1 Johani
2 Vana vangu vaduku, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza.+ Asi, kana munhu akatadza, tine mubatsiri+ ari kuna Baba, iye Jesu Kristu, akarurama.+ 2 Iye chibayiro+ chokuyananisira+ zvivi zvedu,+ kwete zvedu+ chete asiwo zvenyika yose.+ 3 Neizvi tinoziva kuti tasvika pakumuziva, ndokunge taramba tichichengeta mirayiro yake.+ 4 Uyo anoti: “Ndasvika pakumuziva,”+ asi asingachengeti mirayiro yake,+ murevi wenhema, uye chokwadi hachisi mumunhu uyu.+ 5 Asi munhu wose anochengeta shoko rake,+ chokwadi kuda Mwari kwakaitwa kwakakwana mumunhu uyu.+ Neizvi tinoziva kuti tiri pamwe naye.+ 6 Uyo anoti anoramba ari pamwe+ naye anosungirwawo kuti iye arambe achifamba sokufamba kwakaita iyeye.+
7 Vadiwa, handisi kukunyorerai murayiro mutsva, asi murayiro wekare+ wamange muinawo kubvira pakutanga.+ Uyu murayiro wekare ndiro shoko ramakanzwa. 8 Zvakare, ndiri kukunyorerai murayiro mutsva, chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri, nokuti rima+ riri kupfuura uye chiedza+ chechokwadi chava kutopenya.
9 Uyo anoti ari muchiedza asi achivenga+ hama yake ari murima kusvikira iye zvino.+ 10 Uyo anoda hama yake anoramba ari muchiedza,+ uye haana chikonzero chokugumbuka.+ 11 Asi uyo anovenga hama yake ari murima, ari kufamba murima,+ uye haazivi kwaari kuenda,+ nokuti rima rapofumadza maziso ake.
12 Vana vaduku, ndiri kukunyorerai, nokuti makakanganwirwa zvivi zvenyu nokuda kwezita rake.+ 13 Imi vanababa, ndiri kukunyorerai, nokuti masvika pakuziva iye ave aripo kubvira pakutanga.+ Imi majaya,+ ndiri kukunyorerai nokuti makakunda akaipa.+ Imi vana vaduku,+ ndinokunyorerai, nokuti masvika pakuziva Baba.+ 14 Imi vanababa,+ ndinokunyorerai, nokuti masvika pakuziva iye ave aripo kubvira pakutanga.+ Imi majaya, ndinokunyorerai, nokuti makasimba+ uye shoko raMwari rinoramba riri mamuri+ uye makakunda akaipa.+
15 Musada nyika kana zvinhu zviri munyika.+ Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari;+ 16 nokuti zvinhu zvose zviri munyika+—kuchiva kwenyama+ nokuchiva kwemaziso+ nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu+—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.+ 17 Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo,+ asi uyo anoita kuda+ kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.+
18 Vana vaduku, iawa yokupedzisira,+ uye, sokunzwa kwamakaita kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya,+ kunyange zvino kwazova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji;+ muna izvozvi tinoziva kuti iawa yokupedzisira. 19 Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu;+ nokuti kudai vakanga vari vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pamwe chete nesu.+ Asi vakabva kuti zviratidzwe kuti havasi vose vari vedu.+ 20 Mune kuzodzwa kunobva kuna iye mutsvene;+ imi mose mune zivo.+ 21 Handikunyorerei nokuti hamuzivi chokwadi,+ asi nokuti munochiziva,+ uye nokuti hapana nhema dzinobva muchokwadi.+
22 Murevi wenhema ndiani kana asiri uya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu?+ Uyu ndiye munhu anopesana naKristu,+ uyo anoramba Baba noMwanakomana.+ 23 Munhu wose anoramba Mwanakomana haasi pamwe naBaba.+ Uyo anobvuma+ Mwanakomana ari pamwe naBaba.+ 24 Kana muri imi, zvamakanzwa kubvira pakutanga ngazvirambe zviri mamuri.+ Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri, muchagarawo pamwe+ noMwanakomana uye muri pamwe naBaba.+ 25 Uyezve, ichi ndicho chinhu chakapikirwa chaakatipikira iye pachake, ihwo upenyu husingaperi.+
26 Ndinokunyorerai zvinhu izvi pamusoro pevaya vari kuedza kukutsausai.+ 27 Kana muri imi, kuzodzwa+ kwamakagamuchira kubva kwaari kunoramba kuri mamuri, uye hamufaniri henyu kudzidziswa nomumwe munhu;+ asi, kuzodza kwake zvakuri kukudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose,+ zvakuri kwechokwadi+ uye zvakusiri kwenhema, uye zvakwakakudzidzisai, rambai muri pamwe+ naye. 28 Naizvozvo zvino, vana vaduku,+ rambai muri pamwe+ naye, kuti paanoratidzwa pachena+ tive norusununguko rwokutaura+ uye tirege kunyara naye pakuvapo kwake.+ 29 Kana muchiziva kuti iye akarurama,+ munoziva kuti munhu wose anoita zvakarurama akaberekwa naye.+