Isaya
40 “Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu,” anodaro Mwari wenyu.+ 2 “Taurirai Jerusarema zvinobaya mwoyo+ uye shevedzerai kwariri kuti basa raro rehondo raitwa,+ kuti kukanganisa kwaro kwaripwa.+ Nokuti ragamuchira zvakaenzanirana nezvivi zvaro zvose paruoko rwaJehovha.”+
3 Teererai! Mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje,+ achiti: “Gadzirai nzira yaJehovha!+ Ruramisai mugwagwa mukuru waMwari wedu unopfuura nomubani rerenje.+ 4 Mipata yose ngaikwidziridzwe,+ uye makomo ose nezvikomo zvose ngazvideredzwe.+ Nyika ine nzvimbo dzakakwirira ngaive nyika yakati sandara, nenzvimbo isina kuenzana ive bani rakati chechetere.+ 5 Kukudzwa kwaJehovha kucharatidzwa,+ uye vanhu vose vachazviona pamwe chete,+ nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”+
6 Teererai! Mumwe munhu ati: “Shevedzera!”+ Uye mumwe akati: “Ndoshevedzerei?”
“Vanhu vose uswa hwakasvibirira, uye mutsa wavo worudo wose wakaita seruva rokusango.+ 7 Uswa hwakasvibirira hwaoma, ruva raoma,+ nokuti mhepo yokufema yaJehovha icharifuridza.+ Chokwadi vanhu uswa hwakasvibirira.+ 8 Uswa hwakasvibirira hwaoma, ruva raoma;+ asi shoko raMwari wedu, richagara nokusingagumi.”+
9 Kwira mugomo refu,+ iwe mukadzi ari kuunzira Ziyoni mashoko akanaka.+ Shevedzera nesimba, iwe mukadzi ari kuunzira Jerusarema mashoko akanaka.+ Shevedzera. Usatya.+ Iti kumaguta aJudha: “Hoyu Mwari wenyu.”+ 10 Tarirai! Changamire Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, uye ruoko rwake ruchange ruchimutongera.+ Tarirai! Mubayiro wake anawo,+ uye mubayiro waanoripira uri pamberi pake.+ 11 Achafudza makwai ake sezvinoita mufudzi.+ Achaunganidza makwayana+ noruoko rwake; uye achaatakura pachipfuva chake.+ Achanyatsotungamirira aya anoyamwisa.+
12 Ndiani akayera mvura muchanza choruoko rwake,+ uye akayera kukura kwematenga neminwe yakatambanudzwa,+ akaisa guruva renyika+ muchiyero, kana kuti akayera makomo nechiyereso, nezvikomo pachikero? 13 Ndiani akayera kukura kwomudzimu waJehovha, uye ndiani anogona kumuita kuti ave nechaanoziva somupi wake wemazano?+ 14 Akarangana naani kuti amuite kuti anzwisise, kana kuti ndiani anomudzidzisa nzira yokururamisira, kana kuti anomudzidzisa zivo,+ kana kuti kumuita kuti azive nzira yokunzwisisa kwechokwadi?+
15 Tarirai! Marudzi akaita sedonhwe remvura riri mumugomo; uye anoonekwa seguruva shomanana riri pachikero.+ Tarirai! Iye anosimudza zvitsuwa seguruvawo zvaro rakatsetseka.+ 16 Rebhanoni harikwani kuti moto urambe uchibvira, uye mhuka+ dzaro dzomusango hadzikwani nokuda kwechinopiwa chinopiswa.+ 17 Marudzi ose akaita sechinhu chisipo pamberi pake;+ anoaona sechinhu pasina uye seasiri echokwadi.+
18 Zvino mungafananidza Mwari naani,+ mungamuenzanisa nomufananidzo upi?+ 19 Mhizha yagadzira mufananidzowo zvawo nesimbi yakanyungudutswa,+ mupfuri wesimbi anoufukidza nendarama,+ uye anogadzira cheni dzesirivha.+ 20 Anosarudza mumwe muti kuti uve mupiro, muti usina kuora.+ Anotsvaka mhizha ine unyanzvi, kuti igadzire mufananidzo wakavezwa+ usingazununguswi.+
21 Hamuzivi here? Hamunzwi here? Hamuna kuzviudzwa kubvira pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubvira pakatanga kuiswa nheyo dzenyika here?+ 22 Kune Uya agere pamusoro pedenderedzwa renyika,+ vanogara mariri vakaita sehwiza, Iye ari kutatamura matenga somucheka mutetetete, anoatambanudza setende rokugara mariri,+ 23 Uya ari kuita kuti machinda ave pasina, akaita kuti vatongi venyika vave sezvinhu pasina.+
24 Havana kumbosimwa; havana kumbodyarwa; hunde yavo haina kumbodzika midzi muvhu.+ Munhu achangovafuridza vooma;+ uye dutu richavatakura semashanga.+
25 “Asi mungandifananidza naani kuti ndienzaniswe naye?” anodaro iye Mutsvene.+ 26 “Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi?+ Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo.+ Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru,+ zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.
27 “Unotaurireiko, haiwa iwe Jakobho, uye unotaurireiko, haiwa iwe Israeri kuti, ‘Nzira yangu yange yakavanzika kuna Jehovha,+ uye kururamisira kwandiri kunonzvenga Mwari wangu’?+ 28 Hausati waziva here kana kuti hauna kunzwa here?+ Jehovha, Musiki wemigumo yenyika, ndiMwari nokusingagumi.+ Haaneti kana kupera simba.+ Kunzwisisa kwake hakugoni kuongororwa.+ 29 Anopa munhu akaneta simba;+ uye anowedzera simba kune uya asina simba guru.+ 30 Vakomana vachaneta uye vachapera simba, chokwadi majaya achagumburwa, 31 asi vaya vanotarira+ kuna Jehovha vachawanazve simba.+ Vachabhururukira kumusoro nemapapiro sezvinoita makondo.+ Vachamhanya vasingaperi simba; vachafamba vasinganeti.”+