Mateu
23 Zvino Jesu akataura nemapoka evanhu uye nevadzidzi vake,+ achiti: 2 “Vanyori+ nevaFarisi vakazvigarisa pachigaro chaMosesi.+ 3 Naizvozvo zvinhu zvose zvavanokuudzai,+ zviitei uye zvichengetei, asi musaita maererano nemabasa avo,+ nokuti vanotaura asi havaiti. 4 Vanosunga mitoro inorema vachiiisa pamapfudzi evanhu,+ asi ivo havadi kuitseketudza nomunwe wavo.+ 5 Mabasa ose avanoita vanoita kuti vaonekwe nevanhu;+ nokuti vanokudza tubhokisi tune magwaro twavanopfeka+ sezvinhu zvinodzivirira, uye vanokudza masa+ dzenguo dzavo. 6 Vanoda nzvimbo dzepamusorosoro+ pakudya kwemanheru nezvigaro zvepamberi mumasinagogi,+ 7 uye kukwaziswa+ mumisika uye kunzi Rabhi nevanhu.+ 8 Asi imi, musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete,+ asi imi mose muri hama. 9 Zvakare, musati baba kumunhu ari panyika, nokuti Baba venyu vamwe chete,+ Ivo vokudenga. 10 Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’+ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu. 11 Asi mukuru pakati penyu ngaave mushumiri wenyu.+ 12 Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa,+ uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.+
13 “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munovharira+ vanhu umambo hwokumatenga; nokuti imi+ hamupindi, uyewo hamubvumiri vaya vari kupinda kuti vapinde. 14 ——
15 “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nokuti munofamba pagungwa nepanyika yakaoma kuti mutendeutse munhu mumwe chete, uye paanotendeuka munomuita munhu akakodzera kupinda muGehena nekaviri kukupfuurai.
16 “Mune nhamo imi, vatungamiriri mapofu,+ vanoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina basa; asi kana munhu akapika nendarama yetemberi, anosungirwa kuti azviite.’+ 17 Mapenzi nemapofu! Chokwadi, chikuru ndechipi, ndarama kana temberi yatsvenesa ndarama?+ 18 Uyewo, ‘Kana munhu akapika neatari, hazvina basa; asi kana munhu akapika nechipo chiri pairi, anosungirwa kuti azviite.’ 19 Mapofu! Chokwadi, chikuru ndechipi, chipo kana atari+ inotsvenesa chipo? 20 Naizvozvo anopika neatari ari kupika nayo uye nezvinhu zvose zviri pairi; 21 uye anopika netemberi ari kupika nayo uye naiye ari kugara mairi;+ 22 uye anopika nedenga ari kupika nechigaro choumambo chaMwari+ uye naiye akagara pachiri.
23 “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munopa chegumi+ chemindi nedhiri nekumini, asi makarega nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo, dzinoti, kururamisira+ nengoni+ uye kutendeka.+ Maisungirwa kuti muite zvinhu izvi, asi kwete kurega zvimwe zvinhu zvacho. 24 Vatungamiriri vakapofumara,+ vanomimina unyunyu+ asi vachimedza ngamera!+
25 “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munochenesa kunze kwekapu+ nokwedhishi, asi mukati makazara nezvakapambwa+ nokunyanyisa. 26 MuFarisi akapofumara,+ tanga kuchenesa mukati mekapu+ nemedhishi, kuti kunze kwazvo kuvewo kwakachena.
27 “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nokuti makafanana nemakuva akadzururwa nevhu jena,+ ayo nechokunze chokwadi anooneka akanaka kwazvo asi mukati akazara nemapfupa evanhu vakafa uye nokusachena kwemarudzi ose. 28 Saizvozvo nemiwo, chokwadi nechokunze, munooneka semakarurama kuvanhu,+ asi mukati makazara nounyengeri nokusateerera mutemo.
29 “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri!+ nokuti munovaka makuva evaprofita uye munoshongedza makuva evakarurama,+ 30 uye munoti, ‘Kudai takanga tiri mumazuva emadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pamhosva yeropa revaprofita.’+ 31 Naizvozvo muri kuzvipupurira kuti muri vanakomana vevaya vakaponda vaprofita.+ 32 Saka, chipedzisai+ mabasa akatangwa nemadzitateguru enyu.
33 “Nyoka, vana venyoka,+ muchatiza sei kutonga kweGehena?+ 34 Saka, zvino ndiri kukutumirai+ vaprofita nevarume vakachenjera nevarayiridzi vevanhu vose.+ Muchauraya+ vamwe vavo nokuvaroverera, uye muchazvambura+ vamwe vavo mumasinagogi enyu nokuvatambudza muguta neguta; 35 kuti ropa rose revakarurama rakadeurirwa panyika riuye pamuri,+ kubvira paropa raAbheri+ akarurama+ kusvika kuropa raZekariya mwanakomana waBharakiya, wamakapondera pakati penzvimbo tsvene neatari.+ 36 Chokwadi ndinoti kwamuri, Zvinhu zvose izvi zvichauya pachizvarwa chino.+
37 “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita+ neanotema nematombo+ vakatumwa kwaari,+—ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo!+ Asi imi hamuna kuzvida.+ 38 Tarirai! Maramwirwa+ imba+ yenyu. 39 Nokuti ndinoti kwamuri, Kubvira zvino hamuchazombondioni kusvikira mati, ‘Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha!’”+