RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 115:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  5 Zvine muromo, asi hazvigoni kutaura;+

      Zvine maziso, asi hazvigoni kuona;+

  • Pisarema 135:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Zvine muromo, asi hazvigoni kutaura;+

      Zvine maziso, asi hazvigoni kuona;+

  • Isaya 44:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Havasati vaziva,+ uyewo havanzwisisi,+ nokuti maziso avo akanamwa kuti varege kuona,+ uye mwoyo yavo kuti varege kuva nenjere.+

  • Isaya 45:20
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 20 “Unganai muuye.+ Swederai pedyo pamwe chete, imi vapukunyuki vanobva kumarudzi.+ Vaya vari kutakura danda romufananidzo wavo wakavezwa havana kuziva, nevaya vari kunyengetera kuna mwari asingagoni kuponesa.+

  • Jeremiya 10:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 Mifananidzo yacho yakafanana nedukununu romumunda wemagaka, uye haigoni kutaura.+ Chokwadi inotakurwa, nokuti haigoni kufamba.+ Musaitya, nokuti haigoni kuita chinhu chinotambudza uyezve, haigoni kuita chero chinhu chipi zvacho chakanaka.”+

  • Dhanieri 5:23
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 23 Asi makazvikwidziridza kuna Ishe wokumatenga,+ uye vatouya pamberi penyu nemidziyo yeimba yake;+ uye imi nemakurukota enyu, varongo venyu nemamwe madzimai enyu mave muchinwira mairi, marumbidza vanamwariwo zvavo vesirivha nevendarama, mhangura, simbi, matanda nematombo,+ vasingaoni chinhu kana kunzwa chinhu kana kuziva chinhu;+ asi hamuna kukudza+ Mwari ane mhepo yenyu yokufema+ muruoko rwake uye ane nzira dzenyu dzose.+

  • Habhakuki 2:18
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 18 Mufananidzo wakavezwa wave uchibatsirei,+ iwo zvawakavezwa nomugadziri wawo, mufananidzo wakagadzirwa nesimbi yakanyungudutswa, uye murayiridzi wenhema?+ mugadziri wawo zvaakavimba nawo,+ zvokuti akagadzira vanamwari vasina zvavanobatsira vasingatauri?+

  • 1 VaKorinde 8:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Zvino pamusoro pokudya+ zvokudya zvakapirwa kuzvidhori, tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu+ munyika, uye kuti hapana mumwe Mwari kunze kwomumwe chete.+

  • 1 VaKorinde 10:19
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 19 Saka, ndichatii? Kuti chinobayirwa kuchidhori chinhu here, kana chidhori chinhu here?+

  • 1 VaKorinde 12:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 Munoziva kuti pamaiva vanhu vemamwe marudzi,+ maitungamirirwa kunonamata zvidhori+ izvozvo zvisingatauri+ sokutungamirirwa kwamaiitwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe