Isaya
53 Ndiani akatenda chinhu chatakanzwa?+ Kana ruri ruoko rwaJehovha,+ rwakaratidzwa kuna ani?+ 2 Achabuda sedavi+ pamberi pake, uye somudzi munyika isina mvura. Haana chimiro kwacho, kana kuti kubwinya chero kupi zvako;+ uye patichazomuona, chitarisiko chacho chinenge chisipo kuti timude.+
3 Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu,+ iye munhu akaitirwa marwadzo uye kuziva zvirwere.+ Zvakaita sokuti akativanzira chiso chake.+ Akazvidzwa, uye takamuita asingakoshi.+ 4 Chokwadi iye akatakura urwere hwedu;+ uye akatakurawo marwadzo edu.+ Asi isu takamuona seakatambudzwa,+ akarohwa naMwari+ uye akarwadziswa.+ 5 Asi iye akanga achibayiwa+ nokuda kwokudarika kwedu;+ akanga achipwanyiwa nokuda kwokukanganisa kwedu.+ Kuranga kwakaitirwa rugare rwedu kwakanga kuri paari,+ uye tave tichiporeswa+ nokuda kwemaronda+ ake. 6 Isu tose takadzungaira semakwai;+ mumwe nomumwe akatsaukira kunzira yake; uye Jehovha aita kuti kukanganisa kwedu tose kuve pana iyeye.+ 7 Akamanikidzwa kwazvo,+ uye akabvuma kutambudzwa;+ asi iye aisashama muromo wake. Akaunzwa kuzourayiwa sezvinoitwa gwai;+ uye iyewo aisashama muromo wake senhunzvi yegwai yakanyarara pamberi pevaveuri vayo.+
8 Akabviswa nokuda kwokudziviswa uye nokuda kwokutongwa;+ ndiani achafunga nezvemashoko echizvarwa chake?+ Nokuti iye akabviswa+ panyika yevapenyu.+ Akarohwa+ nokuda kwokudarika+ kwevanhu vangu. 9 Achaita kuti guva rake rive pamwe chete nevakaipa,+ uye achava pamwe chete nevapfumi pakufa kwake,+ pasinei nokuti akanga asina kuita zvechisimba+ uye mumuromo make makanga musina unyengeri.+
10 Asi Jehovha akafarira kumupwanya;+ akamurwarisa.+ Kana mukagadzirira mweya wake kuti chive chinopiwa chemhosva,+ iye achaona vana vake,+ achawedzera mazuva ake,+ uye zvinofarirwa+ naJehovha zvichabudirira muruoko rwake.+ 11 Nokuda kwokunetseka kwomweya wake iye achaona,+ achagutswa.+ Nokuziva kwake munhu akarurama, mushumiri wangu,+ achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama;+ uye achava nemhosva yokukanganisa kwavo.+ 12 Nokuda kwaizvozvo ndichamupa mugove pamwe chete nevakawanda,+ achagovana zvakapambwa nevane simba,+ nokuti akadurura mweya wake kusvikira parufu chaipo,+ akaverengwa pamwe chete nevadariki;+ uye akatakura chivi chevanhu vakawanda,+ uye akareverera vadariki.+