Mashoko Akanaka Maererano naMako
1 Kutanga kwemashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu: 2 Sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku romuprofita Isaya, kuti: “(Tarira! ndiri kutuma nhume yangu pamberi pako, ichagadzira nzira yako;)+ 3 teererai! mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Gadzirai nzira yaJehovha, ruramisai migwagwa yake,’”+ 4 Johani mubhabhatidzi akaoneka murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwokuratidza kupfidza kuti vakanganwirwe zvivi.+ 5 Naizvozvo nharaunda yose yeJudhiya nevagari vose vomuJerusarema vakabuda vakaenda kwaaiva, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rwaJodhani, vachireurura pachena zvivi zvavo.+ 6 Zvino Johani akanga akapfeka mvere dzengamera nebhandi reganda muchiuno chake,+ uye aidya mhashu+ nouchi hwomusango.+ 7 Aiparidza, achiti: “Shure kwangu kuri kuuya mumwe munhu akasimba kupfuura zvandakaita; handina kukodzera kukotama uye kusunungura tambo dzehwashu dzake.+ 8 Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai nomudzimu mutsvene.”+
9 Mumazuva iwayo Jesu akabva kuNazareta reGarireya, akabhabhatidzwa muJodhani naJohani.+ 10 Achangobva kubuda mumvura akaona matenga achiparadzana, uye, mudzimu uchiburukira paari wakaita senjiva;+ 11 uye inzwi rakabva kumatenga richiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.”+
12 Zvino mudzimu wakabva wamugombedzera kupinda murenje.+ 13 Naizvozvo akaramba ari murenje kwemazuva makumi mana,+ achiedzwa naSatani,+ uye akanga aine mhuka dzomusango, asi ngirozi dzakanga dzichimushumira.+
14 Zvino pashure pokunge Johani asungwa, Jesu akapinda muGarireya,+ achiparidza mashoko akanaka aMwari,+ 15 achiti: “Nguva yakatarwa yakwana,+ uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai,+ uye tendai mashoko akanaka.”
16 Paakanga achifamba murutivi rwegungwa reGarireya akaona Simoni+ naAndreya munun’una waSimoni vachikanda mambure avo mugungwa, nokuti vaiva vabati vehove.+ 17 Naizvozvo Jesu akati kwavari: “Nditeverei, uye ndichaita kuti muve vabati vevanhu.”+ 18 Vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.+ 19 Zvino ati fambei zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohani munun’una wake, pavakanga vari muchikepe chavo vachigadzira mambure avo;+ 20 uye pakarepo akavashevedza. Ivowo vakasiya baba vavo Zebhedhi vari muchikepe vaine vanhu vemaricho, vakamutevera. 21 Zvino vakapinda muKapenaume.+
Sabata richangotanga iye akapinda musinagogi, akatanga kudzidzisa. 22 Ivo vakashamiswa nemadzidzisiro ake,+ nokuti imomo akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, kwete sevanyori.+ 23 Uyewo, panguva iyoyo chaiyo musinagogi ravo maiva nomumwe munhu akanga akabatwa nesimba romudzimu usina kuchena, uye akashevedzera,+ 24 achiti: “Tinei nemi, imi Jesu wokuNazareta?+ Mauya kuzotiparadza here? Ndinonyatsoziva+ kuti ndimi ani, Mutsvene+ waMwari.”+ 25 Asi Jesu akautuka, achiti: “Nyarara, ubude maari!”+ 26 Zvino pashure pokunge mudzimu usina kuchena waita kuti agwinhe uye uchishevedzera nenzwi rawo rose, wakabuda maari.+ 27 Naizvozvo, vanhu vose vakakatyamadzwa kwazvo zvokuti vakatanga kutaurirana, vachiti: “Chii ichi? Kudzidzisa kutsva! Anorayira nesimba kunyange midzimu isina kuchena, uye inomuteerera.”+ 28 Naizvozvo mashoko pamusoro pake akabva angopararira kwose kwose munyika yose, kumativi ose muGarireya.+
29 Vakabva vangobuda musinagogi, vakapinda mumusha maSimoni+ naAndreya vaina Jakobho naJohani. 30 Zvino amai vomudzimai waSimoni+ vakanga varere vachirwara nefivha,+ uye vakabva vangomuudza pamusoro pavo. 31 Achienda kwavari akavasimudza, akavabata ruoko; uye fivha yakapera,+ ivo vakatanga kuvashumira.+
32 Ava manheru, zuva parakanga ravira, vanhu vakatanga kuuya kwaari navose vakanga vachirwara+ nevaya vaiva nemadhimoni;+ 33 uye guta rose rakanga rakaungana pasuo chaipo. 34 Naizvozvo akarapa vazhinji vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana,+ uye akadzinga madhimoni mazhinji, asi aisabvumira madhimoni acho kuti ataure, nokuti iwo aimuziva kuti ndiKristu.+
35 Zvino mangwanani-ngwanani, kuchine rima, akamuka, akabuda panze, akaenda kunzvimbo yakanga isina vanhu,+ uye ikoko akatanga kunyengetera.+ 36 Zvisinei, Simoni nevaya vaaiva navo vakanyatsomutsvaka, 37 vakamuwana, vakati kwaari: “Vose vari kukutsvakai.” 38 Asi iye akati kwavari: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, mumataundi omumusha ari pedyo, kuti ndiparidze+ ikokowo, nokuti ndakauyira izvozvo.”+ 39 Uye akaenda, achiparidza mumasinagogi avo muGarireya yose achidzinga madhimoni.+
40 Mumwe munhu aiva nemaperembudzi akauyawo kwaari, achimuteterera akatopfugama, achiti kwaari: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”+ 41 Iye akasiririswa,+ uye akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari: “Ndinoda. Cheneswa.”+ 42 Maperembudzi acho akabva angonyangarika paari, akabva achena.+ 43 Uyezve, akamurayira kwazvo uye akabva amuendesa, 44 akati kwaari: “Ona kuti hapana munhu waunoudza chinhu, asi enda uzviratidze kumupristi,+ upe zvinhu zvakarayirwa naMosesi+ nokuda kwokucheneswa kwako, kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 45 Asi aenda, murume wacho akatanga kuzvizivisa kwazvo uye kuparadzira nyaya yacho kwose kwose, zvokuti Jesu akanga asingachakwanisizve kupinda muguta pachena, asi akaramba ari kunze munzvimbo dzisina vanhu. Asi vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.+
2 Zvisinei, pashure pemazuva akati, akapindazve muKapenaume zvikataurwa kuti aiva pamba.+ 2 Naizvozvo vazhinji vakaungana, zvokuti pakanga pasisina nzvimbo, kunyange nepasuo, uye akatanga kuvataurira shoko.+ 3 Zvino vamwe varume vakauya kwaari nomunhu akanga akaoma rutivi rwomuviri akatakurwa nevanhu vana.+ 4 Asi vasingakwanisi kuuya naye paiva naJesu chaipo nokuda kweboka revanhu, vakabvisa denga pamusoro pepaakanga ari, uye vaboora pokupinda napo vakadzikisa kamubhedha kakanga kakarara munhu wacho akanga akaoma rutivi rwomuviri.+ 5 Zvino Jesu paakaona kutenda kwavo,+ akati kumunhu akaoma rutivi rwomuviri: “Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa.”+ 6 Zvino pakanga paine vamwe vevanyori ipapo, vakanga vagere vachifunga mumwoyo mavo+ kuti: 7 “Munhu uyu ari kutaurirei saizvozvi? Ari kumhura. Ndiani angakanganwira zvivi kunze kwomumwe chete, iye Mwari?”+ 8 Asi Jesu, achangobva kuziva nepfungwa dzake kuti vakanga vachifunga saizvozvo mumwoyo mavo, akati kwavari: “Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu?+ 9 Ndezvipi zviri nyore, kuti kumunhu akaoma rutivi rwomuviri, ‘Zvivi zvako zvakanganwirwa,’ kana kuti, ‘Simuka, utore kamubhedha kako, ufambe’?+ 10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu+ ane simba rokukanganwira zvivi panyika,”+—akati kune akanga akaoma rutivi rwomuviri: 11 “Ndinoti kwauri, Simuka, tora kamubhedha kako, uende kumba kwako.”+ 12 Iye akasimuka, akabva angotora kamubhedha kake, akabuda pamberi pavo vose,+ zvokuti vose vakashamiswa, vakakudza Mwari, vachiti: “Hatina kumboona zvakadai.”+
13 Akaendazve pedyo negungwa; uye boka rose revanhu rakaramba richiuya kwaari, uye akatanga kuvadzidzisa. 14 Asi zvaakanga achipfuura, akaona Revhi+ mwanakomana waArifiyosi akagara pahofisi yomutero, akati kwaari: “Iva muteveri wangu.” Achisimuka iye akamutevera.+ 15 Kwapera nguva yakati, iye akanga akatsenhama patafura mumba make, uye vateresi vazhinji+ nevatadzi vakanga vakatsenhama naJesu nevadzidzi vake, nokuti paiva nevazhinji vavo uye vakatanga kumutevera.+ 16 Asi vanyori vevaFarisi, pavakaona kuti akanga achidya nevatadzi nevateresi, vakatanga kuti kuvadzidzi vake: “Ko anodyawo nevateresi nevatadzi?”+ 17 Achinzwa izvi, Jesu akati kwavari: “Vaya vakasimba havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda. Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.”+
18 Zvino vadzidzi vaJohani nevaFarisi vaiva netsika yokutsanya. Naizvozvo vakauya, vakati kwaari: “Nei vadzidzi vaJohani nevadzidzi vevaFarisi vaine tsika yokutsanya, asi vadzidzi venyu vasina tsika yokutsanya?”+ 19 Zvino Jesu akati kwavari: “Shamwari dzomuroori dzingatsanya+ muroori achiri nadzo here? Chero bedzi muroori achiri nadzo hadzingatsanyi.+ 20 Asi mazuva achauya padzichatorerwa muroori, uye dzichabva dzatsanya pazuva iroro.+ 21 Hapana munhu anosonera chigamba chejira idzva panguo yokunze tsaru; kana akadaro, simba racho rose rinoikweva, chigamba chitsva chichibva panguo tsaru, uye iyo inowedzera kubvaruka.+ 22 Uyewo, hapana munhu anoisa waini itsva muhombodo tsaru dzewaini; kana akadaro, waini yacho inoparura hombodo, uye waini inorasika, hombodo dzoparara.+ Asi vanhu vanoisa waini itsva muhombodo itsva dzewaini.”+
23 Zvino akanga achipfuura hake nomuminda yezviyo pasabata, uye vadzidzi vake vakatanga kutanha+ hura dzezviyo+ vachifamba. 24 Naizvozvo vaFarisi vakatanga kuti kwaari: “Tarirai! Vari kuitirei zvisingabvumirwi nomutemo pasabata?”+ 25 Asi iye akati kwavari: “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi+ apo akashayiwa zvokudya, akava nenzara, iye nevarume vaaiva navo?+ 26 Mapindiro aakaita muimba yaMwari, panyaya ine chokuita nomupristi mukuru Abhiyatari,+ akadya zvingwa zvokuratidzira,+ zvisingabvumirwi nomutemo+ kuti zvidyiwe nomumwe munhuwo zvake kunze kwevapristi, uye akapawo zvimwe kuvarume vaakanga ainavo?”+ 27 Naizvozvo akaenderera mberi achiti kwavari: “Sabata rakaitwa kuti rivepo nokuda kwomunhu,+ asi munhu haana kuitwa kuti avepo nokuda kwesabata;+ 28 nokudaro Mwanakomana womunhu ndiye Ishe kunyange wesabata.”+
3 Akapindazve musinagogi, uye mumwe murume aiva noruoko rwakaoma+ akanga ari imomo. 2 Naizvozvo vakanga vakanyatsomutarira kuti vaone kana aizorapa murume wacho pasabata, kuti vamupomere.+ 3 Zvino akati kumurume aiva noruoko rwakakokonyara: “Simuka uuye pakati.” 4 Akati kwavari: “Zvinobvumirwa nomutemo here kuita basa rakanaka kana kuita basa rakaipa pasabata, kuponesa kana kuuraya mweya?”+ Asi vakaramba vakanyarara. 5 Pashure pokunge atarira-tarira pavari akatsamwa, achishungurudzwa kwazvo nokuoma kwemwoyo yavo,+ akati kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, uye ruoko rwake rwakaporeswa.+ 6 VaFarisi vakabuda vakabva vatanga kurangana nevateveri vebato raHerodhi+ pamusoro pake, kuti vamuparadze.+
7 Asi Jesu nevadzidzi vake vakabuda, vakaenda kugungwa; uye vanhu vazhinjizhinji vaibva kuGarireya nevaibva kuJudhiya vakamutevera.+ 8 Vanhu vazhinjizhinji vaibva kunyange kuJerusarema neIdhumeya nemhiri kwaJodhani nomunzvimbo dzakapoteredza Tire+ neSidhoni, vachinzwa kuti zvinhu zvizhinji sei zvaakanga achiita, vakauya kwaaiva. 9 Zvino akaudza vadzidzi vake kuti vave nekachikepe kokuti arambe achishandisa kuti boka revanhu rirege kumumomotera. 10 Nokuti akarapa vazhinji, zvokuti vose vakanga vaine hosha dzinotambudza vakanga vachiwira paari kuti vamubate.+ 11 Kunyange midzimu isina kuchena,+ pose payaimuona, yaigwadama pamberi pake yoshevedzera, ichiti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.”+ 12 Asi kazhinji akairayira zvakasimba kuti isaita kuti azivikanwe.+
13 Zvino akakwira mugomo akashevedza vaya vaaida,+ uye ivo vakaenda kwaaiva.+ 14 Akaumba boka revane gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti “vaapostora,” kuti varambe vainaye uye kuti avatume kunoparidza+ 15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.+
16 Zvino boka revane gumi nevaviri raakaumba raiva, Simoni, waakatumidzawo zita rokuti Petro,+ 17 naJakobho mwanakomana waZebhedhi naJohani munun’una waJakobho+ (akatumidzawo ava zita rokuti Bhoanajisi, rinoreva kuti Vanakomana Vokutinhira), 18 naAndreya naFiripi naBhatoromeyo naMateu naTomasi naJakobho mwanakomana waArifiyosi naTadhiyosi naSimoni muKenani 19 naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.+
Zvino akapinda mune imwe imba. 20 Boka revanhu rakaunganazve, zvokuti vakanga vasingakwanisi kunyange kudya zvokudya.+ 21 Asi hama dzake+ padzakazvinzwa, dzakabuda kuti dzinomubata, nokuti dzakanga dzichiti: “Ava kupenga.”+ 22 Uyewo, vanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakanga vachiti: “Iye anaBherizebhubhu, uye anodzinga madhimoni achishandisa mutongi wemadhimoni.”+ 23 Naizvozvo, avashevedza, akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo, achiti: “Satani angadzinga sei Satani? 24 Chokwadi, kana umambo hukapesana pachahwo, umambo ihwohwo hahungamiri;+ 25 uye kana imba ikapesana pachayo, imba iyoyo haingakwanisi kumira.+ 26 Uyewo, kana Satani azvimukira iye apesana, haangamiri, asi ava kusvika kumugumo.+ 27 Chokwadi, hapana munhu anoti kana apinda muimba yomunhu akasimba angakwanisa kupamba+ zvinhu zvake zvinotakurika kana akasatanga asunga munhu wacho akasimba, obva apamba imba yake.+ 28 Chokwadi ndinoti kwamuri zvinhu zvose zvichakanganwirwa vanakomana vevanhu, pasinei nokuti zvivi zvavakapara zvakaita sei uye kuti kumhura kwavakaita kwakaita sei.+ 29 Zvisinei, munhu wose anomhura mudzimu mutsvene haakanganwirwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”+ 30 Iye akadaro, nokuti vakanga vachiti: “Ane mudzimu usina kuchena.”+
31 Zvino amai vake nevanun’una vake+ vakasvika, uye, zvavakanga vakamira kunze, vakatumira shoko kuti ashevedzwe.+ 32 Sezvineiwo, boka revanhu rakanga rigere rakamupoteredza, naizvozvo vakati kwaari: “Tarira! Amai vako nevanun’una vako vari panze vari kukutsvaka.”+ 33 Asi achipindura, akati kwavari: “Amai vangu ndiani uye vanun’una vangu ndivanaani?”+ 34 Zvino atarira-tarira pane vaya vakanga vagere naye vakamukomba, akati: “Onai, amai vangu nevanun’una vangu!+ 35 Munhu wose anoita kuda kwaMwari, iyeyu ndiye munun’una wangu nehanzvadzi naamai.”+
4 Zvino akatangazve kudzidzisa ari parutivi pegungwa.+ Boka guru kwazvo revanhu rakaungana pedyo naye, zvokuti akakwira muchikepe, akagara imomo ari mugungwa, asi boka rose revanhu raiva parutivi pegungwa rakanga riri pamhenderekedzo.+ 2 Naizvozvo akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji achishandisa mifananidzo+ uye akati kwavari paaivadzidzisa:+ 3 “Teererai. Tarirai! Mudyari akaenda kunodyara.+ 4 Paaidyara, imwe mbeu yakawira parutivi pomugwagwa, shiri dzikauya dzikaidya yose.+ 5 Imwe yakawira panzvimbo ine matombo, paisinawo kuva neivhu rakawanda, uye yakabva yangomera nokuti yakanga isina ivhu rakadzika.+ 6 Asi zuva parakabuda, yakatsva, uye yakaoma nokuti yakanga isina midzi.+ 7 Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, uye minzwa yakakura ikaivhunga, uye haina kubereka zvibereko.+ 8 Asi imwe yakawira paivhu rakanaka,+ ikamera, ikakura, uye yakatanga kubereka zvibereko, uye yakanga ichibereka zvine makumi matatu, nezvine makumi matanhatu uye zvine zana.”+ 9 Naizvozvo akawedzera shoko rokuti: “Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”+
10 Zvino paakanga ava oga, vaya vaaiva navo pamwe chete nevane gumi nevaviri vakatanga kumubvunza pamusoro pemifananidzo yacho.+ 11 Iye akati kwavari: “Imi makapiwa chakavanzika chitsvene+ choumambo hwaMwari, asi kune vaya vari kunze zvinhu zvose zvinoitika nemifananidzo,+ 12 kuti, kunyange vachitarira, vatarire asi varege kuona, uye, kunyange vachinzwa, vanzwe asi varege kunzwisisa, kana kunyange kutendeuka kuti vakanganwirwe.”+ 13 Uyezve, akati kwavari: “Hamuzivi mufananidzo uyu, saka muchanzwisisa sei mimwe mifananidzo yose?
14 “Mudyari anodyara shoko.+ 15 Saka, ava, ndivo iya iri parutivi pomugwagwa panodyarwa shoko; asi pavanenge vangorinzwa Satani anouya+ otora shoko rakadyarwa mavari.+ 16 Saizvozvowo ava ndivo iya yakadyarwa panzvimbo dzine matombo: pavanenge vangonzwa shoko chete, vanorigamuchira nomufaro.+ 17 Zvisinei ivo havana midzi mavari, asi vanopfuurira kwenguva yakati; zvino panongomuka kutambura kana kutambudzwa nokuda kweshoko, ivo vanogumburwa.+ 18 Kune imwezve inodyarwa pakati peminzwa; iyi ndivo vaya vakanzwa shoko,+ 19 asi kuzvidya mwoyo+ nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma+ noruchiva+ rwezvimwe zvinhu zvose zvinopinda, zvovhunga shoko racho, uye haribereki zvibereko.+ 20 Pakupedzisira, iya yakadyarwa paivhu rakanaka ndivo vaya vanoteerera shoko, vorigamuchira, vobereka zvibereko zvine makumi matatu uye zvine makumi matanhatu uye zvine zana.”+
21 Zvino akaenderera mberi achiti kwavari: “Rambi rinombounzwa kuti riiswe pasi pedengu rokuyeresa kana pasi pomubhedha here? Hariunzwi kuti riiswe pamusoro pechigadziko cherambi here?+ 22 Nokuti hapana chakavanzika chisingazoratidzwi; hapana chinhu chakanyatsovanzika chisingazoiswi pachena.+ 23 Munhu wose ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”+
24 Akatizve kwavari: “Chenjererai zvamuri kunzwa.+ Chiyero chamuri kuyera nacho, muchayererwawo nacho,+ chokwadi, muchawedzerwa zvimwe.+ 25 Nokuti anazvo achawedzerwa zvimwe; asi uya asina, achatorerwa kunyange nezvaainazvo.”+
26 Naizvozvo akaenderera mberi achiti: “Saizvozvo umambo hwaMwari hwakafanana neapo munhu anodyara mbeu muivhu,+ 27 anorara usiku omuka kwayedza, mbeu inomera yoreba, kuti zvinoitika sei iye haazivi.+ 28 Ivhu pacharo rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga chipande, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura. 29 Asi kana zvibereko zvangoibva, iye anopinza jeko, nokuti nguva yokukohwa yasvika.”
30 Zvino akaenderera mberi achiti: “Tichafananidza umambo hwaMwari nechii, kana kuti tichahurondedzera nomufananidzo wechii?+ 31 Kufanana netsanga yemasitadhi, iyo panguva yayakadyarwa muvhu yakanga iri mbeu duku kupfuura dzimwe dzose dziri panyika+— 32 asi painenge yadyarwa, inomera yova huru pane mimwe miriwo yose uye inoita mapazi akakura,+ zvokuti shiri dzokudenga+ dzinokwanisa kuwana pokugara pasi pomumvuri wayo.”+
33 Naizvozvo aitaura shoko kwavari achishandisa mifananidzo mizhinji+ yorudzi irworwo, kusvikira pavaikwanisa kunzwisisa. 34 Chokwadi, aisataura navo asingashandisi mufananidzo, asi aizotsanangurira vadzidzi vake zvinhu zvose vari voga.+
35 Zvino pazuva iroro, ava manheru, akati kwavari: “Ngatiyambukirei mhiri.”+ 36 Naizvozvo, pashure pokunge vaendesa boka revanhu, vakaenda pamwe chete naye vari muchikepe, zvaakanga agara ari imomo, uye pakanga paine zvimwe zvikepe zvaaiva nazvo.+ 37 Zvino dutu rine simba kwazvo rakamuka, uye mafungu akaramba achipinda muchikepe, zvokuti chikepe chakanga chava kuda kuzara nemvura.+ 38 Asi iye akanga ari mushure, akarara pamutsago. Naizvozvo vakamumutsa, vakati kwaari: “Mudzidzisi, hamuna hanya here kuti tava kuda kuparara?”+ 39 Naizvozvo akamuka, akatuka mhepo yacho, akati kugungwa: “Shii! Nyarara!”+ Zvino mhepo yacho yakadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.+ 40 Naizvozvo akati kwavari: “Nei muchitya? Nazvino hamusati mava nokutenda chero kupi zvako here?” 41 Asi vakatya kwazvo, uye vaitaurirana vachiti: “Iyeyu anombova ani, nokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?”+
5 Zvino vakasvika mhiri kwegungwa munyika yevaGerasa.+ 2 Achangobva kubuda muchikepe, mumwe munhu aidzorwa nesimba romudzimu usina kuchena akasangana naye achibva kumakuva.+ 3 Aigara kumakuva; uye kusvikira panguva iyoyo hapana kana munhu aimbokwanisa kumusunga zvakasimba kunyange necheni, 4 nokuti akanga asungwa kazhinji nezvisungo zvomumakumbo necheni, asi aidimbura cheni nepakati uye chokwadi aidimbura zvisungo zvomumakumbo; uye hapana munhu akanga aine simba rokumukunda. 5 Usiku nemasikati, airamba achingoshevedzera ari kumakuva nomumakomo achizvicheka-cheka nematombo. 6 Asi paakaona Jesu ari kure zvishoma, akamhanya, akamupfugamira, 7 uye, paakanga ashevedzera nenzwi guru,+ akati: “Ndinei nemi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro?+ Ndinoita kuti mupike+ naMwari kuti murege kundirwadzisa.”+ 8 Nokuti iye akanga ave achiuudza kuti: “Buda mumunhu uyu, iwe mudzimu usina kuchena.”+ 9 Asi akatanga kumubvunza kuti: “Unonzi ani?” Iye akati kwaari: “Ndinonzi Rigiyoni,+ nokuti tiri vazhinji.”+ 10 Akamuteterera kazhinji kuti arege kudzinga midzimu yacho munyika iyoyo.+
11 Zvino pakanga paine boka guru renguruve+ dzakanga dzichifura pagomo.+ 12 Naizvozvo iyo yakamuteterera, ichiti: “Titumirei munguruve, kuti tipinde madziri.” 13 Iye akaibvumira. Naizvozvo midzimu isina kuchena yakabuda, ikapinda munguruve; uye boka racho rakamhanya nepamawere rikapinda mugungwa, nguruve dzinenge zviuru zviviri, dzikanyura mugungwa dzichitevedzana.+ 14 Asi vafudzi vadzo vakatiza, vakanozvitaura muguta nomuruwa; uye vanhu vakauya kuzoona kuti chii chakanga chaitika.+ 15 Naizvozvo vakauya kuna Jesu, vakaona munhu aimbova nemadhimoni akagara akapfeka, ava munhu kwaye, murume uyu aimbova neboka guru remadhimoni; uye vakatya. 16 Uyewo, vaya vakanga vazviona vakarondedzera kwavari maitikiro azvakanga zvaita kumunhu akanga aine dhimoni uye pamusoro penguruve. 17 Naizvozvo vakatanga kumuteterera kuti abve mumaruwa avo.+
18 Zvino zvaakanga achikwira chikepe, munhu uya aimbova nemadhimoni akatanga kumuteterera kuti arambe ainaye.+ 19 Zvisinei, haana kumubvumira, asi akati kwaari: “Enda kumba kuhama dzako,+ udziudze zvinhu zvose zvawaitirwa naJehovha+ nengoni+ dzaakuitira.” 20 Zvino akaenda, akatanga kuzivisa muDhekaporisi+ zvinhu zvose zvaakaitirwa naJesu, uye vanhu vose vakashamisika.+
21 Pashure pokunge Jesu ayambukirazve mhiri ari muchikepe, boka guru revanhu rakamuunganira; uye iye akanga ari parutivi pegungwa.+ 22 Zvino mumwe wevakuru vaitungamirira sinagogi, ainzi Jairosi, akasvika uye, paakamuona, akawira patsoka dzake,+ 23 akamuteterera kazhinji, achiti: “Mwanasikana wangu muduku arwara kwazvo. Ndapota mungauya here muise maoko enyu+ paari kuti apore, ararame.”+ 24 Akabva aenda naye. Boka guru revanhu rakanga richimutevera richimumomotera.+
25 Zvino kwakanga kuine mukadzi aibuda ropa+ kwemakore gumi nemaviri,+ 26 akanga arwadziswa kazhinji navanachiremba+ vazhinji uye akanga apedza pfuma yake yose uye akanga asina kubatsirwa, asi, akanga atonyanyisa kurwara. 27 Paakanzwa zvinhu zvaitaurwa nezvaJesu, akauya nechomushure meboka revanhu, akabata+ nguo yake yokunze; 28 nokuti akaramba achiti: “Kana ndikangobata nguo yake yokunze ndichapora.”+ 29 Tsime rake reropa rakabva rangooma, akanzwa mumuviri make kuti akanga aporeswa chirwere chinotambudza.+
30 Uyewo, Jesu akabva aziva kuti simba+ rakanga rabuda maari, akatendeuka ari muboka revanhu, akatanga kuti: “Ndiani abata nguo dzangu dzokunze?”+ 31 Asi vadzidzi vake vakatanga kuti kwaari: “Muri kuona boka revanhu richikumomoterai,+ asi moti, ‘Ndiani andibata?’” 32 Zvisinei, iye akanga achitarira-tarira kuti aone iye akanga aita izvi. 33 Asi mukadzi wacho, achitya uye achidedera, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya, akawira pasi pamberi pake, akamuudza chokwadi chose.+ 34 Iye akati kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare,+ uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.”+
35 Achiri kutaura, vamwe varume vakabva kumba kwomukuru aitungamirira sinagogi vakasvika vakati: “Mwanasikana wenyu afa! Muchiri kunetserei henyu mudzidzisi?”+ 36 Asi Jesu, achingoita manzwira shoko raitaurwa, akati kumukuru aitungamirira sinagogi: “Usatya, ingotenda chete.”+ 37 Zvino hapana munhu waakabvumira kumutevera kunze kwaPetro naJakobho naJohani munun’una waJakobho.+
38 Naizvozvo vakasvika pamba pomukuru aitungamirira sinagogi, akaona boka raiita nyonganyonga noruzha nevaya vaisvimha misodzi vachiungudza kwazvo, 39 uye, pashure pokunge apinda, akati kwavari: “Muri kuitirei nyonganyonga noruzha muchisvimha misodzi? Mwana muduku haana kufa, asi akarara.”+ 40 Ivo vakatanga kumuseka vachimuzvidza. Asi, avabudisa vose, akatora baba naamai vomwana wacho muduku nevaya vaaiva navo, akapinda makanga muine mwana muduku.+ 41 Achibata ruoko rwomwana wacho muduku, akati kwaari: “Tarita kumi,” zvinoreva kuti: “Musikana, ndinoti kwauri, Muka!”+ kana zvashandurwa. 42 Musikana wacho akabva angomuka, akatanga kufamba, nokuti akanga aine makore gumi nemaviri. Pakarepo ivo vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.+ 43 Asi akavarayira avarayirazve kuti vasaita kuti mumwe munhu azive+ nezvazvo, uye akataura kuti apiwe chokudya.
6 Zvino akabva ikoko, akasvika munharaunda yokumusha kwake, uye vadzidzi vake vakamutevera.+ 2 Sabata parakasvika, akatanga kudzidzisa musinagogi; uye vazhinji vevaya vaiteerera vakashamiswa, vakati: “Munhu uyu akawana kupi zvinhu izvi?+ Nei munhu uyu akapiwa uchenjeri uhwu, uye nei mabasa akadai esimba achiitwa nemaoko ake? 3 Uyu haasi iye muvezi,+ mwanakomana waMariya+ uye mukoma waJakobho+ naJosefa naJudhasi naSimoni+ here? Hanzvadzi dzake hadzisi pano pamwe chete nesu here?” Naizvozvo vakatanga kugumburwa naye.+ 4 Asi Jesu akati kwavari: “Muprofita anokudzwa kumwe kwose asi kwete munharaunda yokumusha kwake+ nepakati pehama dzake uye mumba make.”+ 5 Naizvozvo akanga asingakwanisi kuita mabasa esimba ikoko kunze kwokuisa maoko ake pavanhu vashomanana vairwara nokuvarapa. 6 Chokwadi, akashamiswa nokusava kwavo nokutenda. Uye akatenderera nomumisha yose, achidzidzisa.+
7 Zvino akashevedza vane gumi nevaviri, akatanga kuvatuma vaviri vaviri,+ uye akatanga kuvapa simba pamusoro pemidzimu isina kuchena.+ 8 Akavarayirawo kuti varege kutakura chinhu nokuda kworwendo rwacho kunze kwomudonzvo woga, vasina chingwa, vasina homwe yezvokudya,+ vasina mari yemhangura muzvikwama zvavo zvaisungirwa pamabhandi,+ 9 asi kuti vasunge hwashu, uye varege kupfeka nguo mbiri dzomukati.+ 10 Akatizve kwavari: “Kwose kwamunopinda mumba,+ garai imomo kusvikira mabuda munzvimbo iyoyo.+ 11 Nzvimbo yose isingakugamuchirii kana kukunzwai, pamunobuda imomo zunzai bukuta riri pasi petsoka dzenyu kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 12 Naizvozvo vakaenda, vakaparidza kuti vanhu vapfidze;+ 13 uye vaidzinga madhimoni+ mazhinji nokuzora mafuta+ vanhu vairwara vazhinji nokuvarapa.+
14 Zvino zvakasvika munzeve dzaMambo Herodhi, nokuti zita raJesu rakazivikanwa navose, uye vanhu vakanga vachiti: “Johani mubhabhatidzi amutswa kubva kuvakafa, uye nokuda kwaizvozvo ari kukwanisa kuita mabasa esimba.”+ 15 Asi vamwe vakanga vachiti: “NdiEriya.”+ Vamwezve vakanga vachiti: “Muprofita akafanana nomumwe wevaprofita.”+ 16 Asi Herodhi paakazvinzwa, akatanga kuti: “Johani wandakadimbura musoro, ndiye amutswa.”+ 17 Nokuti Herodhi akanga atuma munhu, akabata Johani, akamusunga ari mujeri nemhosva yaHerodhiyasi, mudzimai waFiripi, munun’una wake, nokuti iye akanga amuroora.+ 18 Nokuti Johani akanga audza Herodhi kazhinji, kuti: “Hazvibvumirwi nomutemo kuti imi muve nomudzimai womunun’una wenyu.”+ 19 Asi Herodhiyasi akanga achimuchengetera mafi+ uye aida kumuuraya, asi akanga asingagoni.+ 20 Nokuti Herodhi akanga achitya+ Johani, achiziva kuti munhu akarurama uye mutsvene;+ uye akanga achimuchengetedza. Pashure pokunge amunzwa+ akashaya kana chokuita, asi akaramba achimunzwa achifara.
21 Asi zuva rakakodzera+ rakasvika Herodhi paakagadzirira varume vake vane nzvimbo dzepamusoro nevatungamiriri vehondo nevakuru vakuru vokuGarireya kudya kwemanheru pazuva rokuberekwa kwake.+ 22 Zvino mwanasikana waHerodhiyasi iyeyu akauya, akatamba, akafadza Herodhi nevaya vakanga vakatsenhama+ naye. Mambo akati kumusikana wacho: “Ndikumbire chose chaunoda, uye ndichakupa.” 23 Chokwadi, akamupikira achiti: “Ndichakupa chose chaunondikumbira,+ kusvikira pahafu youmambo hwangu.”+ 24 Zvino iye akabuda, akati kuna amai vake: “Ndokumbirei?” Ivo vakati: “Musoro waJohani mubhabhatidzi.”+ 25 Akabva angopinda nechimbichimbi kuna mambo, akakumbira, achiti: “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro huru.” 26 Kunyange zvazvo akashungurudzwa kwazvo, mambo haana kuda kurega kumuteerera, nokuda kwemhiko uye nokuda kwevaya vakanga vakatsenhama patafura.+ 27 Naizvozvo mambo akabva angotuma murindi, akamurayira kuti auye nomusoro wake. Akaenda, akamudimbura musoro ari mujeri,+ 28 akauya nomusoro wake uri mundiro huru, akaupa musikana wacho, musikana wacho akanoupa amai vake.+ 29 Vadzidzi vake pavakazvinzwa vakauya, vakatora chitunha chake, vakachiviga muguva.+
30 Zvino vaapostora vakaungana pamberi paJesu, vakamuudza zvinhu zvose zvavakanga vaita uye vadzidzisa.+ 31 Iye akati kwavari: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu+ muzorore zvishoma.”+ Nokuti kwakanga kuine vazhinji vaiuya nevaienda, uye vakanga vasina nguva yokuzorora kunyange yokudya zvokudya.+ 32 Naizvozvo vakaenda vari muchikepe kunzvimbo yakanga isina vanhu.+ 33 Asi vanhu vakavaona vachienda uye vazhinji vakazviziva, uye vachibva mumaguta ose vakamhanyira ikoko netsoka vakavatangira kusvika.+ 34 Naizvozvo, achibuda, akaona boka guru revanhu, asi akasiririswa+ navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi.+ Zvino akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.+
35 Panguva ino yakanga yava awa yemanheru, uye vadzidzi vake vakauya kwaari, vakatanga kuti: “Nzvimbo ino haina vanhu, uye yatova awa yemanheru.+ 36 Vaendesei, kuti vapinde muruwa nomumisha yakapoteredza vazvitengere zvokudya.”+ 37 Achipindura, iye akati kwavari: “Imi vapei zvokudya.” Ivo vakati kwaari: “Toenda kunotenga zvingwa zvemadhinari mazana maviri tipe vanhu kuti vadye here?”+ 38 Iye akati kwavari: “Imi mune zvingwa zvingani? Endai munoona!” Pashure pokunge vatarira, vakati: “Zvishanu, pamwe chete nehove mbiri.”+ 39 Akarayira vanhu vose kuti vatsenhame mumapoka+ pauswa hwakasvibirira.+ 40 Ivo vakatsenhama pasi vari mapoka evane zana uye evane makumi mashanu.+ 41 Zvino achitora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarira kudenga, akakumbira chikomborero,+ uye akamedura+ zvingwa, akatanga kuzvipa vadzidzi, kuti izvi zviiswe pamberi pevanhu; uye hove mbiri akadzigovera vose. 42 Naizvozvo vose vakadya, vakaguta;+ 43 uye vakanhonga zvimedu, zvikaita tswanda gumi nembiri dzakazara, tisingabatanidzi hove. 44 Uyezve, vaya vakadya zvingwa vaiva varume zviuru zvishanu.+
45 Pakarepo, akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire chikepe ndokufanotungamira mhiri pedyo neBhetisaidha, iye paakanga achiendesa boka revanhu.+ 46 Asi pashure pokuvaoneka akaenda mugomo kunonyengetera.+ 47 Zvino ava manheru, chikepe chakanga chava pakati pegungwa, asi iye akanga ari oga panyika yakaoma.+ 48 Asi paakavaona vachinetseka+ nokukwasva, nokuti mhepo yairwisana navo, panenge panguva yokurinda kwechina kwousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa; asi akanga achida kuvapfuura. 49 Vachimuona achifamba pamusoro pegungwa vakafunga kuti: “Idzangaradzimu!” uye vakaridza mhere.+ 50 Nokuti vose vakamuona uye vakanetseka. Asi akabva ataura navo, akati kwavari: “Shingai, ndini; musatya.”+ 51 Zvino akapinda muchikepe mavaiva, mhepo ikadzikama. Ivo vakashamiswa kwazvo mumwoyo mavo,+ 52 nokuti vakanga vasina kunzwisisa zvaireva zvingwa, asi mwoyo yavo yakaramba yakagomara pakunzwisisa.+
53 Zvino pavakayambukira kunyika yakaoma, vakapinda muGenesareti, vakasungirira ngarava pedyo naipapo.+ 54 Asi pavakangobuda muchikepe, vanhu vakamuziva, 55 vakamhanya-mhanya munzvimbo iyoyo yose, vakatanga kutakura vaya vairwara patumibhedha vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti akanga ari. 56 Kwose kwose kwaaipinda mumisha kana mumaguta kana mumaruwa+ vaiisa varwere pamisika, uye vaimuteterera kuti vabate+ chete masa+ yenguo yake yokunze. Naizvozvo vazhinji vakaibata vakaporeswa.+
7 Zvino vaFarisi nevamwe vevanyori vakanga vabva kuJerusarema vakamuunganira.+ 2 Pavakaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvokudya zvavo nemaoko akasviba, kureva kuti, asina kugezwa+— 3 nokuti vaFarisi nevamwe vaJudha vose havadyi kana vasati vageza maoko avo kusvikira kugokora, vachibatisisa tsika yevanhu vomunguva yekare, 4 uye, kana vadzoka kubva kumusika, havadyi kana vasati vazvichenesa nokusasa; uye pane dzimwe tsika+ zhinji dzavakagamuchira kuti vabatisise, kubhabhatidza makapu nemajagi nemidziyo yemhangura;+— 5 naizvozvo vaFarisi ava nevanyori vakamubvunza kuti: “Nei vadzidzi vako vasingazvibati maererano netsika yevanhu vomunguva yekare, asi vanodya zvokudya zvavo nemaoko akasviba?”+ 6 Iye akati kwavari: “Isaya akaprofita zvakakodzera pamusoro penyu imi vanyengeri, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti,+ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.+ 7 Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’+ 8 Munobatisisa tsika yevanhu muchirega murayiro waMwari.”+
9 Uyezve, akati kwavari: “Munorerutsa murayiro+ waMwari nenzira youngwaru kuti muchengete tsika yenyu. 10 Somuenzaniso, Mosesi akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye, ‘Anotuka baba kana amai ngaafe.’+ 11 Asi imi munoti, ‘Kana munhu akati kuna baba vake kana amai vake: “Chose chandiinacho chandingakubatsirai nacho ikobhani,+ (zvinoreva kuti, chipo chakatsaurirwa+ kuna Mwari,)”’— 12 hamuchamuregizve achiitira baba vake kana amai vake kunyange chinhu chimwe chete,+ 13 nokudaro imi munoita kuti shoko raMwari+ rishaye simba netsika yenyu yamakagamuchidzana. Munoita zvinhu zvizhinji+ zvakafanana neizvi.” 14 Naizvozvo, achishevedza boka revanhu, akabva ati kwavari: “Nditeererei, imi mose, munzwisise.+ 15 Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chinopinda maari chinogona kumusvibisa; asi zvinhu zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu.”+ 16 ——
17 Zvino akati apinda muimba yaiva kure neboka revanhu, vadzidzi vake vakatanga kumubvunza pamusoro pomufananidzo wacho.+ 18 Naizvozvo akati kwavari: “Nemiwo hamunzwisisi saivo here?+ Hamuzivi here kuti hapana chinhu chinobva kunze chinopinda mumunhu chinogona kumusvibisa, 19 sezvo chichipinda muura hwake, kwete mumwoyo make, chobudira mugomba retsvina?”+ Nokudaro akareva kuti zvokudya zvose zvakachena.+ 20 Uyezve, akati: “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu;+ 21 nokuti mukati, mumwoyo mevanhu,+ munobuda kufunga kunokuvadza: ufeve,+ umbavha, umhondi,+ 22 upombwe, kuchochora,+ mabasa akaipa, unyengeri, kusazvibata,+ ziso rine shanje, kumhura, kuzvikudza, upenzi. 23 Zvinhu zvose izvi zvakaipa zvinobuda mukati zvosvibisa munhu.”+
24 Achibva ipapo akasimuka, akaenda munzvimbo dzeTire neSidhoni.+ Zvino akapinda mune imwe imba uye haana kuda kuti vanhu vazvizive. Asi aisagona kudzivisa kuonekwa;+ 25 uye mumwe mukadzi akanga aine mwanasikana muduku akanga aine mudzimu usina kuchena akanzwa nezvake, akabva auya, akagwadama patsoka dzake.+ 26 Mukadzi wacho akanga ari muGiriki, worudzi rwechiSirofenikiya; uye akaramba achimukumbira kuti adzinge dhimoni pamwanasikana wake.+ 27 Asi akatanga nokuti kwaari: “Rega vana vatange vaguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana+ wochikandira imbwa duku.”+ 28 Zvisinei, achipindura, iye akati kwaari: “Hungu, changamire, asi imbwa duku dziri pasi petafura dzinodya mafufu+ evana vaduku.”+ 29 Iye akati kwaari: “Nokuti wataura izvi, chienda; dhimoni rabuda mumwanasikana wako.”+ 30 Naizvozvo akaenda kumba kwake, akawana+ mwana wacho muduku akarara pamubhedha uye dhimoni rabuda.
31 Zvino achidzoka kubva kunzvimbo dzeTire akapfuura nomuSidhoni akaenda kugungwa reGarireya akapfuura nepakati penzvimbo dzeDhekaporisi.+ 32 Uye vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi uye ainetseka kutaura, vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari.+ 33 Zvino akamubvisa muboka revanhu chinyararire, akaisa minwe yake munzeve dzomurume wacho uye, pashure pokunge apfira mate, akabata rurimi rwake.+ 34 Achitarira kudenga+ akatura befu,+ akati kwaari: “Efufata,” zvinoreva kuti, “Vhurika.” 35 Naizvozvo nzeve dzake dzakavhurika,+ chaisunga rurimi rwake chikasununguka, akatanga kutaura zvakanaka. 36 Naizvozvo akavarayira kuti varege kuudza vanhu;+ asi paaivarayira kwazvo, vaibva vatonyanya kuzvizivisa.+ 37 Chokwadi, vakanga vachishamiswa+ zvokushamiswa zviya uye vakati: “Aita zvinhu zvose zvakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye vasingatauri vataure.”+
8 Mumazuva iwayo, pakwakanga kuine boka guru revanhu zvakare uye pavakanga vasina chinhu chokudya, akashevedza vadzidzi akati kwavari:+ 2 “Ndinosiririswa+ neboka iri revanhu, nokuti atova mazuva matatu avaramba vari pedyo neni uye havana chokudya; 3 kana ndikavaendesa kumisha yavo vasina kudya, vachaziya mumugwagwa. Chokwadi, vamwe vavo vanobva kure.” 4 Asi vadzidzi vake vakamupindura kuti: “Munhu angakwanisa kugutisa vanhu ava nezvingwa zvinobva kupi munzvimbo ino isina vanhu?”+ 5 Zvisinei iye akavabvunza kuti: “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati: “Zvinomwe.”+ 6 Zvino akarayira boka revanhu kuti ritsenhame pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akaonga,+ akazvimedura, akatanga kuzvipa vadzidzi vake kuti vazvipe vanhu, ivo vakazvipa boka racho revanhu.+ 7 Vaivawo nehove duku shoma; uye, adzikomborera, akavaudzawo kuti vadzipe vanhu.+ 8 Naizvozvo vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvimedu zvakasara, zvikaita matengu manomwe akazara.+ 9 Asi pakanga paine varume vanenge zviuru zvina. Pakupedzisira akavaendesa.+
10 Akabva angokwira muchikepe nevadzidzi vake, vakapinda mumativi eDharimanuta.+ 11 Zvino vaFarisi vakauya, vakatanga kuita nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuti vamuedze.+ 12 Naizvozvo akagomera+ neshungu, akati: “Chizvarwa ichi chinotsvakirei chiratidzo? Chokwadi ndinoti, Hapana chiratidzo chichapiwa chizvarwa ichi.”+ 13 Naizvozvo akavasiya, akakwirazve muchikepe, akaenda mhiri.
14 Sezvineiwo, vakakanganwa kuenda nezvingwa, uye vakanga vasina chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.+ 15 Zvino akatanga kuvarayira zvakajeka achiti: “Rambai makasvinura, chenjererai mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi.”+ 16 Naizvozvo vakatanga kuitirana nharo pamusoro pokuti vakanga vasina zvingwa.+ 17 Achiona izvi, akati kwavari: “Nei muchiitirana nharo pamusoro pokusava kwenyu nezvingwa?+ Hamusati mava kunzwisisa nokuwana zvazvinoreva here? Mwoyo yenyu yakagomara pakunzwisisa here?+ 18 ‘Kunyange muine maziso, hamuoni here; uye kunyange muine nzeve, hamunzwi here?’+ Uye hamuyeuki here, 19 pandakamedurira varume zviuru zvishanu zvingwa zvishanu,+ tswanda ngani dzakazara nezvimedu zvamakanhonga?” Ivo vakati kwaari: “Gumi nembiri.”+ 20 “Pandakamedurira varume zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makaunganidza matengu mangani akazara nezvimedu?” Ivo vakati kwaari: “Manomwe.”+ 21 Naizvozvo akati kwavari: “Hamusati mava kunzwisisa here?”+
22 Zvino vakasvika kuBhetisaidha. Uye vanhu vakauya kwaari nebofu, vakamuteterera kuti aribate.+ 23 Iye akabata bofu racho ruoko, akabuda naro kunze kwomusha, uye apfira mate+ pamaziso aro, akaisa maoko ake pariri, akatanga kuribvunza kuti: “Pane chauri kuona here?” 24 Murume wacho akatarira-tarira, akatanga kuti: “Ndiri kuona vanhu, nokuti ndiri kuona zvinhu zvakaita semiti, asi iri kufamba-famba.” 25 Akabva aisazve maoko ake pamaziso omurume wacho, murume wacho akanyatsoona, uye akaporeswa, uye akanga ava kunyatsoona zvinhu zvose. 26 Naizvozvo akamuendesa kumba, achiti: “Asi rega kupinda mumusha.”+
27 Zvino Jesu nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya Firipi, uye vari munzira akatanga kubvunza vadzidzi vake, achiti kwavari: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+ 28 Ivo vakati kwaari: “Johani Mubhabhatidzi,+ uye vamwe, Eriya,+ vamwewo, Mumwe wevaprofita.”+ 29 Zvino akavabvunza kuti: “Ko imi munoti ndini ani?” Achipindura, Petro akati kwaari: “Ndimi Kristu.”+ 30 Akabva avarayira zvakasimba kuti varege kuudza chero munhu upi zvake nezvake.+ 31 Uyewo, akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambura zvinhu zvizhinji, orambwa nevarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori ourayiwa,+ ozomuka kwapera mazuva matatu.+ 32 Chokwadi, akanga achitaura mashoko iwayo asingavanzi. Asi Petro akaenda naye parutivi, akatanga kumutsiura.+ 33 Iye akatendeuka, akatarira vadzidzi vake, akatsiura Petro, akati: “Enda shure kwangu, Satani, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”+
34 Zvino akashevedza boka revanhu nevadzidzi vake, akati kwavari: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.+ 35 Nokuti munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu nemashoko akanaka achauponesa.+ 36 Chokwadi, zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa nomweya wake?+ 37 Chokwadi, munhu angatsinhananisa mweya wake nechii?+ 38 Nokuti munhu wose anonyara ini nemashoko angu muchizvarwa ichi choupombwe chinotadza, Mwanakomana womunhu achamunyarawo+ paanosvika ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene.”+
9 Uyezve, akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona umambo hwaMwari hwatouya nesimba.”+ 2 Naizvozvo kwapera mazuva matanhatu Jesu akaenda naPetro naJakobho naJohani, akakwira navo mugomo refu refu vari voga. Zvino akachinja chitarisiko pamberi pavo,+ 3 nguo dzake dzokunze dzikan’aima, dzikachena kwazvo zvokuti hapana mugezi wenguo panyika aigona kudzichenesa zvakadaro.+ 4 Uyewo, ivo vakaona Eriya naMosesi, uye vakanga vachikurukura naJesu.+ 5 Saka Petro akabva ati kuna Jesu: “Rabhi, zvakanaka kuti tive pano, naizvozvo ngativakei matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi uye rimwe raEriya.”+ 6 Chokwadi, iye haana kuziva kuti oita sei, nokuti vakatya kwazvo. 7 Zvino gore rakavapo, richivafukidza, uye inzwi+ rakabva mugore richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu,+ anodiwa; muteererei.”+ 8 Zvisinei, vakabva vangotarira-tarira uye hapana wavakaona akanga achiri pamwe chete navo, kunze kwaJesu oga.+
9 Zvavakanga vachiburuka mugomo, akavarayira zvakajeka kuti varege kurondedzera+ kuvanhu zvavakaona, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kubva kuvakafa.+ 10 Zvino ivo vakachengeta shoko racho mumwoyo, asi vakataurirana chairehwa nouku kumuka kubva kuvakafa. 11 Vakatanga kumubvunza, vachiti: “Nei vanyori vachiti Eriya+ anofanira kutanga kuuya?”+ 12 Iye akati kwavari: “Eriya anotanga kuuya odzorera zvinhu zvose;+ asi sei zvakanyorwa pamusoro poMwanakomana womunhu kuti anofanira kutambura zvinhu zvizhinji+ obatwa seasingakoshi?+ 13 Asi ndinoti kwamuri, chokwadi Eriya+ akauya, uye vakamuitira zvinhu zvizhinji sezvavaida, sokunyorwa kwazvakaitwa pamusoro pake.”+
14 Zvino, pavakanga vava kuda kusvika kwaiva nevamwe vadzidzi, vakaona boka guru revanhu rakavapoteredza uye vanyori vachiita nharo navo.+ 15 Asi boka rose revanhu parakangomuona rakashamiswa kwazvo, uye, vachimhanyira kwaari, vakatanga kumukwazisa. 16 Iye akavabvunza kuti: “Muri kuita nharo dzei navo?” 17 Mumwe wevaiva muboka racho revanhu akamupindura kuti: “Mudzidzisi, ndauya nomwanakomana wangu kwamuri nokuti ane mudzimu unoita kuti munhu asataura;+ 18 uye pose paunomubata unomurovera pasi, anopupa furo, ogeda-geda mazino, opera simba. Ndaudza vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi havana kukwanisa.”+ 19 Achipindura, iye akati kwavari: “Haiwa imi chizvarwa chisina kutenda,+ ndinofanira kuramba ndinemi kusvikira rini? Ndinofanira kukushivirirai kusvikira rini? Uya naye kwandiri.”+ 20 Naizvozvo vakaenda naye kwaari. Asi mudzimu wacho pawakamuona wakabva waita kuti mwana wacho agwinhe, uye pashure pokunge adonhera pasi akaramba achiumburuka, achipupa furo.+ 21 Zvino akabvunza baba vake kuti: “Izvi zvave zvichiitika kwaari kubvira rini?” Ivo vakati: “Kubvira achiri muduku; 22 uye kazhinji waimukanda mumoto nomumvura kuti umuparadze.+ Asi kana paine chamunogona kuita, tinzwirei tsitsi, mutibatsire.” 23 Jesu akati kwaari: “Kutaura ikoko kwokuti, ‘Kana muchigona’! Chokwadi, zvinhu zvose zvinogoneka kumunhu kana munhu wacho aine kutenda.”+ 24 Baba vomwana wacho muduku vakabva vashevedzera vachiti: “Ndine kutenda! Ndibatsirei pandinoda kutenda!”+
25 Zvino Jesu achiona kuti boka revanhu rakanga richimhanyira kwavari, akatuka+ mudzimu wacho usina kuchena, achiti kwauri: “Iwe mudzimu unoita kuti munhu asataura uye ave matsi, ndinokurayira, buda maari uye usapindazve maari.” 26 Zvino pashure pokunge washevedzera uye waita kuti agwinhe kazhinji, iwo wakabuda;+ uye iye akaita seafa, zvokuti vazhinji vavo vakanga vachiti: “Afa!” 27 Asi Jesu akamubata ruoko, akamusimudza, uye iye akasimuka.+ 28 Naizvozvo pashure pokunge apinda mune imwe imba vadzidzi vake vakamubvunza vari voga kuti: “Nei tanga tisingagoni kuudzinga?”+ 29 Iye akati kwavari: “Rudzi urwu harugoni kubuda nechimwe chinhu kunze kwokushandisa munyengetero.”+
30 Vakabva ipapo, vakaenda nomuGarireya, asi haana kuda kuti chero munhu upi zvake azvizive. 31 Nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake, achivaudza kuti: “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya,+ asi, pasinei nokuurayiwa, iye achamuka kwapera mazuva matatu.”+ 32 Zvisinei, vakanga vasinganzwisisi mashoko acho, uye vaitya kumubvunza.+
33 Ivo vakasvika muKapenaume. Zvino paakanga ava mumba akavabvunza kuti: “Manga muchiitirana nharo pamusoro pei mumugwagwa?”+ 34 Ivo vakaramba vakanyarara, nokuti mumugwagwa vakanga vaitirana nharo dzokuti ndiani aiva mukuru.+ 35 Naizvozvo akagara pasi, akashevedza vane gumi nevaviri, akati kwavari: “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva wokupedzisira pane vamwe vose nomushumiri wevamwe vose.”+ 36 Zvino akatora mwana muduku, akamumisa pakati pavo, akamugumbatira, akati kwavari:+ 37 “Munhu wose anogamuchira mumwe wevana vaduku vakadai nokuda kwezita rangu, anondigamuchira; uye munhu wose anondigamuchira, haagamuchiri ini chete, asiwo iye akandituma.”+
38 Johani akati kwaari: “Mudzidzisi, taona mumwe murume achidzinga madhimoni achishandisa zita renyu uye taedza kumudzivisa,+ nokuti anga asiri kufamba nesu.”+ 39 Asi Jesu akati: “Musaedza kumudzivisa, nokuti hapana munhu angaita mabasa esimba nezita rangu angakurumidza kundituka;+ 40 nokuti asingapesani nesu ndowedu.+ 41 Nokuti munhu wose anokupai kapu+ yemvura yokunwa nokuti muri vanhu vaKristu,+ chokwadi ndinokuudzai kuti, haangamborasikirwi nomubayiro wake. 42 Asi munhu wose anogumbura mumwe wevaduku ava vanotenda, zvaizomunakira kwazvo kudai guyo rakaita seriya rinotenderedzwa nembongoro raizosungirirwa mumutsipa make obva akandwa mugungwa.+
43 “Zvino kana ruoko rwako rukaita kuti ugumburwe, rugure; zvakanaka kwazvo kuti upinde muupenyu wakaremara pane kuti upinde muGehena uine maoko maviri, mumoto usingagoni kudzimwa.+ 44 —— 45 Zvino kana tsoka yako ichiita kuti ugumburwe, igure; zvakanaka kwazvo kuti upinde muupenyu uchikamhina+ pane kuti ukandwe muGehena+ uine tsoka mbiri. 46 —— 47 Zvino kana ziso rako richiita kuti ugumburwe, rirase;+ zvakanaka kwazvo kuti upinde muumambo hwaMwari uine ziso rimwe chete pane kuti ukandwe muGehena+ uine maziso maviri, 48 umo honye dzezvitunha zvacho dzisingafi uye moto usingadzimwi.+
49 “Nokuti munhu wose anofanira kurungwa+ nomoto. 50 Munyu wakanaka; asi kana munyu ukapererwa nokuvavira kwawo, muchaurunga nei?+ Ivai nomunyu+ mamuri, muchengete rugare+ pakati penyu.”
10 Achibva ipapo akasimuka, akaenda kumiganhu yeJudhiya mhiri kwaJodhani, mapoka evanhu akamuunganirazve, uye sezvaaigara achiita akatangazve kuvadzidzisa.+ 2 Zvino vaFarisi vakauya, uye kuti vamuedze, vakatanga kumubvunza kana zvaibvumirwa nomutemo kuti murume arambe mudzimai.+ 3 Achipindura, iye akati kwavari: “Mosesi akakurayirai kuti chii?” 4 Ivo vakati: “Mosesi akabvumira kunyorwa kworugwaro rwokumudzinga nokumuramba.”+ 5 Asi Jesu akati kwavari: “Iye akakunyorerai murayiro uyu nokuda kwokuoma kwemwoyo yenyu.+ 6 Zvisinei, kubvira pakutanga kwokusika ‘Iye akavaita munhurume nomunhukadzi.+ 7 Nokuda kweizvi murume achasiya baba vake naamai, 8 uye vaviri vacho vachava nyama imwe’;+ zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. 9 Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”+ 10 Pavakanga vavazve mumba+ vadzidzi vakatanga kumubvunza pamusoro peizvi. 11 Zvino akati kwavari: “Munhu wose anoramba mudzimai wake oroora mumwe anoita upombwe,+ achimutadzira, 12 uye kana mukadzi akaroorwa, pashure pokunge aramba murume wake, iye anoita upombwe.”+
13 Zvino vanhu vakatanga kuuya nevana vaduku kwaari kuti avabate; asi vadzidzi vakavatsiura.+ 14 Jesu achiona izvi akatsamwa, akati kwavari: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwevakadai.+ 15 Chokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombopindi mahuri.”+ 16 Zvino akagumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.+
17 Zvino zvaakanga ava kubuda achienda, mumwe murume akamhanya, akapfugama pamberi pake, akamubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”+ 18 Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka?+ Hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari.+ 19 Unoziva mirayiro yokuti, ‘Usaponda,+ Usaita upombwe,+ Usaba,+ Usapupurira nhema,+ Usabiridzira,+ Kudza baba vako naamai.’”+ 20 Murume wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, ndakachengeta zvinhu zvose izvi kubvira ndichiri muduku.” 21 Jesu akamutarira, akamuda, akati kwaari: “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Enda, tengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga, uuye uve muteveri wangu.”+ 22 Asi akasuruvariswa nemashoko acho, akaenda ashungurudzwa, nokuti aiva nezvinhu zvizhinji.+
23 Pashure pokutarira-tarira Jesu akati kuvadzidzi vake: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vaya vane mari+ vapinde muumambo hwaMwari!”+ 24 Asi vadzidzi vakashamiswa+ nemashoko ake. Jesu akatizve kwavari: “Vana, chinhu chakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari! 25 Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”+ 26 Vakatonyanya kushamiswa, vakati kwaari: “Chokwadi, ndiani angaponeswa?”+ 27 Achivatarira zvakananga Jesu akati: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi hazvina kudaro kuna Mwari, nokuti zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”+ 28 Petro akatanga kuti kwaari: “Tarirai! Isu takasiya zvinhu zvose uye tave tichikuteverai.”+ 29 Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Hapana munhu akasiya imba kana vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwemashoko akanaka+ 30 asingazowani zvine zana+ zvino munguva ino, dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, nokutambudzwa,+ uye upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu epanguva inouya. 31 Zvisinei, vazhinji vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vokutanga.”+
32 Zvino vakanga vachikwira nomugwagwa unoenda kuJerusarema, Jesu akanga achifamba ari mberi kwavo, uye ivo vakashamiswa; asi vaya vakatevera vakatanga kutya. Akatorazve vane gumi nevaviri, akaenda navo parutivi, akatanga kuvaudza zvinhu izvi zvaifanira kumuwira, achiti:+ 33 “Tarirai, tiri kukwira kuJerusarema, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu uye vachamuisa kuvanhu vemamwe marudzi,+ 34 vachamuseka uye vachamupfira mate vachimuzvambura vomuuraya, asi kwapera mazuva matatu iye achamuka.”+
35 Zvino Jakobho naJohani, vanakomana vaviri vaZebhedhi,+ vakaenda kwaari vakati: “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chose chatinokukumbirai.”+ 36 Iye akati kwavari: “Munoda kuti ndikuitirei?” 37 Ivo vakati kwaari: “Tibvumirei kuti tigare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu, mukubwinya kwenyu.”+ 38 Asi Jesu akati kwavari: “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munokwanisa here kunwira mukapu yandiri kunwira, kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo?”+ 39 Ivo vakati kwaari: “Tinokwanisa.” Jesu akati kwavari: “Muchanwira henyu mukapu yandiri kunwira, uye muchabhabhatidzwa henyu norubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo.+ 40 Zvisinei, izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo,+ asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa.”
41 Naizvozvo, vamwe vane gumi pavakazvinzwa, vakatanga kutsamwira Jakobho naJohani.+ 42 Asi Jesu, pashure pokuvashevedza, akati kwavari: “Imi munoziva kuti vaya vanonzi vanotonga marudzi vanozviita madzishe paari uye vakuru vavo vanoshandisa simba paari.+ 43 Izvi hazvina kudaro pakati penyu; asi munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+ 44 uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wevamwe vose.+ 45 Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa,+ asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro+ mukutsinhana nevazhinji.”+
46 Zvino vakasvika muJeriko. Asi iye nevadzidzi vake neboka guru revanhu zvavakanga vachibuda muJeriko, Bhatimeyo (mwanakomana waTimeyo), bofu raipemha, akanga agere parutivi pomugwagwa.+ 47 Paakanzwa kuti akanga ari Jesu wokuNazareta, akatanga kushevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi,+ Jesu, ndinzwireiwo ngoni!”+ 48 Vanhu vazhinji vakamuudza zvakasimba kuti anyarare; asi iye akabva atonyanya kuramba achishevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”+ 49 Naizvozvo Jesu akamira akati: “Mushevedzei.” Zvino vakashevedza bofu racho, vachiti kwariri: “Shinga, simuka, ari kukushevedza.”+ 50 Achirasa nguo yake yokunze, akasvetuka, akamira netsoka dzake, akaenda kuna Jesu. 51 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Unoda kuti ndikuitirei?”+ Bofu rikati kwaari: “Rabhoni, itai kuti ndionezve.”+ 52 Jesu akati kwaari: “Enda, kutenda kwako kwakuporesa.”+ Zvino iye akabva angoonazve,+ akatanga kumutevera mumugwagwa.+
11 Zvino pavakanga vava kuda kusvika kuJerusarema, kuBhetifage neBhetani+ paGomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,+ 2 akavaudza kuti: “Pindai mumusha wamuri kuona, uye mangopinda mauri muchawana mwana wembongoro akasungirirwa, asati ambotasviwa nomunhu; musunungurei muuye naye.+ 3 Kana munhu akati kwamuri, ‘Muri kuitirei izvi?’ muti, ‘Ishe anomuda, uye achakurumidza kumudzosa pano.’”+ 4 Naizvozvo vakaenda, vakawana mwana wembongoro akasungirirwa pasuo, kunze mumugwagwa weparutivi, vakamusunungura.+ 5 Asi vamwe vevaya vakanga vakamira ipapo vakatanga kuti kwavari: “Muri kusunungurirei mwana wembongoro?”+ 6 Ivo vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu chaizvo; uye vakabva vavarega vachienda.+
7 Zvino vakauya nomwana wembongoro+ kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo dzokunze pamusoro pake, iye akamutasva.+ 8 Uyewo, vazhinji vakawaridza nguo dzavo dzokunze+ mumugwagwa, asi vamwe vakatema tumapazi+ twune mashizha musango.+ 9 Zvino vaya vakanga vachifamba vari mberi nevakanga vachitevera mushure vakaramba vachishevedzera vachiti: “Tapota, ponesai!+ Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha!+ 10 Hwakakomborerwa umambo hunouya hwababa vedu Dhavhidhi!+ Tapota, ponesai, muri kumusorosoro!” 11 Zvino akapinda muJerusarema, mutemberi; akatarira-tarira pazvinhu zvose, uye, zvayakanga yatova awa yemanheru, akabuda, akaenda kuBhetani nevane gumi nevaviri.+
12 Zuva rakatevera racho, pavakanga vabuda muBhetani, akanzwa nzara.+ 13 Zvino ari kure zvishoma akaona muonde wakanga uine mashizha, akaenda kunoona kana zvimwe aizowana chimwe chinhu pauri. Asi, paakasvika pauri, hapana chaakawana kunze kwemashizha, nokuti wakanga usiri mwaka wemaonde.+ 14 Naizvozvo, akabva ati kwauri: “Ngaparege kuva nomunhu anodya zvibereko zvinobva kwauri nokusingaperi.”+ Uye vadzidzi vake vakanga vachiteerera.
15 Zvino vakasvika kuJerusarema. Ikoko akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vaitengesa nokutenga mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari nemabhenji evaya vaitengesa njiva;+ 16 uye hapana munhu waaibvumira kuti atakure mudziyo achipfuura nomutemberi, 17 asi akaramba achidzidzisa achiti: “Hazvina here kunyorwa kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera+ yemarudzi ose’?+ Asi imi maiita bako remakororo.”+ 18 Zvino vapristi vakuru nevanyori vakazvinzwa, vakatanga kutsvaka nzira yokumuparadza nayo;+ nokuti vaimutya, nokuti boka rose revanhu rairamba richishamiswa nokudzidzisa kwake.+
19 Zvino ava manheru, ivo vaibuda muguta. 20 Asi pavakanga vachipfuura mangwanani-ngwanani, vakaona muonde watooma kubvira kumidzi.+ 21 Naizvozvo Petro, achizviyeuka, akati kwaari: “Rabhi, onai! muonde wamakatuka waoma.”+ 22 Zvino achipindura, Jesu akati kwavari: “Ivai nokutenda muna Mwari. 23 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wose anoudza gomo iri kuti, ‘Simuka uwire mugungwa,’ aine chokwadi nazvo mumwoyo make uye achitenda kuti zvaanotaura zvichaitika, zvichaitika saizvozvo kwaari.+ 24 Ndokusaka ndichikuudzai kuti, Zvinhu zvose zvamunonyengeterera nezvamunokumbira ivai nokutenda kwokuti matozvigamuchira, uye muchava nazvo.+ 25 Pamunomira muchinyengetera, kanganwirai+ zvinhu zvose zvamakakanganisirwa nomunhu; kuti Baba venyu vari kumatenga vakukanganwireiwo kudarika kwenyu.”+ 26 ——
27 Zvino vakasvikazve kuJerusarema. Zvaakanga achifamba mutemberi, vapristi vakuru nevanyori nevarume vakuru vakauya kwaari,+ 28 vakatanga kuti kwaari: “Unoita zvinhu izvi nesimba ripi? kana kuti ndiani akakupa simba iri kuti uite zvinhu izvi?”+ 29 Jesu akati kwavari: “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye iniwo ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.+ 30 Rubhabhatidzo+ rwaiitwa naJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.”+ 31 Naizvozvo vakatanga kufunga pakati pavo, vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’+ 32 Asi tingatsunga here kuti, ‘Rwakabva kuvanhu’?”—Ivo vakanga vachitya boka revanhu, nokuti vose ava vaiti Johani aiva muprofita zvechokwadi.+ 33 Naizvozvo, vachipindura Jesu, ivo vakati: “Hatizivi.” Zvino Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.”+
12 Uyewo, akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo achiti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akaukomberedza noruzhowa, akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe,+ akauronzesa varimi,+ akaenda kunze kwenyika.+ 2 Zvino mumwaka wakakodzera akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti awane zvimwe zvibereko zvomunda wacho wemizambiringa kuvarimi.+ 3 Asi vakamutora, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.+ 4 Akatumazve mumwe muranda kwavari; uye iyeye vakamurova mumusoro, vakamuzvidza.+ 5 Zvino akatuma mumwe, uye iyeye vakamuuraya; uye akatuma vamwe vazhinji, ivo vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho. 6 Akanga achine mumwe, mwanakomana anodiwa.+ Akamutuma pakupedzisira kwavari, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’+ 7 Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka.+ Uyai, ngatimuurayei, uye nhaka ichava yedu.’+ 8 Naizvozvo vakamutora, vakamuuraya,+ vakamukanda kunze kwomunda wemizambiringa.+ 9 Muridzi womunda wemizambiringa achaitei? Achauya oparadza varimi, uye achapa vamwe+ munda wacho wemizambiringa.+ 10 Hamuna kumboverenga here rugwaro urwu runoti, ‘Dombo+ rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona.+ 11 Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’?”+
12 Ivo vakatanga kutsvaka nzira yokumubata nayo, asi vakatya boka revanhu, nokuti vakaziva kuti akataura mufananidzo wacho achifunga nezvavo. Naizvozvo vakamusiya, vakaenda.+
13 Zvino vakamutumira vamwe vevaFarisi nevateveri vebato raHerodhi,+ kuti vamubate pakutaura kwake.+ 14 Vachisvika vakati kwaari: “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wechokwadi uye hamuna basa nomunhu, nokuti hamutariri kuti vanhu vakaita sei nechokunze, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi:+ Zvinobvumirwa nomutemo here kutera mutero womunhu wose kuna Kesari kana kuti kwete? 15 Totera here, kana kuti torega kutera?”+ Achicherechedza unyengeri hwavo, akati kwavari: “Munondiedzerei? Ndiunzirei dhinari ndione.”+ 16 Ivo vakauya naro. Iye akati kwavari: “Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” Ivo vakati kwaari: “NdezvaKesari.”+ 17 Jesu akabva ati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari,+ asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ Ivo vakatanga kushamiswa naye.+
18 Zvino vaSadhusi, vaiti hakuna kumuka, vakauya kwaari, vakamubvunza+ kuti: 19 “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womumwe munhu akafa, akasiya mudzimai asi akasasiya mwana, munun’una wake+ anofanira kutora mudzimai wacho omutsira mukoma wake vana naye.+ 20 Kwaiva nevatevedzani vanomwe; uye wokutanga akatora mudzimai, asi paakafa haana kusiya mwana.+ 21 Wechipiri akamutorawo, asi akafa asina kusiya mwana; uye wechitatu akaitawo saizvozvo. 22 Zvino vanomwe ava havana kusiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi wacho akafawo.+ 23 Pakumuka achava mudzimai woupi pane ava? Nokuti iye akava mudzimai weava vanomwe.”+ 24 Jesu akati kwavari: “Ichi handicho chikonzero nei makarasika here, kusaziva kwenyu Magwaro kana simba raMwari?+ 25 Nokuti pavanomuka kubva kuvakafa, varume havaroori uyewo vakadzi havaroorwi, asi vanenge vakaita sengirozi dziri kumatenga.+ 26 Asi pamusoro pevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kuverenga here mubhuku raMosesi, munyaya yegwenzi reminzwa, matauriro akaita Mwari kwaari kuti, ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ 27 Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. Makarasika chaizvo.”+
28 Zvino mumwe wevanyori akanga auya akavanzwa vachiita nharo, achiziva kuti akanga avapindura nenzira yakanaka, akamubvunza kuti: “Murayiro wokutanga pane yose ndoupi?”+ 29 Jesu akapindura kuti: “Wokutanga ndouyu, ‘Inzwa, haiwa iwe Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete,+ 30 ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.’+ 31 Wechipiri ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ Hapana mumwe murayiro mukuru kupfuura iyi.” 32 Munyori wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka maererano nechokwadi chokuti, ‘Iye ndiye Mumwe chete, uye hakuna mumwe kunze Kwake’;+ 33 uye uku kumuda nomwoyo wako wose nokunzwisisa kwako kwose nesimba rako rose uye uku kuda muvakidzani wako sezvaunozviita kunokosha kupfuura zvinopiwa zvose zvakakwana zvinopiswa nezvibayiro.”+ 34 Jesu, achinzwisisa kuti akanga apindura noungwaru, akati kwaari: “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Asi hapana munhu akanga achine ushingi hwokumubvunza.+
35 Zvisinei, paakanga achipindura, Jesu sezvaaidzidzisa mutemberi akatanga kuti: “Sei vanyori vachitaura kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 36 Nomudzimu mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+ 37 Dhavhidhi anomuti ‘Ishe,’ asi iye mwanakomana wake sei?”+
Zvino boka guru racho revanhu rakanga richimuteerera nomufaro.+ 38 Paaidzidzisa akaenderera mberi achiti: “Chenjererai vanyori+ vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu vachida kukwaziswa mumisika 39 uye vanoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nenzvimbo dzepamusorosoro pakudya kwemanheru.+ 40 Ndivo vari kuparadza dzimba+ dzechirikadzi uye vachiita minyengetero mirefu yokubata kumeso; ivava vachatongwa kwazvo.”+
41 Zvino akagara pasi paaikwanisa kuona midziyo yokuisa mari,+ akatanga kucherechedza kudonhedzera mari kwaiita boka revanhu mumidziyo yokuisa mari; uye vanhu vazhinji vakapfuma vakanga vachidonhedzera mari zhinji.+ 42 Zvino imwe chirikadzi yaiva murombo yakasvika, ikadonhedzera tumari tuviri twaisambokosha.+ 43 Naizvozvo akashevedza vadzidzi vake, akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yadonhedzera kupfuura vose vadonhedzera mari mumidziyo yokuisira mari;+ 44 nokuti vose vadonhedzera vachibvisa pamari yavo yakasara, asi iye, pakushayiwa kwake adonhedzera yose yaanga ainayo, inomuraramisa.”+
13 Paakanga achibuda mutemberi mumwe wevadzidzi vake akati kwaari: “Mudzidzisi, onai! matombo acho kuti akaita sei uye zvivako zvacho kuti zvakaita sei!”+ 2 Zvisinei, Jesu akati kwaari: “Unoona zvivako izvi zvikuru here?+ Hapana dombo richazombosiyiwa pano riri pamusoro perimwe dombo+ risingakoromorwi.”+
3 Zvino zvaakanga agere paGomo reMiorivhi paaikwanisa kuona temberi, Petro+ naJakobho naJohani naAndreya vakatanga kumubvunza vari voga kuti:+ 4 “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo zvinhu zvose izvi pazvinofanira kusvika pakuguma?”+ 5 Naizvozvo Jesu akatanga kuti kwavari: “Chenjerai kuti parege kuva nomunhu anokutsausai.+ 6 Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.+ 7 Zvakare, pamunonzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo, musatya; zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kuchigere.+
8 “Nokuti rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo,+ kuchava nokudengenyeka kwenyika+ munzvimbo nenzvimbo, kuchava nokushomeka kwezvokudya.+ Izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.+
9 “Asi imi, zvichenjererei; vanhu vachakuendesai kumatare omunzvimbo imomo,+ uye mucharohwa mumasinagogi+ momiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari.+ 10 Uyewo, mashoko akanaka+ anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.+ 11 Asi pavanenge vachienda nemi kuti vakuisei kumatare, regai kufanozvidya mwoyo pamusoro pokuti muchataurei;+ asi chose chamunenge mapiwa muawa iyoyo, taurai ichocho, nokuti hamusi imi munenge muchitaura, asi mudzimu mutsvene ndiwo uchataura.+ 12 Uyezve, mukoma achaurayisa munun’una, uye baba mwana,+ uye vana vachamukira vabereki vachivaurayisa;+ 13 uye muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu.+ Asi anenge atsungirira kusvikira pakuguma+ ndiye achaponeswa.+
14 “Zvisinei, pamunoona chinhu chinonyangadza+ chinokonzera kuparadzwa+ chimire pachisingafaniri (anoverenga ngaashandise ungwaru),+ panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.+ 15 Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka, kana kupinda mukati kuti abudise chimwe chinhu mumba make;+ 16 uye munhu ari mumunda ngaarege kudzokera kuzvinhu zvakasara kuti anotora nguo yake yokunze.+ 17 Vane nhamo vakadzi vane pamuviri nevaya vanoyamwisa vana mumazuva iwayo!+ 18 Rambai muchinyengetera kuti zvirege kuitika munguva yechando;+ 19 nokuti mazuva iwayo achava mazuva okutambudzika+ kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve.+ 20 Chokwadi, kudai Jehovha+ akanga asina kutapudza mazuva acho, hapana munhu aizoponeswa. Asi nokuda kwevakasarudzwa+ vaakasarudza,+ akatapudza mazuva iwayo.+
21 “Panguva iyoyo, kana munhu akati kwamuri, ‘Onai! Heuno Kristu,’ ‘Onai! Hoyo,’+ musazvitenda.+ 22 Nokuti vanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka+ uye vachaita zviratidzo nezvishamiso+ kuti kana zvichibvira, vatsause vakasarudzwa.+ 23 Saka imi, chenjererai;+ ndafanokuudzai zvinhu zvose.+
24 “Asi mumazuva iwayo, pashure pokutambudzika ikoko, zuva richasviba, uye mwedzi hauzobudisi chiedza chawo, 25 nyeredzi dzichange dzichiwa kudenga, uye masimba ari kumatenga achazununguswa.+ 26 Panguva iyoyo vachaona Mwanakomana womunhu+ achiuya ari mumakore nesimba guru nokubwinya.+ 27 Panguva iyoyo achatuma ngirozi uye dzichaunganidza vakasarudzwa+ vake vachibva kumhepo ina, kubvira kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.+
28 “Zvino dzidzai mufananidzo uyu pamuonde: Bazi rawo duku parinongova nyoro ropfumvutira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.+ 29 Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti iye ava pedyo, pamasuo.+ 30 Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.+ 31 Denga+ nenyika zvichapfuura, asi mashoko+ angu haazopfuuri.+
32 “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro kana awa yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba.+ 33 Rambai muchitarira, rambai makamuka,+ nokuti hamuzivi kuti nguva yakatarwa ichasvika rini.+ 34 Zvakafanana nomurume akaenda kunze kwenyika,+ akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira muchengeti wesuo kuti arambe akarinda. 35 Naizvozvo rambai makarinda,+ nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani;+ 36 kuti paanongoerekana asvika, haakuwanii makarara.+ 37 Asi zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.”+
14 Zvino kwakanga kwasara mazuva maviri+ kuti paseka+ nomutambo+ wemakeke asina kuviriswa zvisvike. Vapristi vakuru nevanyori vakanga vachitsvaka kuti vangamubata sei vachishandisa zano remanomano kuti vamuuraye;+ 2 nokuti vakataura kazhinji kuti: “Kwete pamutambo; zvimwe pangava nemheremhere yevanhu.”+
3 Zvino paakanga ari kuBhetani mumba maSimoni wemaperembudzi,+ zvaakanga akatsenhama pakudya, mumwe mukadzi akauya nechinu chearabhasta chaiva nemafuta anonhuhwirira, nadhi chaiyo, inodhura kwazvo. Achivhura chinu chearabhasta akatanga kuadira mumusoro make.+ 4 Vamwe vavo vakatsamwa, vakati: “Nei mafuta aya anonhuhwirira apambadzwa?+ 5 Nokuti mafuta aya anonhuhwirira angadai atengeswa nemadhinari anopfuura mazana matatu akapiwa varombo!” Zvino vakamutsamwira kwazvo.+ 6 Asi Jesu akati: “Muregei akadaro. Nei muchiedza kumunetsa? Andiitira basa rakanaka.+ 7 Nokuti varombo munogara muinavo,+ munogona kuvaitira zvakanaka chero nguva ipi zvayo yamunoda, asi ini hamugari muineni.+ 8 Aita zvaaigona; afanozora muviri wangu mafuta anonhuhwirira nokuda kwokuvigwa.+ 9 Chokwadi ndinoti kwamuri, Kwose kuchaparidzwa mashoko akanaka munyika yose,+ zvaitwa nomukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”+
10 Zvino Judhasi Iskariyoti, mumwe wevane gumi nevaviri, akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari.+ 11 Pavakazvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari yesirivha.+ Naizvozvo akatanga kutsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakakodzera.+
12 Zvino pazuva rokutanga remakeke asina kuviriswa,+ pavaiwanzobayira chinobayirwa chepaseka, vadzidzi vake+ vakati kwaari: “Munoda kuti tiende kupi tinokugadzirirai kuti mudye paseka?”+ 13 Naizvozvo akatuma vaviri vevadzidzi vake akati kwavari: “Pindai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura.+ Muteverei, 14 uye chero maanenge apinda muti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ati: “Imba yevaeni mandingadyira paseka+ nevadzidzi vangu iri kupi?”’+ 15 Zvino achakuratidzai imba huru yepamusoro, yakatoshongedzerwa; uye tigadzirirei imomo.”+ 16 Naizvozvo vadzidzi vakabuda, vakapinda muguta, vakawana zvakangoita sezvaakanga avataurira; uye vakagadzirira paseka.+
17 Ava manheru iye akauya aine vane gumi nevaviri.+ 18 Zvavakanga vakatsenhama patafura vachidya, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Mumwe wenyu, ari kudya+ neni, achanditengesa.”+ 19 Vakatanga kushungurudzwa uye mumwe nomumwe akati kwaari: “Ndini here?”+ 20 Iye akati kwavari: “Ndomumwe wevane gumi nevaviri, ari kusevawo mundiro imwe chete neni.+ 21 Chokwadi, Mwanakomana womunhu ari kuenda, sokunyorwa kwazvakaitwa pamusoro pake, asi ane nhamo munhu iyeye anotengesa Mwanakomana womunhu! Zvaizova zvakanakira munhu iyeye kwazvo kudai akanga asina kuberekwa.”+
22 Zvino zvavakaramba vachidya, akatora chingwa, akakumbira chikomborero, akachimedura, akavapa, akati: “Chitorei, ichi chinomirira muviri wangu.”+ 23 Achitora kapu, akaonga, akaipa kwavari, uye vose vakanwa.+ 24 Iye akati kwavari: “Iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa+ vazhinji.+ 25 Chokwadi ndinoti kwamuri, Handichazombonwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iroro pandichazvinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”+ 26 Pakupedzisira, pashure pokunge vaimba nziyo dzokurumbidza,+ vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.+
27 Zvino Jesu akati kwavari: “Imi mose muchagumburwa, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi,+ uye makwai achapararira kwose.’+ 28 Asi kana ndamutswa ndichafanoenda kuGarireya.”+ 29 Asi Petro akati kwaari: “Kunyange kana vamwe vose vakagumburwa, ini handizodaro.”+ 30 Jesu akati kwaari: “Chokwadi ndinoti kwauri, Iwe nhasi, chokwadi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, iyewe uchandiramba katatu.”+ 31 Asi akatanga kutaura zvine simba achiti: “Kana ndichifanira kufa nemi, handizombokurambii.” Uyewo, vamwe vose vakatanga kutaura zvakafanana.+
32 Naizvozvo vakasvika panzvimbo inonzi Getsemane, akati kuvadzidzi vake: “Garai pano ini pandinenge ndichinyengetera.”+ 33 Zvino akaenda pamwe chete naPetro naJakobho naJohani,+ uye akatanga kudumbirwa uye kunetseka kwazvo.+ 34 Akati kwavari: “Mweya wangu uri kushungurudzwa kwazvo,+ zvokufa. Garai pano murambe makarinda.”+ 35 Achienda mberi zvishoma akabva apfugama pasi, akatanga kunyengetera kuti kudai zvaibvira, awa yacho imupfuure.+ 36 Zvino akati: “Abha, Baba,+ zvinhu zvose zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.”+ 37 Zvino akadzoka, akavawana vachirara, akati kuna Petro: “Simoni, uri kurara here? Wanga usina simba rokuramba wakarinda kweawa imwe chete here?+ 38 Rambai makarinda muchinyengetera,+ kuti murege kupinda mumuedzo. Chokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”+ 39 Akaendazve akanyengetera, achitaura shoko rakafanana.+ 40 Akauyazve akavawana vachirara, nokuti maziso avo akanga orema, naizvozvo havana kuziva kuti vomupindura kutii.+ 41 Zvino akauya kechitatu akati kwavari: “Panguva yakaita seino muri kurara muchizorora henyu! Zvakwana! Awa yasvika!+ Tarirai! Mwanakomana womunhu ava kutengeswa mumaoko evatadzi.+ 42 Simukai, handei.+ Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.”+
43 Achiri kutaura, Judhasi, mumwe wevane gumi nevaviri akabva asvika, aine boka revanhu raiva nemapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru nevanyori nevarume vakuru.+ 44 Zvino mutengesi wake akanga avapa chiratidzo chakabvumiranwa, achiti: “Wandichatsvoda, ndiye; musungei, muende naye makanyatsomuchengetedza.”+ 45 Akananga kwaari, akasvika akati: “Rabhi!” uye akamutsvoda+ zvinyoronyoro. 46 Naizvozvo vakamubata, vakamusunga.+ 47 Zvisinei, mumwe wevaya vakanga vakamira ipapo akavhomora bakatwa rake, akatema muranda womupristi mukuru, akabvisa nzeve yake.+ 48 Asi Jesu akabva ati kwavari: “Mauya nemapakatwa netsvimbo semuri kurwisana negororo kuti muzondisunga here?+ 49 Zuva nezuva ndaiva nemi mutemberi ndichidzidzisa,+ asi hamuna kundisunga. Zvisinei, zviri kuitika kuti Magwaro+ azadzike.”+
50 Zvino vadzidzi vose vakamusiya,+ vakatiza.+ 51 Asi rimwe jaya rakanga rakangopfeka nguo yerineni yakanaka kwazvo pamuviri waro rakatanga kumutevera riri pedyo; uye vakaedza kuribata,+ 52 asi rakasiya nguo yaro yerineni, rikatiza risina kupfeka.
53 Zvino vakaenda naJesu kumupristi mukuru, uye vapristi vakuru vose nevarume vakuru nevanyori vakaungana.+ 54 Asi Petro, akamutevera ari kure zvishoma,+ kusvikira muchivanze chomupristi mukuru; uye akanga agere pamwe chete nevashandi vepamba pacho achidziya moto waibvira chaizvo. 55 Munguva iyoyi vapristi vakuru neSanihedrini yose vakanga vachitsvaka uchapupu hwokupomera Jesu kuti vamuuraye,+ asi vakanga vasiri kuwana chero hupi zvahwo.+ 56 Chokwadi, vazhinji vakanga vachimupomera zvenhema,+ asi uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.+ 57 Uyewo, vamwe vakanga vachisimuka, vachimupupurira zvenhema, vachiti: 58 “Takamunzwa achiti, ‘Ndichakoromora temberi iyi yakaitwa nemaoko uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isingaitwi nemaoko.’”+ 59 Asi pazvikonzero izviwo uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.
60 Pakupedzisira mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: “Haupinduri here? Unoti chii nezvavari kukupomera?”+ 61 Asi akaramba akanyarara uye haana kumbopindura.+ Mupristi mukuru akatangazve kumubvunza, akati kwaari: “Ndiwe Kristu Mwanakomana weAnokudzwa here?”+ 62 Jesu akabva ati: “Ndini; uye imi muchaona Mwanakomana womunhu+ agere kuruoko rworudyi+ rwesimba achiuya nemakore okudenga.”+ 63 Mupristi mukuru akabvarura nguo dzake dzomukati,+ akati: “Tichadireizve zvapupu?+ 64 Manzwa kumhura+ kwacho. Munoti kudii nazvo?” Vose vakamutongera kuti anofanira kufa. 65 Vamwe vakatanga kumupfira mate+ uye kufukidza chiso chake chose uye kumurova nezvibhakera, vachiti kwaari: “Profita!” Uye, vachimurova nembama kuchiso, vashandi vepadare vakamutora.+
66 Zvino Petro paakanga ari pasi muchivanze, mumwe wevashandikadzi vomupristi mukuru akauya,+ 67 uye, achiona Petro achidziya moto, akamutarira zvakananga, akati: “Newewo, wakanga uina Jesu uyu wokuNazareta.”+ 68 Asi iye akaramba, achiti: “Handimuzivi uye handisi kunzwisisa zvauri kutaura,” akabva abuda panze akaenda kuchivanze chepamberi.+ 69 Ikoko mushandikadzi wacho, paakamuona, akatangazve kuti kune vaya vakanga vakamira pedyo: “Uyu ndomumwe wavo.”+ 70 Iye akarambazve. Uyezve pashure penguva duku vaya vakanga vakamira pedyo vakatanga kuti kuna Petro: “Chokwadi iwe uri mumwe wavo, nokuti, chokwadi, uri muGarireya.”+ 71 Asi akatanga kutuka achipika,+ achiti: “Ini munhu uyu wamuri kutaura nezvake handimuzivi.”+ 72 Jongwe rakabva rarira kechipiri;+ uye Petro akayeuka mashoko aakataurirwa naJesu okuti: “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”+ Zvino akakurirwa neshungu, akabva atanga kusvimha misodzi.+
15 Zvino ava mambakwedza vapristi vakuru nevarume vakuru nevanyori, iyo Sanihedrini yose, vakabva varangana,+ vakasunga Jesu, vakaenda naye vakamugamuchidza kuna Pirato.+ 2 Naizvozvo Pirato akamubvunza kuti: “Ndiwe mambo+ wevaJudha here?” Achimupindura, iye akati: “Iwe ndiwe uri kuzvitaura.”+ 3 Asi vapristi vakuru vakaramba vachimupomera zvinhu zvizhinji.+ 4 Zvino Pirato akatanga kumubvunzazve, achiti: “Haupinduri here?+ Ona kuti vari kukupomera mhosva zhinji sei.”+ 5 Asi Jesu haana kupindurazve, zvokuti Pirato akatanga kushamisika.+
6 Naizvozvo, pamutambo mumwe nomumwe aigara achisunungurira vanhu musungwa mumwe chete, wavaikumbira.+ 7 Panguva iyoyo kwakanga kune ainzi Bharabhasi akanga akasungwa pamwe chete nevanhu vaimukira, vaya vakanga vaponda vanhu pakumukira kwavo.+ 8 Naizvozvo boka revanhu rakauya, rikatanga kukumbira maererano nezvaaigara achivaitira. 9 Pirato akavapindura, achiti: “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wevaJudha here?”+ 10 Nokuti akanga achiziva kuti vapristi vakuru vakanga vamugamuchidza+ nokuda kweshanje.+ 11 Asi vapristi vakuru vakakusvudzira boka revanhu kuti riite kuti avasunungurire Bharabhasi, kwete iye.+ 12 Achipindurazve, Pirato akati kwavari: “Saka, ndichaitei naye iye wamunoti ndimambo+ wevaJudha?”+ 13 Vakashevedzerazve vachiti: “Murovererei!”+ 14 Asi Pirato akati kwavari: “Nemhosva yei, akatadzei?” Zvisinei vakatonyanya kushevedzera vachiti: “Murovererei!”+ 15 Pirato, achida kugutsa boka revanhu,+ akavasunungurira Bharabhasi, uye, pashure pokunge aita kuti Jesu arohwe, akamugamuchidza kuti arovererwe.+
16 Zvino varwi vakaenda naye muchivanze, imo mumuzinda wagavhuna; uye vakaunganidza boka rose revarwi,+ 17 vakamupfekedza nguo yepepuru, vakaruka korona yeminzwa vakaiisa paari.+ 18 Vakatanga kumukwazisa vachiti: “Kwaziwai,+ imi Mambo wevaJudha!” 19 Uyewo, vaimurova mumusoro netsanga nokumupfira mate uye, vachipfugama, vaimukotamira.+ 20 Pakupedzisira, pavakanga vamuseka, vakamupfekenura nguo yepepuru, vakamupfekedza nguo dzake dzokunze. Zvino vakaenda naye kuti vanomuroverera.+ 21 Uyewo, vakamanikidza mumwe munhu aipfuurawo zvake, mumwe Simoni wokuKurini, baba vaArekizanda naRufusi, aibva kumaruwa, kuti atakure danda rake rokutambudzikira.+
22 Naizvozvo vakasvika naye panzvimbo inonzi Gorogota, zvinoreva kuti, Nzvimbo yeDehenya,+ kana zvashandurwa. 23 Zvino vakaedza kumupa waini yakasanganiswa nemura inodhaka,+ asi iye akaramba kuinwa.+ 24 Vakamuroverera, vakagovana nguo dzake dzokunze+ vachiita zvokukanda mijenya kuti ndiani anotora chipi.+ 25 Zvino yakanga yava awa yechitatu,+ uye vakamuroverera. 26 Mashoko emhosva+ yaaipomerwa akanyorwa pamusoro kuti, “Mambo wevaJudha.”+ 27 Zvakare, vakaroverera makororo maviri pamwe chete naye, rimwe kurudyi rwake uye rimwe kuruboshwe rwake.+ 28 —— 29 Zvino vaya vaipfuura naipapo vaimutuka,+ vachidzungudza misoro yavo, vachiti: “Tsvatu waro! Iwe wokuda kuputsa temberi woivaka mumazuva matatu,+ 30 chizviponesa nokuburuka padanda rokutambudzikira.”+ 31 Saizvozvowo vapristi vakuru nevanyori vakanga vachiseka pachavo vachiti: “Akaponesa vamwe; iye haagoni kuzviponesa!+ 32 Kristu Mambo waIsraeri zvino ngaaburuke padanda rokutambudzikira, kuti tione, titende.”+ Kunyange vaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakanga vachimuzvidza.+
33 Payakanga yava awa yechitanhatu rima rakavapo panyika yose kusvikira paawa yechipfumbamwe.+ 34 Zvino paawa yechipfumbamwe Jesu akashevedzera nenzwi guru achiti: “Eri, Eri, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?”+ kana zvashandurwa. 35 Vamwe vevakanga vakamira pedyo, pavakanzwa izvi, vakatanga kuti: “Onai! Ari kushevedza Eriya.”+ 36 Asi mumwe munhu akamhanya, akanyatisa chipanji newaini yakashapa, akachibayirira patsanga, akatanga kumunwisa,+ achiti: “Muregei! Regai tione kana Eriya akauya kuzomuburutsa.”+ 37 Asi Jesu akashevedzera kwazvo, akabva afa.+ 38 Keteni+ renzvimbo tsvene rakabvaruka nepakati kubva kumusoro kusvikira pasi.+ 39 Zvino mukuru weuto akanga amire pedyo achimuona, paakaona kuti akanga afa mumamiriro aya ezvinhu, akati: “Chokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”+
40 Paivawo nevakadzi vakanga vachiona vari kure zvishoma,+ pakati pavo paiva naMariya Magadharini naMariya amai vaJakobho Muduku nevaJosesi, naSarome,+ 41 vaifamba naye+ vachimushumira paaiva muGarireya, nevamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira pamwe chete naye kuJerusarema.+
42 Zvino zvaakanga atova manheru, uye zvarakanga riri zuva roKugadzirira, kureva, zuva rinotangira sabata, 43 kwakauya Josefa wokuArimatiya, nhengo yeDare yaiva nomukurumbira wakanaka, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari.+ Akashinga kuenda pamberi paPirato, akakumbira mutumbi+ waJesu. 44 Asi Pirato akashamisika kana iye akanga atofa, uye, akashevedza mukuru weuto, akamubvunza kana akanga atofa. 45 Naizvozvo pashure pokunge ava nechokwadi kubva kumukuru weuto, akapa Josefa chitunha chacho.+ 46 Naizvozvo akatenga mucheka werineni yakanaka kwazvo, akamuburutsa, akamuputira nomucheka werineni yakanaka kwazvo, akamuradzika+ muguva+ rakanga racherwa padombo guru; uye akakungurutsira dombo kusuo reguva.+ 47 Asi Mariya Magadharini naMariya amai vaJosesi vakaramba vakatarira paakanga aradzikwa.+
16 Naizvozvo sabata+ parakanga rapfuura, Mariya Magadharini,+ naMariya amai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwirira kuti vaende vanomuzora.+ 2 Vakasvika paguva mangwanani-ngwanani, pazuva rokutanga+ revhiki zuva parakanga rabuda.+ 3 Zvino vakanga vachitaurirana vachiti: “Ndiani achatikungurutsira dombo kubva pasuo reguva?” 4 Asi pavakatarira, vakaona kuti dombo rakanga rakungurutswa, kunyange zvazvo rakanga riri guru kwazvo.+ 5 Pavakapinda muguva, vakaona jaya rigere kurutivi rwokurudyi rakapfeka nguo refu chena, uye ivo vakadumbirwa.+ 6 Iro rakati kwavari: “Regai kudumbirwa. Muri kutsvaka Jesu wokuNazareta, akarovererwa.+ Akamutswa,+ haapo pano. Onai! Pavakamuviga apa.+ 7 Asi endai, udzai vadzidzi vake naPetro kuti, ‘Ari kufanoenda kuGarireya;+ muchanomuona ikoko, sezvaakakuudzai.’”+ 8 Naizvozvo pavakabuda vakatiza paguva, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokukangaidzika kwazvo. Havana wavakaudza chero chinhu chipi zvacho, nokuti vakanga vachitya.+
KUGUMISA KUPFUPI
Zvimwe zvakanyorwa nemaoko uye shanduro zvakazotevera zvine kugumisa kupfupi pashure paMako 16:8, seizvi:
Asi zvinhu zvose zvakanga zvarayirwa vakazvirondedzera vachipfupikisa kune vaiva naPetro. Uyezve, pashure pezvinhu izvi, Jesu akatumira kuziviswa kutsvene kusingaori kworuponeso rusingaperi nokwavari kubvira kumabvazuva kusvikira kumavirira.
KUGUMISA KUREFU
Zvimwe zvakanyorwa nemaoko zvekare (Codex Alexandrinus, Codex Ephraemi, Codex Bezae) uye shanduro dze(Latin Vulgate, Curetonian Syriac, Syriac Peshitta) zvinowedzera kugumisa kurefu kunotevera, asi kusiri muCodex Sinaiticus, Codex Vaticanus, codex yeSinaitic Syriac, uye Armenian Version:
9 Pashure pokunge amuka mangwanani pazuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Mariya Magadharini, uya aiva nemadhimoni manomwe aakadzinga. 10 Mukadzi wacho akaenda, akaudza vaya vaaiva navo, pavakanga vachichema uye vachisvimha misodzi. 11 Asi ivo, pavakanzwa kuti akanga ava mupenyu uye kuti iye akanga amuona, havana kutenda. 12 Pashure pezvinhu izvi, akazviratidzazve aine chimwe chitarisiko kuvaviri vavo vachifamba, pavakanga vachienda kumaruwa; 13 uye vakadzoka, vakaudza vamwe vose. Asi ivo havana kuvatendawo. 14 Asi kwapera nguva yakati, akazviratidza kune vane gumi nomumwe chete vari voga pavakanga vakatsenhama patafura, akavazvidza nokuti vakanga vasina kutenda uye vakaoma mwoyo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuona amutswa kubva kuvakafa. 15 Zvino akati kwavari: “Endai munyika yose muparidze mashoko akanaka kuzvisikwa zvose. 16 Anotenda obhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa. 17 Uyezve, zviratidzo izvi zvichava pamwe chete nevaya vanotenda: Vachishandisa zita rangu, vachadzinga madhimoni, vachataura nendimi, 18 vachabata nyoka nemaoko avo, uye kana vakanwa chinhu chinouraya hachingambovakuvadzi. Vachaisa maoko avo pavanhu vanorwara, vobva vapora.”
19 Naizvozvo, pashure pokunge Ishe Jesu, ataura navo, akabva akwidzwa kudenga, akagara pasi kuruoko rworudyi rwaMwari. 20 Naizvozvo, ivo vakabuda, vakaparidza kwose kwose, Ishe paakanga achishanda navo, achitsigira shoko achishandisa zviratidzo zvaiitika.