RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 2 VaKorinde 1:1-13:14
  • 2 VaKorinde

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 VaKorinde
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 VaKorinde

TSAMBA YECHIPIRI KUVAKORINDE

1 Pauro, muapostora waKristu Jesu maererano nekuda kwaMwari, naTimoti+ hama yedu, kuungano yaMwari iri muKorinde, kusanganisira vatsvene vese vari muAkaya yese:+

2 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu, naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

3 Ngaarumbidzwe iye Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu,+ Baba vengoni huru+ uye Mwari wekunyaradza kwese,+ 4 anotinyaradza* pamatambudziko edu ese,*+ kuti tikwanise kunyaradza vamwe+ pamatambudziko avo ese,* nekunyaradzwa kwatinoitwa naMwari.+ 5 Nekuti kutambura kwatinoita nekuda kwaKristu pakunowedzera,+ kunyaradzwa kwatinoitwa muna Kristu kunowedzerawo. 6 Kana tikasangana nematambudziko,* zvichaita kuti imi munyaradzwe uye muponeswe; uye kana tiri kunyaradzwa, zvichaita kuti imi munyaradzwe, zvokubatsirai kutsungirira matambudziko akafanana neatinosanganawo nawo. 7 Uye tariro yedu mamuri haizununguki, nekuti tinoziva kuti sezvo muri kutamburawo nesu, muchanyaradzwawo pamwe nesu.+

8 Nekuti hama, tinoda kuti muzive nezvedambudziko ratakasangana naro munharaunda yeEzhiya.+ Zvinhu zvakanga zvakatiomera chaizvo, tisina chataigona kuita nesimba redu tega, zvekuti takanga tisina chokwadi kana taizopona.+ 9 Taitonzwa sekuti takanga tatongerwa rufu. Izvi zvakaitika kuti tivimbe naMwari+ anomutsa vakafa, kwete kuvimba nesimba redu. 10 Iye akatinunura panjodzi yakakura kudai yerufu uye achatinunurazve, uye tine tariro yekuti acharamba achitinunura.+ 11 Imiwo munogona kutibatsira nekutitetererera muminyengetero yenyu,+ kuti vakawanda vatinyengeterere vachitenda nekuda kwenyasha dzatinogamuchira panopindurwa minyengetero yevakawanda.+

12 Nekuti chatinozvirumbidza nacho ndechekuti hana yedu inopupura kuti munyika takazvibata neutsvene uye nemwoyo wese kuna Mwari, uye izvi takanyanya kuzviita kwamuri, kwete neuchenjeri hwenyama,+ asi nenyasha dzaMwari. 13 Nekuti chokwadi tiri kungokunyorerai zvamunokwanisa kuverenga* muchinzwisisa, uye ndinovimba kuti mucharamba muchinyatsozvinzwisisa, 14 sekunzwisisawo kwamunoita kuti munofanira kuzvirumbidza pamusoro pedu, sekuzvirumbidzawo kwatichaita pamusoro penyu pazuva raShe wedu Jesu.

15 Saka nechivimbo ichi, ndaida kutanga ndauya kwamuri, kuti mufare zvakare kechipiri;* 16 nekuti ndaida kukushanyirai pandaienda kuMakedhoniya, ndozodzoka zvakare kwamuri ndava kubva kuMakedhoniya, imi mozoonekana neni ndichienda kuJudhiya.+ 17 Pandakaronga izvozvo, ndakazviona sezvinhu zvisina basa here? Kana kuti ndinoronga zvinhu maererano nenyama here, zvekuti ndinenge ndichiti “Hongu, hongu,” ndozoti “Aiwa, aiwa”? 18 Asi munogona kuvimba naMwari kuti hatikuudzei kuti “hongu” asi panguva imwe chete tichiti “aiwa.” 19 Nekuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu kuburikidza nesu, kureva ini naSirivhano* naTimoti,+ haana kuva “hongu” asi panguva imwe chete ari “aiwa,” asi kwaari “hongu” akava “hongu.” 20 Nekuti pasinei nekuti vimbiso dzaMwari dzakawanda sei, idzo dzakava “hongu” pachishandiswa iye.+ Saka nekwaari tinoti “Ameni” kuna Mwari+ kuti timukudze. 21 Asi Mwari, uyo akatizodza, ndiye anoita kuti imi nesu tive nechokwadi kuti tiri vaKristu.+ 22 Akaisawo chisimbiso* chake patiri+ uye akatipa mweya+ uri mumwoyo medu sechekufanobata chezvichauya.*

23 Iye zvino ndinodana kuna Mwari kuti andipupurire* kuti chandiri kuregerera kuuya kuKorinde ndechekuti ndisaramba ndichikurwadzisai. 24 Kwete kuti tiri vanatenzi vekutenda kwenyu,+ asi tinoshanda pamwe chete nemi kuti mufare, nekuti makamira nekutenda kwenyu.

2 Nekuti ndasarudza kuti ndirege kuuya zvakare kwamuri ndakasuruvara. 2 Nekuti kana ndikakusuruvarisai, ndiani achazoita kuti ndifare kunze kwenyu imi vacho vandinenge ndasuruvarisa? 3 Ndakanyora zvandakaita, kuti pandinouya ndirege kusuruvariswa nevaya vanofanira kuita kuti ndifare, nekuti ndine chivimbo chekuti chinhu chinoita kuti ndifare, chinoitawo kuti imi mese mufare. 4 Nekuti ndakakunyorerai ndichitambudzika chaizvo uye ndichirwadziwa mumwoyo, ndiine misodzi mizhinji, kwete kuti ndikusuruvarisei,+ asi kuti muzive madiro andinokuitai.

5 Kana paine munhu akaita kuti pave nekusuruvara,+ haana kusuruvarisa ini chete, asi zvinoita sekuti akasuruvarisa imi mese, ndisingadi hangu kushandisa mashoko anorwadza. 6 Kutsiurwa ikoko kwaakaitwa nevakawanda kwakakwanira munhu akadaro; 7 asi iye zvino mava kutofanira kumunzwira tsitsi momuregerera uye momunyaradza,+ kuitira kuti asakurirwa nekunyanya kusuruvara.+ 8 Saka ndinokukurudzirai kuti mumuratidze kuti munomuda.+ 9 Nekuti izvi ndizvo zvakaitawo kuti ndikunyorerei tsamba: kuti ndione kana muchizoratidza kuti munoteerera pazvinhu zvese. 10 Kana mukaregerera mumwe munhu pane imwe nyaya, ndinoitawo saizvozvo. Ndingatoti zvese zvandakaregerera (kana paine zvandakaregerera) ndakazviitira imi pamberi paKristu, 11 kuti tirege kunyengerwa naSatani,+ nekuti mazano* ake tinoaziva.+

12 Pandakasvika muTroasi+ kuti ndizivise mashoko akanaka pamusoro paKristu uye pandakazarurirwa suo munaShe, 13 ndakashaya zororo mumwoyo mangu nekuti handina kuwana Tito+ hama yangu. Saka ndakavaoneka, ndikaenda kuMakedhoniya.+

14 Asi tinotenda Mwari uyo anogara achititungamirira tichifamba mumudungwe sevanhu vakunda tiina Kristu, uye kuburikidza nesu anoita kuti kunhuhwirira kwekumuziva kunzwike kwese kwese! 15 Nekuti kuna Mwari tiri kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu pakati pevaya vari kuponeswa uye pakati pevaya vari kuparara; 16 kune vari kuparara, tiri kunhuhwa kwerufu kunoguma* nerufu,+ kune vari kuponeswa, tiri kunhuhwirira kweupenyu kunoguma neupenyu. Saka ndiani akanyatsokodzera kuita basa iri? 17 Ndisu, nekuti hatitengesi shoko raMwari+ sezvinoitwa nevakawanda, asi tinotaura nemwoyo wese sevanhu vakatumwa naMwari, tichizviita pamberi paMwari, tiri pamwe naKristu.

3 Totanga zvakare kukuratidzai kuti tiri vanaani here? Kana kuti isuwo, kungofanana nevamwe vanhu, tinofanira kukutumirai tsamba dzinotirumbidza kana kuti tinofanira kuwana dzinobva kwamuri here? 2 Imi ndimi tsamba yedu,+ yakanyorwa mumwoyo medu, inozivikanwa uye inoverengwa nevanhu vese. 3 Nekuti zviri pachena kuti muri tsamba yaKristu yakanyorwa nesu sevashumiri,+ isina kunyorwa neingi asi nemweya waMwari mupenyu, kwete pamahwendefa ematombo,+ asi pamahwendefa enyama, pamwoyo.+

4 Tine chivimbo ichi muna Mwari kuburikidza naKristu. 5 Kwete kuti isu tinonyatsokodzera zvekuti tinofunga kuti zvinhu zvese zvinobva kwatiri, asi kunyatsokodzera kwedu kunobva kuna Mwari,+ 6 uyo akaita kuti tive vakanyatsokodzera kuva vashumiri vesungano itsva+ yemweya, kwete yebumbiro remutemo rakanyorwa;+ nekuti bumbiro remutemo rakanyorwa rinotongera rufu,+ asi mweya unoraramisa.+

7 Zvino kana bumbiro remutemo rinokonzera rufu, iro rakanga rakanyorwa richiita zvekutemerwa pamatombo+ rakavapo nekubwinya, zvekuti vanakomana vaIsraeri vaisagona kuramba vakatarisa chiso chaMozisi nemhaka yekubwinya kwaiita chiso chake,+ iko kubwinya kwaizopera, 8 mabasa emweya+ haafaniri kuva nekubwinya kwakatokura here?+ 9 Nekuti kana bumbiro remutemo raipa mhosva+ raibwinya,+ ushumiri hunobatsira vanhu kuva vakarurama huchava nekubwinya kwakatokura!+ 10 Ndingatoti kunyange chiya chakamboitwa kuti chibwinye chakabvisirwa kubwinya kwacho nekumwe kubwinya kunochipfuura.+ 11 Nekuti kana chiya chaizogumiswa chakaunzwa nekubwinya,+ chiya chicharamba chiripo chinotofanira kunge chichiva nekubwinya kwakatokura!+

12 Sezvo tiine tariro yakadai,+ tinotaura takanyatsosununguka, 13 tisingaiti zvaiitwa naMozisi paaizvifukidza chiso chake nejira+ kuti vanakomana vaIsraeri varege kuramba vakatarisa kuguma kwezvaizogumiswa. 14 Asi pfungwa dzavo dzakagomara.+ Nekuti nanhasi vakafukidzwa pfungwa dzavo panoverengwa sungano yekare,+ nekuti jira racho rinongobviswa chete naKristu.+ 15 Ndingati nanhasi, pese panoverengwa zvakanyorwa naMozisi,+ vanenge vakafukidzwa mwoyo yavo.+ 16 Asi munhu paanotendeukira kuna Jehovha,* chakamufukidza chacho chinobviswa.+ 17 Jehovha* Mweya,+ uye pane mweya waJehovha,* pane rusununguko.+ 18 Uye isu tese, patinopenya semagirazi tichiratidza kubwinya kwaJehovha* tiine zviso zvisina kufukidzwa, tinoshandurwa mumufananidzo mumwe chete tichiwedzera kubwinya kwedu,* kungofanana nezvinoitwa naJehovha,* uyo ari Mweya.*+

4 Saka sezvo tiine ushumiri uhwu kuburikidza nekunzwirwa tsitsi kwatakaitwa, hatidzokeri shure.* 2 Asi takaramba zvinhu zvinonyadzisa, zveunyengeri, tisingafambi nemanomano kana kushatisa shoko raMwari;+ asi patinoita kuti chokwadi chive pachena, tinoratidza kuti tiri vanhu vakanaka kuhana yemunhu wese pamberi paMwari.+ 3 Tingatoti kana mashoko akanaka atinozivisa akafukidzwa, akafukidzwa kune vaya vari kuparara, 4 vasingatendi,+ vakapofumadzwa pfungwa namwari wenyika ino,*+ kuti varege kuvhenekerwa nechiedza+ chemashoko* akanaka anokudzwa ane chekuita naKristu, anova ndiye mufananidzo waMwari.+ 5 Nekuti isu hatisi kuparidza nezvedu, asi tiri kuparidza nezvaJesu Kristu kuti ndiye Ishe uye kuti isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu. 6 Nekuti Mwari ndiye akati: “Chiedza ngachipenye murima,”+ uye akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere+ neruzivo runobwinya pamusoro paMwari nechiso chaKristu.

7 Asi tine pfuma iyi+ mumidziyo yevhu,+ kuti zvioneke kuti simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro rinobva kuna Mwari, kwete kwatiri.+ 8 Tinoomerwa munzira dzese, asi hatiomerwi zvekutadza kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvekushaya pekubuda napo;*+ 9 tinotambudzwa, asi hatingosiyiwi;+ tinopunzirwa pasi, asi hatiparadzwi.+ 10 Tinogara tichitsungirira mumiviri yedu zvakaipa zvatinoitirwa zvinogona kuguma nerufu zvakaitirwawo Jesu,+ kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo pachena mumiviri yedu. 11 Nekuti isu vapenyu tinogara tichitarisana nerufu+ nekuda kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo pachena munyama yedu inofa. 12 Saka rufu ruri kushanda matiri, asi upenyu mamuri imi.

13 Sezvo tiine mweya mumwe chete wekutenda seuya wakanyorwa nezvawo kuti: “Ndakatenda, saka ndakataura”;+ isuwo tinotenda saka tinotaura, 14 tichiziva kuti iye akamutsa Jesu achatimutsawo pamwe naJesu uye achatiisa pamwe chete nemi pamberi pake.+ 15 Nekuti zvinhu zvese izvi zviri kuitirwa imi, kuti nyasha dzaMwari dzirambe dzichiwedzera zvikuru nekuti vamwe vanhu vakawanda vari kuonga kubwinya kwaMwari.+

16 Saka hatidzokeri shure,* asi kunyange munhu watiri nechekunze ari kupera, chokwadi munhu watiri nechemukati ari kuitwa mutsva zuva nezuva. 17 Nekuti kunyange zvazvo kutambura kwacho kuri kwenguva diki uye kwakareruka, kunoita kuti tiwane kubwinya kwakatokura kwazvo uye kusingaperi;+ 18 saka hatirambi takatarisa zvinhu zvinooneka, asi zvisingaoneki.+ Nekuti zvinhu zvinooneka ndezvenguva diki, asi zvinhu zvisingaoneki ndezvekusingaperi.

5 Nekuti tinoziva kuti kana imba yedu yepanyika, iro tende rino, ikaparadzwa,+ tichava nechivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa nemaoko,+ inogara nekusingaperi, kudenga. 2 Nekuti muimba ino tiri kugomera, tichishuva nemwoyo wese kuti tipfeke yedu inobva kudenga,+ 3 kuti kana taipfeka, tirege kuzowanikwa takashama. 4 Tingatoti isu tiri mutende rino tiri kugomera, tichiremerwa, nekuti hatidi kuribvisa, asi tinoda kupfeka rimwe racho,+ kuitira kuti chinofa chimedzwe neupenyu.+ 5 Akatigadzirira chinhu ichi ndiMwari,+ uyo akatipa mweya sechekufanobata chezvichauya.*+

6 Saka tinoramba takashinga uye tinoziva kuti panguva yatiine musha wedu mumuviri, tiri kure naShe,+ 7 nekuti tiri kufamba nekutenda, kwete nekuona. 8 Asi takashinga uye tingatoda kusava mumuviri kuti tive nemusha naShe.+ 9 Saka tingava tiri kugara naye kana kuti tiri kure naye, chinangwa chedu ndechekuti tive vanhu vanomufadza. 10 Nekuti tese tinofanira kumira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, kuti mumwe nemumwe apiwe zvinoenderana nezvaakaita paakanga achiri mumuviri, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.+

11 Saka sezvo tichiziva kutya Ishe, tinoramba tichinyengetedza vanhu, asi isu tinonyatsozivikanwa naMwari. Asi ndinovimba tinonyatsozivikanwawo nehana dzenyu. 12 Hatisi kukuratidzai zvakare kuti tiri vanaani, asi tiri kuita kuti muve neshungu dzekuzvirumbidza pamusoro pedu, kuitira kuti mukwanise kupindura vaya vanozvirumbidza pamusoro pezviri kuoneka nechekunze+ kwete zviri mumwoyo. 13 Nekuti kana takanga tarasika pfungwa,+ taizviitira Mwari; kana tiine pfungwa dzakakwana, tiri kuzviitira imi. 14 Nekuti rudo runa Kristu runotimanikidza, nekuti aya ndiwo maonero atakaita, kuti munhu mumwe chete akafira vanhu vese;+ saka vese vakanga vafa. 15 Uye akafira vanhu vese kuti vaya vanorarama varege kuramba vachizviraramira,+ asi vararamire iye akavafira, akamutswa.

16 Saka kubvira iye zvino hatichazivi munhu maererano nezvaari panyama.+ Kunyange zvazvo takamboziva Kristu panyama, chokwadi haasisiri iwo maziviro atinomuita.+ 17 Saka kana munhu akabatana naKristu, ava chisikwa chitsva;+ zvinhu zvakare zvakapfuura; onai! zvinhu zvitsva zvavapo. 18 Asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari, uyo akazviyananisa nesu achishandisa Kristu+ ndokutipa ushumiri hwekuyananisa,+ 19 hwekuti Mwari akanga achizviyananisa nenyika achishandisa Kristu,+ asingavaverengeri zvitadzo zvavo,+ uye akatipa shoko rekuti tizivise nezvekuyananiswa.+

20 Saka tiri nhume dzinomiririra+ Kristu,+ sekunge kuti Mwari ari kukumbira vanhu achitishandisa. Sevamiririri vaKristu, tiri kukumbira vanhu tichiti: “Yananiswai naMwari.” 21 Mwari akaita kuti uya akanga asingazivi chivi+ ave chivi* achiitira isu, kuti tive kururama kwaMwari pachishandiswa iye.+

6 Sezvo tichishanda pamwe chete naye,+ tinokukurudziraiwo kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari motadza kunzwisisa chinangwa chadzo.+ 2 Nekuti iye anoti: “Ndakakunzwa panguva yakakodzera, uye ndakakubatsira pazuva reruponeso.”+ Onai! Ino ndiyo nguva yakanyatsokodzera. Onai! Rino ndiro zuva reruponeso.

3 Hatitomboiti zvinhu zvinogumbura vamwe, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva;+ 4 asi munzira dzese tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari,+ nekutsungirira kwatinoita zvinhu zvizhinji, matambudziko, kushayiwa, kuomerwa,+ 5 kurohwa, kuiswa mujeri,+ mhirizhonga, kushanda zvakaoma, kutadza kurara usiku, kushaya zvekudya;+ 6 tinodarowo nekuva vakachena, nekuva neruzivo, mwoyo murefu,+ mutsa,+ mweya mutsvene, rudo rusina unyengeri,+ 7 nekutaura chokwadi, nesimba raMwari;+ nezvombo zvekururama+ muruoko rwerudyi* nerweruboshwe,* 8 nekukudzwa nekuzvidzwa, nemashoko akaipa nemashoko akanaka. Tinoonekwa sevanyengeri isu tichitaura chokwadi, 9 setisingazivikanwi asi tichizivikanwa, setiri kufa* asi onai! tiri vapenyu,+ setinorangwa asi tisingaendeswi kunourayiwa,+ 10 setakasuruvara asi tichigara tichifara, sevarombo asi tichipfumisa vakawanda, setisina chinhu asi tiine zvinhu zvese.+

11 Takavhura miromo yedu kuti titaure nemi imi vaKorinde, uye takanyatsozarura mwoyo yedu. 12 Hatisi kuomera nerudo rwedu kwamuri,+ asi imi ndimi muri kutoomera nerudo rwenyu kwatiri. 13 Saka ndinoti kwamuri, ndichiita sendiri kutaura nevana vangu, imiwo zarurai mwoyo yenyu.*+

14 Musasungwa zvisina kukodzera pajoko* nevasingatendi.+ Nekuti kururama kune ushamwari hwei nekusateerera mutemo?+ Kana kuti chiedza chingapindirana nerima pakudii?+ 15 Uyezve, Kristu anganzwanana sei naBheriari?*+ Kana kuti munhu anotenda* angapindirana nemunhu asingatendi pakudii?+ 16 Uye temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pakudii?+ Nekuti tiri temberi yaMwari mupenyu;+ sekutaura kwakaita Mwari kuti: “Ndichagara pakati pavo+ nekufamba pakati pavo, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”+ 17 “‘Saka ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha,* ‘musabata chinhu chisina kuchena’”;+ “‘uye ini ndichakugamuchirai.’”+ 18 “‘Ndichava baba venyu,+ uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu,’+ anodaro Jehovha* Wemasimbaose.”

7 Saka vadiwa, sezvo tiri kuvimbiswa zvinhu zvakadai,+ ngatizvichenesei pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya,+ tichiwedzera kuva vatsvene pakutya Mwari.

2 Tiwanireiwo nzvimbo mumwoyo menyu.+ Hatina watakatadzira, hatina watakakanganisa, hatina watakanyengera kuti zvitinakire.+ 3 Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Nekuti ndambozvitaura kuti muri mumwoyo medu kuti tife pamwe chete uye kuti tirarame pamwe chete. 4 Ndinotaura nemi ndakanyatsosununguka. Ndinozvirumbidza chaizvo pamusoro penyu. Ndakazara nekunyaradzwa; ndiri kufashukira nemufaro pakutambudzika kwedu kwese.+

5 Ndingatoti patakasvika kuMakedhoniya,+ miviri* yedu haina kumbozorora, asi takaramba tichitambura munzira dzese; kunze kwaiva nekurwiswa, mukati muine kutya. 6 Asi Mwari, uyo anonyaradza vakaora mwoyo,+ akatinyaradza nekuvapo kwaTito; 7 kwete chete nekuvapo kwake, asiwo nekuti imi makanga mamunyaradza, uye akatiudza nezvekundisuwa kwamuri kuita, kuchema kwenyu, uye kuti mune hanya neni;* izvi zvakaita kuti ndiwedzere kufara.

8 Nekuti kunyange ndakakusuruvarisai netsamba yangu,+ handizvidembi. Kunyange zvazvo ndakambozvidemba pakutanga (pandakaona kuti tsamba yacho yakakusuruvarisai, kunyange zvaiva zvenguva diki), 9 iye zvino ndinofara, kwete nekuti makangosuruvariswa, asi nekuti makasuruvariswa mukapfidza zvivi zvenyu. Nekuti makasuruvara zvinofadza Mwari, zvekuti hamuna kukanganiswa nesu. 10 Nekuti kusuruvara kunofadza Mwari kunoita kuti munhu apfidze zvivi zvake otungamirirwa kuruponeso, asingazozvidembi;+ asi kusuruvara kwenyika kunoita kuti pave nerufu. 11 Nekuti onai kuti kusuruvara kwenyu uko kunofadza Mwari kwakaita kuti muite zvinhu nemwoyo wese, muzvichenese, mutsamwe, mutye, musuwe, mushingaire, uye mururamise zvakaipa!+ Muzvinhu zvese makaratidza kuti makachena* panyaya iyi. 12 Kunyange zvazvo ndakakunyorerai, handina kuzviitira munhu akatadza wacho+ kana kuti akatadzirwa wacho, asi ndakazviitira kuti chido chenyu chekutiteerera chiratidzwe pachena pakati penyu pamberi paMwari. 13 Ndokusaka takanyaradzwa.

Asi kuwedzera pakunyaradzwa kwedu, takatonyanya kufara patakaona kufara kwaiita Tito, nekuti imi makazorodza mweya wake. 14 Nekuti kana ndakazvirumbidza kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvo zvinhu zvese zvatakakuudzai zvaiva zvechokwadi, kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwaivawo kwechokwadi. 15 Uyewo, anokudai zvakadzama paanofunga nezvekuteerera kwenyu mese,+ pamakamugamuchira neruremekedzo rukuru.* 16 Ndiri kufara kuti ndinovimba nemi muzvinhu zvese.*

8 Hama, iye zvino regai tikuzivisei nezvenyasha dzaMwari dzakaitirwa ungano dzekuMakedhoniya.+ 2 Pavaiva mumuedzo mukuru unotambudza, kuwanda kwemufaro wavo neurombo hwavo zvakaita kuti pfuma yavo yekupa zvavainazvo iwande.* 3 Nekuti vakapa zvaienderana nekuwana kwavo;+ ini ndingatovapupurira kuti vakaita zvinotopfuura zvavaiwana,+ 4 uku vari ivo vakazvifungira vega, vakaramba vachikumbira nemwoyo wese kuti vaidawo kupa, kuti vabatsire mubasa rekuyamura vatsvene.+ 5 Uye vakaita zvinopfuura zvataitarisira, vakatanga nekuzvipa ivo pachavo kunaShe nekwatiri maererano nekuda kwaMwari. 6 Saka takakurudzira Tito+ kuti sezvo akanga atanga basa iri pakati penyu, aifanira kupedzisa kuunganidza zvipo izvi zvamakanga mapa nemutsa wenyu. 7 Kunyange zvakadaro, sezvo muri kuwedzera pazvinhu zvese, pakutenda nepashoko neparuzivo nepakuita zvinhu nemwoyo wese nepakukudai kwatinoita, wedzeraiwo pakupa uku kwamuri kuita nemutsa wenyu.+

8 Handisi kutaura izvi ndichiita zvekukuudzai zvekuita, asi ndiri kungoda kuti muzive kuti vamwe vari kuita zvinhu nemwoyo wese uye ndiri kuda kuona kana rudo rwenyu ruri rwechokwadi. 9 Nekuti munoziva nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvazvo akanga akapfuma, akava murombo achiitira imi,+ kuti muve vapfumi neurombo hwake.

10 Uye panyaya iyi ndiri kutaura maonero anguwo:+ Izvi zvinotobatsira imi, sezvo patova negore kubva pamakazvitanga uye makaratidza kuti mune chido chekuzviita. 11 Saka iye zvino chipedzisai zvamakatanga, kuti muzadzise chido chenyu chekupa maererano nezvamuinazvo. 12 Nekuti kutanga, kana munhu aine chido, zvinonyanya kudiwa ndezvekuti ape maererano nezvaainazvo,+ kwete maererano nezvaasina. 13 Nekuti handidi kuita kuti zvirerukire vamwe zvichiomera imi; 14 asi kuti zvinhu zvienzane, zvenyu zvakawandisa iye zvino zvizadzise kushayiwa kwavo uye zvavo zvakawandisa zvizadzisewo kushayiwa kwenyu, kuti pave nekuenzana. 15 Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Munhu aiva nezvakawanda aisava nezvakawandisa, uye munhu aiva nezvishoma aisava nezvakanyanya kushomeka.”+

16 Saka tinotenda Mwari kuti akaisa mumwoyo maTito chido chekukubatsirai sechatiinacho,+ 17 nekuti akabvuma zvatakamukurudzira kuti aite, asi nechido chaainacho, ari kuuya kwamuri, uye akazvifungira ega kudaro. 18 Asi pane hama yatiri kutuma kuti iuye pamwe chete naye, ine mukurumbira pamusoro pemashoko akanaka wapararira muungano dzese. 19 Kwete izvozvo chete, asi yakagadzwawo neungano dzese kuti tifambe nayo patiri kupa chipo ichi chemutsa kuti Ishe akudzwe uye zvichiratidza kuti takagadzirira kubatsira. 20 Saka hatisi kuda kuti pave nemunhu anotiwanira mhosva pabasa iri rekuona nezvemupiro uyu uri kupiwa nemwoyo wese.+ 21 Nekuti ‘tiri kuita zvinhu zvese nekutendeseka, kwete pamberi paJehovha* chete, asiwo pamberi pevanhu.’+

22 Tiri kutumazve imwe hama yedu kuti iuye pamwe chete navo, yatakaedza tikaona kuti inoshingaira pazvinhu zvakawanda, asi iye zvino iri kutonyanya kushingaira nekuti ine chivimbo nemi. 23 Asi kana paine mubvunzo nezvaTito, ndinoti iye mumwe wangu uye anoshanda neni kuti zvikunakirei; kana kuti kana paine mubvunzo nezvehama dzedu, ivo vaapostora veungano uye kukudzwa kwaKristu. 24 Saka varatidzei kuti munovada,+ uye ratidzai ungano dzese kuti taitaura chokwadi pataizvirumbidza pamusoro penyu.

9 Panyaya yeushumiri hwekubatsira vatsvene,+ handifungi kuti ndinofanira kukunyorerai, 2 nekuti ndinoziva chido chenyu chandiri kuzvirumbidza nacho kuvaMakedhoniya, kuti iye zvino Akaya yava negore yakagadzirira, uye kushingaira kwenyu kwakakurudzira vakawanda vavo. 3 Asi ndiri kutuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu nezvenyu panyaya iyi kurege kushaya basa uye kuti muve vakagadzirira, sezvandakataura kuti maizoita. 4 Kana zvikasadaro, zvikaitika kuti vaMakedhoniya vanouya neni vokuwanai musati magadzirira, isu tinganyara nekuvimba kwatinoita nemi, asi imi muchatonyanya kunyara. 5 Saka ndakaona kuti ndaifanira kukurudzira hama kuti dzigare dzauya kwamuri uye kuti dzifanogadzirira chipo chenyu chakakura chamakavimbisa, kuitira kuti chigadzirirwe sechipo chinobva pamwoyo, kwete chekumanikidzwa.

6 Asi panyaya iyi, anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.+ 7 Mumwe nemumwe ngaaite sezvaakasarudza mumwoyo make, kwete kuita asingadi kana kuti achimanikidzwa,+ nekuti Mwari anoda munhu anopa achifara.+

8 Zvakare, Mwari anokwanisa kuita kuti nyasha dzake dziwande kwamuri, kuti mugare musina chamunoshayiwa pazvinhu zvese zvamunoda, muine zvakawanda pamabasa ese akanaka.+ 9 (Sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Akapa vakawanda; akapa varombo. Kururama kwake kunogara nekusingaperi.”+ 10 Saka uya anopa mudyari mbeu zhinji uye anopa vanhu chingwa kuti vadye, achakupai, uye achaita kuti mbeu iwande kuti mudyare uye achawedzera goho rekururama kwenyu.) 11 Muzvinhu zvese, muri kupfumiswa pamusana pekupa kwenyu zvinhu zvakasiyana-siyana nemwoyo wese, izvo zviri kuita kuti basa ratiri kuita riite kuti vanhu vaonge Mwari; 12 nekuti ushumiri uhwu hwekubatsira ruzhinji haungoitirwi chete kuwanisa vatsvene zvese zvavanoda,+ asi hunoitirwawo kuti vakawanda vaonge Mwari. 13 Neuchapupu hunopiwa neushumiri uhwu hwekuyamura, vanokudza Mwari nekuti munoteerera mashoko akanaka pamusoro paKristu, sekuzivisa pachena kwamakaita, uye nekuti munopa mupiro wenyu nemwoyo wese kwavari uye kuvanhu vese.+ 14 Uye vanokunyengetererai vachiteterera, vachiratidza kuti vanokudai nekuda kweukuru hwenyasha dzaMwari dziri pamuri.

15 Tinotenda Mwari nekuda kwechipo chake chepachena chisingatsananguriki.

10 Ini Pauro ndinokutetererai neunyoro nemutsa zvaKristu,+ kunyange ndiri munhu akaderera pakati penyu kana takanyatsotarisana,+ asi ndakashinga kwamuri kana ndisipo.+ 2 Ndinokumbira kuti pandinenge ndava ikoko, ndirege kuzova neushingi ndotora matanho akasimba andinofanira kutorera vamwe vanotiona setinofamba maererano nenyama. 3 Nekuti kunyange tichifamba munyama, hatirwi maererano nezvatiri panyama. 4 Nekuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama,+ asi Mwari anoita kuti zvive nesimba+ rekuparadza zvinhu zvakadzika midzi. 5 Nekuti tinoparadza kufunga kwese uye zvinhu zvese zvakakwirira zvinopesana nekuziva Mwari,+ uye tinotapa kufunga kwese kuti kuteerere Kristu; 6 uye kana mangoratidza kuti mava kuteerera zvakakwana,+ takagadzirira kuranga munhu wese asingateereri.

7 Munotarisa zvinhu maererano nekuoneka kwazvinoita kunze. Kana munhu aine chivimbo chekuti iye ndewaKristu, ngaayeuke izvi: Kana iye ari waKristu, isuwo ndizvo zvatiri. 8 Nekuti kunyange kana ndikanyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba ratakapiwa naShe kuti tikuvakei kwete kuti tikuputsei,+ handingambonzi ndiri kuzvirumbidza pasina. 9 Nekuti handidi kuti ndiite sendiri kuedza kukutyisidzirai netsamba dzangu. 10 Nekuti ivo vanoti: “Tsamba dzake dzine uremu uye dzine simba, asi kana avapo haana simba uye matauriro ake anoshoreka.” 11 Munhu akadaro anofanira kuziva kuti zvatinotaura mutsamba dzedu kana tisipo ndizvo zvatichaitawo patinenge tavapo.+ 12 Nekuti hatingambozviisi muboka revamwe vanozvirumbidza kana kuzvienzanisa navo.+ Asi pavanozviyera naivo pachavo uye pavanozvienzanisa naivo pachavo, vanenge vakarasika.+

13 Zvisinei, hatizozvirumbidzi tichipfuura miganhu yedu yatakaisirwa, asi tinozvirumbidza tiri mukati memuganhu watakayererwa naMwari, achiita kuti kunyange imi muvewo mumuganhu wacho.+ 14 Chokwadi ndechekuti hatisi kupfuura pataifanira kusvika sekunge kuti imi hamusi mumiganhu yedu, nekuti ndisu takatanga kuuya kwamuri nemashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 15 Hatisi kuzvirumbidza tichipfuura miganhu yedu nezvebasa rakaitwa nemumwe munhu, asi tinotarisira kuti kutenda kwenyu pakuri kuramba kuchiwedzera, zvatakaita zvingaitwa kuti zviwedzere, mumuganhu wedu. Tichabva taramba tichiwedzera, 16 kuti tizivise mashoko akanaka kunyika dziri kure nemi, kuti tisazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvakatoitwa munharaunda yemumwe. 17 “Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”*+ 18 Nekuti munhu anozvirumbidza haasi iye anofarirwa,+ asi munhu anorumbidzwa naJehovha* ndiye anofarirwa.+

11 Ndinoti dai maindiitirawo mwoyo murefu pakuva kwangu nekaupenzi. Asi ndingatoti muri kutondiitira mwoyo murefu! 2 Nekuti ndine godo pamusoro penyu, godo rakafanana neraMwari, nekuti ini ndakakuvimbisai kuti muroorwe nemurume mumwe chete kuti ndikuunzei kuna Kristu semhandara yakachena.+ 3 Asi ndinotya kuti sekunyengedzwa kwakaitwa Evha nenyoka nemanomano ayo,+ pfungwa dzenyu dzingangoshatiswa dzikabva pakutevera Kristu nemwoyo wese, makachena.+ 4 Nekuti iye zvino kana mumwe munhu akauya, okuparidzirai nezvemumwe Jesu asiri uya watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya usiri uya wamakagamuchira, kana mamwe mashoko akanaka asiri aya amakabvuma,+ munongobvumirana naye. 5 Nekuti ndinofunga kuti hapana pandakaderera kupfuura vaapostora venyu vakanakisisa.+ 6 Asi kunyange ndingasava nyanzvi pakutaura,+ handizvo zvandiri paruzivo; takaratidza kuti ndizvo zvatiri nenzira dzakawanda uye muzvinhu zvakasiyana-siyana.

7 Kana kuti ndakatadza here nekuzvininipisa kuti imi mukwidziridzwe, ndichikuzivisai nemufaro mashoko akanaka aMwari pasina mutengo?+ 8 Ndakabira dzimwe ungano pandaigamuchira zvavaindipa kuti ndikushumirei.+ 9 Pandakanga ndiinemi, ndikashayiwa, hapana kana wandakaremedza, nekuti hama dzakabva kuMakedhoniya ndidzo dzakandipa zvese zvandaida.+ Ndaiedza kusambokuremedzai uye ndicharamba ndichidaro.+ 10 Chero bedzi chokwadi chaKristu chiri mandiri, handizomboregi kuzvirumbidza+ nezvenyaya iyi muAkaya yese. 11 Ndinozviitirei? Zvinoreva here kuti handikudii? Mwari anoziva kuti ndinokudai.

12 Asi ndicharamba ndichiita zvandiri kuita,+ kuti ndishayise zvekutaura vaya vari kutsvaga chingaita kuti vanzi vakaenzana nesu panyaya dzavanozvirumbidza nadzo. 13 Nekuti varume vakadaro vaapostora venhema, vashandi vanonyengera, vanonyepedzera kuva vaapostora vaKristu.+ 14 Izvozvo hazvishamisi, nekuti Satani pachake anoramba achinyepedzera kuva ngirozi yechiedza.+ 15 Saka hazvishamisiwo kana vashumiri vake vachiramba vachinyepedzera kuva vashumiri vekururama. Asi kuguma kwavo kuchaenderana nemabasa avo.+

16 Ndinoti zvakare: Ngaparege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri munhu asingafungi. Asi kunyange mukafunga kudaro, chindigamuchirai henyu semunhu asingafungi, kuti iniwo ndimbozvirumbidzawo. 17 Zvandiri kutaura iye zvino hazviratidzi kutevera muenzaniso waKristu asi ndezvemunhu asingafungi, ari kuzvirumbidza nekunyanya kuva nechivimbo. 18 Sezvo vakawanda vari kuzvirumbidza panyama, iniwo ndichazvirumbidza. 19 Sezvo muchizviti munonzwisisa kwazvo, munongosiya vanhu vanoita zveupenzi vakadaro. 20 Ndingatoti, munongosiya chero munhu anokuitai varanda, chero anoparadza zvinhu zvenyu, chero anokubvutirai zvamuinazvo, chero anozvikwidziridza pamusoro penyu, uye chero anokurovai kumeso.

21 Zvandiri kutaura zviri kutinyadzisa, nekuti zvingatoita sekunge takaita zveumbwende.

Asi kana vamwe vakaita zveushingi, ndava kutaura semunhu asingafungi, neniwo ndinoita zveushingi. 22 Ivo vaHebheru here? Kana neniwo.+ Ivo vaIsraeri here? Kana neniwo. Ivo vana vaAbrahamu here? Kana neniwo.+ 23 Ivo vashumiri vaKristu here? Ndava kupindura semunhu anopenga, ini ndinotovapfuura: Ndakaita basa rakawanda kuvapfuura,+ ndakaiswa mujeri kakawanda,+ ndakarohwa kasingaverengeki, uye ndakapotswa nerufu kakawanda.+ 24 Kashanu ndakarohwa shamhu 39 nevaJudha,+ 25 ndakarohwa neshamhu katatu,+ ndakatemwa nematombo kamwe chete,+ ndakapinda mutsaona yengarava katatu,+ ndakaita usiku hwese nezuva rimwe ndiri pamusoro pemvura mugungwa; 26 panzendo kakawanda, panjodzi dzemunzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi dzinobva kuvanhu vekwangu,+ panjodzi dzinobva kune vemamwe marudzi,+ panjodzi muguta,+ panjodzi musango, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema, 27 pabasa nepakushanda zvakaoma, pakurara ndakasvinura kakawanda,+ pakuva nenzara nenyota,+ pakushaya zvekudya kakawanda,+ pachando nepakushaya zvekupfeka.

28 Kuwedzera pazvinhu izvozvo zvekunze, pane chimwe chinhu chinogara chichinditambudza zuva nezuva: kuzvidya mwoyo pamusoro peungano dzese.+ 29 Ndiani anoshaya simba, ini ndikasashayawo simba? Ndiani anogumburwa, ini ndikasashatirwa?

30 Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvezvinhu zvinoratidza kusava nesimba kwangu. 31 Mwari uye Baba vaShe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nekusingaperi, anoziva kuti handisi kureva nhema. 32 KuDhamasiko gavhuna aiva pasi pamambo Aretasi akanga akachengetedza guta revaDhamasiko achida kuti andibate, 33 asi ndakadzikiswa ndiri mudengu nepahwindo raiva parusvingo,+ ndikabva ndapukunyuka.

12 Ndinofanira kuzvirumbidza. Kunyange zvazvo zvisingabatsiri, ndichataura nezvezviratidzo zvinoshamisa+ nezvandakazarurirwa naShe.+ 2 Ndinoziva mumwe murume aiva pamwe naKristu, makore 14 apfuura; handizivi hangu kuti zvakaitika mumuviri here kana kuti musiri mumuviri; Mwari ndiye anoziva. Murume wacho akatorwa akaendeswa kudenga rechitatu. 3 Ndinoziva murume akadaro; handizivi hangu kuti zvakaitika mumuviri here kana kuti hazvina kuitika mumuviri; Mwari ndiye anoziva. 4 Munhu wacho akatorwa akaendeswa kuparadhiso, akanzwa mashoko asingatauriki uye asingabvumirwi nemutemo kuti munhu ataure. 5 Ndichazvirumbidza pamusoro pemunhu akadaro, asi handingazvirumbidzi nezvandiri, kunze kwekusava nesimba kwangu. 6 Nekuti kunyange kana ndichida kuzvirumbidza, handizoiti zveupenzi, nekuti ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi handidi kuita izvozvo, kuti pasava nemunhu anozonyanya kundirumbidza kupfuura zvaanoona pandiri kana kuti zvaanonzwa ndichitaura, 7 pamusana pekungoti ndakazarurirwa zvinhu zvinoshamisa.

Kuti ndirege kunyanyokwidziridzwa, ndakapiwa munzwa munyama,+ ngirozi yaSatani, kuti irambe ichindirova, kuti ndirege kunyanyokwidziridzwa. 8 Ndakakumbira Ishe katatu kese kuti ubve. 9 Asi iye akati kwandiri: “Nyasha dzangu pauri dzakakukwanira, nekuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava kwako nesimba.”+ Saka ndichazvirumbidza ndichifara pamusoro pekusava kwangu nesimba, kuti simba raKristu rirambe riri pamusoro pangu setende. 10 Saka ndinofara mukusava nesimba, mukutukwa, mukushayiwa, mukutambudzwa uye mukuomerwa nezvinhu, nekuda kwaKristu. Nekuti pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.+

11 Ndava kuita sebenzi. Ndimi makandiita kuti ndidaro, nekuti ndimi maifanira kundirumbidza. Nekuti hapana pandakava akaderera kuvaapostora venyu vakanakisisa, kunyange zvazvo ndingasava chinhu.+ 12 Zviratidzo zvemuapostora zvakavapo pakati penyu nekutsungirira kukuru,+ uye nezviratidzo nezvishamiso nemabasa esimba.+ 13 Nekuti ndepapi pandakaitira dzimwe ungano dzese zvinopfuura zvandakakuitirai? Handiti ndakatorega kukuremedzai?+ Ndiregerereiwo chitadzo ichocho.

14 Onai! Aka kava kechitatu ndagadzirira kuuya kwamuri, uye handisi kuzokuremedzai. Nekuti handisi kutsvaga zvinhu zvenyu,+ asi imimi; nekuti vana+ havatarisirwi kuti vachengete pfuma kuti vazochengeta vabereki vavo, asi vabereki ndivo vanofanira kuichengetera vana vavo. 15 Kana ndiri ini, ndichafara kushandisa zvinhu zvese zvandiinazvo uye ini ndichizvishandisawo kuitira imi.*+ Kana ndichikudai zvakadaro, ini ndini ndisingafaniri kudiwawo here? 16 Asi kunyange zvikava zvakadaro, handina kukuremedzai.+ Asi munoti ndakanga ndiine “manomano” uye ndakakubatai “ndichiita zvekukunyengerai.” 17 Pane pandakambokunyengerai ndichishandisa vanhu vandakatuma kwamuri ndichida kuti zvindinakire here? 18 Ndakakurudzira Tito uye ndakamutuma pamwe chete nehama yacho. Tito akambokunyengerai achida kuti zvimunakire here?+ Hatina kufamba nepfungwa dzakafanana here? Hatina kufamba mumakwara akafanana here?

19 Nguva yese iyi munofunga kuti tiri kuzvidavirira panyaya yamuri kutipomera here? Tiri kutaura pamberi paMwari tiri pamwe naKristu. Asi vadiwa, zvese zvatinoita tinozviitira kuti imi muvakwe. 20 Nekuti ndinotya kuti pandinosvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoshuva uye ini ndingasava sezvamunoshuva, asi ndingasvika paine kukakavadzana, godo, kupopotedzana, kusawirirana, kunyeyana, makuhwa, kuzvitutumadza, uye nyonganyonga. 21 Zvimwe pandichauyazve, Mwari wangu angandininipisa pamberi penyu, ndikachema vakawanda vakambotadza asi vasati vapfidza zvivi zvavo pakusachena kwavo nepaupombwe* hwavo nepatsika dzakafumuka dzavanoita.*

13 Aka kava kechitatu ndichiuya kwamuri. “Nyaya dzese dzinofanira kutongwa papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu.”*+ 2 Kunyange zvazvo ndisipo iye zvino, zvinoita sekuti ndiripo kechipiri, uye ndiri kugara ndayambira vaya vakamboita chivi uye vamwe vese, kuti kana ndikauya ikoko handisi kuzovasiya, 3 sezvo muri kutsvaga uchapupu hwekuti Kristu, uyo wamusingaoni semunhu asina simba, asi semunhu ane simba pakati penyu, ari kutaura achishandisa ini. 4 Nekuti iye akarovererwa padanda nekuda kwekusava nesimba, asi mupenyu pamusana pesimba raMwari.+ Ichokwadi kuti isuwo hatina simba pamwe chete naye, asi tichararama pamwe chete+ naye pamusana pesimba raMwari raari kukuratidzai.+

5 Rambai muchizviedza kuti muone kana muri pakutenda; rambai muchizviedza kuti makamira sei.+ Hamuzivi here kuti Jesu Kristu ari pamwe nemi? Kunze kwekunge musingafarirwi naMwari. 6 Ndinovimba zvechokwadi kuti muchazviona kuti tinofarirwa naMwari.

7 Iye zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti pasava nechakaipa chamunoita, kwete kuti isu tizviite sevanhu vanofarirwa nevamwe, asi kuti muite zvakanaka, kunyange isu tingaita sevanhu vasingafarirwi nevamwe. 8 Nekuti hapana chatinogona kuita chinopesana nechokwadi, asi tinongoita chete zvinotsigira chokwadi. 9 Chokwadi tinofara pese patinenge tisina simba asi imi muine simba. Uye tinonyengeterera kuti mururamiswe. 10 Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuzoshandisa zvakanyanya simba randakapiwa naShe,+ kuti ndikuvakei kwete kukuputsai.

11 Hama dzangu regai ndipedzise nekuti rambai muchifara, muchiruramiswa, muchinyaradzwa,+ muchibvumirana pakufunga,+ muchigara muine rugare;+ uye Mwari werudo newerugare+ achava nemi. 12 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. 13 Vatsvene vese vanokukwazisai.

14 Nyasha dzaShe Jesu Kristu nerudo rwaMwari nekuwadzana mumweya mutsvene ngazvive nemi mese.

Kana kuti “anotikurudzira.”

Kana kuti “pamiedzo yedu yese.”

Kana kuti “pamiedzo yavo yese.”

Kana kuti “nemiedzo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “zvamagara muchiziva.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti mubatsirwe kaviri.”

Anonziwo Sirasi.

Kana kuti “chidhindo.”

Kana kuti “semari yekufanobatira chinhu; sechitsidzo chezvichauya; sevimbiso yezvichauya.”

Kana kuti “apupurire mweya wangu.”

Kana kuti “manomano.”

Kana kuti “kunhuhwirira kwerufu kunoguma.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “kubva pakubwinya kuenda pakubwinya.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Dzimwe shanduro dzinoti, “nezvinoitwa nemweya waJehovha.”

Kana kuti “hatineti.”

Kana kuti “wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nekupenya kwemashoko.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “zvekushaya tariro.”

Kana kuti “hatineti.”

Kana kuti “semari yekufanobatira chinhu; sechitsidzo chezvichauya; sevimbiso yezvichauya.”

Kana kuti “chibayiro chechivi.”

Zvichida, zvekurwisa nazvo.

Zvichida, zvekuzvidzivirira nazvo.

Kana kuti “setinoonekwa takakodzera rufu.”

Kana kuti “wedzerai rudo ruri mumwoyo yenyu.”

Kana kuti “Musabatanidzwa zvisina kukodzera.”

Shoko racho rinobva pane rechiHebheru rinoreva kuti “Munhu Pasina,” richitaura nezvaSatani.

Kana kuti “akatendeka.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “nyama.”

ChiGir., “kundishingairira kwamunoita.”

Kana kuti “hamuna mhosva.”

Kana kuti “nekutya nekudedera.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “ndine ushingi nemhaka yenyu.”

Kana kuti “ifashukire.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “mweya yenyu.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nepakushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”

Kana kuti “pasimbiswa nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe