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita,+ imiwo dananai.+ 35 Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”+
36 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, muri kuenda kupi?” Jesu akapindura kuti: “Kwandiri kuenda haukwanisi kunditevera iye zvino, asi uchatevera gare gare.”+ 37 Petro akati kwaari: “Ishe, nei ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichapa upenyu hwangu* nekuda kwenyu.”+ 38 Jesu akapindura kuti: “Une chokwadi here kuti uchapa upenyu hwako* nekuda kwangu? Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+