VaGaratiya
3 Haiwa imi vaGaratiya mapenzi, ndiani akakufurirai zvakaipa,+ imi makaratidzwa pachena pamberi penyu Jesu Kristu akarovererwa?+ 2 Ndinoda kuziva izvi zvoga kwamuri: Makagamuchira mudzimu+ nokuda kwemabasa omutemo+ here kana kuti nokuda kwokunzwa+ kunoratidza kutenda? 3 Muri mapenzi zvakadaro here? Pashure pokutanga mumudzimu+ zvino mava kuchipedzisa munyama here?+ 4 Makatambura zvinhu zvizhinji kwazvo muchitamburira pasina here?+ Chokwadi, ndokunge zvaiva pasina. 5 Naizvozvo, iye anokupai mudzimu+ uye anoita mabasa esimba+ pakati penyu, anozviita nokuda kwemabasa omutemo here kana kuti nokuda kwokunzwa kunoratidza kutenda? 6 Abrahamu zva“akatenda muna Jehovha, iye akanzi akarurama.”+
7 Chokwadi munoziva kuti vaya vanoomerera pakutenda+ ndivo vanakomana vaAbrahamu.+ 8 Zvino Rugwaro, ruchifanoona kuti Mwari aizoti vanhu vemamwe marudzi vakarurama nokuda kwokutenda, rwakafanozivisa mashoko akanaka kuna Abrahamu, okuti: “Marudzi ose achakomborerwa nokwauri.”+ 9 Naizvozvo vaya vanoomerera pakutenda vari kukomborerwa+ sezvakaitwa Abrahamu+ akatendeka.
10 Nokuti vaya vose vanovimba nemabasa omutemo vakatukwa; nokuti zvakanyorwa kuti: “Munhu wose asingarambiri muzvinhu zvose zvakanyorwa mumupumburu woMutemo kuti azviite, akatukwa.”+ 11 Uyewo, zviri pachena kuti hapana anonzi naMwari akarurama pachishandiswa mutemo,+ nokuti “munhu akarurama achararama nokuda kwokutenda.”+ 12 Zvino Mutemo hauomereri pakutenda, asi unoti, “iye anozviita achararama maererano nazvo.”+ 13 Kristu nokutitenga+ akatisunungura+ pakutuka kwoMutemo nokuva akatukwa+ panzvimbo pedu, nokuti zvakanyorwa kuti: “Munhu wose anoturikwa padanda akatukwa.”+ 14 Chinangwa chacho chaiva chokuti chikomborero chaAbrahamu chivepo pachishandiswa Jesu Kristu nokuda kwemarudzi,+ kuti tigamuchire mudzimu wakapikirwa+ nokutenda kwedu.+
15 Hama, ndinotaura ndichishandisa mufananidzo une chokuita nevanhu: Sungano yakasimbiswa, kunyange zvazvo iri yevanhu, hapana anoitadzisa kushanda kana kuwedzera zvimwe pairi.+ 16 Zvino zvipikirwa zvakataurwa kuna Abrahamu+ uye kumwana*+ wake. Icho hachitauri chichiti: “Kuvana,” sokune vazhinji vakadaro, asi sokune mumwe chete,+ icho chinoti: “Kumwana wako,”+ uyo ari Kristu.+ 17 Uyezve, ndinotaura izvi: Kana iri sungano yakasimbiswa kare naMwari,+ Mutemo wakavapo makore mazana mana nemakumi matatu+ gare gare hauishayisi simba, kuti ubvise chipikirwa chacho.+ 18 Nokuti kana nhaka ichiwanika nokuda kwomutemo, haichawaniki nokuda kwechipikirwa;+ asi Mwari akaipa Abrahamu nomutsa achishandisa chipikirwa.+
19 Saka, nei Mutemo wakavapo? Wakawedzerwa kuti kudarika kuiswe pachena,+ kusvikira mwana achisvika,+ uyo akanga aitirwa chipikirwa chacho; uye mutemo wacho wakapiwa nokungirozi+ pachishandiswa ruoko rwomurevereri.+ 20 Zvino kana pachingova nomunhu mumwe chete hapana murevereri, asi Mwari anongova mumwe chete.+ 21 Naizvozvo, Mutemo unopesana nezvipikirwa zvaMwari here?+ Izvozvo ngazvirege kumboitika! Nokuti kudai kwakanga kwapiwa mutemo waikwanisa kupa upenyu,+ chokwadi kururama kungadai kwakavapo pachishandiswa mutemo.+ 22 Asi Rugwaro+ rwakaisa zvinhu zvose muusungwa hwechivi,+ kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vaya vanotenda.+
23 Zvisinei, kutenda kusati kwasvika,+ takanga tichichengetedzwa tiri pasi pomutemo,+ tichiiswa muusungwa pamwe chete, tichitarisira kutenda kwaifanira kuzoratidzwa.+ 24 Naizvozvo Mutemo wakava muperekedzi wedu uchitungamirira kuna Kristu,+ kuti tinzi takarurama+ nokuda kwokutenda. 25 Asi zvino kutenda zvakwakasvika,+ hatisisiri pasi pomuperekedzi.+
26 Chokwadi, imi mose muri vanakomana+ vaMwari nokutenda kwenyu muna Kristu Jesu. 27 Nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu,+ makapfeka Kristu.+ 28 Hapana muJudha kana muGiriki,+ hapana muranda kana munhu akasununguka,+ hapana munhurume kana munhukadzi;+ nokuti imi mose muri munhu mumwe chete pamwe naKristu Jesu.+ 29 Uyewo, kana muri vanhu vaKristu, chokwadi muri vana* vaAbrahamu,+ vagari venhaka kana tichitaura nezvechipikirwa.+