Mako
14 Zvino kwakanga kwasara mazuva maviri+ kuti paseka+ nomutambo+ wemakeke asina kuviriswa zvisvike. Vapristi vakuru nevanyori vakanga vachitsvaka kuti vangamubata sei vachishandisa zano remanomano kuti vamuuraye;+ 2 nokuti vakataura kazhinji kuti: “Kwete pamutambo; zvimwe pangava nemheremhere yevanhu.”+
3 Zvino paakanga ari kuBhetani mumba maSimoni wemaperembudzi,+ zvaakanga akatsenhama pakudya, mumwe mukadzi akauya nechinu chearabhasta chaiva nemafuta anonhuhwirira, nadhi chaiyo, inodhura kwazvo. Achivhura chinu chearabhasta akatanga kuadira mumusoro make.+ 4 Vamwe vavo vakatsamwa, vakati: “Nei mafuta aya anonhuhwirira apambadzwa?+ 5 Nokuti mafuta aya anonhuhwirira angadai atengeswa nemadhinari anopfuura mazana matatu akapiwa varombo!” Zvino vakamutsamwira kwazvo.+ 6 Asi Jesu akati: “Muregei akadaro. Nei muchiedza kumunetsa? Andiitira basa rakanaka.+ 7 Nokuti varombo munogara muinavo,+ munogona kuvaitira zvakanaka chero nguva ipi zvayo yamunoda, asi ini hamugari muineni.+ 8 Aita zvaaigona; afanozora muviri wangu mafuta anonhuhwirira nokuda kwokuvigwa.+ 9 Chokwadi ndinoti kwamuri, Kwose kuchaparidzwa mashoko akanaka munyika yose,+ zvaitwa nomukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”+
10 Zvino Judhasi Iskariyoti, mumwe wevane gumi nevaviri, akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari.+ 11 Pavakazvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari yesirivha.+ Naizvozvo akatanga kutsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakakodzera.+
12 Zvino pazuva rokutanga remakeke asina kuviriswa,+ pavaiwanzobayira chinobayirwa chepaseka, vadzidzi vake+ vakati kwaari: “Munoda kuti tiende kupi tinokugadzirirai kuti mudye paseka?”+ 13 Naizvozvo akatuma vaviri vevadzidzi vake akati kwavari: “Pindai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura.+ Muteverei, 14 uye chero maanenge apinda muti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ati: “Imba yevaeni mandingadyira paseka+ nevadzidzi vangu iri kupi?”’+ 15 Zvino achakuratidzai imba huru yepamusoro, yakatoshongedzerwa; uye tigadzirirei imomo.”+ 16 Naizvozvo vadzidzi vakabuda, vakapinda muguta, vakawana zvakangoita sezvaakanga avataurira; uye vakagadzirira paseka.+
17 Ava manheru iye akauya aine vane gumi nevaviri.+ 18 Zvavakanga vakatsenhama patafura vachidya, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Mumwe wenyu, ari kudya+ neni, achanditengesa.”+ 19 Vakatanga kushungurudzwa uye mumwe nomumwe akati kwaari: “Ndini here?”+ 20 Iye akati kwavari: “Ndomumwe wevane gumi nevaviri, ari kusevawo mundiro imwe chete neni.+ 21 Chokwadi, Mwanakomana womunhu ari kuenda, sokunyorwa kwazvakaitwa pamusoro pake, asi ane nhamo munhu iyeye anotengesa Mwanakomana womunhu! Zvaizova zvakanakira munhu iyeye kwazvo kudai akanga asina kuberekwa.”+
22 Zvino zvavakaramba vachidya, akatora chingwa, akakumbira chikomborero, akachimedura, akavapa, akati: “Chitorei, ichi chinomirira muviri wangu.”+ 23 Achitora kapu, akaonga, akaipa kwavari, uye vose vakanwa.+ 24 Iye akati kwavari: “Iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa+ vazhinji.+ 25 Chokwadi ndinoti kwamuri, Handichazombonwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iroro pandichazvinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”+ 26 Pakupedzisira, pashure pokunge vaimba nziyo dzokurumbidza,+ vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.+
27 Zvino Jesu akati kwavari: “Imi mose muchagumburwa, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi,+ uye makwai achapararira kwose.’+ 28 Asi kana ndamutswa ndichafanoenda kuGarireya.”+ 29 Asi Petro akati kwaari: “Kunyange kana vamwe vose vakagumburwa, ini handizodaro.”+ 30 Jesu akati kwaari: “Chokwadi ndinoti kwauri, Iwe nhasi, chokwadi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, iyewe uchandiramba katatu.”+ 31 Asi akatanga kutaura zvine simba achiti: “Kana ndichifanira kufa nemi, handizombokurambii.” Uyewo, vamwe vose vakatanga kutaura zvakafanana.+
32 Naizvozvo vakasvika panzvimbo inonzi Getsemane, akati kuvadzidzi vake: “Garai pano ini pandinenge ndichinyengetera.”+ 33 Zvino akaenda pamwe chete naPetro naJakobho naJohani,+ uye akatanga kudumbirwa uye kunetseka kwazvo.+ 34 Akati kwavari: “Mweya wangu uri kushungurudzwa kwazvo,+ zvokufa. Garai pano murambe makarinda.”+ 35 Achienda mberi zvishoma akabva apfugama pasi, akatanga kunyengetera kuti kudai zvaibvira, awa yacho imupfuure.+ 36 Zvino akati: “Abha, Baba,+ zvinhu zvose zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.”+ 37 Zvino akadzoka, akavawana vachirara, akati kuna Petro: “Simoni, uri kurara here? Wanga usina simba rokuramba wakarinda kweawa imwe chete here?+ 38 Rambai makarinda muchinyengetera,+ kuti murege kupinda mumuedzo. Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”+ 39 Akaendazve akanyengetera, achitaura shoko rakafanana.+ 40 Akauyazve akavawana vachirara, nokuti maziso avo akanga orema, naizvozvo havana kuziva kuti vomupindura kutii.+ 41 Zvino akauya kechitatu akati kwavari: “Panguva yakaita seino muri kurara muchizorora henyu! Zvakwana! Awa yasvika!+ Tarirai! Mwanakomana womunhu ava kutengeswa mumaoko evatadzi.+ 42 Simukai, handei.+ Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.”+
43 Achiri kutaura, Judhasi, mumwe wevane gumi nevaviri akabva asvika, aine boka revanhu raiva nemapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru nevanyori nevarume vakuru.+ 44 Zvino mutengesi wake akanga avapa chiratidzo chakabvumiranwa, achiti: “Wandichatsvoda, ndiye; musungei, muende naye makanyatsomuchengetedza.”+ 45 Akananga kwaari, akasvika akati: “Rabhi!” uye akamutsvoda+ zvinyoronyoro. 46 Naizvozvo vakamubata, vakamusunga.+ 47 Zvisinei, mumwe wevaya vakanga vakamira ipapo akavhomora bakatwa rake, akatema muranda womupristi mukuru, akabvisa nzeve yake.+ 48 Asi Jesu akabva ati kwavari: “Mauya nemapakatwa netsvimbo semuri kurwisana negororo kuti muzondisunga here?+ 49 Zuva nezuva ndaiva nemi mutemberi ndichidzidzisa,+ asi hamuna kundisunga. Zvisinei, zviri kuitika kuti Magwaro+ azadzike.”+
50 Zvino vadzidzi vose vakamusiya,+ vakatiza.+ 51 Asi rimwe jaya rakanga rakangopfeka nguo yerineni yakanaka kwazvo pamuviri waro rakatanga kumutevera riri pedyo; uye vakaedza kuribata,+ 52 asi rakasiya nguo yaro yerineni, rikatiza risina kupfeka.
53 Zvino vakaenda naJesu kumupristi mukuru, uye vapristi vakuru vose nevarume vakuru nevanyori vakaungana.+ 54 Asi Petro, akamutevera ari kure zvishoma,+ kusvikira muchivanze chomupristi mukuru; uye akanga agere pamwe chete nevashandi vepamba pacho achidziya moto waibvira chaizvo. 55 Munguva iyoyi vapristi vakuru neSanihedrini yose vakanga vachitsvaka uchapupu hwokupomera Jesu kuti vamuuraye,+ asi vakanga vasiri kuwana chero hupi zvahwo.+ 56 Chokwadi, vazhinji vakanga vachimupomera zvenhema,+ asi uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.+ 57 Uyewo, vamwe vakanga vachisimuka, vachimupupurira zvenhema, vachiti: 58 “Takamunzwa achiti, ‘Ndichakoromora temberi iyi yakaitwa nemaoko uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isingaitwi nemaoko.’”+ 59 Asi pazvikonzero izviwo uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.
60 Pakupedzisira mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: “Haupinduri here? Unoti chii nezvavari kukupomera?”+ 61 Asi akaramba akanyarara uye haana kumbopindura.+ Mupristi mukuru akatangazve kumubvunza, akati kwaari: “Ndiwe Kristu Mwanakomana weAnokudzwa here?”+ 62 Jesu akabva ati: “Ndini; uye imi muchaona Mwanakomana womunhu+ agere kuruoko rworudyi+ rwesimba achiuya nemakore okudenga.”+ 63 Mupristi mukuru akabvarura nguo dzake dzomukati,+ akati: “Tichadireizve zvapupu?+ 64 Manzwa kumhura+ kwacho. Munoti kudii nazvo?” Vose vakamutongera kuti anofanira kufa. 65 Vamwe vakatanga kumupfira mate+ uye kufukidza chiso chake chose uye kumurova nezvibhakera, vachiti kwaari: “Profita!” Uye, vachimurova nembama kuchiso, vashandi vepadare vakamutora.+
66 Zvino Petro paakanga ari pasi muchivanze, mumwe wevashandikadzi vomupristi mukuru akauya,+ 67 uye, achiona Petro achidziya moto, akamutarira zvakananga, akati: “Newewo, wakanga uina Jesu uyu wokuNazareta.”+ 68 Asi iye akaramba, achiti: “Handimuzivi uye handisi kunzwisisa zvauri kutaura,” akabva abuda panze akaenda kuchivanze chepamberi.+ 69 Ikoko mushandikadzi wacho, paakamuona, akatangazve kuti kune vaya vakanga vakamira pedyo: “Uyu ndomumwe wavo.”+ 70 Iye akarambazve. Uyezve pashure penguva duku vaya vakanga vakamira pedyo vakatanga kuti kuna Petro: “Chokwadi iwe uri mumwe wavo, nokuti, chokwadi, uri muGarireya.”+ 71 Asi akatanga kutuka achipika,+ achiti: “Ini munhu uyu wamuri kutaura nezvake handimuzivi.”+ 72 Jongwe rakabva rarira kechipiri;+ uye Petro akayeuka mashoko aakataurirwa naJesu okuti: “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”+ Zvino akakurirwa neshungu, akabva atanga kusvimha misodzi.+