RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 1 Samueri 1:1-31:13
  • 1 Samueri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 Samueri
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri

BHUKU REKUTANGA RASAMUERI

1 Kwaiva nemumwe murume wekuRamataimu-zofimu,*+ munyika ine makomo yaEfremu,+ ainzi Erikana,+ uyo aiva mwanakomana waJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi, muEfremu. 2 Aiva nemadzimai maviri; mumwe ainzi Hana, mumwe achinzi Penina. Penina aiva nevana, asi Hana akanga asina. 3 Gore negore murume iyeye aibva muguta rake kuti anonamata* uye anobayira kuna Jehovha wemauto kuShiro.+ Ikoko ndiko kwaishumira vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFiniyasi,+ vari vapristi vaJehovha.+

4 Rimwe zuva Erikana paakapa chibayiro, akapa migove kuna Penina mudzimai wake nevanakomana vake vese nevanasikana vake,+ 5 asi akapa Hana mugove wakasiyana newevamwe nekuti Hana ndiye waaida; asi Jehovha akanga asina kumupa vana.* 6 Uyewo mukadzinyina wake aigara achingomushora kuti amurwadzise nekuti Jehovha akanga asina kumupa vana. 7 Ndizvo zvaaiita gore negore; pese paienda Hana kuimba yaJehovha,+ mukadzi uyu aimushora chaizvo zvekuti aichema uye aitadza kudya. 8 Asi murume wake Erikana akati kwaari: “Hana, uri kuchemei, nei usiri kudya, uye nei wakasuwa kudaro?* Handikoshi kwauri kupfuura vanakomana gumi here?”

9 Hana akabva asimuka pashure pekunge vapedza kudya nekunwa vari muShiro. Panguva iyoyo mupristi Eri akanga akagara pachigaro pedyo nepasuo retemberi*+ yaJehovha. 10 Hana aishungurudzika zvakanyanya* uye akatanga kunyengetera kuna Jehovha,+ achichema zvisingaiti. 11 Akaita mhiko iyi yekuti: “Haiwa Jehovha wemauto, kana mukaonawo kutambudzika kwemuranda wenyu, mondiyeuka, morega kukanganwa muranda wenyu uye mopa muranda wenyu mwana mukomana,+ ndichamupa kuna Jehovha mazuva ese eupenyu hwake, uye bvudzi remusoro wake harizomboveurwi.”+

12 Paainyengetera kwenguva refu pamberi paJehovha, Eri akanga akatarisa muromo wake. 13 Hana akanga achitaura nechemumwoyo, miromo yake chete ndiyo yaingodedera, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Saka Eri akafunga kuti akadhakwa. 14 Eri akati kwaari: “Ucharamba wakadhakwa kusvika riini? Rega zvekunwa waini.” 15 Hana akabva apindura achiti: “Hazvisirizvo ishe wangu! Shungu ndidzo dziri kundikurira;* handina kunwa waini kana chimwe chinhu chinodhaka, asi ndiri kuudza Jehovha zvese zviri pamwoyo pangu.+ 16 Musaona muranda wenyu semukadzi asina maturo, nekuti kusvika pari zvino ndanga ndichitaura zvichibva pakushungurudzika uye kushushikana kwandiri kuita.” 17 Eri akabva apindura kuti: “Enda nerugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawamukumbira.”+ 18 Iye akabva ati: “Rambai muchinzwira muranda wenyu nyasha.” Mukadzi wacho akabva aenda akadya, uye chiso chake chakanga chisisina kusuruvara.

19 Vakabva vafumomuka, vakakotama pamberi paJehovha, ndokubva vadzokera kumba kwavo kuRama.+ Erikana akarara nemudzimai wake Hana, uye Jehovha akayeuka Hana.+ 20 Pasati papera gore,* Hana akava nepamuviri, akabereka mwanakomana, akamutumidza+ kuti Samueri,* nekuti akati, “ndakamukumbira kuna Jehovha.”

21 Nekufamba kwenguva, Erikana akaenda neimba yake yese kunopa chibayiro chegore negore kuna Jehovha+ uye kunopa mupiro wake wemhiko. 22 Asi Hana haana kuenda,+ nekuti akati kumurume wake: “Kana mukomana wacho angorumurwa, ndichauya naye; uye achabva amira pamberi paJehovha, uye acharamba ari ikoko kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi.”+ 23 Murume wake Erikana akabva ati kwaari: “Ita zvaunofunga kuti ndizvo zvakanaka.* Gara pamba kusvikira wamurumura. Jehovha ngaaite zvawataura.” Saka mukadzi wacho akagara pamba, achiyamwisa mwanakomana wake kusvikira amurumura.

24 Paakangomurumura, akaenda naye kuShiro, pamwe chete nemukono wemombe une makore matatu, neefa* imwe chete yefurawa, nechirongo chihombe chewaini,+ akasvika paimba yaJehovha yaiva muShiro+ aine kakomana kacho. 25 Vakabva vauraya mukono wacho wemombe, vakaendesa mukomana wacho kuna Eri. 26 Akabva ati: “Pamusoroi, ishe wangu! Neupenyu hwenyu, ishe wangu, ndini mukadzi uya akanga akamira nemi munzvimbo ino kuti ndinyengetere kuna Jehovha.+ 27 Mukomana uyu ndiye wandainyengeterera, uye Jehovha akandipa zvandakamukumbira.+ 28 Iniwo ndava kumupa* Jehovha. Apiwa kuna Jehovha kweupenyu hwake hwese.”

Uye akakotamira* Jehovha ipapo.

2 Hana akabva anyengetera achiti:

“Mwoyo wangu unofara chaizvo muna Jehovha;+

Nyanga yangu inokwidziridzwa* naJehovha.

Muromo wangu wakashama kuti ndipindure vavengi vangu,

Nekuti ndinofarira mabasa enyu ekuponesa.

 2 Hakuna mutsvene saJehovha,

Hakuna mumwe kunze kwenyu,+

Uye hakuna dombo rakaita saMwari wedu.+

 3 Musaramba muchitaura muchizvikudza;

Mumuromo menyu ngamurege kubuda shoko rekuzvitutumadza,

Nekuti Jehovha ndiMwari anoziva zvese,+

Uye anoongorora zviito zvevanhu nenzira yakarurama.

 4 Uta hwevarume vane simba hwatyorwa-tyorwa,

Asi vaya vava kuda kudonha vanopiwa simba.+

 5 Vaya vakaguta vanofanira kushandira zvekudya,

Asi vane nzara havasisina nzara.+

Uya asingabereki abereka vanomwe,+

Asi uya aiva nevanakomana vakawanda asara asina chinhu.*

 6 Jehovha anouraya, uye anochengetedza upenyu;*

Anoendesa kuGuva,* uye anomutsa.+

 7 Jehovha anoita kuti munhu ave murombo, uye anopfumisa;+

Anoderedza, uye anokwidziridza.+

 8 Anosimudza akaderera kubva muguruva;

Anosimudza murombo kubva pamurwi wemadota,*+

Kuti avagarise nemachinda,

Achivapa chigaro chinokudzwa.

Mbiru dzinotsigisa nyika ndedzaJehovha,+

Uye anogadzika nyika pamusoro padzo.

 9 Anorinda nhanho dzevanhu vake vakavimbika,+

Asi vakaipa vachaitwa kuti vanyarare murima,+

Nekuti munhu haakundi nesimba rake.+

10 Jehovha achaparadza vaya vanorwisana naye;*+

Achavatinhirira ari kudenga.+

Jehovha achatonga kusvika kumigumo yenyika,+

Achapa mambo wake simba+

Uye achakwidziridza nyanga yemuzodziwa* wake.”+

11 Erikana akabva aenda kumba kwake kuRama, asi mukomana wacho akava mushumiri waJehovha+ pamberi pemupristi Eri.

12 Vanakomana vaEri vakanga vari varume vakaipa;+ vakanga vasingaremekedzi Jehovha. 13 Izvi ndizvo zvavaiita nezvinhu zvaifanira kupiwa vapristi nevanhu:+ Pese paipiwa chibayiro nemunhu, mushumiri wemupristi aiuya akabata forogo ine zvekubayisa zvitatu, nyama payainge ichibikwa, 14 uye aibva abaya mumudziyo wekubikira, kana muhari yaiva nemibato miviri, mugate kana kuti muhari yaiva nemubato mumwe chete. Chero chaibudiswa neforogo yacho, chaibva chatorwa nemupristi. Ndizvo zvavaiita muShiro kuvaIsraeri vese vaiuyako. 15 Uyewo, kunyange munhu aipa chibayiro asati atomboita kuti mafuta apfungaire,+ mushumiri wemupristi aiuya oti kwaari: “Ipa mupristi nyama yekugocha. Haasi kuzotora nyama yakabikwa kubva kwauri asi mbishi chete.” 16 Munhu wacho paaiti kwaari: “Rega vambotanga vaita kuti mafuta apfungaire,+ wozotora chero chaunenge uchida,”* iye aibva ati: “Aiwa, ndipe izvozvi; kana ukasadaro ndichaitora nechisimba!” 17 Saka chivi chevashumiri vacho chakava chikuru kwazvo pamberi paJehovha,+ nekuti varume vacho vakanga vasingaremekedzi chibayiro chaJehovha.

18 Panguva iyi Samueri akanga achishumira+ pamberi paJehovha, akapfeka* efodhi* yejira,+ kunyange zvazvo aingova hake mukomana mudiki. 19 Uyewo, amai vake vaimugadzirira nguo diki isina maoko, uye vaienda nayo kwaari gore negore pavaienda nemurume wavo kunopa chibayiro chegore negore.+ 20 Eri akakomborera Erikana nemudzimai wake, akati: “Jehovha ngaakupe mumwe mwana nemudzimai uyu kuti atsive uya akapiwa Jehovha.”+ Uye vakabva vadzokera kumba. 21 Jehovha akayeuka Hana, zvekuti ainge ava kukwanisa kubata pamuviri;+ akazobereka vamwe vanakomana vatatu nevanasikana vaviri. Asi mukomana wacho Samueri akaramba achikura pamberi paJehovha.+

22 Eri akanga akwegura chaizvo, asi akanga anzwa zvinhu zvese zvaiitwa nevanakomana vake+ kuvaIsraeri vese uye kurara kwavaiita nevakadzi vaishumira pasuo retende rekusanganira.+ 23 Aiti kwavari: “Munorambirei muchiita zvinhu zvakadai? Nekuti zvinhu zvandiri kunzwa nevanhu vese pamusoro penyu zvakaipa. 24 Musadaro vanakomana vangu, nekuti shoko randiri kunzwa riri kufamba pakati pevanhu vaJehovha harina kunaka. 25 Kana munhu akatadzira mumwe munhu, mumwe munhu anogona kumukumbirira kuna Jehovha;* asi kana munhu akatadzira Jehovha,+ ndiani angamunyengeterera?” Asi vakaramba kuteerera baba vavo, nekuti Jehovha akanga asarudza kuvauraya.+ 26 Nguva yese iyi, mukomana wacho Samueri akaramba achikura uye achiwedzera kudiwa naJehovha nevanhu.+

27 Munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari: “Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha: ‘Handina here kuzviratidza pachena kuvanhu veimba yababa vako pavaiva muIjipiti, vari varanda muimba yaFarao?+ 28 Uye baba vako vakasarudzwa pamadzinza ese aIsraeri+ kuti vave mupristi wangu uye kuti vaende paatari yangu+ kunopa zvibayiro, kuti vape rusenzi* uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu; uye ndakapa imba yababa vako mipiro yese inopiswa nemoto yevaIsraeri.*+ 29 Nei imi varume muchizvidza* chibayiro changu nemipiro yangu zvandakarayira ndiri munzvimbo yangu yandinogara?+ Nei uchiramba uchikudza vanakomana vako kundipfuura nekuzvikodza kwamuri kuita nezvikamu zvakanakisisa zvamunotora pamipiro yese inopiwa nevanhu vangu vaIsraeri?+

30 “‘Ndokusaka Jehovha Mwari waIsraeri ari kuti: “Chokwadi ndakati imba yako neimba yatateguru vako dzicharamba dzichifamba pamberi pangu.”+ Asi iye zvino Jehovha anoti: “Handingambofungi kuita zvakadaro, nekuti vaya vanondikudza ndichavakudza,+ asi vaya vanondizvidza vachazvidzwa.” 31 Inzwa! Mazuva achasvika pandichakutorera masimba auinawo neeimba yababa vako, zvekuti hapazovi nemurume wemumba mako achararama kusvika pakukwegura.+ 32 Pazvinhu zvese zvakanaka zvichaitirwa vaIsraeri,+ iwe uchangoona muvengi chete mandinogara, uye mumba mako hamuzovi zvakare nemurume anosvika pakukwegura. 33 Murume wemuimba yako wandisiri kubvisa pakushumira paatari yangu achaita kuti maziso ako asaone uye achaita kuti ushungurudzike,* asi vakawanda veimba yako vachaurayiwa nebakatwa.+ 34 Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naFiniyasi zvichava chiratidzo kwauri: Vese vari vaviri vachafa zuva rimwe chete.+ 35 Ndichabva ndagadza mupristi akatendeka.+ Achaita maererano nezvinodiwa nemwoyo wangu;* uye ndichamuvakira imba inogara kwenguva refu, uye achafamba pamberi pemuzodziwa wangu nguva dzese. 36 Chero ani zvake anosara mumba mako achauya omukotamira achikumbira kuzobhadharwa nemari uye nechingwa, uye achati: “Ndapota, ndipeiwo rimwe remabasa eupristi kuti ndidye chimedu chechingwa.”’”+

3 Panguva iyi, mukomana wacho Samueri akanga achishumira+ Jehovha pamberi paEri, asi shoko raibva kuna Jehovha rakanga risingachanyanyi kunzwika mazuva iwayo; kwakanga kusina zviratidzo+ zvakawanda.

2 Rimwe zuva Eri akanga akarara panzvimbo yake yemazuva ese, uye maziso ake akanga ava kudzima; akanga asisaoni.+ 3 Rambi raMwari+ rakanga risati radzimwa, uye Samueri akanga akarara mutemberi*+ yaJehovha, maiva neAreka yaMwari. 4 Jehovha akabva ashevedza Samueri. Iye akapindura achiti: “Ndiri pano.” 5 Akamhanyira kuna Eri akati: “Ndauya nekuti mandishevedza.” Asi iye akati: “Handina kukushevedza. Dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara. 6 Jehovha akashevedzazve achiti: “Samueri!” Samueri akabva amuka, akaenda kwaiva naEri, akati: “Ndauya nekuti mandishevedza.” Asi iye akati: “Handina kukushevedza mwanakomana wangu. Dzokera unorara.” 7 (Samueri akanga asati ava kuziva Jehovha, uye akanga asati atanga kuziviswa shoko raJehovha.)+ 8 Jehovha akashevedzazve kechitatu achiti: “Samueri!” Iye akabva amuka, akaenda kwaiva naEri akati: “Ndauya nekuti mandishevedza.”

Eri akabva aziva kuti Jehovha ndiye akanga achishevedza mukomana wacho. 9 Saka Eri akati kuna Samueri: “Enda unorara, kana akakushevedza, unofanira kuti, ‘Taurai henyu Jehovha, nekuti muranda wenyu akateerera.’” Samueri akabva aenda akarara panzvimbo yake.

10 Jehovha akauya akamira ipapo, akashevedza sezvaakanga amboita achiti: “Samueri, Samueri!” Samueri akati: “Taurai henyu, nekuti muranda wenyu akateerera.” 11 Jehovha akati kuna Samueri: “Inzwa! Ndava kuita chimwe chinhu muIsraeri, chichaita kuti nzeve dzemunhu wese achachinzwa dziunge.+ 12 Pazuva iroro ndichaitira Eri zvese zvandakataura nezveimba yake, kubvira pane chekutanga kusvikira pane chekupedzisira.+ 13 Unofanira kumuudza kuti ndichaunza mutongo uchagara uripo paimba yake nemhaka yekukanganisa kwaanoziva,+ nekuti vanakomana vake vari kutuka Mwari,+ asi iye haasi kuvatsiura.+ 14 Ndokusaka ndakapika kuimba yaEri kuti kukanganisa kweimba yaEri hakuzomboyananiswi nezvibayiro kana nemipiro.”+

15 Samueri akaramba akarara kusvikira mangwanani; akabva avhura masuo eimba yaJehovha. Samueri aitya kuudza Eri zvaakanga aratidzwa. 16 Asi Eri akashevedza Samueri akati: “Samueri, mwanakomana wangu!” Iye akati: “Ndiri pano.” 17 Akamubvunza kuti: “Akuudzei? Ndapota, usandivanzira. Mwari ngaakurange zvinorwadza kwazvo kana ukandivanzira chimwe chinhu pane zvese zvaakuudza.” 18 Saka Samueri akamuudza zvese, uye haana kana chaakamuvanzira. Eri akabva ati: “NdiJehovha. Ngaaite zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.”

19 Samueri akaramba achikura, uye Jehovha aiva naye+ uye haana kurega chero shoko ripi zvaro raakataura richikundikana.* 20 VaIsraeri vese kubvira kuDhani kusvikira kuBheeri-shebha vakaziva kuti Samueri ndiye akanga agadzwa kuti ave muprofita waJehovha. 21 Jehovha akaramba achizviratidza muShiro, nekuti Jehovha akazviratidza kuna Samueri muShiro achishandisa shoko raJehovha.+

4 Zvino shoko raSamueri rakasvika kuvaIsraeri vese.

VaIsraeri vakabva vaenda kunorwa nevaFiristiya; vakadzika musasa pedyo neEbhenezeri, uye vaFiristiya vakanga vakadzika musasa muAfeki. 2 VaFiristiya vakaronga mauto avo kuti vasangane nevaIsraeri, asi zvinhu hazvina kufambira zvakanaka vaIsraeri pakurwa kwacho, zvekuti vakakundwa nevaFiristiya, avo vakauraya varume vanenge 4 000 kusango kwavairwira. 3 Vanhu pavakadzokera kumusasa, vakuru vaIsraeri vakati: “Nei Jehovha atirega tichikundwa* nhasi nevaFiristiya?+ Ngatinotorai areka yaJehovha yesungano kuShiro,+ kuti tive nayo kuno itiponese paruoko rwevavengi vedu.” 4 Saka vanhu vakatuma varume kuShiro, vakanotora areka yesungano yaJehovha wemauto, uyo agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi.+ Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFiniyasi,+ vakanga varipowo vaine areka yesungano yaMwari wechokwadi.

5 Areka yesungano yaJehovha payakangopinda mumusasa, vaIsraeri vese vakashevedzera kwazvo, zvekuti pasi pakazunguzika. 6 VaFiristiya pavakanzwa ruzha rwekushevedzera kwacho vakati: “Nei vanhu vari mumusasa wevaHebheru vari kushevedzera kudaro?” Vakazoziva kuti Areka yaJehovha yakanga yapinda mumusasa. 7 VaFiristiya vakatya, nekuti vakati: “Mwari apinda mumusasa wacho!”+ Saka vakati: “Pedu papera, nekuti zvinhu zvakadai hazvisati zvamboitika! 8 Pedu papera! Ndiani achatiponesa paruoko rwaMwari uyu ane simba? Uyu ndiye Mwari akauraya vaIjipiti nenzira dzakasiyana-siyana murenje.+ 9 Imi vaFiristiya, shingai muite sevarume, kuti murege kuva varanda vevaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri.+ Itai sevarume murwe!” 10 Saka vaFiristiya vakarwa, vaIsraeri vakakundwa,+ mumwe nemumwe akatizira kutende rake. Vakawanda kwazvo vakaurayiwa; varwi 30 000 vaifamba netsoka vevaIsraeri vakafa. 11 Uyewo Areka yaMwari yakatorwa, vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFiniyasi, vakafa.+

12 Mumwe murume wedzinza raBhenjamini akamhanya achibva kwairwiwa, akasvika kuShiro zuva iroro, aine nguo dzakabvaruka uye aine guruva mumusoro make.+ 13 Murume wacho paakasvika, Eri akanga akagara pachigaro parutivi rwemugwagwa achimirira, nekuti mwoyo wake wainetseka chaizvo nezveAreka yaMwari wechokwadi.+ Murume wacho akapinda muguta kuti ataure zvakanga zvaitika, uye guta rese rakatanga kuridza mhere. 14 Eri paakanzwa kuchema kwacho, akabvunza kuti: “Mheremhere iyi ndeyei?” Murume uya akamhanya kunoudza Eri zvakanga zvaitika. 15 (Panguva iyi Eri akanga ava nemakore 98 uye maziso ake akanga akangovhurika asi asisaoni chinhu.)+ 16 Murume wacho akabva ati kuna Eri: “Ndini ndabva kunzvimbo iri kurwiwa! Ndatotiza nhasi chaiye kubva ikoko.” Iye akabva abvunza kuti: “Chii chaitika, mwanakomana wangu?” 17 Saka murume akauya neshoko akapindura kuti: “VaIsraeri vatiza vaFiristiya, uye vanhu vakundwa zvisingaiti;+ uyewo vanakomana venyu vaviri, Hofini naFiniyasi vafa+ uye Areka yaMwari wechokwadi yatorwa.”+

18 Paakangotaura nezveAreka yaMwari wechokwadi, Eri akadonha pachigaro negotsi padivi pegedhi, akatyoka mutsipa ndokubva afa, nekuti akanga akwegura uye aiva mukobvu. Akanga atonga Israeri kwemakore 40. 19 Muroora wake, mudzimai waFiniyasi, aiva nepamuviri uye akanga ava pedyo nekusununguka. Paakanzwa shoko rekuti Areka yaMwari wechokwadi yakanga yatorwa uye kuti tezvara vake nemurume wake vakanga vafa, akabva akotama achirwadziwa nepamuviri, ndokusununguka. 20 Paakanga ava kufa, vakadzi vakanga vakamira pedyo naye vakati: “Usatya, nekuti wabereka mwanakomana.” Iye haana kupindura uye haana kuzviteerera.* 21 Asi akatumidza mukomana wacho kuti Ikabhodhi,*+ achiti: “Kukudzwa kwabva pakati paIsraeri, kwatapwa,”+ achitaura nezvekutorwa kweAreka yaMwari wechokwadi uye zvakaitika kuna tezvara vake nemurume wake.+ 22 Akati: “Kukudzwa kwabva pakati paIsraeri, kwatapwa, nekuti Areka yaMwari wechokwadi yatorwa.”+

5 VaFiristiya pavakatora Areka+ yaMwari wechokwadi, vakabva nayo kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshdhodhi. 2 VaFiristiya vakatora Areka yaMwari wechokwadi, vakaipinza mumba* maDhagoni, vakaigadzika padivi paDhagoni.+ 3 VaAshdhodhi pavakafumomuka zuva rakatevera, Dhagoni akanga awira pasi nechiso pamberi peAreka yaJehovha.+ Saka vakatora Dhagoni vakamudzorera panzvimbo yake.+ 4 Pavakafumomuka zuva rakatevera racho, Dhagoni akanga awira pasi nechiso pamberi peAreka yaJehovha. Musoro waDhagoni nezvanza zvemaoko ake maviri zvakanga zvadimbuka, zviri pachidimbati.* Chikamu chakaita sehove ndicho chete* chakanga chasara paari. 5 Ndokusaka vapristi vaDhagoni nevaya vese vanopinda mumba maDhagoni vasingatsiki pachidimbati* chaDhagoni muguta reAshdhodhi kusvikira nhasi.

6 Ruoko rwaJehovha rwakatambudza vaAshdhodhi, uye akavarwisa nekuita kuti vanhu vekuAshdhodhi nenharaunda dzayo vabude zvimapundu kunobuda netsvina.*+ 7 Varume vekuAshdhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika, vakati: “Musaita kuti Areka yaMwari waIsraeri irambe iinesu, nekuti ruoko rwake rwatitambudza isu namwari wedu Dhagoni.” 8 Saka vakatumira shoko, vakaunganidza madzishe ese evaFiristiya, vakaabvunza kuti: “Toitei neAreka yaMwari waIsraeri?” Akapindura kuti: “Areka yaMwari waIsraeri ngaiende kuGati.”+ Saka vakaendesa Areka yaMwari waIsraeri ikoko.

9 Pashure pekunge vaiendesa ikoko, ruoko rwaJehovha rwakarwisa guta racho, vanhu vakashaya zvekuita. Akatambudza vanhu veguta racho kubvira kumudiki kusvikira kumukuru, uye vakabuda zvimapundu kunobuda netsvina.*+ 10 Saka vakaendesa Areka yaMwari wechokwadi kuEkroni,+ asi pakangosvika Areka yaMwari wechokwadi kuEkroni, vaEkroni vakatanga kuchema, vachiti: “Vaunza Areka yaMwari waIsraeri kwatiri kuti vatiuraye isu nevanhu vedu!”+ 11 Vakabva vatumira shoko, vakaunganidza madzishe ese evaFiristiya vakati: “Endesai Areka yaMwari waIsraeri; ngaidzokere kunzvimbo yayo, kuti isu nevanhu vedu tirege kuurayiwa.” Nekuti vanhu vese muguta vakanga vava kutya kufa; ruoko rwaMwari wechokwadi rwakanga rwavatambudza chaizvo ikoko,+ 12 uye vanhu vasina kufa vakanga vabuda zvimapundu kunobuda netsvina. Vanhu vese veguta racho vakachemera kubatsirwa zvekuti kuchema kwavo kwakasvika kudenga.

6 Areka+ yaJehovha yakagara munyika yevaFiristiya kwemwedzi 7. 2 VaFiristiya vakashevedza vapristi nevanofembera+ vakavabvunza kuti: “Toitei neAreka yaJehovha? Tiudzei kuti tinofanira kuidzorera sei kunzvimbo yayo.” 3 Vakapindura kuti: “Kana mava kudzorera areka yesungano yaJehovha Mwari waIsraeri, musaidzorera musina mupiro. Munotofanira kuidzorera nemupiro wemhosva.+ Kana mukadaro, muchaporeswa uye muchaziva kuti nei ruoko rwake rwanga rusingabvi pamuri.” 4 Saka vakabvunza kuti: “Tomuendesera mupiro wemhosva wechii?” Ivo vakati: “Endesai zvimapundu* zvishanu zvakaumbwa negoridhe nembeva shanu dzegoridhe zvakaenzana nenhamba yemadzishe evaFiristiya,+ nekuti mese henyu nemadzishe enyu makabatwa nedenda rimwe chete. 5 Gadzirai zviumbwa zvemapundu enyu nezviumbwa zvembeva+ dziri kukuparadzirai nyika, uye kudzai Mwari waIsraeri. Zvichida angaita kuti ruoko rwake rusakutambudzai imi namwari wenyu nenyika yenyu.+ 6 Mungaomeserei mwoyo yenyu sekuomesa mwoyo kwakaitwa neIjipiti naFarao?+ Mwari paakavatambudza,+ vakarega vaIsraeri vachienda, ivo vakaenda havo.+ 7 Saka gadzirai ngoro itsva mutore mhou mbiri dziri kuyamwisa, dzisati dzambosungwa pajoko. Musunge mhou dzacho pangoro, asi mudzose mhuru dzadzo kumba, dzive kure nanamai vadzo. 8 Mutore Areka yaJehovha moiisa mungoro, uye isai zvinhu zvegoridhe zvamuchaendesa kwaari zvemupiro wemhosva mubhokisi, moriisa padivi peAreka.+ Muirege ichienda 9 muone zvichaitika: Kana ikakwidza nemugwagwa unoenda kuBheti-shemeshi,+ kunyika kwayo, ndiye akatiitira zvinhu izvi zvakaipa kwazvo. Asi ikasadaro, tichaziva kuti harusi ruoko rwake rwakatitambudza; zvakangoitikawo kwatiri.”

10 Varume vacho vakaita saizvozvo. Vakatora mhou mbiri dzakanga dzichiyamwisa, vakadzisunga pangoro, vakavharira mhuru dzacho kumba. 11 Vakabva vaisa Areka yaJehovha mungoro, pamwe chete nebhokisi raiva nembeva dzegoridhe nezviumbwa zvemapundu avo. 12 Mhou dzacho dzakati tande nemugwagwa wekuBheti-shemeshi.+ Dzakaramba dziri mumugwagwa mukuru iwoyo, dzichingokuma dzichienda; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Munguva iyi yese madzishe evaFiristiya akanga achidzitevera kusvikira kumuganhu weBheti-shemeshi. 13 Vanhu vekuBheti-shemeshi vakanga vachicheka gorosi mubani. Pavakasimudza musoro vakaona Areka, vakafara chaizvo. 14 Ngoro yacho yakasvika mumunda waJoshua mugari wekuBheti-shemeshi, ikamira imomo pedyo nedombo guru. Vakabva vatsemura matanda engoro, vakabayira mhou+ dzacho sechibayiro chinopiswa kuna Jehovha.

15 VaRevhi+ vakaburutsa Areka yaJehovha nebhokisi rayaiva naro raiva nezvinhu zvegoridhe, uye vakazviisa padombo racho guru. Varume vekuBheti-shemeshi+ vakapa mipiro inopiswa, uye vakapa Jehovha zvibayiro zuva iroro.

16 Madzishe mashanu evaFiristiya paakazviona, akadzokera kuEkroni zuva iroro. 17 Aya ndiwo mapundu egoridhe akapiwa Jehovha+ nevaFiristiya kuti ave mupiro wemhosva: rimwe chete reAshdhodhi,+ rimwe chete reGaza, rimwe chete reAshkeroni, rimwe chete reGati,+ rimwe chete reEkroni.+ 18 Mbeva dzacho dzegoridhe dzaienderana nenhamba yemaguta ese evaFiristiya, emadzishe mashanu, kureva maguta akakomberedzwa nemasvingo pamwe chete nemisha yekumaruwa.

Dombo guru ravakagadzika Areka yaJehovha riripo nanhasi sechapupu mumunda waJoshua, mugari wekuBheti-shemeshi. 19 Asi Mwari akauraya varume vekuBheti-shemeshi, nekuti vakanga vatarisa Areka yaJehovha. Akauraya varume 50 070* pavanhu vacho, uye vanhu vakatanga kuchema nekuti Jehovha akanga auraya vakawanda chaizvo.+ 20 Saka varume vekuBheti-shemeshi vakabvunza kuti: “Ndiani achakwanisa kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu mutsvene?+ Haagoni kuendawo kune vamwe here?”+ 21 Saka vakazotuma nhume kuvagari vekuKiriyati-jearimu,+ vachiti: “VaFiristiya vadzosa Areka yaJehovha. Dzikai kuno muitore mukwidze nayo kwenyu.”+

7 Saka varume vekuKiriyati-jearimu vakauya vakatora Areka yaJehovha, vakanoiisa muimba yaAbhinadhabhi+ yaiva pachikomo, uye vakatsaura mwanakomana wake Eriyezari kuti achengetedze Areka yaJehovha.

2 Kubvira pazuva rakauya Areka muKiriyati-jearimu, pakapfuura nguva refu chaizvo yaisvika makore 20, uye imba yese yaIsraeri yakatanga kutsvaga* Jehovha.+ 3 Samueri akabva ati kuimba yese yaIsraeri: “Kana muri kudzoka kuna Jehovha nemwoyo yenyu yese,+ bvisai pakati penyu vanamwari vekune dzimwe nyika+ nemifananidzo yaAshtoreti,+ muzvipire nemwoyo yenyu yese kuna Jehovha, mushumire iye ega,+ uye achakununurai paruoko rwevaFiristiya.”+ 4 VaIsraeri vakabva vabvisa vanaBhaari nemifananidzo yaAshtoreti, vakatanga kushumira Jehovha chete.+

5 Samueri akabva ati: “Unganidzai vaIsraeri vese kuMizpa,+ uye ndichakunyengetererai kuna Jehovha.”+ 6 Saka vakaungana kuMizpa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, uye vakatsanya pazuva iroro.+ Vari ipapo vakati: “Takatadzira Jehovha.”+ Samueri akabva atanga kushumira semutongi+ wevaIsraeri kuMizpa.

7 VaFiristiya pavakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vaungana kuMizpa, madzishe evaFiristiya+ akaenda kunorwisa vaIsraeri. VaIsraeri pavakazvinzwa, vakatya vaFiristiya. 8 Saka vaIsraeri vakati kuna Samueri: “Musarega kushevedzera kuna Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire+ uye atiponese paruoko rwevaFiristiya.” 9 Samueri akabva atora gwayana raiyamwa, akaripa sechibayiro chinopiswa+ kuna Jehovha; uye Samueri akashevedzera kuna Jehovha kuti vaIsraeri vabatsirwe, Jehovha akamupindura.+ 10 Samueri paaipa chibayiro chinopiswa, vaFiristiya vakaswedera pedyo kuti varwise vaIsraeri. Jehovha akabva aita kuti kutinhire zvinotyisa+ zuva iroro achirwisa vaFiristiya, uye akavavhiringidza,+ vakakundwa nevaIsraeri.+ 11 Varume veIsraeri vakabva vabuda muMizpa, vakadzingirira vaFiristiya vachivauraya kusvikira kumaodzanyemba kweBheti-kari. 12 Samueri akabva atora dombo,+ akarimisa pakati peMizpa neJeshana, akaritumidza kuti Ebhenezeri,* nekuti akati: “Jehovha atibatsira kusvikira iye zvino.”+ 13 Saka vaFiristiya vakakundwa, uye havana kuzouyazve munharaunda yevaIsraeri;+ uye ruoko rwaJehovha rwakaramba ruchirwa nevaFiristiya mazuva ese aSamueri.+ 14 Uyewo maguta akanga atorerwa vaIsraeri nevaFiristiya akadzoka kuvaIsraeri, kubva kuEkroni kusvika kuGati, uye vaIsraeri vakatora nharaunda yavo yakanga yapambwa nevaFiristiya.

Paivawo nerugare pakati pevaIsraeri nevaAmori.+

15 Samueri akaramba achitonga nyaya dzevaIsraeri kweupenyu hwake hwese.+ 16 Gore negore aifamba achitenderera nekuBheteri,+ Girigari,+ neMizpa,+ achitonga nyaya dzevaIsraeri munzvimbo dzese idzi. 17 Asi aidzokera kuRama,+ nekuti ndiko kwaiva neimba yake, uye aitongawo vaIsraeri ikoko. Akavakira Jehovha atari ikoko.+

8 Samueri paakanga akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vatonge nyaya dzevaIsraeri. 2 Mwanakomana wake wedangwe ainzi Joeri, uye wechipiri ainzi Abhija.+ Vaitonga nyaya muBheeri-shebha. 3 Asi vanakomana vake havana kufamba munzira dzake; vaigara vachibiridzira vanhu kuti vazvipfumise,+ vaigamuchira chiokomuhomwe+ uye vaitonga zvisina kururama.+

4 Nekufamba kwenguva, vakuru vaIsraeri vese vakaungana, vakaenda kwaiva naSamueri kuRama. 5 Vakati kwaari: “Onai! Imi makwegura, asi vanakomana venyu havasi kufamba munzira dzenyu. Saka gadzai mambo kuti atitonge semamwe marudzi ese.”+ 6 Asi Samueri haana kufara nazvo* pavakati: “Tipei mambo kuti atitonge.” Samueri akabva anyengetera kuna Jehovha, 7 uye Jehovha akati kuna Samueri: “Teerera zvese zvauri kuudzwa nevanhu; nekuti havana kuramba iwe, asi ndini wavaramba kuti ndive mambo wavo.+ 8 Vari kuita sezvavagara vachiita kubva pazuva randakavabudisa muIjipiti kusvikira nhasi; vanoramba vachindisiya+ uye vachishumira vamwe vanamwari,+ uye ndizvo zvavari kuitawo kwauri. 9 Teerera zvavari kutaura. Asi unofanira kuvayambira zvakasimba; vaudze nezvekodzero dzichava namambo achavatonga.”

10 Saka Samueri akaudza vanhu vaimukumbira mambo mashoko ese aJehovha. 11 Akati: “Mambo achakutongai achava nekodzero yekuita zvinhu izvi:+ Achatora vanakomana venyu+ ovaisa mungoro dzake+ oita kuti vave vatasvi vemabhiza ake,+ uye vamwe vachafanira kumhanya pamberi pengoro dzake. 12 Uye achagadza vakuru vezviuru+ nevakuru vemakumi mashanu,+ uye vamwe vachamurimira,+ vachakohwa mbeu dzake+ uye vachagadzira zvombo zvake zvehondo nezvinoshandiswa pangoro dzake.+ 13 Achatora vanasikana venyu kuti vagadzire mafuta ekuzora,* vabike zvekudya uye kuti vabike chingwa.+ 14 Achatora minda yenyu yakanaka kupfuura yese, minda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi,+ oipa vashandi vake. 15 Achatora chegumi chezvirimwa zveminda yenyu necheminda yenyu yemizambiringa, uye achazvipa vakuru vemumuzinda wake nevashandi vake. 16 Achatora varume nevakadzi vanokushandirai, nemombe dzenyu dzakanaka kupfuura dzese, nemadhongi enyu, ozvishandisa pabasa rake.+ 17 Achatora chegumi chemakwai enyu,+ uye imi muchava vashandi vake. 18 Zuva richasvika ramuchachema nemhaka yamambo wamazvisarudzira,+ asi Jehovha haazokupindurii zuva iroro.”

19 Zvisinei, vanhu vakaramba kuteerera zvavakaudzwa naSamueri uye vakati: “Aiwa, isu tiri kutoda mambo anotitonga. 20 Uye tichava semamwe marudzi ese, uye mambo wedu achatitonga, achatitungamirira, uye acharwa hondo dzedu.” 21 Pashure pekunge Samueri anzwa mashoko ese evanhu, akabva aataura kuna Jehovha. 22 Jehovha akati kuna Samueri: “Teerera zvavataura, ugadze mambo kuti avatonge.”+ Samueri akabva ati kuvarume veIsraeri: “Mumwe nemumwe wenyu ngaadzokere kuguta rake.”

9 Kwaiva nemumwe murume wedzinza raBhenjamini, ainzi Kishi,+ mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfiya, wekwaBhenjamini,+ uye aiva murume akapfuma chaizvo. 2 Aiva nemwanakomana ainzi Sauro,+ uyo akanga ari wechidiki uye akanaka, pavaIsraeri pakanga pasina murume akanaka kumupfuura, uye akanga akareba* kupfuura vanhu vese.

3 Pakarasika madhongi* aKishi, baba vaSauro, Kishi akati kuna Sauro mwanakomana wake: “Tora mumwe wevashandi muende kunotsvaga madhongi.” 4 Vakapfuura nemunyika ine makomo yaEfremu uye nemunyika yeSharisha, asi havana kuawana. Vakapfuura nemunyika yeShaarimu, asi vakaashaya. Vakatenderera munyika yese yevaBhenjamini, asi havana kuawana.

5 Vakasvika munyika yeZufi, uye Sauro akati kumushandi wake waaiva naye: “Ngatidzokere, kuitira kuti baba vangu varege kutanga kunetseka nezvedu panzvimbo pekunetseka nezvemadhongi.”+ 6 Asi mushandi wake akati kwaari: “Muguta rino mune munhu waMwari, uye murume wacho anoremekedzwa. Zvese zvaanotaura zvinotoitika chete.+ Handei ikoko iye zvino. Zvichida angatiudza kwatingananga.” 7 Sauro akabva ati kumushandi wake: “Kana tikaenda, murume wacho tichanomupei? Hatina chingwa mumabhegi edu; hatina chipo chekunopa munhu waMwari wechokwadi. Chii chatiinacho?” 8 Mushandi wacho akapindurazve Sauro achiti: “Onai, ndine kamari kesirivha* muruoko rwangu. Ndichakapa munhu waMwari wechokwadi, uye achatiudza kwatingananga.” 9 (Kare muIsraeri, izvi ndizvo zvaitaurwa nemunhu paaienda kunobvunza Mwari: “Handei kumuoni.”+ Nekuti anonzi muprofita mazuva ano, kare ainzi muoni.) 10 Sauro akabva ati kumushandi wake: “Zvawataura zvakanaka. Handei.” Saka vakaenda kuguta kwaiva nemunhu waMwari wechokwadi.

11 Pavakanga vachikwidza makata vachienda kuguta, vakasangana nevasikana vaienda kunochera mvura. Saka vakati kwavari: “Muoni+ ari munzvimbo ino here?” 12 Vakapindura kuti: “Arimo. Anotova pamberi penyu. Kurumidzai, auya muguta nhasi, nekuti nhasi vanhu vari kupa chibayiro+ panzvimbo yakakwirira.+ 13 Pamunongopinda muguta, muchamuwana asati akwidza kunzvimbo yakakwirira kunodya. Vanhu havasi kuzodya kusvikira auya, nekuti ndiye anokomborera chibayiro chacho. Kana izvozvo zvangoitwa, vaya vakakokwa vanogona havo kudya. Saka chibvai matokwidza iye zvino, muchamuwana.” 14 Saka vakakwidza vachienda kuguta. Pavakanga vava kusvika pakati peguta, vakabva vaona Samueri achibuda kuzovachingura kuti vaende kunzvimbo yakakwirira.

15 Nezuro wacho Sauro asati auya, Jehovha akanga audza Samueri* kuti: 16 “Mangwana panenge panguva ino, ndichakutumira murume anobva kunyika yaBhenjamini.+ Unofanira kumuzodza kuti ave mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri,+ uye achaponesa vanhu vangu paruoko rwevaFiristiya. Nekuti ndaona kutambudzika kwevanhu vangu, uye ndanzwa kuchema kwavo.”+ 17 Samueri paakaona Sauro, Jehovha akati kwaari: “Ndiye murume wandakataura nezvake kwauri ndichiti, ‘Uyu ndiye achatungamirira vanhu vangu.’”*+

18 Sauro akabva aenda paiva naSamueri pakati pegedhi akati: “Ndinokumbira kuti mundiudzewo kuti imba yemuoni iri kupi?” 19 Samueri akapindura Sauro achiti: “Ndini muoni wacho. Tungamirai kunzvimbo yakakwirira, uye muchadya neni nhasi.+ Ndichaita kuti uende mangwanani, uye ndichakuudza zvese zvauri kuda kuziva.* 20 Kana ari madhongi akarasika mazuva matatu akapfuura,+ usanetseka nezvawo, nekuti awanikwa. Uyewo zvinhu zvese zvakanaka zviri pakati paIsraeri ndezvaani? Hazvisi zvako neimba yese yababa vako here?”+ 21 Sauro akabva apindura kuti: “Handisi muBhenjamini wedzinza diki pamadzinza aIsraeri+ here, uye mhuri yangu haisi iyo isingatombokoshi pamhuri dzese dzedzinza raBhenjamini here? Saka nei mataura mashoko iwayo kwandiri?”

22 Samueri akabva atora Sauro nemushandi wake, akaenda navo kuimba yekudyira, akavapa nzvimbo dzakanaka pane vese vakakokwa; paiva nevarume vanenge 30. 23 Samueri akati kumubiki: “Uya nenyama yandakupa, ndikakuudza kuti, ‘Ichengete.’” 24 Mubiki akabva atora gumbo nenyama yaro yese, akazviisa pamberi paSauro. Uye Samueri akati: “Zvinhu zvanga zvakachengetwa zvaiswa pamberi pako. Idya, nekuti vazvichengetera kuti vakupe panguva ino. Nekuti ndavaudza kuti, ‘Ndine vaenzi vandakakoka.’” Saka Sauro akadya naSamueri zuva iroro. 25 Vakabva vaburuka panzvimbo yakakwirira,+ vakaenda kuguta, uye Samueri akaramba achitaura naSauro vari pamusoro pemba. 26 Vakafumomuka, uye utonga hwatsvuka, Samueri akashevedza Sauro uyo aiva pamusoro pemba, achiti: “Gadzirira uende.” Sauro akabva agadzirira, uye iye naSamueri vakabuda panze. 27 Pavakanga vachidzika vachienda kunoperera guta racho, Samueri akati kuna Sauro: “Udza mushandi+ kuti aende mberi kwedu,” saka akaenda mberi. “Asi iwe mira kuti ndikuudze shoko raMwari.”

10 Samueri akabva atora kamudziyo kemafuta,* akaadira mumusoro maSauro.+ Akamutsvoda, akati: “Jehovha haana kukuzodza kuti uve mutungamiriri+ wenhaka yake here?+ 2 Pauchabva kwandiri nhasi, uchawana varume vaviri pedyo neguva raRakeri+ munharaunda yaBhenjamini paZeriza, uye vachati kwauri, ‘Madhongi awakanga waenda kunotsvaga akawanikwa, asi iye zvino baba vako vatokanganwa nezvemadhongi+ acho, uye vava kunetseka nezvenyu. Vari kuti: “Ndichaita sei mwanakomana wangu zvaasina kudzoka?”’ 3 Pfuurira kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori, uye pamuti iwoyo uchasangana nevarume vatatu vanenge vachikwidza kuna Mwari wechokwadi kuBheteri,+ mumwe anenge akatakura mbudzi diki nhatu, mumwe akatakura zvingwa zvitatu uye mumwe akatakura chirongo chihombe chewaini. 4 Vachabvunza kuti wakadii vokupa zvingwa zviviri, uye unofanira kugamuchira zvingwa zvacho. 5 Pashure paizvozvo uchasvika pachikomo chaMwari wechokwadi, pane varwi vevaFiristiya. Pauchasvika kuguta, uchasangana neboka revaprofita richiburuka kubva panzvimbo yakakwirira, uye mberi kwavo kuchange kuchiridzwa chiridzwa chine tambo netambureni nenyere nerudimbwa, ivo vachiprofita. 6 Mweya waJehovha uchakupa simba,+ uye uchaprofita pamwe chete navo wochinjwa kuva mumwe munhu.+ 7 Zviratidzo izvi pazvinenge zvaitika, ita chero zvaunokwanisa kuita, nekuti Mwari wechokwadi anewe. 8 Dzika utungamire kuGirigari,+ uye ini ndichauya kwauri ikoko kuti ndipe zvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zverugare. Urambe wakamirira kwemazuva 7 kusvikira ndauya kwauri. Uye ndichakuudza zvaunofanira kuita.”

9 Sauro paakangofuratira kuti abve pana Samueri, Mwari akatanga kuchinja mwoyo wake kuti uite sewemumwe munhu uye zviratidzo zvese izvi zvakaitika zuva iroro. 10 Saka vakabva ipapo vakaenda kuchikomo chacho, uye akasangana neboka revaprofita. Mweya waMwari wakabva wangomupa simba,+ akatanga kuprofita+ pakati pavo. 11 Vese vaimuziva pavakamuona achiprofita pamwe chete nevaprofita, vakataurirana vachiti: “Chii chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro mumwe wevaprofita here?” 12 Mumwe murume weikoko akabva ati: “Baba vavo vanombova ani chaizvo?” Saka chakabva chava chirevo chekuti: “Sauro mumwe wevaprofita here?”+

13 Paakapedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira. 14 Hama yababa vaSauro yakazoti kwaari nekumushandi wake: “Makanga maenda kupi?” Iye akabva ati: “Kunotsvaga madhongi,+ asi takaashaya, saka takaenda kuna Samueri.” 15 Hama yababa vaSauro yakabvunza kuti: “Ndapota ndiudzei, Samueri akakuudzai kuti chii?” 16 Sauro akapindura hama yababa vake achiti: “Akatiudza kuti madhongi akanga atowanikwa kare.” Asi Sauro haana kumuudza nyaya yeumambo yakanga yataurwa naSamueri.

17 Samueri akabva aunganidza vanhu pamberi paJehovha kuMizpa+ 18 akati kuvaIsraeri: “Izvi ndizvo zviri kutaurwa naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Ndini ndakabudisa vaIsraeri muIjipiti uye ndini ndakakununurai paruoko rweIjipiti+ neparuoko rweumambo hwese hwakanga huchikudzvinyirirai. 19 Asi nhasi uno maramba Mwari wenyu+ uyo akakuponesai pamatambudziko enyu ese nepanhamo dzenyu dzese, uye makati: “Aiwa, gadzai mambo kuti atitonge.” Saka mirai pamberi paJehovha maererano nemadzinza enyu uye maererano nezviuru zvenyu.’”*

20 Saka Samueri akaita kuti madzinza ese aIsraeri auye pedyo,+ uye dzinza raBhenjamini ndiro rakasarudzwa.+ 21 Akabva aita kuti dzinza raBhenjamini riuye pedyo maererano nemhuri dzaro, uye mhuri yevaMatiri yakasarudzwa. Sauro mwanakomana waKishi ndiye akazosarudzwa.+ Asi pavakamutsvaga, havana kumuwana. 22 Saka vakabvunza Jehovha+ vachiti: “Murume wacho ati asvika kuno here?” Jehovha akapindura kuti: “Uyo ari apo, akahwanda pakati penhumbi.” 23 Vakabva vamhanya vakanomutora ipapo. Paakamira pakati pevanhu, akanga akareba kupfuura vanhu vese.*+ 24 Samueri akati kuvanhu vese: “Muri kuona here munhu asarudzwa naJehovha,+ kuti hapana akafanana naye pakati pevanhu vese?” Vanhu vese vakatanga kushevedzera vachiti: “Mambo ngaarambe achirarama!”

25 Samueri akaudza vanhu zvavaifanira kuzoitira madzimambo+ uye akazvinyora mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Samueri akabva arega vanhu vese vachienda, mumwe nemumwe kumba kwake. 26 Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhiya, aine varwi vakanga vabayiwa mwoyo naJehovha. 27 Asi vamwe varume vakaipa vakati: “Munhu uyu angatiponesa sei?”+ Saka vakamuzvidza, uye havana kana chipo chavakamupa.+ Asi iye haana zvaakataura.*

11 Nahashi muAmoni+ akabva auya akadzika musasa pakatarisana neJabheshi iri muGiriyedhi. Varume vese vekuJabheshi+ vakati kuna Nahashi: “Itai sungano* nesu, uye tichava pasi penyu.” 2 Nahashi muAmoni akati kwavari: “Kuti ndiite sungano nemi, maziso enyu mese ekurudyi anofanira kutushurwa. Ndichaita izvi kuti ndinyadzise vaIsraeri vese.” 3 Vakuru vekuJabheshi vakamupindura kuti: “Tipei mazuva 7, kuti titume nhume munharaunda yese yeIsraeri. Kana tashaya anotiponesa, tichabva tazviisa mumaoko enyu.” 4 Kwapera nguva, nhume dzacho dzakasvika kuGibhiya+ yaSauro dzikataura mashoko acho vanhu vachinzwa, vanhu vese vakachema vachiridza mhere.

5 Asi Sauro akanga achibva kumafuro, mombe dziri pamberi pake, uye Sauro akati: “Ko vanhu vaita sei? Vari kuchemei?” Saka vakamuudza zvakanga zvataurwa nevarume vekuJabheshi. 6 Sauro paakanzwa mashoko aya, mweya waMwari wakamupa simba,+ uye akatsamwa zvisingaiti. 7 Saka akatora mikono miviri yemombe, akaidimbura-dimbura, akaitumira nenhume munharaunda yese yaIsraeri, uye nhume dzacho dzaiti: “Munhu wese asingateveri Sauro naSamueri anofanira kuziva kuti izvi ndizvo zvichaitwa mombe dzake!” Vanhu vakatanga kutya Jehovha zvekuti vakabuda vakabatana.* 8 Sauro akabva avaverenga muBhezeki, uye paiva nevaIsraeri 300 000 nevarume vekwaJudha 30 000. 9 Vakabva vati kunhume dzakanga dzauya: “Muti kuvarume vekuJabheshi iri muGiriyedhi, ‘Mangwana kana zuva rava kupisa, muchaponeswa.’” Nhume dzacho dzakabva dzaenda kunoudza varume vekuJabheshi, uye varume vacho vakafara chaizvo. 10 Saka varume vekuJabheshi vakati: “Mangwana tichazviisa mumaoko enyu uye munogona henyu kutiitira chero zvamunofunga kuti ndizvo zvakanaka.”+

11 Zuva rakatevera, Sauro akaisa vanhu mumapoka matatu, uye vakapinda pakati pemusasa munguva yekurinda kwemangwanani,* vakauraya vaAmoni+ kusvikira zuva rava kupisa. Vaya vakapona vakapararira vachiita rumwe rumwe zvekuti hapana vakasara vari vaviri. 12 Vanhu vakabva vati kuna Samueri: “Ndiani aiti, ‘Sauro angava mambo wedu here?’+ Tipei varume vacho, uye tichavauraya.” 13 Zvisinei, Sauro akati: “Hapana munhu anofanira kuurayiwa nhasi,+ nekuti nhasi Jehovha aponesa Israeri.”

14 Gare gare Samueri akati kuvanhu: “Uyai tiende kuGirigari+ kuti tinosimbisa umambo ikoko.”+ 15 Saka vanhu vese vakaenda kuGirigari, uye ikoko vakaita kuti Sauro ave mambo pamberi paJehovha. Vakabva vapa zvibayiro zverugare ikoko pamberi paJehovha,+ uye Sauro nevarume vese veIsraeri vakapemberera vachifara chaizvo.+

12 Samueri akazoti kuvaIsraeri vese: “Onai ndaita* zvese zvamakandikumbira kuti ndiite, uye ndagadza mambo kuti akutongei.+ 2 Zvino heuno mambo ari kukutungamirirai!*+ Ini ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vari pano nemi,+ uye ini ndakakutungamirirai kubvira ndichiri mudiki kusvikira nhasi.+ 3 Ndini ndiri pano. Kana muine chekundipomera, taurai pamberi paJehovha uye pamberi pemuzodziwa wake:+ Ndiani wandakatorera mombe yake kana dhongi rake?+ Kana kuti ndiani wandakabiridzira kana kuti wandakadzvinyirira? Ndakagamuchira chiokomuhomwe* kubva muruoko rwaani kuti ndipe mutongo usina kururama?+ Kana ndakakuitirai izvozvo, ndichakudzorerai zvinhu zvenyu.”+ 4 Vakabva vati: “Hamuna kutibiridzira kana kutidzvinyirira, uyewo hamuna kana chinhu chamakagamuchira kubva muruoko rwemunhu.” 5 Saka akati kwavari: “Jehovha chapupu kwamuri, uye muzodziwa wake chapupu nhasi kuti hamuna kana chamawana chekundipomera.” Ivo vakati: “Iye chapupu.”

6 Saka Samueri akati kuvanhu: “Jehovha, uyo akashandisa Mozisi naAroni uye akabudisa madzitateguru enyu munyika yeIjipiti,+ ndiye chapupu. 7 Uyai mumire apa, uye ndichakutongai pamberi paJehovha maererano nemabasa ese akarurama amakaitirwa naJehovha imi nemadzitateguru enyu.

8 “Jakobho paakanga angopinda muIjipiti+ uye madzitateguru enyu paakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti abatsirwe,+ Jehovha akatuma Mozisi+ naAroni kuti vatungamirire madzitateguru enyu kubva muIjipiti uye kuti vaagarise munzvimbo ino.+ 9 Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, uye akavatengesa+ muruoko rwaSisera+ mukuru weuto reHazori nemuruoko rwevaFiristiya+ nemuruoko rwamambo weMoabhi,+ uye vakavarwisa. 10 Vakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire+ uye vakati, ‘Takatadza,+ nekuti takasiya Jehovha tikashumira vanaBhaari+ nemifananidzo yaAshtoreti;+ asi iye zvino tinunureiwo mumaoko evavengi vedu, kuti tikushumirei.’ 11 Jehovha akabva atuma Jerubhaari+ naBhedhani naJefta+ naSamueri,+ akakununurai mumaoko evavengi venyu vaiva vakakupoteredzai, kuti mugare musina chekutya.+ 12 Pamakaona kuti Nahashi+ mambo wevaAmoni akanga auya kuzokurwisai, makaramba muchiti kwandiri, ‘Aiwa, isu tiri kutoda mambo anotitonga!’+ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu ari Mambo wenyu.+ 13 Zvino heuno mambo wamaida, wamakakumbira. Onai! Jehovha akugadzirai mambo.+ 14 Kana mukatya Jehovha+ momushumira+ uye moteerera inzwi rake,+ morega kupandukira murayiro waJehovha, uye kana imi namambo anokutongai mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvakanaka. 15 Asi kana mukarega kuteerera inzwi raJehovha, mopandukira murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi nemadzibaba enyu.+ 16 Uyai mumire apa muone zvinhu izvi zvikuru zviri kuitwa naJehovha pamberi penyu. 17 Nhasi harisi zuva rekukohwa gorosi here? Ndichashevedzera kuna Jehovha kuti aunze mabhanan’ana nemvura; mubve maziva uye manzwisisa kuti makaita zvakaipa chaizvo pamberi paJehovha pamakakumbira mambo.”+

18 Samueri akabva ashevedzera kuna Jehovha, uye Jehovha akaunza mabhanan’ana nemvura zuva iroro, zvekuti vanhu vese vakatya Jehovha naSamueri kwazvo. 19 Vanhu vese vakati kuna Samueri: “Nyengetererai vashumiri venyu kuna Jehovha Mwari wenyu,+ nekuti hatidi kufa; nekuti tawedzera chimwe chinhu chakaipa pazvivi zvedu zvese nekukumbira kwedu kuva namambo.”

20 Saka Samueri akati kuvanhu: “Musatya. Chokwadi makaita zvinhu zvese izvi zvakaipa. Asi musangotsauka chete pakutevera Jehovha,+ uye shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yese.+ 21 Musatsauka muchitevera zvinhu zvisina maturo,*+ zvisingabatsiri+ uye zvisinganunuri, nekuti hazvina maturo.* 22 Jehovha haazosiyi vanhu vake+ nemhaka yezita rake guru,+ nekuti Jehovha pachake ndiye akakusarudzai kuti muve vanhu vake.+ 23 Kana ndiri ini, handingambofungi zvakadaro kuti nditadzire Jehovha nekurega kukunyengetererai, uye ndicharamba ndichikurayiridzai munzira yakanaka neyakarurama. 24 Imi ingotyai Jehovha,+ momushumira makatendeka* nemwoyo yenyu yese, muchifunga zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.+ 25 Asi kana mukaomesa misoro yenyu muchiita zvakaipa, muchaparadzwa,+ imi namambo wenyu.”+

13 Sauro aiva nemakore . . .* paakava mambo,+ uye akatonga Israeri kwemakore maviri. 2 Sauro akasarudza varume 3 000 pavaIsraeri; 2 000 vavo vaiva naSauro kuMikmashi nemumakomo ekuBheteri uye 1 000 vaiva naJonatani+ kuGibhiya+ yaBhenjamini. Akaita kuti vamwe vanhu vese vaende, mumwe nemumwe kutende rake. 3 Jonatani akabva auraya varwi vevaFiristiya+ vakanga vari muGebha,+ uye vaFiristiya vakanzwa nezvazvo. Uye Sauro akaita kuti hwamanda iridzwe+ munyika yacho yese, achiti: “VaHebheru ngavanzwe!” 4 VaIsraeri vese vakanzwa shoko rekuti: “Sauro auraya varwi vevaFiristiya, uye iye zvino vaIsraeri vava kuvengwa chaizvo nevaFiristiya.” Saka vanhu vakaunganidzwa paGirigari+ kuti vabatane naSauro.

5 VaFiristiya vakaunganawo kuti varwe nevaIsraeri, vaine ngoro dzehondo 30 000 nevatasvi vemabhiza 6 000 nemauto akawanda sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa;+ uye vakakwidza vakanodzika musasa muMikmashi kumabvazuva kweBheti-avheni.+ 6 Varume veIsraeri vakaona kuti zvinhu zvakanga zvavaipira, nekuti vakanga vaiswa panguva yakaoma; saka vanhu vakahwanda mumapako,+ mumakomba, mumatombo, muninga nemumigodhi yemvura. 7 Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Rwizi rwaJodhani vachienda kunyika yaGadhi neyaGiriyedhi.+ Asi Sauro akanga achiri muGirigari, uye vanhu vese vaimutevera vaidedera. 8 Akaramba akamirira kwemazuva 7 kusvikira nguva yakanga yataurwa naSamueri yakwana; asi Samueri haana kusvika kuGirigari, uye vanhu vakanga vachipararira vachimusiya. 9 Sauro akazoti: “Ndiunzirei chibayiro chinopiswa nezvibayiro zverugare.” Akabva apa chibayiro chinopiswa.+

10 Asi paakangopedza kupa chibayiro chinopiswa, Samueri akabva asvika. Saka Sauro akabuda kuti aende kwaari kunomukwazisa. 11 Samueri akabva ati: “Waitei?” Sauro akapindura kuti: “Ndaona kuti vanhu vanga vachindisiya,+ uye imi hamuna kusvika nenguva, uye vaFiristiya vanga vachiungana paMikmashi.+ 12 Saka ndati, ‘VaFiristiya vachadzika kuzorwa neni paGirigari ini ndisina kukumbira kunzwirwa nyasha naJehovha.’ Saka ndaona kuti hapana chimwe chekuita kunze kwekupa chibayiro chinopiswa.”

13 Samueri akabva ati kuna Sauro: “Waita zvinhu zveupenzi. Hauna kuteerera murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako.+ Kudai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pavaIsraeri nekusingaperi. 14 Asi iye zvino umambo hwako hahusi kuzogara.+ Jehovha achatsvaga munhu anodiwa nemwoyo wake,+ uye Jehovha achamugadza kuti ave mutungamiriri wevanhu vake,+ nekuti hauna kuteerera zvawakarayirwa naJehovha.”+

15 Samueri akabva asimuka, akakwidza achibva kuGirigari achienda kuGibhiya yaBhenjamini, uye Sauro akaverenga vanhu. Vaya vakanga vachiri naye vaiva varume vanenge 600.+ 16 Sauro nemwanakomana wake Jonatani nevanhu vavakanga vachiri navo, vaigara muGebha+ yaBhenjamini uye vaFiristiya vakanga vadzika musasa paMikmashi.+ 17 Uto revapambi raigara richibuda mumusasa wevaFiristiya riri mumapoka matatu. Rimwe boka rainanga kumugwagwa wekuenda kuOfra, kunyika yeShuari; 18 rimwe boka rainanga kumugwagwa wekuBheti-horoni;+ uye boka rechitatu rainanga kumugwagwa unoenda kumuganhu wakatarisana nebani reZebhoimu, nechekurenje.

19 Panguva iyi munyika yese yeIsraeri makanga musina kana mupfuri wesimbi, nekuti vaFiristiya vakanga vati: “Kuitira kuti vaHebheru vasagadzira bakatwa kana pfumo.” 20 VaIsraeri vese vaitofanira kuenda kuvaFiristiya kuti varodzerwe miromo yemagejo, mabhidha, matemo kana majeko avo. 21 Kurodzerwa miromo yemagejo, mabhidha, maforogo ane zvekubayisa zvitatu, nematemo uye kusungirwa zvibayiso* zvemombe kuti zvisimbe, kwaiita pimu.* 22 Saka pazuva rekurwa, hapana munhu aiva nebakatwa kana pfumo muruoko rwake pavanhu vaiva naSauro naJonatani;+ Sauro chete nemwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nezvombo.

23 Zvino paiva neboka revarwi revaFiristiya rakanga raenda kumupata wekuMikmashi.+

14 Rimwe zuva Jonatani+ mwanakomana waSauro akati kumushandi ainge akatakura zvombo zvake: “Uya tiyambuke tiende kuvarwi vanorinda vevaFiristiya vari mhiri uko.” Asi haana kuudza baba vake. 2 Sauro akanga achigara nechekunoperera Gibhiya+ pasi pemuti wemupomegraneti* muMigroni, uye aiva nevarume vanenge 600.+ 3 (Ahija mwanakomana waAhitubhu,+ mukoma waIkabhodhi,+ mwanakomana waFiniyasi,+ mwanakomana waEri,+ mupristi waJehovha wekuShiro,+ akanga akapfeka efodhi.*)+ Uye vanhu havana kuziva kuti Jonatani akanga aenda. 4 Pakati pemikoto yaiedza kupindwa nayo naJonatani kuti anosvika kwaiva nevarwi vanorinda vevaFiristiya, pakanga paine zidombo rakaita sezino kune rimwe divi, nerimwe zidombo rakaita sezino kune rimwe divi; rimwe rainzi Bhozezi, rimwe richinzi Sene. 5 Rimwe zidombo racho raiva kuchamhembe rakamira sembiru, rakatarisa kuMikmashi, uye rimwe racho raiva kumaodzanyemba rakatarisa kuGebha.+

6 Saka Jonatani akati kumutakuri wezvombo zvake: “Uya tiyambuke tiende kune varwi vanorinda, ivo varume ava vasina kuchecheudzwa.+ Zvichida Jehovha achatirwira, nekuti hapana chingatadzisa Jehovha kuponesa nevazhinji kana kuti nevashoma.”+ 7 Mutakuri wezvombo zvake akabva ati: “Itai zvese zvamunonzwa mwoyo wenyu uchida kuita. Endai chero kwamunoda uye ndichakuteverai kwese kunodiwa nemwoyo wenyu.” 8 Jonatani akabva ati: “Tichayambuka toenda kuvarume vacho, toita kuti vatione. 9 Kana vakati kwatiri, ‘Rambai makamira kusvika tauya kwamuri!’ tichamira patinenge tiri, torega kukwidza kwavari. 10 Asi kana vakati, ‘Kwidzai kuno muzotirwisa!’ tichabva takwidza, nekuti Jehovha achavaisa muruoko rwedu. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwatiri.”+

11 Vaviri vacho vakabva vabuda pachena kuti vaonekwe nevarwi vairinda vevaFiristiya. VaFiristiya vakati: “Onai! VaHebheru vari kubuda mumakomba mavanga vakahwanda.”+ 12 Saka varwi vairinda vakati kuna Jonatani nemutakuri wezvombo zvake: “Kwidzai kuno uye tichakudzidzisai chidzidzo!”+ Jonatani akabva angoti kumutakuri wezvombo zvake: “Nditevere, nekuti Jehovha achavaisa muruoko rwaIsraeri.”+ 13 Jonatani akakwidza achiita zvekubatirira nemaoko ake, mutakuri wezvombo zvake achimutevera; uye Jonatani akatanga kurwisa vaFiristiya, mutakuri wezvombo zvake achivauraya ari shure kwake. 14 Jonatani nemutakuri wezvombo zvake pavakarwisa kekutanga, vakauraya varume vanenge 20 munzvimbo yakareba inenge hafu yeeka yemunda.*

15 Vanhu vakanga vari mumusasa waiva mumunda nevarwi vese vairinda vakatya chaizvo, kunyangewo mapoka evapambi+ akatya zvikuru. Nyika yakatanga kudengenyeka, Mwari achibva aita kuti vanhu vatye zvikuru. 16 Varindi vaSauro vaiva muGibhiya+ yaBhenjamini vakaona kuti nyonganyonga yacho yaipararira kwese kwese.+

17 Sauro akati kuvanhu vaaiva navo: “Ndapota, verengai vanhu muone kuti ndiani abva pakati pedu.” Pavakaverenga, vakaona kuti Jonatani nemutakuri wezvombo zvake vakanga vasipo. 18 Sauro akabva ati kuna Ahija:+ “Uya neAreka yaMwari wechokwadi pedyo!” (Nekuti vaIsraeri ndivo vaiva neAreka yaMwari wechokwadi panguva iyoyo.*) 19 Sauro paaitaura nemupristi, nyonganyonga yaiva mumusasa wevaFiristiya yakaramba ichingowedzera. Sauro akabva ati kumupristi wacho: “Chirega zvauri kuita.”* 20 Sauro nevanhu vese vaaiva navo vakabva vaungana vakaenda kwairwiwa kwacho, uye vakawana vaFiristiya vachiurayana nemapakatwa avo, uye nyonganyonga yacho yakanga yakakura chaizvo. 21 Uyewo vaHebheru vaya vakanga vambobatana nevaFiristiya uye vakanga vauya pamwe chete navo mumusasa, vakanga vava kudzokera kuvaIsraeri vaiva pasi paSauro naJonatani. 22 Varume vese veIsraeri vakanga vakahwanda+ munyika ine makomo yaEfremu vakanzwa kuti vaFiristiya vakanga vatiza, uye naivowo vakabatana nevamwe pakuvadzingirira muhondo yacho. 23 Saka Jehovha akaponesa Israeri zuva iroro,+ uye hondo yacho yakaramba ichirwiwa kusvika kuBheti-avheni.+

24 Asi varume veIsraeri vakaomerwa chaizvo zuva iroro, nekuti Sauro akanga asunga vanhu nemhiko iyi: “Munhu anodya chekudya* zuva risati radoka uye ndisati ndatsiva vavengi vangu ngaatukwe!” Saka hapana munhu akadya.+

25 Vanhu* vese vakapinda musango, uye maiva neuchi pasi. 26 Vanhu pavakapinda musango, vakaona uchi huchidonha, asi hapana aiisa ruoko rwake pamuromo wake kuti ahuravidze, nekuti vaitya mhiko yacho. 27 Asi Jonatani akanga asina kunzwa baba vake pavakasunga vanhu nemhiko,+ saka akatambanudza tsvimbo yaaiva nayo, akainyika muzinga reuchi nekwainoperera. Paakadzosa ruoko rwake kumuromo wake, maziso ake akabva apenya.* 28 Mumwe wevanhu vacho akabva ati: “Baba vako vasunga vanhu nemhiko yakasimba vachiti, ‘Munhu anodya zvekudya nhasi ngaatukwe!’+ Ndokusaka vanhu vaneta chaizvo.” 29 Zvisinei, Jonatani akati: “Baba vangu vaunza dambudziko rakakura panyika. Onai kupenya kwaita maziso angu nekuti ndaravira uchi uhwu hushomanana. 30 Zvingadai zvabatsira chaizvo kudai nhasi vanhu vadya vakasununguka+ zvavapamba kuvavengi vavo! Nekuti pangadai paurayiwa vaFiristiya vakatowanda kupfuura vaurayiwa.”

31 Vakaramba vachiuraya vaFiristiya zuva iroro kubva kuMikmashi kusvika kuAijaroni,+ uye vanhu vakaneta chaizvo. 32 Saka vanhu vakava nemakaro vakatanga kumhanyira zvinhu zvavainge vapamba, uye vakatora makwai nemombe nemhuru, vakazviurayira pasi, uye vakadya nyama pamwe chete neropa.+ 33 Saka Sauro akaudzwa kuti: “Vanhu vari kutadzira Jehovha nekudya nyama pamwe chete neropa.”+ Iye akabva ati: “Maratidza kusatendeka. Kungurutsirai dombo guru kuno kwandiri izvozvi.” 34 Sauro akabva ati: “Pindai muvanhu muti kwavari, ‘Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuuya nemombe yake negwai rake, ozviurayira pano odya. Musatadzira Jehovha nekudya nyama pamwe chete neropa.’”+ Saka mumwe nemumwe wavo akauya nemombe yake usiku ihwohwo akaiurayira ipapo. 35 Uye Sauro akavakira Jehovha atari.+ Iyi ndiyo yaiva atari yekutanga yaakavakira Jehovha.

36 Sauro akazoti: “Ngatiteverei vaFiristiya usiku, tivapambe kusvikira kwaedza. Hapana kana mumwe chete watichasiya ari mupenyu.” Vanhu vakabva vati: “Itai chero zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka.” Mupristi akabva ati: “Ngatibvunzei Mwari wechokwadi pano.”+ 37 Sauro akabvunza Mwari kuti: “Nditevere vaFiristiya+ here? Muchavaisa muruoko rwaIsraeri here?” Asi Mwari haana kumupindura zuva iroro. 38 Saka Sauro akati: “Huyai pano, imi mese vakuru vevanhu, mutsvage kuti chivi chipi chaitwa nhasi. 39 Nekuti chokwadi naJehovha mupenyu, uyo akanunura Israeri, kunyange kana ari Jonatani mwanakomana wangu, anofanira kufa.” Asi hapana akamupindura pavanhu vese. 40 Akabva ati kuvaIsraeri vese: “Imi muchange muri kune rimwe divi, uye ini nemwanakomana wangu Jonatani tichange tiri kune rimwe divi.” Vanhu vakabva vati kuna Sauro: “Itai chero zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka.”

41 Sauro akabva ati kuna Jehovha: “Haiwa Mwari waIsraeri, pindurai neTumimu!”+ Jonatani naSauro vakabva vabatwa, vanhu vakawanikwa vasina mhosva. 42 Saka Sauro akati: “Kandai mijenya+ kuti musarudze pakati pangu nemwanakomana wangu Jonatani.” Uye Jonatani akabatwa. 43 Sauro akabva ati kuna Jonatani: “Ndiudze, waitei?” Saka Jonatani akamuudza kuti: “Ndangoravira uchi hushomanana nekunoperera tsvimbo iri muruoko rwangu.+ Ndiri pano! Ndiurayei zvenyu!”

44 Sauro akabva ati: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana ukasafa, iwe Jonatani.”+ 45 Asi vanhu vakati kuna Sauro: “Jonatani anofanira kufa here iye aita kuti vaIsraeri vakunde zvikuru kudai?+ Hazvimboiti! Chokwadi naJehovha mupenyu, hapana kana bvudzi remusoro wake rinofanira kuwira pasi, nekuti abatsirwa naMwari pane zvaaita nhasi.”+ Saka vanhu vakanunura* Jonatani, uye haana kufa.

46 Sauro akabva arega kutevera vaFiristiya, uye vaFiristiya vakaenda kunyika yavo.

47 Sauro akasimbisa umambo hwake pavaIsraeri, uye akarwisa vavengi vake vese kumativi ese, akarwisa vaMoabhi,+ vaAmoni,+ vaEdhomu,+ madzimambo eZobha,+ nevaFiristiya;+ uye aivakunda kwese kwaaienda. 48 Akarwa neushingi akakunda vaAmareki+ uye akanunura vaIsraeri muruoko rwevaivapamba.

49 Vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, Ishivhi, naMariki-shua.+ Uye aiva nevanasikana vaviri; mukuru wacho ainzi Merabhu+ uye mudiki wacho ainzi Mikari.+ 50 Mudzimai waSauro ainzi Ahinoamu mwanasikana waAhimaazi. Mukuru weuto rake ainzi Abhineri+ mwanakomana waNeri, hama yababa vaSauro. 51 Kishi+ ndiye aiva baba vaSauro, uye Neri+ baba vaAbhineri akanga ari mwanakomana waAbhieri.

52 Mazuva ese aSauro paiva nekurwisana kunotyisa nevaFiristiya.+ Sauro paaiona chero murume akasimba kana ane ushingi, aimutora kuti ave murwi wake.+

15 Samueri akabva ati kuna Sauro: “Jehovha akandituma kuzokuzodza kuti uve mambo wevanhu vake vaIsraeri;+ saka inzwa zviri kutaurwa naJehovha.+ 2 Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Ndichatonga vaAmareki nemhaka yezvavakaitira vaIsraeri pavakavarwisa vachibva kuIjipiti.+ 3 Saka enda unouraya vaAmareki,+ wovaparadza+ pamwe chete nezvese zvavainazvo. Hapana waunofanira kusiya ari mupenyu;* unofanira kuvauraya,+ varume nevakadzi, vana nevanoyamwa, mombe nemakwai, ngamera nemadhongi.’”+ 4 Sauro akashevedza vanhu, akavaverenga muTeraimu: Paiva nevarwi 200 000 vaifamba netsoka uye varume 10 000 vekwaJudha.+

5 Sauro akaenda akanosvika kuguta revaAmareki, akahwandira mubani.* 6 Sauro akabva ati kuvaKeni:+ “Endai, ibvai pakati pevaAmareki, kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo.+ Nekuti makaratidza vaIsraeri mutsa nerudo+ panguva yavakabuda muIjipiti.” Saka vaKeni vakabva pakati pevaAmareki. 7 Pashure paizvozvo Sauro akauraya vaAmareki+ kubvira kuHavhira+ kusvikira kuShuri,+ iri pedyo neIjipiti. 8 Akabata Agagi+ mambo wevaAmareki ari mupenyu, asi akaparadza vamwe vanhu vese nebakatwa.+ 9 Zvisinei, Sauro nevanhu vakasiya Agagi ari mupenyu,* nezvipfuwo zvakanaka kupfuura zvese pamakwai nemombe, nemhuka dzakakodzwa, nemakondohwe, nezvese zvakanga zvakanaka.+ Havana kuda kuzviparadza. Asi zvinhu zvese zvisingakoshi uye zvisingadiwi ndizvo zvavakaparadza.

10 Shoko raJehovha rakabva rasvika kuna Samueri richiti: 11 “Ndinozvidemba* kuti ndakaita kuti Sauro ave mambo, nekuti atsauka pakunditevera, uye haana kuita zvandakataura.”+ Samueri akarwadziwa chaizvo uye akaramba achichema kuna Jehovha usiku hwese.+ 12 Samueri paakafumomuka mangwanani kuti anoonana naSauro, Samueri akaudzwa kuti: “Sauro akaenda kuKameri+ uye akazvivakira shongwe ikoko.+ Akabva atendeuka, akadzika kuGirigari.” 13 Samueri paakazosvika kwaiva naSauro, Sauro akati kwaari: “Jehovha ngaakukomborerei. Ndakaita zvakataurwa naJehovha.” 14 Asi Samueri akati: “Saka kuchema kwemakwai uku kuri munzeve dzangu ndekwei, nekukuma kwemombe kwandiri kunzwa?”+ 15 Sauro akabva ati: “Zvakabva kuvaAmareki, nekuti vanhu havana kuuraya* zvipfuwo zvakanaka pamakwai nemombe kuti vazvibayire kuna Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvese takazviparadza.” 16 Samueri akabva ati kuna Sauro: “Mira! Rega ndikuudze zvandakaudzwa naJehovha usiku hwapfuura.”+ Saka akati kwaari: “Taurai!”

17 Samueri akati: “Hauna here kuzviti haukoshi+ pawakaitwa mutungamiriri wemadzinza aIsraeri uye pawakazodzwa naJehovha kuti uve mambo weIsraeri?+ 18 Jehovha akazokutuma achiti, ‘Enda unoparadza vatadzi, ivo vaAmareki.+ Varwise kusvikira wavaparadza vese.’+ 19 Saka nei usina kuteerera inzwi raJehovha? Pane kudaro, wakamhanyira kupamba zvinhu uchiita makaro,+ ukaita zvakaipa pamberi paJehovha!”

20 Zvisinei, Sauro akati kuna Samueri: “Asi ndakateerera inzwi raJehovha! Ndakaenda kunoita basa randakatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wevaAmareki, uye ndakaparadza vaAmareki.+ 21 Asi vanhu vakapamba makwai nemombe zvaiva zvakanaka kupfuura zvese pane zvaifanira kuparadzwa, kuti vazvibayire kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.”+

22 Samueri akabva ati: “Jehovha anofarira mipiro inopiswa nezvibayiro+ sekufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here? Chinzwa! Kuteerera kunokunda chibayiro,+ uye kunzwa kunokunda mafuta+ emakondohwe; 23 nekuti kupanduka+ kwakafanana nechivi chekushopera,+ uye kuita zvinhu uchizvikudza kwakafanana nekushandisa simba remashiripiti nekunamata zvidhori.* Sezvo wakaramba shoko raJehovha,+ iye akurambawo kuti uve mambo.”+

24 Sauro akabva ati kuna Samueri: “Ndakatadza, nekuti handina kuteerera murayiro waJehovha nemashoko enyu, nekuti ndakatya vanhu ndikateerera zvavakataura. 25 Ndapota, ndiregerereiwo chivi changu, mudzokere neni kuti ndinokotamira Jehovha.”+ 26 Asi Samueri akati kuna Sauro: “Handisi kuzodzokera newe, nekuti wakaramba shoko raJehovha, uye Jehovha arambawo kuti urambe uri mambo weIsraeri.”+ 27 Samueri paakatendeuka kuti aende, Sauro akabata mupendero wenguo yake isina maoko, asi yakabvaruka. 28 Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva pauri nhasi, uye achahupa mumwe wako ari nani panewe.+ 29 Uyewo, Changamire weIsraeri+ haazorevi nhema+ kana kuchinja pfungwa dzake,* nekuti iye haasi munhu zvekuti angachinja pfungwa dzake.”*+

30 Iye akabva ati: “Ndakatadza. Asi ndapota, ndikudzei pamberi pevakuru vevanhu vangu uye pamberi pevaIsraeri. Dzokerai neni uye ndichakotamira Jehovha Mwari wenyu.”+ 31 Saka Samueri akadzokera naSauro, uye Sauro akakotamira Jehovha. 32 Uye Samueri akati: “Unzai Agagi mambo wevaAmareki pedyo neni.” Agagi akabva aenda kwaari asingadi,* nekuti Agagi akambenge achizviudza kuti: ‘Chokwadi iye zvino havachandiurayi.’ 33 Zvisinei, Samueri akati: “Bakatwa rako zvarakaita kuti vakadzi varwadziwe nekufirwa nevana, amai vako vacharwadziwawo nekufirwa kupfuura vamwe vakadzi vese.” Samueri akabva atema-tema Agagi kuita zvidimbu pamberi paJehovha paGirigari.+

34 Samueri akabva aenda kuRama, uye Sauro akakwidza kumba kwake kuGibhiya yaSauro. 35 Samueri haana kuzoonazve Sauro kusvikira pazuva rekufa kwake, nekuti Samueri akanetseka kwazvo pamusoro paSauro.+ Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo weIsraeri.+

16 Jehovha akazoti kuna Samueri: “Ucharamba uchinetseka pamusoro paSauro+ kusvikira riini ini ndamuramba kuti ave mambo weIsraeri?+ Zadza nyanga yako nemafuta+ uende. Ndichakutuma kuna Jese+ wekuBhetrehema, nekuti ndasarudza mambo pavanakomana vake.”+ 2 Asi Samueri akati: “Ndingaenda sei? Kana Sauro akanzwa nezvazvo achandiuraya.”+ Jehovha akapindura kuti: “Tora tsiru uende naro wobva wati, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’ 3 Shevedza Jese kuti auye kuchibayiro chacho; uye ndichabva ndakuudza zvekuita. Unofanira kundizodzera munhu wandichakusarudzira.”+

4 Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Paakasvika kuBhetrehema,+ vakuru veguta vakadedera pavakasangana naye, uye vakati: “Kwakanaka here zvamauya kuno?” 5 Iye akabva ati: “Kwakanaka. Ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvitsvenesei tiende tese kuchibayiro chacho.” Akabva atsvenesa Jese nevanakomana vake, achibva avashevedza kuchibayiro chacho. 6 Pavaipinda panzvimbo yaibayirwa, akaona Eriyabhi+ achibva ati: “Chokwadi uyu ndiye muzodziwa waJehovha akamira pamberi pake.” 7 Asi Jehovha akati kuna Samueri: “Usatarisa chimiro chake nekureba kwake,+ nekuti haasi iye wandasarudza. Nekuti maonero anoita munhu haasi iwo maonero anoita Mwari, nekuti munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.”+ 8 Jese akabva ashevedza Abhinadhabhi+ akaita kuti apfuure nepamberi paSamueri, asi iye akati: “Jehovha haanawo kusarudza uyu.” 9 Jese akazoita kuti Shamaa+ auye, asi iye akati: “Jehovha haanawo kusarudza uyu.” 10 Saka Jese akaita kuti vanakomana vake 7 vapfuure nepamberi paSamueri, asi Samueri akati kuna Jese: “Jehovha haana waasarudza pane ava.”

11 Samueri akazoti kuna Jese: “Ndivo vanakomana vako vese here ava?” Iye akabva ati: “Mudiki wacho+ haana kushevedzwa; ari kufudza makwai.”+ Samueri akabva ati kuna Jese: “Ita kuti anoshevedzwa, nekuti hatisi kuzogara pasi kuti tidye kusvikira auya pano.” 12 Saka akaita kuti anoshevedzwa uye akabva auya. Akanga ari mutsvuku, aine maziso akanaka, aine chimiro chakanaka.+ Jehovha akabva ati: “Simuka umuzodze, nekuti uyu ndiye munhu wacho!”+ 13 Saka Samueri akatora nyanga yemafuta,+ akamuzodza vakoma vake varipo. Mweya waJehovha wakatanga kupa Dhavhidhi simba kubva pazuva iroro zvichienda mberi.+ Gare gare Samueri akasimuka, akaenda kuRama.+

14 Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro,+ uye mweya wakaipa waibva kuna Jehovha waimutambudza.+ 15 Varanda vaSauro vakati kwaari: “Onai, mweya wakaipa unobva kuna Mwari uri kukutambudzai. 16 Tapota, ishe wedu ngaarayire varanda venyu vari pamberi penyu kuti vatsvage munhu ane unyanzvi hwekuridza rudimbwa.+ Pese panouya mweya wakaipa unobva kuna Mwari pamuri, iye acharidza rudimbwa, uye muchanzwa zviri nani.” 17 Saka Sauro akati kuvaranda vake: “Ndapota, nditsvagirei munhu anoridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.”

18 Mumwe wevaranda vacho akati: “Ndakaona kuti mumwe mwanakomana waJese wekuBhetrehema anoridza neunyanzvi, uye murwi akashinga ane simba.+ Anotaura zvakanaka, uye ane chiso chakanaka,+ uye Jehovha anaye.”+ 19 Sauro akabva atuma nhume kuna Jese akati: “Nditumire Dhavhidhi mwanakomana wako ari kumakwai.”+ 20 Saka Jese akatora dhongi akaritakudza chingwa, nehomwe yedehwe yewaini, nembudzi diki, akazvitumira nemwanakomana wake Dhavhidhi kuna Sauro. 21 Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akatanga kumushandira.+ Sauro akatanga kumuda kwazvo, uye akava mutakuri wezvombo zvake. 22 Sauro akatumira shoko kuna Jese, achiti: “Ndapota, Dhavhidhi ngaarambe achindishandira, nekuti ndamufarira.” 23 Mweya wakaipa waibva kuna Mwari pawaiuya pana Sauro, Dhavhidhi aitora rudimbwa oridza, uye Sauro aizorodzwa onzwa zviri nani, uye mweya wakaipa waibva paari.+

17 VaFiristiya+ vakaunganidza mauto avo* kuti varwe. Vakaungana paguta rinonzi Soko,+ raJudha, vakadzika musasa pakati peSoko neAzeka,+ muEfesi-dhamimu.+ 2 Sauro nevarume veIsraeri vakaungana, vakadzika musasa muBani reEraa,+ vakaronga mauto avo kuti vasangane nevaFiristiya. 3 VaFiristiya vakanga vari mugomo kune rimwe divi, vaIsraeri vari mugomo kune rimwe divi, pakati pavo paine bani.

4 Mumwe murume aiva shasha yekurwa akabva abuda mumisasa yevaFiristiya; ainzi Goriyati,+ ari wekuGati,+ uye akanga akareba mamita anenge matatu.* 5 Aiva nengowani yemhangura mumusoro, uye akanga akapfeka nguo yekuzvidzivirira nayo yaiva nemakwati emhangura+ aipindana-pindana. Nguo yacho yairema mashekeri 5 000.* 6 Pamipimbiri yake paiva nezvinodzivirira zvemhangura uye aiva akabereka pfumo diki+ remhangura kumusana kwake. 7 Mubato wemuti wepfumo rake guru wakanga wakaita sedanda revanogadzira machira,+ muromo wesimbi wepfumo rake wairema mashekeri 600;* uye mutakuri wenhoo yake aifamba ari pamberi pake. 8 Akabva amira, ndokushevedzera kuuto rakarongwa revaIsraeri+ achiti: “Nei mabuda kuti muronge uto renyu? Handiti ini ndiri muFiristiya, uye imi muri varanda vaSauro. Saka sarudzai murume, uye ngaadzike kuno kwandiri. 9 Kana akakwanisa kurwa neni ondiuraya, tichabva tava varanda venyu. Asi kana ndikamukunda ndomuuraya, imi muchava varanda vedu motishandira.” 10 MuFiristiya wacho akabva ati: “Ini ndinoshora uto rakarongwa raIsraeri+ nhasi. Ndipei murume tirwe!”

11 Sauro nevaIsraeri vese pavakanzwa mashoko aya emuFiristiya wacho, vakavhunduka uye vakatya chaizvo.

12 Zvino Dhavhidhi akanga ari mwanakomana wemumwe muEfrata+ wekuBhetrehema+ raJudha ainzi Jese+ uyo aiva nevanakomana 8,+ uye mumazuva aSauro murume wacho akanga atokwegura. 13 Vanakomana vakuru vatatu vaJese vakanga vaenda naSauro kuhondo.+ Vanakomana vake vatatu vakaenda kuhondo vaiva Eriyabhi+ uyo aiva dangwe, Abhinadhabhi+ uyo aiva mwanakomana wake wechipiri, naShamaa+ uyo aiva wechitatu. 14 Dhavhidhi ndiye akanga ari mudiki kune vese,+ uye vakuru vacho vatatu vakaenda naSauro.

15 Dhavhidhi aiti akamboenda kwaSauro, odzokera kunofudza makwai+ ababa vake kuBhetrehema. 16 Munguva iyi, muFiristiya wacho aiuya omira pamberi pavo mangwanani ega ega nemanheru kwemazuva 40.

17 Jese akabva ati kumwanakomana wake Dhavhidhi: “Ndapota, tora efa* iyi yezviyo* zvakakangwa nezvingwa izvi gumi, uye kurumidza kuzviendesa kuvakoma vako kumusasa. 18 Uye tora zvidimbu izvi gumi zvechizi* unopa mukuru wechiuru; uyewo unofanira kunoona kuti vakoma vako vakadii wouya nechinhu chinobva kwavari chinoratidza kuti vapenyu.” 19 Vakoma vake vaiva naSauro nevamwe varume vese veIsraeri muBani reEraa,+ kuti varwe nevaFiristiya.+

20 Saka Dhavhidhi akafumomuka, akasiya mumwe munhu achichengeta makwai; akabva arongedza ndokuenda sezvaakanga arayirwa naJese. Paakasvika kunoperera musasa, uto rakanga richienda kunzvimbo yekurwira, richishevedzera zvinotyisa. 21 VaIsraeri nevaFiristiya vakabva varonga mauto avo, zvekuti mauto avo akabva amira akatarisana. 22 Dhavhidhi akabva angosiya zvinhu zvake zvichichengetwa nemunhu aichengeta nhumbi, akamhanya achienda kunzvimbo yekurwira. Paakasvika, akatanga kubvunza kuti vakoma vake vakadii.+

23 Paaitaura navo, vakaona shasha iya yekurwa yainzi Goriyati,+ muFiristiya wekuGati. Murume wacho akabuda mumauto akarongwa evaFiristiya, akataura mashoko akafanana neaakanga ambotaura,+ uye Dhavhidhi akanzwa zvaakataura. 24 Varume vese veIsraeri, pavakaona murume wacho, vakamutiza, vachitya chaizvo.+ 25 Varume veIsraeri vaiti: “Maona here murume uyo ari kubuda uko? Anouya achishora vaIsraeri.+ Mambo achapa pfuma yakawanda kumurume anomuuraya, achamupa mwanasikana wake,+ uye achasunungura imba yababa vake pazvinhu zvinofanira kuitirwa mambo nevaIsraeri.”

26 Dhavhidhi akatanga kuti kuvarume vakanga vakamira pedyo naye: “Murume anouraya muFiristiya uyo obvisa kuzvidzwa pavaIsraeri achaitirwei? Nekuti muFiristiya uyu asina kuchecheudzwa ndiani kuti ashore uto rakarongwa raMwari mupenyu?”+ 27 Vanhu vacho vakabva vamuudza zvakanga zvataurwa, vachiti: “Izvi ndizvo zvichaitirwa murume anomuuraya.” 28 Mukoma wake mukuru Eriyabhi+ paakanzwa Dhavhidhi achitaura nevarume vacho, akamutsamwira uye akati: “Wavingei kuno? Wasiya naani makwai mashoma aya murenje?+ Ndinonyatsoziva kuzvikudza kwako nekuipa kwemwoyo wako; wauya kuzongoona hondo chete.” 29 Dhavhidhi akati: “Ko ndaita sei? Ndanga ndichingobvunzawo zvangu!” 30 Saka akatendeuka achibva paari akatarisa kune mumwe munhu, akabvunza zvaakanga ambobvunza,+ uye vanhu vakamupindura sezvavakanga vamboita.+

31 Mashoko akanga ataurwa naDhavhidhi akapinda munzeve dzevamwe vanhu, vakanoudza Sauro. Saka akaita kuti anoshevedzwa. 32 Dhavhidhi akati kuna Sauro: “Ngaparege kuva nemunhu anotya muFiristiya uyu. Muranda wenyu achaenda kunorwa naye.”+ 33 Asi Sauro akati kuna Dhavhidhi: “Haukwanisi kuenda kunorwa nemuFiristiya uyu, nekuti unongovawo hako mukomana,+ asi iye murwi* kubvira achiri mudiki.” 34 Dhavhidhi akabva ati kuna Sauro: “Muranda wenyu aifudza makwai ababa vake, uye pakauya shumba+ ikatora gwai kubva muboka. Pane imwe nguva pakauyawo bheya rikaitawo saizvozvo. 35 Asi ndakabuda, ndikazvitevera, ndikazviuraya, ndikanunura makwai acho pamiromo yazvo. Pazvakatanga kundirwisa, ndakabata mvere dzazvo,* ndikazviwisira pasi, ndikazviuraya. 36 Muranda wenyu akauraya shumba nebheya, uye muFiristiya uyu asina kuchecheudzwa achafanana nazvo, nekuti ashora mauto akarongwa aMwari mupenyu.”+ 37 Dhavhidhi akabva awedzera kuti: “Jehovha, uyo akandinunura panzara dzeshumba nedzebheya, ndiye achandinunura paruoko rwemuFiristiya uyu.”+ Sauro akabva ati kuna Dhavhidhi: “Enda, uye Jehovha ngaave newe.”

38 Sauro akabva atora nguo dzake akadzipfekedza Dhavhidhi. Akamupfekedza ngowani yemhangura mumusoro, achibva amupfekedza nguo yemurwi yesimbi. 39 Dhavhidhi akabva asungira bakatwa rake panguo dzake akaedza kuenda asi akatadza, nekuti akanga asina kudzijaira. Dhavhidhi akati kuna Sauro: “Handikwanisi kuenda ndakapfeka zvinhu izvi, nekuti handina kuzvijaira.” Saka Dhavhidhi akazvibvisa. 40 Akabva atora tsvimbo yake, akasarudza hurungudo* shanu murukova, akadziisa muhomwe yenhava yake yemufudzi, chipfuramabwe chake+ chiri muruoko. Akabva atanga kuenda kumuFiristiya wacho.

41 MuFiristiya wacho akaramba achiswedera pedyo naDhavhidhi, mutakuri wenhoo yake ari mberi kwake. 42 MuFiristiya wacho paakatarisa ndokuona Dhavhidhi, akatanga kumuzvidza nekuti aingovawo hake mukomana mutsvuku, akanaka.+ 43 Saka muFiristiya wacho akati kuna Dhavhidhi: “Ndiri imbwa here,+ zvauri kuuya kuzorwa neni netsvimbo?” MuFiristiya wacho akabva atuka Dhavhidhi nezita ravanamwari vake. 44 MuFiristiya wacho akati kuna Dhavhidhi: “Huya kuno uye ndichapa nyama yako kushiri dzedenga nemhuka dzesango.”

45 Dhavhidhi akapindura muFiristiya wacho achiti: “Uri kuuya kuzorwa neni nebakatwa nepfumo guru nediki,+ asi ini ndiri kuuya kuzorwa newe muzita raJehovha wemauto,+ Mwari weuto rakarongwa revaIsraeri wawashora.+ 46 Nhasi chaiye Jehovha achakuisa muruoko rwangu,+ uye ndichakuwisira pasi ndodimbura musoro wako; uye nhasi ndichapa shiri dzedenga nemhuka dzesango zvitunha zveuto revaFiristiya; uye vanhu vese vepanyika vachaziva kuti muIsraeri muna Mwari.+ 47 Uye vanhu vese vari pano vachaziva* kuti Jehovha haaponesi nebakatwa kana kuti nepfumo,+ nekuti kurwa ndekwaJehovha,+ uye achakuisai mese mumaoko edu.”+

48 MuFiristiya wacho akabva agadzirira, akatanga kufamba kuti asangane naDhavhidhi, asi Dhavhidhi akakurumidza kumhanya achienda kunzvimbo yekurwira kuti asangane nemuFiristiya wacho. 49 Dhavhidhi akabva apinza ruoko rwake muhomwe yake, akatora dombo, akaripotsera nechipfuramabwe. Akarova muFiristiya wacho pahuma, uye dombo racho rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso.+ 50 Saka Dhavhidhi akakunda muFiristiya wacho nechipfuramabwe nedombo; akawisira muFiristiya wacho pasi akamuuraya, kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga asina bakatwa muruoko rwake.+ 51 Dhavhidhi akaramba achimhanya, akanomira pedyo naye. Akabva atora bakatwa remuFiristiya wacho+ akarivhomora mumuhara, akadimbura musoro wake naro kuti anyatsova nechokwadi chekuti afa. VaFiristiya pavakaona kuti munhu wavo ane simba akanga afa, vakatiza.+

52 Varume veIsraeri nevarume veJudha vakabva vasimuka, vakatanga kushevedzera, uye vakatevera vaFiristiya kubvira kubani+ kusvikira kumagedhi eEkroni,+ uye vaFiristiya vakanga vaurayiwa vainge vakati katakata mumugwagwa kubvira kuShaaraimu,+ kusvikira kuGati uye kuEkroni. 53 VaIsraeri pavakadzoka kubva kunodzingirira vaFiristiya, vakapamba misasa yavo.

54 Dhavhidhi akabva atora musoro wemuFiristiya wacho akaenda nawo kuJerusarema, asi akaisa zvombo zvemuFiristiya wacho mutende rake.+

55 Sauro paakaona Dhavhidhi achibuda kuti anosangana nemuFiristiya wacho, akati kuna Abhineri,+ mukuru weuto: “Abhineri, mukomana uyu mwanakomana waani?”+ Abhineri akati: “Chokwadi neupenyu hwenyu,* haiwa mambo, handizivi!” 56 Mambo akati: “Bvunza kuti mukomana uyu mwanakomana waani.” 57 Saka Dhavhidhi paakangodzoka kunouraya muFiristiya, Abhineri akamutora, akamuendesa pamberi paSauro aine musoro wemuFiristiya+ wacho muruoko rwake. 58 Sauro akabva ati kwaari: “Mukomana, uri mwanakomana waani?” Dhavhidhi achibva ati: “Ndiri mwanakomana wemuranda wenyu Jese+ wekuBhetrehema.”+

18 Dhavhidhi paakangopedza kutaura naSauro, Jonatani+ naDhavhidhi vakabva vava shamwari dzepedyo* uye Jonatani akatanga kumuda semadiro aaizviita.*+ 2 Kubvira pazuva iroro Sauro akaita kuti Dhavhidhi arambe ainaye, uye haana kumubvumira kudzokera kumba kwababa vake.+ 3 Uye Jonatani naDhavhidhi vakaita sungano,+ nekuti Jonatani aida Dhavhidhi semadiro aaizviita.*+ 4 Jonatani akabvisa nguo yake isina maoko yaakanga akapfeka akaipa Dhavhidhi, pamwe chete nenguo dzake dzehondo, nebakatwa rake, neuta hwake, nebhandi rake. 5 Dhavhidhi akatanga kuenda kuhondo uye aikunda*+ kwese kwaaitumwa naSauro. Saka Sauro akamuita mukuru wevarwi,+ uye izvi zvakafadza vanhu vese pamwe chete nevaranda vaSauro.

6 Dhavhidhi nevamwe pavaidzoka vachibva kunouraya vaFiristiya, vakadzi vaibuda mumaguta ese evaIsraeri vachiimba+ nekutamba kuti vanochingura Mambo Sauro, vaine matambureni,+ vachifara uye vaine zviridzwa zvine tambo nhatu. 7 Vakadzi vacho vaipemberera vachiimba vachiti:

“Sauro akauraya zviuru zvake,

Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake.”+

8 Sauro akatsamwa kwazvo,+ uye rwiyo urwu rwakamugumbura nekuti aiti: “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru, asi ini vandipa zviuru. Changosara ndechekuti vamupe umambo!”+ 9 Kubva pazuva iroro Sauro akanga ava kugara achinyumwira Dhavhidhi.

10 Zuva rakatevera racho mweya wakaipa waibva kuna Mwari wakabata Sauro,+ uye akatanga kuita zvinhu zvisinganzwisisiki* ari mumba, Dhavhidhi achiridza mumhanzi parudimbwa+ sezvaakanga agara achiita. Sauro aiva nepfumo muruoko rwake,+ 11 uye akarikanda+ achiti nechemumwoyo: ‘Ndichabayirira Dhavhidhi kumadziro!’ Asi Dhavhidhi akamutiza kaviri. 12 Sauro akatanga kutya Dhavhidhi nekuti Jehovha akanga ainaye,+ asi akanga abva pana Sauro.+ 13 Saka Sauro akamubvisa pabasa rekushumira pamberi pake, akamugadza kuti ave mukuru wechiuru, uye Dhavhidhi aitungamirira uto kunorwa.*+ 14 Dhavhidhi akaramba achibudirira*+ pane zvese zvaaiita, uye Jehovha aiva naye.+ 15 Uye Sauro paakaona kuti aibudirira chaizvo, akamutya. 16 Asi vaIsraeri vese nevaJudha vese vaida Dhavhidhi, nekuti aivatungamirira muhondo dzavo.

17 Sauro akazoti kuna Dhavhidhi: “Ona ndine mwanasikana wangu mukuru Merabhu.+ Ndichakupa kuti ave mudzimai wako.+ Asi unofanira kuramba uchindishandira uine ushingi, worwa hondo dzaJehovha.”+ Nekuti Sauro akati nechemumwoyo: ‘Ruoko rwangu ngarurege kumurwisa. Ngaaurayiwe neruoko rwevaFiristiya.’+ 18 Dhavhidhi akabva ati kuna Sauro: “Ndiri ani uye hama dzangu, iyo mhuri yababa vangu, ndivanaani pakati paIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?”+ 19 Zvisinei, pakasvika nguva yekuti Dhavhidhi apiwe Merabhu mwanasikana waSauro, iye akanga atopiwa Adrieri+ wekuMehora kuti ave mudzimai wake.

20 Zvino Mikari+ mwanasikana waSauro aida Dhavhidhi, uye Sauro akaudzwa nezvazvo, zvikamufadza. 21 Saka Sauro akati: “Ndichamupa mwanasikana wangu kuti ave musungo kwaari, kuitira kuti ruoko rwevaFiristiya ruve pamusoro pake.”+ Sauro akabva ati kuna Dhavhidhi kechipiri: “Uchava mukuwasha wangu* nhasi.” 22 Uyezve, Sauro akarayira varanda vake kuti: “Taurai naDhavhidhi pachivande muchiti, ‘Inzwaka! Mambo ari kukufarira, nevaranda vake vese vanokuda. Saka roora kwamambo.’” 23 Varanda vaSauro pavakaudza Dhavhidhi mashoko acho, Dhavhidhi akati: “Munofunga kuti kuroora kwamambo chinhu chiri nyore here ini ndiri murombo uye munhu asingaremekedzwi?”+ 24 Varanda vaSauro vakabva vaudza Sauro kuti: “Aya ndiwo mashoko ataurwa naDhavhidhi.”

25 Sauro akabva ati: “Udzai Dhavhidhi kuti, ‘Mambo haasi kuda mari yeroora+ asi ari kuda zvikanda zvepamberi 100+ zvevaFiristiya, kuti atsive vavengi vamambo.’” Nekuti Sauro aironga kuti Dhavhidhi aurayiwe neruoko rwevaFiristiya. 26 Saka varanda vake vakaudza Dhavhidhi mashoko aya, uye Dhavhidhi akafarira kuroora kwamambo.+ Nguva yakanga yataurwa isati yakwana, 27 Dhavhidhi akaenda nevarume vake, vakauraya varume 200 vechiFiristiya, uye Dhavhidhi akaenda nezvikanda zvavo zvepamberi zvese kuna mambo, kuti aroore kwamambo. Saka Sauro akabva amupa mwanasikana wake Mikari kuti ave mudzimai wake.+ 28 Sauro akaona kuti Jehovha akanga aina Dhavhidhi+ uye kuti mwanasikana wake Mikari aida Dhavhidhi.+ 29 Izvi zvakatoita kuti Sauro awedzere kutya Dhavhidhi, uye Sauro akabva avenga Dhavhidhi kweupenyu hwake hwese.+

30 Machinda evaFiristiya aienda kunorwa kakawanda, asi pese pavaienda, Dhavhidhi aibudirira* kupfuura varanda vese vaSauro;+ uye zita rake rairemekedzwa chaizvo.+

19 Sauro akazotaura nemwanakomana wake Jonatani nevaranda vake vese kuti aida kuuraya Dhavhidhi.+ 2 Asi Jonatani mwanakomana waSauro aida Dhavhidhi+ chaizvo, saka Jonatani akaudza Dhavhidhi kuti: “Baba vangu Sauro vari kuda kuti uurayiwe. Ndapota chenjerera mangwana mangwanani, uende kunzvimbo yakahwanda woramba wakahwanda. 3 Ndichabuda ndoenda kunomira pedyo nababa vangu musango maunenge uri. Ndichataura nezvako kuna baba vangu, uye kana paine zvandinenge ndaona, chokwadi ndichakuudza.”+

4 Saka Jonatani akataura zvakanaka nezvaDhavhidhi+ kuna baba vake Sauro. Akati kwavari: “Mambo ngaarege kutadzira muranda wake Dhavhidhi, nekuti haana kukutadzirai uye zvinhu zvaakakuitirai zvakakubatsirai. 5 Akaisa upenyu hwake pangozi* kuti auraye muFiristiya,+ zvekuti Jehovha akaita kuti vaIsraeri vakunde zvikuru. Imi makazviona, uye makafara chaizvo. Saka mungaitirei zvakaipa kuropa risina mhosva nekuita kuti Dhavhidhi aurayiwe pasina chikonzero?”+ 6 Sauro akateerera zvakataurwa naJonatani, uye Sauro akapika achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, haazourayiwi.” 7 Pashure paizvozvo Jonatani akashevedza Dhavhidhi akamuudza zvinhu zvese izvi. Saka Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, uye akaenderera mberi nekumushandira sezvaaimboita.+

8 Nekufamba kwenguva, hondo yakatangazve, uye Dhavhidhi akabuda akaenda kunorwa nevaFiristiya akauraya vaFiristiya vakawanda chaizvo, uye vakamutiza.

9 Mweya wakaipa waibva kuna Jehovha wakauya pana Sauro+ paakanga akagara mumba make aine pfumo muruoko rwake, Dhavhidhi achiridza mumhanzi parudimbwa.+ 10 Sauro akaedza kubayirira Dhavhidhi kumadziro nepfumo, asi iye akatiza Sauro, uyo akabayirira pfumo racho kumadziro. Usiku ihwohwo, Dhavhidhi akatiza akapukunyuka. 11 Gare gare Sauro akatuma vanhu kuti vanogarira Dhavhidhi pamba pake vomuuraya mangwanani,+ asi Mikari mudzimai waDhavhidhi akamuudza kuti: “Kana ukasatiza* nhasi usiku, mangwana uchaurayiwa.” 12 Mikari akabva angoita kuti Dhavhidhi aburuke nepahwindo, kuitira kuti atize arege kuurayiwa. 13 Mikari akabva atora chidhori akachiisa* pamubhedha, uye akaisa mambure emvere dzembudzi paitsamirwa naDhavhidhi, uye akachifukidza nenguo.

14 Sauro akabva atuma nhume kuti dzinotora Dhavhidhi, asi iye akati: “Ari kurwara.” 15 Saka Sauro akatuma nhume dzacho kuti dzinoona Dhavhidhi uye akadziudza kuti: “Uyai naye kwandiri ari pamubhedha wake kuti aurayiwe.”+ 16 Nhume dzacho padzakapinda, dzakawana pamubhedha paine chidhori,* uye paitsamirwa naDhavhidhi paine mambure emvere dzembudzi. 17 Sauro akati kuna Mikari: “Wandinyengedzerei kudai uchisiya muvengi wangu+ achitiza?” Mikari akabva ati kuna Sauro: “Ati kwandiri, ‘Ndisiye ndiende, ukasadaro ndinokuuraya!’”

18 Dhavhidhi akanga atotiza, apukunyuka, uye akasvika kwaiva naSamueri kuRama.+ Akamuudza zvese zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakabva vaenda, vakagara muNayoti.+ 19 Kwapera nguva, Sauro akaudzwa kuti: “Dhavhidhi ari muNayoti kuRama.” 20 Sauro akabva angotuma nhume kuti dzinobata Dhavhidhi. Padzakaona vaprofita vakwegura vachiprofita uye Samueri akamira achivatungamirira, mweya waMwari wakauya panhume dzaSauro, dzikatangawo kuita sevaprofita.

21 Pavakaudza Sauro, akabva atuma dzimwe nhume, naidzowo dzikatanga kuita sevaprofita. Saka Sauro akatumazve dzimwe nhume, boka rechitatu, uye naidzowo dzakatanga kuita sevaprofita. 22 Iyewo akazoenda kuRama. Paakasvika pamugodhi mukuru wemvura uri kuSeku, akabvunza kuti: “Samueri naDhavhidhi vari kupi?” Vakapindura kuti: “Vari muNayoti+ kuRama.” 23 Sauro paakanga achibva ipapo achienda kuNayoti kuRama, mweya waMwari wakauyawo paari, uye akafamba achiita semuprofita kusvikira asvika muNayoti kuRama. 24 Akabvisawo nguo dzake, uye naiyewo akaita semuprofita pamberi paSamueri, uye akarara ipapo asina kupfeka* zuva iroro rese neusiku hwacho hwese. Ndokusaka vachiti: “Sauro mumwe wevaprofita here?”+

20 Dhavhidhi akabva atiza achibva muNayoti kuRama. Zvisinei, akaenda kuna Jonatani akati: “Ndakaitei?+ Mhosva yandakapara ndeyei, uye chii chandakatadzira baba vako chiri kuita kuti vade kundiuraya?”* 2 Jonatani akabva ati kwaari: “Hazvimboiti!+ Hausi kuzofa. Inzwa! Hapana chinoitwa nababa vangu chavasingandiudze, chingava chinhu chikuru kana kuti chidiki. Baba vangu vangandivanzira nyaya iyi here? Havangambodaro.” 3 Asi Dhavhidhi akapika zvakare, akati: “Baba vako vanotozviziva kuti unondifarira,+ uye vanogona kuti, ‘Musaita kuti Jonatani azvizive nekuti angatsamwa.’ Asi chokwadi, naJehovha mupenyu uye neupenyu hwako,* panongova nenhanho imwe chete pakati pangu nerufu!”+

4 Jonatani akabva ati kuna Dhavhidhi: “Ndichakuitira zvese zvauchataura.”* 5 Dhavhidhi akati kuna Jonatani: “Mangwana kugara kwemwedzi,+ uye ndiri kutotarisirwa kuti ndigare pamwe namambo ndidye naye; rega ndiende uye ndichanohwanda musango kusvikira manheru pazuva rechitatu. 6 Kana baba vako vakandishaya, uti, ‘Dhavhidhi akandikumbira achiteterera kuti ndimubvumire kumhanya kuguta rake reBhetrehema,+ nekuti kune chibayiro chegore negore ikoko chemhuri yese.’+ 7 Kana vakati, ‘Zvakanaka,’ ziva kuti muranda wako haana chekutya. Asi kana vakatsamwa, ziva kuti chokwadi vasarudza kundiitira zvakaipa. 8 Ratidza muranda wako rudo rusingachinji,+ nekuti wakaita sungano nemuranda wako pamberi paJehovha.+ Asi kana ndiine mhosva,+ ndiuraye iwewe. Ungandiendeserei kuna baba vako?”

9 Jonatani akabva ati: “Handingambofungi zvakadaro pamusoro pako! Kana ndikaziva kuti baba vangu vasarudza kukuitira zvakaipa, ndingarega kukuudza here?”+ 10 Dhavhidhi akabva ati kuna Jonatani: “Ndiani achandiudza kana baba vako vakakupindura nehasha?” 11 Jonatani akati kuna Dhavhidhi: “Handei kusango.” Saka vakabuda, vakaenda kusango vari vaviri. 12 Jonatani akati kuna Dhavhidhi: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaave chapupu, kuti mangwana panguva inenge ino, kana kuti pazuva rechitatu, ndichaona kuti baba vangu vanofungei nezvako. Kana vachifarira Dhavhidhi, ndingarega kutumira shoko ndichikuudza here? 13 Asi kana baba vangu vachida kukuitira zvakaipa, Jehovha ngaaite saizvozvo kuna Jonatani uye ngaawedzere pazviri, kana ndikasakuudza uye ndikasakurega uchienda murugare. Jehovha ngaave newe,+ sezvaakava nababa vangu.+ 14 Uye iwe ungarega here kundiratidza rudo rusingachinji rwaJehovha ndichiri mupenyu uye kunyange kana ndafa?+ 15 Ramba uchiratidza rudo rusingachinji kuimba yangu,+ kunyange kana Jehovha aparadza vavengi vaDhavhidhi vese panyika.” 16 Saka Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti, “Jehovha achaita kuti vavengi vaDhavhidhi varangwe.” 17 Saka Jonatani akaita kuti Dhavhidhi apike zvakare nerudo rwake kwaari, nekuti aimuda semadiro aaizviita.*+

18 Jonatani akabva ati kwaari: “Mangwana kugara kwemwedzi,+ uye uchashayikwa, nekuti chigaro chako chichange chisina munhu. 19 Pazuva rechitatu vachatobvunza nezvako; uye unofanira kuuya kunzvimbo yawakahwanda zuva riya,* woramba uri pedyo nedombo riri pano. 20 Ini ndichabva ndapfura miseve mitatu kune rimwe divi redombo racho, sekunge kuti pane chandiri kupfura. 21 Pandichatuma muranda, ndichati, ‘Enda unotsvaga miseve.’ Kana ndikati kumuranda wacho, ‘Miseve iri kudivi rako iri, itore,’ unogona hako kudzoka, nekuti chokwadi naJehovha mupenyu, zvinoreva kuti kune rugare uye hapana chekutya. 22 Asi kana ndikati kumukomana wacho, ‘Miseve iri mberi kwako,’ iwe ibva waenda, nekuti Jehovha ari kuda kuti uende. 23 Asi pane zvatavimbisana,+ Jehovha ngaave pakati pedu nekusingaperi.”+

24 Saka Dhavhidhi akahwanda musango. Mwedzi pawakagara, mambo akagara pachigaro chake kuti adye.+ 25 Mambo akanga akagara pachigaro chake chemazuva ese pedyo nemadziro. Jonatani akanga akatarisana naye, uye Abhineri+ akanga akagara padivi paSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. 26 Sauro haana chaakataura zuva iroro, nekuti aiti: ‘Pane zvaitika zvaita kuti ave munhu asina kuchena.+ Chokwadi anofanira kunge asina kuchena.’ 27 Zuva rakatevera racho pashure pekugara kwemwedzi, pazuva rechipiri, nzvimbo yaDhavhidhi yakaramba isina munhu. Sauro akabva ati kuna Jonatani mwanakomana wake: “Nei mwanakomana waJese+ asina kuuya kuzodya nezuro kana nhasi?” 28 Jonatani akapindura Sauro kuti: “Dhavhidhi akandikumbira achiteterera kuti ndimubvumire kuenda kuBhetrehema.+ 29 Akati, ‘Ndapota, ndibvumire kuenda nekuti tine chibayiro chiri kupiwa nemhuri yedu muguta, uye mukoma wangu akandishevedza. Saka kana wandinzwira nyasha, ndapota ndirege ndingomhanya kunoona vakoma vangu.’ Ndokusaka asina kuuya patafura yamambo.” 30 Sauro akabva atsamwira Jonatani kwazvo, akati kwaari: “Iwe mwanakomana wemukadzi anopanduka, unofunga kuti handizvizive here kuti uri kusarudza kutsigira mwanakomana waJese kuti uzvinyadzise iwe uye unyadzise amai vako? 31 Kana mwanakomana waJese ari mupenyu panyika pano chete, umambo hwako hahuzombosimbi.+ Saka tuma munhu kuti auye naye kwandiri, nekuti anofanira kufa.”*+

32 Zvisinei, Jonatani akati kuna baba vake Sauro: “Anofanira kuurayirwei?+ Chii chaaita?” 33 Sauro akabva akanda pfumo kwaari kuti amuuraye,+ saka Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vasarudza kuuraya Dhavhidhi.+ 34 Jonatani akabva angosimuka patafura akatsamwa kwazvo, uye haana chaakadya pazuva rechipiri pashure pekugara kwemwedzi, nekuti akanga achinetseka pamusoro paDhavhidhi,+ uye baba vake vakanga vamunyadzisa.

35 Ava mangwanani Jonatani akaenda kusango kuti anoonana naDhavhidhi sezvavakanga vavimbisana, uye akanga aine muranda wechidiki.+ 36 Akati kumuranda wake: “Ndapota, mhanya unotsvaga miseve yandiri kupfura.” Muranda wacho akamhanya, uye Jonatani akapfura museve ukaenda mberi kwake. 37 Muranda wacho paakasvika panzvimbo yaiva nemuseve wakanga wapfurwa naJonatani, Jonatani akashevedzera kumuranda wacho achiti: “Museve wacho hausi mberi kwako here?” 38 Jonatani akashevedzera kumuranda wacho achiti: “Mhanya! Kurumidza! Usanonoka!” Muranda waJonatani akabva anhonga miseve yacho akadzoka kuna tenzi wake. 39 Asi muranda wacho haana kuziva zvaiitika; Jonatani naDhavhidhi chete ndivo vaiziva zvazvaireva. 40 Jonatani akabva apa muranda wake zvombo zvake akati kwaari: “Enda nazvo kuguta.”

41 Muranda wacho paakaenda, Dhavhidhi akasimuka panzvimbo yaiva pedyo kumaodzanyemba. Akabva apfugama, akadzikisa musoro wake katatu, uye vakatsvodana vakachema vese, asi Dhavhidhi ndiye akanyanya kuchema. 42 Jonatani akati kuna Dhavhidhi: “Enda nerugare, sezvo tese tapika+ muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ngaave pakati pangu newe nepakati pevana* vangu nevana* vako nekusingaperi.’”+

Dhavhidhi akabva asimuka akaenda, uye Jonatani akadzokera kuguta.

21 Gare gare Dhavhidhi akasvika kuNobhu+ kumupristi Ahimereki. Ahimereki akatanga kudedera paakasangana naDhavhidhi, uye akati kwaari: “Nei uri wega usina mumwe munhu?”+ 2 Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti: “Pane zvandanzi naMambo ndiite, asi ati, ‘Usaita kuti mumwe munhu azive chero chii zvacho pamusoro penyaya yandiri kukutuma uye zvandakurayira.’ Ndarangana nevakomana vangu kuti tisangane pane imwe nzvimbo. 3 Kana muine zvingwa zvishanu, chingondipai, kana kuti ndipei chero chamuinacho.” 4 Asi mupristi wacho akapindura Dhavhidhi achiti: “Handina chingwawo zvacho pano, asi pane chingwa chitsvene,+ chero bedzi vakomana vacho vasina kurara nevakadzi.”*+ 5 Dhavhidhi akapindura mupristi wacho achiti: “Hatina kumborara nevakadzi kungofanana nepamwe pese pandaienda kuhondo.+ Kana miviri yevarume vacho ichimbova mitsvene pavanotumwa zvimwewo zvinhu, nhasi inotova mitsvene kupfuura pamwe pese!” 6 Mupristi wacho akabva amupa chingwa chitsvene,+ nekuti pakanga pasina chimwe chingwa kunze kwechingwa chekuratidza chakanga chabviswa pamberi paJehovha. Pazuva rachakabviswa, chingwa chacho chainge chatsiviwa nechimwe chainge chichangobva kubikwa.

7 Zuva iroro, paiva nemumwe wevaranda vaSauro, uyo akanga anzi ambomira kubva pamberi paJehovha. Ainzi Dhoegi+ muEdhomu,+ uye aiva mukuru wevafudzi vaSauro.

8 Dhavhidhi akabva ati kuna Ahimereki: “Mune pfumo here kana bakatwa pano? Handina kuuya nebakatwa rangu kana zvombo zvangu nekuti zvandatumwa namambo zvanga zvichida kuitwa nekukurumidza.” 9 Mupristi wacho akabva ati: “Bakatwa raGoriyati+ muFiristiya wawakauraya muBani reEraa+ riri pano, rakaputirwa nejira kuseri kweefodhi.*+ Kana uchida kuritora, ritore hako, nekuti ndiro chete riri pano.” Dhavhidhi akati: “Hapana rimwe rakafanana naro. Ndipei iroro.”

10 Zuva iroro Dhavhidhi akasimuka, akaramba achitiza+ Sauro, uye akazosvika kuna Akishi mambo weGati.+ 11 Varanda vaAkishi vakati kwaari: “Uyu haasi Dhavhidhi mambo wenyika yaanogara here? Haasi iye here wavakaimba nezvake vachitamba, vachiti,

‘Sauro akauraya zviuru zvake,

Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”+

12 Dhavhidhi akafunga nezvemashoko avo, uye akatanga kutya+ Akishi mambo weGati zvikuru. 13 Saka akanyepedzera kupenga,+ akatanga kuita searasika pfungwa pakati pavo.* Aimara-mara pamasuo egedhi, uye airega masiriri achiyerera pandebvu dzake. 14 Akishi akazoti kuvaranda vake: “Muri kuona kuti munhu uyu ari kupenga! Mauyirei naye kwandiri? 15 Ndapererwa nemapenzi here zvekuti ndingade kuti munhu uyu apengere pamberi pangu? Munhu akadai angapinda mumba mangu here?”

22 Dhavhidhi akabva ipapo,+ akatizira kubako reAdhuramu.+ Vakoma vake neimba yese yababa vake pavakazvinzwa, vakabva vadzika vachienda kwaaiva. 2 Vanhu vese vaiva nematambudziko uye vaiva nezvikwereti nevaitsutsumwa* vakauya kwaari, uye akava mukuru wavo. Aiva nevarume vanenge 400.

3 Dhavhidhi akazobva ipapo akaenda kuMizpe iri muMoabhi, akati kuna mambo weMoabhi:+ “Ndinokumbirawo kuti baba vangu naamai vangu vagare nemi kusvikira ndava kuziva zvandichaitirwa naMwari.” 4 Saka akavasiya namambo weMoabhi, vakagara naye panguva yese iyo Dhavhidhi akanga ari munhare.*+

5 Kwapera nguva, muprofita Gadhi+ akati kuna Dhavhidhi: “Usagara munhare. Ibva ikoko uende kunyika yeJudha.”+ Saka Dhavhidhi akabva ikoko akaenda musango reHereti.

6 Sauro akanzwa kuti Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakanga vawanikwa. Panguva iyoyo Sauro akanga akagara muGibhiya+ pasi pemuti wemutamarisiki panzvimbo yakakwirira aine pfumo rake muruoko, uye varanda vake vese vakanga vakamupoteredza. 7 Sauro akabva ati kuvaranda vake vakanga vakamupoteredza: “Ndapota, teererai imi vaBhenjamini. Mwanakomana waJese+ achakupaiwo mese minda yembesa neyemizambiringa here? Achakugadzai mese kuti muve vakuru vezviuru nevakuru vemazana here?+ 8 Mese mandipandukira! Mwanakomana wangu chaiye paakaita sungano nemwanakomana waJese,+ hapana akandiudza! Hapana kana mumwe chete wenyu ari kumbondinzwirawo tsitsi ondiudzawo kuti mwanakomana wangu chaiye akakuchidzira muranda wangu kuti andirwise, achindihwandira sezviri kuitika izvi.”

9 Dhoegi+ muEdhomu, uyo aiva nesimba pavaranda vaSauro vaiva ipapo, akabva apindura kuti:+ “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika kuNobhu kuna Ahimereki mwanakomana waAhitubhu.+ 10 Akamubvunzira kuna Jehovha akamupa mbuva. Akatomupawo bakatwa raGoriyati muFiristiya.”+ 11 Mambo akabva angoita kuti Ahimereki mwanakomana waAhitubhu mupristi anoshevedzwa pamwe chete nevapristi vese veimba yababa vake vaiva muNobhu. Saka vese vakauya kuna mambo.

12 Sauro akabva ati: “Inzwa iwe mwanakomana waAhitubhu!” iye achibva ati: “Ndakateerera ishe wangu.” 13 Sauro akati kwaari: “Nei iwe nemwanakomana waJese mandipandukira, nekumupa kwawakaita chingwa nebakatwa, uye nekumubvunzira kuna Mwari? Iye zvino ari kundipandukira uye ari kundihwandira kuti andirwise.” 14 Ahimereki akabva apindura mambo achiti: “Pakati pevaranda venyu vese ndiani akavimbika* saDhavhidhi?+ Iye mukuwasha wamambo+ uye mukuru wevarindi venyu uye anokudzwa mumba menyu.+ 15 Ndatanga nhasi kumubvunzira kuna Mwari here?+ Handingambofungi kuita zvamuri kutaura! Mambo ngaarege kuwanira mhosva chero ipi zvayo muranda wake uye imba yese yababa vangu, nekuti muranda wenyu hapana kana chaaiziva pane zvese izvi.”+

16 Asi mambo akati: “Ahimereki, chokwadi uri kufa,+ iwe neimba yese yababa vako.”+ 17 Mambo akabva ati kuvarindi* vakanga vakamupoteredza: “Tendeukai muuraye vapristi vaJehovha, nekuti vari kutsigira Dhavhidhi! Vaiziva kuti akanga achitiza asi havana kundiudza!” Asi varanda vamambo vakanga vasingadi kusimudza maoko avo kuti vauraye vapristi vaJehovha. 18 Mambo akabva ati kuna Dhoegi:+ “Tendeuka uuraye vapristi!” Dhoegi muEdhomu+ akabva aenda akauraya vapristi vacho iye pachake. Zuva iroro akauraya varume 85 vakanga vakapfeka efodhi* yejira.+ 19 Akaurayawo vanhu vemuNobhu,+ guta revapristi nebakatwa; akauraya nebakatwa varume nevakadzi, vana nevanoyamwa, mombe, madhongi, nemakwai.

20 Zvisinei, mumwe mwanakomana waAhimereki mwanakomana waAhitubhu, ainzi Abhiyatari,+ akapukunyuka, akatiza kuti anobatana naDhavhidhi. 21 Abhiyatari akaudza Dhavhidhi kuti: “Sauro auraya vapristi vaJehovha.” 22 Dhavhidhi akati kuna Abhiyatari: “Ndakazviziva zuva riya,+ kuti Dhoegi muEdhomu zvaaivapo, aizoudza Sauro chete. Ndini ndakaurayisa munhu wese weimba* yababa vako. 23 Gara neni. Usatya, nekuti munhu wese anoda kukuuraya* anenge achidawo kundiuraya; ndichakudzivirira.”+

23 Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akaudzwa kuti: “VaFiristiya vari kurwisa Keira,+ uye vari kupamba nzvimbo dzekupurira.” 2 Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha+ achiti: “Ndiende kunouraya vaFiristiya ava here?” Jehovha akati kuna Dhavhidhi: “Enda uuraye vaFiristiya vacho, wonunura Keira.” 3 Asi varume vaDhavhidhi vakati kwaari: “Onai, tiri kutya tichiri muno muJudha;+ ko kuzoti tikaenda kuKeira kunorwisa uto revaFiristiya!”+ 4 Saka Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha.+ Jehovha akamupindura kuti: “Gadzirira udzike kuKeira nekuti ndichaisa vaFiristiya muruoko rwako.”+ 5 Saka Dhavhidhi akaenda nevarume vake kuKeira, akarwa nevaFiristiya; akatora zvipfuwo zvavo, akauraya vakawanda kwazvo uye Dhavhidhi akanunura vagari vemuKeira.+

6 Abhiyatari+ mwanakomana waAhimereki paakatizira kuna Dhavhidhi kuKeira, akaenda neefodhi.* 7 Sauro akaudzwa kuti: “Dhavhidhi ava kuKeira.” Sauro akabva ati: “Mwari amuisa* muruoko rwangu,+ nekuti azvivharira ega nekupinda kwaaita muguta rine magedhi nemazariro.”* 8 Sauro akabva ashevedza vanhu vese kuti vaende kuhondo. Akavashevedza kuti vadzike kuKeira kunokomba Dhavhidhi nevarume vake. 9 Dhavhidhi paakaziva kuti Sauro akanga achimurongera zvakaipa, akati kumupristi Abhiyatari: “Uya neefodhi kuno.”+ 10 Dhavhidhi akabva ati: “Jehovha Mwari waIsraeri, chokwadi mushumiri wenyu anzwa kuti Sauro ari kuda kuuya kuKeira kuzoparadza guta pamusana pangu.+ 11 Vatungamiriri veKeira* vachandiisa muruoko rwake here? Sauro achadzika kuno sekunzwa kwaita muranda wenyu here? Jehovha Mwari waIsraeri, ndapota udzai muranda wenyu.” Jehovha akabva ati: “Achauya.” 12 Dhavhidhi akabvunza kuti: “Vatungamiriri veKeira vachandiisa ini nevarume vangu muruoko rwaSauro here?” Jehovha akapindura kuti: “Vachakuisa muruoko rwake.”

13 Dhavhidhi akabva angosimuka nevarume vake vanenge 600,+ uye vakabva muKeira ndokufamba vachienda chero kwavaingoona kuti kunoita. Sauro paakaudzwa kuti Dhavhidhi akanga atiza muKeira, haana kumutevera. 14 Dhavhidhi akagara murenje munzvimbo dzakaoma kusvika, munharaunda ine makomo murenje reZifi.+ Sauro akaramba achimutsvaga,+ asi Jehovha haana kumuisa muruoko rwake. 15 Dhavhidhi paakanga ari murenje reZifi kuHoreshi, aiziva kuti* Sauro akanga abuda achitsvaga kumuuraya.*

16 Panguva iyi, Jonatani mwanakomana waSauro akabuda akaenda kwaiva naDhavhidhi kuHoreshi, uye akamubatsira kuti awane simba* muna Jehovha.+ 17 Akati kwaari: “Usatya, nekuti baba vangu Sauro havasi kuzokuwana; iwe uchava mambo weIsraeri,+ uye ini ndichava wechipiri kubva kwauri; uye baba vangu Sauro vanotozvizivawo.”+ 18 Vaviri ava vakabva vaita sungano+ pamberi paJehovha, uye Dhavhidhi akaramba achigara muHoreshi, asi Jonatani akaenda kumba kwake.

19 Gare gare varume vekuZifi vakaenda kuna Sauro kuGibhiya,+ vakati: “Dhavhidhi haana here kuhwanda pedyo nesu+ munzvimbo dzinonetsa kusvika kuHoreshi,+ pachikomo cheHakira,+ chiri kumaodzanyemba* kweJeshimoni?*+ 20 Uyai chero pamunenge mada kuuya, haiwa mambo, uye tichamuisa muruoko rwamambo.”+ 21 Sauro akabva ati: “Jehovha ngaakukomborerei nekuti mandinzwira tsitsi. 22 Ndapota endai muedze kutsvaga paari chaipo uye kuti ndiani akamuona ikoko, nekuti ndakaudzwa kuti ari kuchenjerera zvikuru. 23 Nyatsoonai kuti nzvimbo dzese dzaanohwanda ndedzipi, modzoka kwandiri neuchapupu. Ndichabva ndaenda nemi, uye kana ari munyika ino, ndichamutsvaga pakati pezviuru zvese zvaJudha.”*

24 Saka vakasiya Sauro vakatungamira kuZifi,+ Dhavhidhi nevarume vake vari murenje reMaoni+ muArabha+ kumaodzanyemba kweJeshimoni. 25 Sauro akabva auya nevarume vake kuzomutsvaga.+ Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva angodzika kudombo guru,+ akagara murenje reMaoni. Sauro paakazvinzwa, akatevera Dhavhidhi kusvika murenje reMaoni. 26 Sauro paakasvika kune rimwe divi regomo, Dhavhidhi nevarume vake vaiva kune rimwe divi regomo racho. Dhavhidhi akanga achikurumidza kuti atize+ Sauro, asi Sauro nevarume vake vakanga vava kutosvika pedyo naDhavhidhi nevarume vake kuti vavabate.+ 27 Asi nhume yakasvika kuna Sauro ichiti: “Kurumidzai kuuya, nekuti vaFiristiya vapinda munyika!” 28 Sauro akabva arega kutevera Dhavhidhi,+ akaenda kunorwisa vaFiristiya. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Dombo Rekuparadzana.

29 Dhavhidhi akabva ipapo, akatanga kugara munzvimbo dzakaoma kusvika kuEni-gedhi.+

24 Sauro paakangodzoka kunotevera vaFiristiya, vanhu vakamuudza kuti: “Dhavhidhi ari murenje reEni-gedhi!”+

2 Saka Sauro akatora varume 3 000 vakasarudzwa pavaIsraeri vese, akaenda kunotsvaga Dhavhidhi nevarume vake kumatombo ane mawere embudzi dzemumakomo. 3 Sauro akasvika pamatanga emakwai ematombo aiva pamugwagwa, apo paiva nebako uye akapinda imomo kuti azvibatsire,* uye Dhavhidhi nevarume vake vainge vakagara nechemukatikati kunoperera bako racho.+ 4 Varume vaDhavhidhi vakati kwaari: “Nhasi Jehovha ari kuti kwamuri, ‘Ndaisa muvengi wako muruoko rwako,+ uye unogona kuita chero zvaunoda naye.’” Saka Dhavhidhi akasimuka, akacheka kumupendero wenguo yaSauro isina maoko chinyararire. 5 Asi pashure paizvozvo hana yaDhavhidhi yakaramba ichimutongesa+ nekuti akanga acheka kumupendero wenguo isina maoko yaSauro. 6 Akati kuvarume vake: “Hazvitomboiti mukuona kwaJehovha kuti ndiitire ishe wangu, muzodziwa waJehovha, zvinhu zvakadaro nekusimudza ruoko rwangu kuti ndimurwise, nekuti iye muzodziwa waJehovha.”+ 7 Saka Dhavhidhi akadzora varume vake* nemashoko iwayo, uye haana kuvabvumira kuti varwise Sauro. Sauro akabva abuda mubako akaenda.

8 Dhavhidhi akabva asimuka akabuda mubako, akashevedzera ari shure kwaSauro, achiti: “Ishe wangu mambo!”+ Sauro paakacheuka, Dhavhidhi akabva apfugama, akadzikisa musoro wake. 9 Dhavhidhi akati kuna Sauro: “Nei muchiteerera mashoko evarume vanoti, ‘Dhavhidhi ari kuda kukuitirai zvakaipa’?+ 10 Nhasi chaiye maziso enyu aona kuti Jehovha akuisai muruoko rwangu mubako. Asi mumwe munhu paati ndikuurayei,+ ndakunzwirai tsitsi ndikati, ‘Handisi kuzosimudza ruoko rwangu kuti ndirwise ishe wangu, nekuti iye muzodziwa waJehovha.’+ 11 Onai baba vangu, chokwadi tarisai muone mupendero wenguo yenyu isina maoko wandakabata; nekuti pandacheka mupendero wenguo yenyu isina maoko, handina kukuurayai. Iye zvino mava kuzviona uye mava kuziva kuti handisi kuda kukuitirai zvakaipa kana kukupandukirai, uye handina kukutadzirai,+ asi imi muri kundivhima kuti mundiuraye.*+ 12 Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi,+ uye Jehovha ngaakutsivei achiitira ini,+ asi ruoko rwangu harusi kuzokurwisai.+ 13 Pane chirevo chekare chekuti, ‘Zvakaipa zvinobva kune vakaipa,’ asi ini ruoko rwangu harusi kuzokurwisai. 14 Mambo waIsraeri abuda kuzotevera ani? Ndiani wamuri kudzingirira? Imbwa yakafa here? Nhata imwe chete here? + 15 Jehovha ngaatonge, uye achatonga pakati pangu nemi; achaongorora nyaya yangu ondireverera+ uye achanditonga, ondinunura paruoko rwenyu.”

16 Dhavhidhi paakapedza kutaura mashoko aya kwaari, Sauro akati: “Inzwi rako here iri mwanakomana wangu Dhavhidhi?”+ Uye Sauro akatanga kuchema achiridza mhere. 17 Akati kuna Dhavhidhi: “Wakarurama kundipfuura, nekuti uri kundiitira zvakanaka, asi ini ndiri kukuitira zvakaipa.+ 18 Nhasi wandiudza zvakanaka zvawandiitira pawarega kundiuraya Jehovha paandiisa muruoko rwako.+ 19 Nekuti ndiani munhu anoti kana awana muvengi wake, anomurega achienda asina kumukuvadza? Jehovha achakupa mubayiro wezvakanaka+ nemhaka yezvawandiitira nhasi. 20 Iye zvino ndava kuziva kuti uchava mambo+ uye kuti umambo hweIsraeri hucharamba huri muruoko rwako. 21 Saka ndipikire naJehovha+ kuti hauzoparadzi vazukuru* vangu vachatevera uye kuti hauzodzimi zita rangu muimba yababa vangu.”+ 22 Saka Dhavhidhi akapika kuna Sauro, Sauro achibva aenda kumba kwake.+ Asi Dhavhidhi nevarume vake vakaenda kunhare.*+

25 Nekufamba kwenguva, Samueri+ akafa; uye vaIsraeri vese vakaungana kuti vamucheme uye vamuvige pamba pake muRama.+ Dhavhidhi akabva asimuka, akadzika kurenje reParani.

2 Zvino muMaoni+ maiva nemumwe murume aishandira muguta reKameri.*+ Murume wacho akanga akapfuma chaizvo; aiva nemakwai 3 000 nembudzi 1 000, uye panguva iyoyo aiveura makwai ake muKameri. 3 Murume wacho ainzi Nabhari,+ uye mudzimai wake ainzi Abhigairi.+ Mudzimai wacho akanga akachenjera uye akanaka, asi murume wacho uyo aiva wekwaKarebhi,+ aiva nehasha uye akanga aine unhu hwakaipa.+ 4 Dhavhidhi akanzwa ari murenje kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake. 5 Saka Dhavhidhi akatuma varume vechidiki gumi kwaari uye Dhavhidhi akati kuvarume vacho: “Kwirai kuKameri, uye kana masvika kuna Nabhari, mukwazisei muzita rangu. 6 Mubve mati, ‘Raramai kwenguva refu uye zvinhu ngazvikufambirei zvakanaka* imi neimba yenyu nezvinhu zvenyu zvese. 7 Ndanzwa kuti muri kuveura makwai enyu. Vafudzi venyu pavaiva nesu hatina kuvaitira zvakaipa,+ uye havana kana chinhu chimwe chete chavo chavakashaya nguva yese yavaiva muKameri. 8 Bvunzai varume venyu uye vachakuudzai. Nzwirai varume vangu nyasha, nekuti tauya panguva yekufara.* Ndapota, ipai varanda venyu nemwanakomana wenyu Dhavhidhi chero chamunokwanisa.’”+

9 Saka varume vaDhavhidhi vakaenda vakanoudza Nabhari mashoko aya ese muzita raDhavhidhi. Pavakapedza, 10 Nabhari akapindura vashandi vaDhavhidhi achiti: “Dhavhidhi wacho anombova aniko, uye mwanakomana waJese anombozviita ani? Mazuva ano varanda vakawanda vari kutiza vanatenzi vavo.+ 11 Ndingatora chingwa changu nemvura yangu nenyama yandaurayira vaveuri vemakwai angu ndichipa varume vandisingazivi kwavabva here?”

12 Varume vaDhavhidhi vakabva vadzokera, vakamuudza mashoko aya ese. 13 Dhavhidhi akabva angoti kuvarume vake: “Munhu wese ngaatore bakatwa rake!”+ Saka vese vakasungirira mapakatwa avo uye Dhavhidhi akasungirirawo bakatwa rake, uye varume vanenge 400 vakaenda naDhavhidhi, asi vamwe 200 vakasara nezvinhu.

14 Izvi pazvaiitika, mumwe muranda akaudza Abhigairi, mudzimai waNabhari kuti: “Dhavhidhi atuma nhume kubva kurenje kuti dzikwazise tenzi wedu, asi iye adzituka chaizvo.+ 15 Varume ivavo vakatiitira zvakanaka chaizvo. Havana kana kumbotiitira zvakaipa, uye hatina kana chimwe chete chatakashayiwa pazvinhu zvedu panguva yese yataiva navo musango.+ 16 Vakanga vakaita serusvingo rwaitidzivirira kumativi ese, siku nesikati, panguva yese yataiva navo tichifudza makwai. 17 Saka fungai kuti muchaita sei, nekuti izvi zvichaguma nedambudziko kuna tenzi wedu neimba yake yese,+ uye tenzi wedu haabatsiri,+ hapana angataura naye.”

18 Saka Abhigairi+ akabva akurumidza kutora zvingwa 200, zvirongo zvihombe zvewaini zviviri, makwai mashanu akagadzirwa, maseya* mashanu ezviyo* zvakakangwa, makeke 100 emazambiringa akaomeswa, nemakeke 200 emaonde akaomeswa, akazvitakudza zvese pamadhongi.+ 19 Akabva ati kuvaranda vake: “Tungamirai; ndiri kutevera.” Asi haana zvaakaudza murume wake Nabhari.

20 Paakanga akatasva dhongi achidzika akavhariridzwa negomo, Dhavhidhi nevarume vake vakanga vachitodzikawo vakananga kwaari, uye akasangana navo. 21 Dhavhidhi akanga achiti: “Ndakashandira pasina pandakachengeta zvinhu zvese zvemunhu uyu murenje. Hapana kana chinhu chake chimwe chete chakashayikwa,+ asi iye ari kunditsiva nezvakaipa pazvinhu zvakanaka zvandakamuitira.+ 22 Mwari ngaaitire vavengi vaDhavhidhi* saizvozvo uye ngaawedzere pazviri kana mangwana mangwanani akasvika paine murume* mumwe chete wandinenge ndasiya ari mupenyu pavanhu vake.”

23 Abhigairi paakaona Dhavhidhi, akabva akurumidza kuburuka padhongi, akapfugama, akadzikisa musoro wake pamberi paDhavhidhi. 24 Akabva apfugamira pedyo netsoka dzaDhavhidhi, akati: “Ishe wangu, mhosva yacho ngaive yangu; regai murandasikana wenyu ataure nemi, uye teererai mashoko emurandasikana wenyu. 25 Ndapota, ishe wangu ngaarege kuteerera murume pasina uyu, Nabhari,+ nekuti akangoita sezita rake. Anonzi Nabhari,* uye upenzi huri maari. Asi ini murandasikana wenyu, handina kuona varume vashe wangu, idzo nhume dzenyu. 26 Ishe wangu, chokwadi naJehovha mupenyu uye neupenyu hwenyu,* Jehovha ndiye aita kuti murege+ kuva nemhosva yekudeura ropa+ uye kuti murege kutsiva* neruoko rwenyu. Vavengi venyu nevaya vari kutsvaga kuitira ishe wangu zvakaipa ngavaite saNabhari. 27 Itai kuti chipo*+ ichi chauya nemurandasikana wenyu kunashe wangu chipiwe varume vanashe wangu.+ 28 Ndapota, regererai kukanganisa kwemurandasikana wenyu, nekuti chokwadi Jehovha achaitira ishe wangu imba inogara kwenguva refu,+ nekuti ishe wangu ari kurwa hondo dzaJehovha,+ uye hapana chakaipa chakawanika pamuri mazuva enyu ese.+ 29 Kana pakava nemunhu anokudzingirirai achitsvaga kukuurayai,* upenyu hwashe wangu huchange hwakachengetwa naJehovha Mwari wenyu akahuputira muhomwe yeupenyu, asi upenyu hwevavengi venyu achahukanda kwakadaro uko sematombo ari kubva muchipfuramabwe. 30 Uye Jehovha paachaitira ishe wangu zvinhu zvese zvakanaka zvaakavimbisa uye paachakugadzai kuti muve mutungamiriri weIsraeri,+ 31 hamuzonetseki kana kuzvidemba* mumwoyo menyu kuti makadeura ropa pasina chikonzero uye kuti ruoko rwashe wangu rwakatsiva.*+ Jehovha paachaitira ishe wangu zvakanaka, yeukai murandasikana wenyu.”

32 Dhavhidhi akabva ati kuna Abhigairi: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo akutuma nhasi kuti usangane neni! 33 Uye Mwari ngaakukomborere nekuchenjera kwako! Komborerwa nekundidzora kwawaita kuti ndirege kuva nemhosva yekudeura ropa+ uye kuti ndirege kutsiva* nemaoko angu. 34 Chokwadi naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, uyo andidzivisa kuti ndisakuitira zvakaipa,+ kudai wanga usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni,+ hapana murume* wekwaNabhari aisara ari mupenyu paizosvika mangwanani.”+ 35 Dhavhidhi akabva agamuchira zvaakanga amuunzira, akati kwaari: “Enda kumba kwako nerugare. Ona, ndanzwa zvawataura uye ndichaita zvawakumbira.”

36 Gare gare Abhigairi akadzokera kwaiva naNabhari, uyo akanga achidya kunge mambo ari mumba make, uye mwoyo waNabhari waifara, uye akanga akadhakwa kusvika pekupedzisira. Haana kana chaakamuudza kusvikira kwaedza. 37 Ava mangwanani, Nabhari paakanga asisina kudhakwa, mudzimai wake akamuudza zvinhu izvi. Mwoyo wake wakabva waita sewemunhu akafa, muviri wake ukaramba wakaoma sedombo. 38 Pashure pemazuva anenge gumi, Jehovha akarova Nabhari, akafa.

39 Dhavhidhi paakanzwa kuti Nabhari akanga afa, akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo atonga nyaya yangu+ yekuzvidzwa kwandakaitwa naNabhari+ uye akadzora muranda wake pakuita zvakaipa,+ uye Jehovha aita kuti zvakaipa zvaNabhari zvimudzokere!” Dhavhidhi akabva atumira shoko kuna Abhigairi achimukumbira kuti ave mudzimai wake. 40 Saka vashandi vaDhavhidhi vakasvika kuna Abhigairi kuKameri, vakati kwaari: “Dhavhidhi atituma kwamuri kuti tikutorei muve mudzimai wake.” 41 Akabva angosimuka, akapfugama ndokudzikisa musoro wake, akati: “Ipai henyu muranda wenyu basa rekugeza tsoka+ dzevaranda vashe wangu.” 42 Abhigairi+ akabva akurumidza kugadzirira, akatasva dhongi rake, varandakadzi vake vashanu vachifamba vari shure kwake; akaenda nenhume dzaDhavhidhi akava mudzimai wake.

43 Dhavhidhi akanga aroorawo Ahinoamu+ wekuJezreeri,+ uye vakadzi vacho vari vaviri vakava madzimai ake.+

44 Asi Sauro akanga apa mwanasikana wake Mikari,+ mudzimai waDhavhidhi, kuna Pariti+ mwanakomana waRaishi, wekuGarimu.

26 Nekufamba kwenguva, varume vekuZifi+ vakaenda kwaiva naSauro kuGibhiya,+ vakati: “Hamusi kuziva here kuti Dhavhidhi akahwanda muchikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni?”*+ 2 Saka Sauro akasimuka, akadzika kurenje reZifi nevarume 3 000 vakasarudzwa pavaIsraeri, kuti anotsvaga Dhavhidhi murenje reZifi.+ 3 Sauro akadzika musasa pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni, pedyo nemugwagwa. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga achigara murenje uye akanzwa kuti Sauro akanga auya murenje achimutevera. 4 Saka Dhavhidhi akatuma vasori* kuti azive kana Sauro akanga auya zvechokwadi. 5 Gare gare Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo yakanga yakadzikwa musasa naSauro, uye Dhavhidhi akaona pakanga pakarara Sauro naAbhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto rake; Sauro akanga akarara mumusasa, akapoteredzwa neuto. 6 Dhavhidhi akabva ati kuna Ahimereki muHiti+ naAbhishai+ mwanakomana waZeruya,+ wemudumbu rimwe chete naJoabhi: “Ndiani achadzika neni kumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati: “Ndichadzika nemi.” 7 Saka Dhavhidhi naAbhishai vakabva vaenda kwaiva neuto racho usiku, uye vakawana Sauro akarara mumusasa, pfumo rake rakabayirirwa pasi pedyo nemusoro wake; Abhineri neuto racho vakanga vakarara vakamupoteredza.

8 Abhishai akabva ati kuna Dhavhidhi: “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu muruoko rwenyu.+ Ndapota, regai ndingomubayirira pasi nepfumo kamwe chete, hazvitombodi kuti ndibaye kaviri.” 9 Zvisinei, Dhavhidhi akati kuna Abhishai: “Usamubaya, nekuti ndiani angasimudza ruoko rwake kuti arwise muzodziwa waJehovha+ oramba asina mhosva?”+ 10 Dhavhidhi akaenderera mberi achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, Jehovha achamuuraya ega,+ kana kuti zuva rake richasvika+ ofa, kana kuti achaenda kuhondo ofira ikoko.+ 11 Hazvitomboiti mukuona kwaJehovha kuti ndisimudze ruoko rwangu ndichirwisa muzodziwa waJehovha!+ Tora pfumo riri pedyo nemusoro wake nechirongo chemvura, tiende.” 12 Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura zvaiva padivi pemusoro waSauro, vachibva vaenda. Hapana akavaona+ kana akavacherechedza kana akapepuka. Vese vakanga vakarara, nekuti vakanga vabatwa nehope huru dzakabva kuna Jehovha. 13 Dhavhidhi akabva ayambuka achienda kune rimwe divi, akamira pamusoro pegomo nechekure, pakati pavo paine chinhambwe.

14 Dhavhidhi akashevedzera kuuto racho uye kuna Abhineri+ mwanakomana waNeri, achiti: “Abhineri, uri kundinzwa here?” Abhineri akapindura kuti: “Ndiwe ani uri kushevedzera kuna mambo?” 15 Dhavhidhi akati kuna Abhineri: “Hausi murume here? Ndiani akafanana newe muIsraeri? Saka nei usina kuramba wakarinda ishe wako mambo? Nekuti mumwe wevarwi apinda kuti auraye ishe wako mambo.+ 16 Zvawaita hazvina kunaka. Chokwadi naJehovha mupenyu, munofanira kufa, nekuti hamuna kuramba makarinda ishe wenyu, muzodziwa waJehovha.+ Tarisai panzvimbo yamuri! Pfumo ramambo nechirongo chemvura+ zvanga zviri padivi pemusoro wake zviri kupi?”

17 Sauro akabva aziva inzwi raDhavhidhi akati: “Inzwi rako here iri mwanakomana wangu Dhavhidhi?”+ Dhavhidhi akapindura kuti: “Inzwi rangu, ishe wangu mambo.” 18 Akaenderera mberi achiti: “Nei ishe wangu ari kudzingirira muranda wake,+ ndakaitei, uye ndakatadzei?+ 19 Ndapota, ishe wangu mambo ngaateerere mashoko emushandi wake: Kana ari Jehovha akakukurudzirai kuti murwe neni, ngaagamuchire* mupiro wangu wezviyo.* Asi kana vari vanhu vakakukurudzirai,+ vatukwa pamberi paJehovha, nekuti vandidzinga nhasi kuti ndirege kubatana nenhaka+ yaJehovha, vachiti, ‘Enda unoshumira vamwe vanamwari!’ 20 Zvino musaita kuti ropa rangu ridonhere pasi kure naJehovha, nekuti mambo waIsraeri abuda kunotsvaga nhata imwe chete,+ sekunge kuti ari kudzingirira chikwari mumakomo.”

21 Sauro akabva ati: “Ndatadza.+ Dzoka mwanakomana wangu Dhavhidhi, nekuti handichakuitirizve zvakaipa, nekuti waona upenyu hwangu* sechinhu chinokosha+ nhasi. Chokwadi ndaita zveupenzi uye ndakanganisa kwazvo.” 22 Dhavhidhi akapindura kuti: “Herino pfumo ramambo. Mumwe wevarume ngaauye aritore. 23 Jehovha ndiye achapa mumwe nemumwe mubayiro wekururama kwake+ nekutendeka kwake, nekuti nhasi Jehovha akuisai muruoko rwangu, asi handina kuda kusimudza ruoko rwangu kuti ndirwise muzodziwa waJehovha.+ 24 Zvandakoshesa upenyu hwenyu* nhasi, upenyu hwangu ngahukoshewo kuna Jehovha, uye ngaandinunure pamatambudziko angu ese.”+ 25 Sauro akapindura Dhavhidhi achiti: “Komborerwa mwanakomana wangu Dhavhidhi. Chokwadi uchaita zvinhu zvikuru uye chokwadi uchakunda.”+ Dhavhidhi akabva aenda uye Sauro akadzokera kwake.+

27 Zvisinei, Dhavhidhi akati mumwoyo make: “Rimwe zuva ndichaparadzwa neruoko rwaSauro. Saka regai nditizire kunyika yevaFiristiya;+ uye Sauro acharega kunditsvaga munharaunda yese yeIsraeri,+ ndopona paruoko rwake.” 2 Saka Dhavhidhi akasimuka nevarume 600+ vaaiva navo, vakaenda kuna Akishi+ mwanakomana waMaoki, mambo weGati. 3 Dhavhidhi akagara naAkishi muGati, iye nevarume vaaiva navo, murume mumwe nemumwe neimba yake. Dhavhidhi aiva nemadzimai ake maviri, Ahinoamu+ wekuJezreeri naAbhigairi+ wekuKameri, chirikadzi yakasiyiwa naNabhari. 4 Sauro paakaudzwa kuti Dhavhidhi akanga atizira kuGati, akabva arega kumutsvaga.+

5 Dhavhidhi akabva ati kuna Akishi: “Kana mandinzwira nyasha, regai ndipiwe nzvimbo mune rimwe remaguta ekumaruwa ndigare. Hazvingaiti kuti muranda wenyu agare muguta reumambo nemi.” 6 Saka Akishi akamupa Zikragi+ pazuva iroro. Ndokusaka Zikragi riri guta remadzimambo eJudha nanhasi.

7 Dhavhidhi akaita gore nemwedzi mina achigara muruwa rwevaFiristiya.+ 8 Dhavhidhi aienda nevarume vake kunopamba vaGeshuri,+ vaGizi, nevaAmareki,+ nekuti vakanga vachigara munyika yaitangira kuTeramu kusvika kuShuri+ uye kusvika kunyika yeIjipiti. 9 Dhavhidhi paairwisa nyika yacho, aisasiya murume kana mukadzi ari mupenyu,+ asi aitora makwai, mombe, madhongi, ngamera nezvipfeko, obva adzokera kuna Akishi. 10 Akishi aimubvunza kuti: “Mapamba kupi nhasi?” Dhavhidhi aipindura achiti: “Kumaodzanyemba* kweJudha”+ kana kuti “Kumaodzanyemba kwevaJerameeri”+ kana kuti “Kumaodzanyemba kwevaKeni.”+ 11 Dhavhidhi haana murume kana mukadzi waakasiya ari mupenyu wekuunza kuGati, nekuti aiti: “Kuti varege kuzotaura nezvedu kwavari vachiti, ‘Izvi ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi.’” (Ndizvo zvaaigara achiita nguva yese yaaigara muruwa rwevaFiristiya.) 12 Saka Akishi akabvuma zvaitaurwa naDhavhidhi, achizviudza kuti: ‘Chokwadi ava kusemesa kuvanhu vekwake, vaIsraeri, saka achagara ari muranda wangu.’

28 Mazuva iwayo vaFiristiya vakaunganidza mauto avo kuti varwise vaIsraeri.+ Saka Akishi akati kuna Dhavhidhi: “Iwe unotozviziva kuti uchaenda neni nevarume vako kunorwa.”+ 2 Dhavhidhi akabva ati kuna Akishi: “Chokwadi munoziva zvichaitwa nemuranda wenyu.” Akishi akati kuna Dhavhidhi: “Ndokusaka ndichakugadza kuti uve munhu achagara achindirinda nguva dzese.”*+

3 Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vese vakanga vamuchema, vakamuviga muRama, muguta rake.+ Uye Sauro akanga abvisa masvikiro nevafemberi munyika.+

4 VaFiristiya vakaungana vakaenda vakanodzika musasa muShunemi.+ Saka Sauro akaunganidza vaIsraeri vese, vakadzika musasa muGiribhoa.+ 5 Sauro paakaona musasa wevaFiristiya, akatanga kutya, hana yake ichirova chaizvo.+ 6 Kunyange zvazvo Sauro aibvunza Jehovha,+ Jehovha haana kumbomupindura, kungava kuhope kana kuti neUrimu+ kana kuti nevaprofita. 7 Sauro akazoti kuvaranda vake: “Nditsvagirei mukadzi anosvikirwa+ ndiende kunomubvunza.” Varanda vake vakapindura kuti: “Pane mukadzi ari muEndori anosvikirwa.”+

8 Saka Sauro akaita kuti arege kuzivikanwa, akapfeka dzimwe nguo, akaenda kumukadzi wacho usiku aine varume vake vaviri. Akati: “Ndinokumbirawo kuti usvikirwe,+ ushandise simba rako rekutaura nemidzimu, wondibudisirawo munhu wandinenge ndasarudza.” 9 Zvisinei, mukadzi wacho akati kwaari: “Unoziva zvakaitwa naSauro, kubvisa kwaakaita masvikiro nevafemberi munyika.+ Saka nei uri kuedza kunditeya* kuti ndiurayiwe?”+ 10 Sauro akabva apika naJehovha kwaari achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, hauzovi nemhosva panyaya iyi!” 11 Mukadzi wacho akabva ati: “Ndikubudisirei ani?” Iye akati: “Ndibudisire Samueri.” 12 Mukadzi wacho paakaona “Samueri,”*+ akashevedzera nenzwi guru akati kuna Sauro: “Mandinyengedzerei? Ndimi Sauro!” 13 Mambo akati kwaari: “Usatya, uri kuonei?” Mukadzi wacho akapindura Sauro achiti: “Ndiri kuona akaita samwari achibuda panyika.” 14 Akabva amubvunza kuti: “Akaita sei?” iye achibva ati: “Pari kubuda murume akwegura, uye akapfeka nguo isina maoko.”+ Sauro akabva aziva kuti akanga ari “Samueri,” uye akapfugama, akadzikisa musoro wake.

15 “Samueri” akabva ati kuna Sauro: “Wandinetserei nekuita kuti ndibudiswe?” Sauro akati: “Ndiri panguva yakaoma. VaFiristiya vari kundirwisa, uye Mwari abva kwandiri uye haachandipinduri nevaprofita kana kuti kuhope;+ ndokusaka ndiri kukumbira kwamuri kuti mundiudze zvandinofanira kuita.”+

16 “Samueri” akati: “Jehovha abva kwauri+ uye ava mhandu yako, saka uri kundibvunzirei? 17 Jehovha achaita zvaakataura kuburikidza neni zvekuti: Jehovha achabvarura umambo kubva mumaoko ako ohupa mumwe wako, Dhavhidhi.+ 18 Jehovha ari kukuitira izvi nhasi nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, uye hauna kuratidza kutsamwa kwake kukuru pavaAmareki.+ 19 Jehovha achaisawo iwe nevaIsraeri mumaoko evaFiristiya,+ uye mangwana iwe+ nevanakomana vako+ muchava neni. Jehovha achaisawo uto revaIsraeri mumaoko evaFiristiya.”+

20 Sauro akabva azvambarara pasi, akatya chaizvo nemhaka yemashoko “aSamueri.” Uye akanga asisina simba, nekuti akanga asina kudya zuva rese neusiku hwese. 21 Mukadzi wacho paakaenda paiva naSauro ndokuona kuti akanga achinetseka chaizvo, akati kwaari: “Muranda wenyu ateerera zvamataura, uye ndaisa upenyu hwangu pangozi*+ ndikaita zvamati ndiite. 22 Ndapota, teererai mashoko emuranda wenyu. Regai ndikupei chimedu chechingwa; uye idyai kuti muwane simba rekudzokera.” 23 Asi iye akaramba, akati: “Handisi kuzodya.” Zvisinei, varanda vake nemukadzi wacho vakaramba vachimumanikidza. Akazovateerera, akasimuka akagara pamubhedha. 24 Mukadzi wacho akanga aine mhuru yakakodzwa pamba pake, saka akakurumidza kuiuraya,* uye akatora furawa akakanya mukanyiwa, akabika chingwa chisina mbiriso. 25 Akazvipa Sauro nevaranda vake, vakadya. Pashure paizvozvo vakasimuka, vakaenda usiku.+

29 VaIsraeri pavakanga vakadzika musasa pedyo nechitubu muJezreeri,+ vaFiristiya+ vakaunganidza mauto avo ese kuAfeki. 2 Madzishe evaFiristiya akanga achipfuura aine mazana awo nezviuru zvawo zvemauto, uye Dhavhidhi nevarume vake vaifora vari shure kwavo vaina Akishi.+ 3 Asi machinda evaFiristiya akati: “VaHebheru ava vavingei?” Akishi akapindura machinda evaFiristiya achiti: “Uyu ndiDhavhidhi muranda waMambo Sauro weIsraeri wandava negore kana kupfuura ndiinaye.+ Handina kana chakaipa chandakawana paari kubvira pazuva raakatizira kwandiri kusvikira nhasi.” 4 Asi machinda evaFiristiya akamutsamwira, akati kwaari: “Ita kuti murume uyu adzokere.+ Ngaadzokere kunzvimbo yawakamupa. Usamurega achienda nesu kunorwa, kuti asazotipandukira patinenge tichirwa.+ Nekuti chii chimwe chaangaita kuti afarirwe nashe wake chinopfuura kumupa misoro yevarume vedu? 5 Uyu haasi iye here Dhavhidhi uya wavakaimba nezvake vachitamba, vachiti:

‘Sauro akauraya zviuru zvake,

Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”+

6 Saka Akishi+ akashevedza Dhavhidhi, akati kwaari: “Chokwadi naJehovha mupenyu, iwe wakarurama, uye ndinoda kuti uende neuto rangu kunorwa,+ nekuti handina kana chakaipa chandakawana pauri kubvira pazuva rawakauya kwandiri kusvikira nhasi.+ Asi mamwe madzishe haasi kuvimba newe.+ 7 Saka dzokera nerugare, uye usaita chero chinhu chinogumbura madzishe evaFiristiya.” 8 Zvisinei, Dhavhidhi akati kuna Akishi: “Nemhaka yei, ko ndaitei? Pane mhosva yamakawanira muranda wenyu here kubvira pazuva randakauya kwamuri kusvikira nhasi? Nei ndisingafaniri kuenda nemi kunorwisa vavengi vashe wangu mambo?” 9 Akishi akapindura Dhavhidhi achiti: “Kwandiri wanga wakangoita sengirozi yaMwari.+ Asi machinda evaFiristiya ati, ‘Usamubvumira kuenda nesu kunorwa.’ 10 Saka mukira mangwanani nevaranda vashe wako vawakauya navo; mukirai muende mangwanani pakunenge kwangova nechiedza.”

11 Saka Dhavhidhi nevarume vake vakamukira mangwanani kuti vadzokere kunyika yevaFiristiya, uye vaFiristiya vakakwidza kuJezreeri.+

30 Dhavhidhi nevarume vake pavakasvika kuZikragi+ pazuva rechitatu, vaAmareki+ vakanga vapamba kumaodzanyemba* nemuZikragi, uye vakanga varwisa Zikragi, vakaipisa nemoto. 2 Vakanga vatapa vakadzi+ nevanhu vese vaiva mairi, kubvira kuvadiki kusvikira kuvakuru. Hapana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda. 3 Dhavhidhi nevarume vake pavakasvika kuguta racho, vakawana rapiswa nemoto, uye madzimai avo nevanakomana vavo nevanasikana vavo, vakanga vatapwa. 4 Saka Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakatanga kuchema vachiridza mhere kusvikira vasisina simba rekuchema. 5 Madzimai maviri aDhavhidhi akanga atapwawo, Ahinoamu wekuJezreeri naAbhigairi chirikadzi yakasiyiwa naNabhari wekuKameri.+ 6 Dhavhidhi akanetseka chaizvo, nekuti varume vake vaitaura kuti vaida kumutema nematombo, nekuti varume vese vakanga vagumbuka chaizvo nemhaka yekutorwa kwakanga kwaitwa vanakomana nevanasikana vavo. Asi Dhavhidhi akazvisimbisa naJehovha Mwari wake.+

7 Dhavhidhi akabva ati kumupristi Abhiyatari,+ mwanakomana waAhimereki: “Ndapota uya pano neefodhi.”*+ Saka Abhiyatari akaenda neefodhi yacho kuna Dhavhidhi. 8 Dhavhidhi akabvunza Jehovha+ kuti: “Nditevere boka iri revapambi here? Ndichavabata here?” Iye akabva ati kwaari: “Vatevere, nekuti chokwadi uchavabata, uye uchanunura vanhu.”+

9 Dhavhidhi akabva angosimuka nevarume 600+ vaaiva navo, uye vakaramba vachienda vakasvika kuRwizi* rweBhesori, vamwe varume vakasara ipapo. 10 Dhavhidhi akaramba achitevera nevarume 400, asi varume 200 avo vakanga vaneta zvekusagona kuyambuka Rwizi* rweBhesori vakasara.+

11 Vakawana mumwe murume wekuIjipiti musango uye vakaenda naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa zvekudya nemvura yekunwa, 12 nechimedu chekeke remaonde akaomeswa nemakeke maviri emazambiringa akaomeswa. Paakadya, akawanazve simba* nekuti akanga asina kudya chinhu kana kunwa mvura kwemazuva matatu neusiku hutatu. 13 Dhavhidhi akabva amubvunza kuti: “Uri muranda waani, uye unobvepi?” iye akati: “Ndiri muIjipiti, muranda wemumwe murume muAmareki, asi tenzi wangu akandisiya nekuti ndakarwara mazuva matatu apfuura. 14 Takapamba kumaodzanyemba* kwevaKereti,+ uye munyika yeJudha nekumaodzanyemba* kwaKarebhi,+ tikapisa Zikragi nemoto.” 15 Dhavhidhi akabva ati kwaari: “Uchanditungamirira kune boka iri revapambi here?” Iye akapindura kuti: “Kana mukapika naMwari kwandiri kuti hamuzondiurayi uye kuti hamuzondiisi mumaoko atenzi vangu, ndichakutungamirirai kuboka iri revapambi.”

16 Saka akamutungamirira kuenda kwavaiva, kwavainge vakapararira munzvimbo yacho yese vachidya nekunwa uye vachipemberera nemhaka yezvinhu zvakawanda zvavakanga vapamba munyika yevaFiristiya nenyika yeJudha. 17 Dhavhidhi akabva avauraya kubvira pakutsvuka kweutonga kusvikira manheru; hapana murume akapona+ kunze kwevarume 400 vakatiza vakatasva ngamera. 18 Dhavhidhi akadzosa zvese zvakanga zvatorwa nevaAmareki,+ uye Dhavhidhi akanunura madzimai ake maviri. 19 Hapana chavo chavakashaya, chingava chidiki kana chikuru. Vakanunura vanakomana nevanasikana vavo nezvinhu zvakanga zvapambwa.+ Dhavhidhi akadzosa zvinhu zvese zvavakanga vatora. 20 Saka Dhavhidhi akatora makwai ese nemombe, vakazvitinha zviri pamberi pezvipfuwo zvavo. Vakati: “Izvi ndizvo zvinhu zvapambwa naDhavhidhi.”

21 Dhavhidhi akabva asvika kuvarume vaya 200 vakanga vaneta vakatadza kuenda naDhavhidhi vachibva vasara paRwizi* rweBhesori,+ uye varume vacho vakabuda kuzosangana naDhavhidhi nevanhu vaaiva navo. Dhavhidhi paakasvika pedyo nevarume vacho, akavabvunza kuti vakanga vakadii. 22 Zvisinei, varume vese vakaipa nevarume vasingabatsiri pavarume vakanga vaenda naDhavhidhi vakati: “Havana kuenda nesu, saka hapana chatiri kuzovapa pazvinhu zvakanga zvapambwa zvatakanotora asi mumwe nemumwe ngaangotora mudzimai wake nevanakomana vake aende.” 23 Asi Dhavhidhi akati: “Hamufaniri kudaro nezvinhu zvatapiwa naJehovha hama dzangu. Atichengeta, akaisa boka revapambi rakauya kuzotirwisa muruoko rwedu.+ 24 Ndiani angabvumirana nemi pazvinhu zvakadaro? Mugove weakaenda kunorwa uchafanana neweuya akasara nenhumbi.+ Vese vachawana mugove wakaenzana.”+ 25 Uye kubvira pazuva iroro zvichienda mberi akaita kuti uve murau uye mutemo kuvaIsraeri kusvikira nhasi.

26 Dhavhidhi paakadzokera kuZikragi, akatumira vakuru veJudha vaiva shamwari dzake zvimwe zvinhu zvavainge vapamba, achiti: “Torai chipo* chenyu icho chabva pane zvakapambwa kuvavengi vaJehovha.” 27 Akachitumira kune vaya vaiva muBheteri,+ nevaya vaiva muRamoti yekuNegebhu,* nevaya vaiva muJatiri,+ 28 nevaya vaiva muAroeri, nevaya vaiva muSifmoti, nevaya vaiva muEshtemoa,+ 29 nevaya vaiva muRakari, nevaya vaiva mumaguta evaJerameeri,+ nevaya vaiva mumaguta evaKeni,+ 30 nevaya vaiva muHoma,+ nevaya vaiva muBhorashani, nevaya vaiva muAtaki, 31 nevaya vaiva muHebroni,+ nekunzvimbo dzese dzaigara dzichiendwa naDhavhidhi nevarume vake.

31 Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri.+ Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+ 2 VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani,+ Abhinadhabhi, naMariki-shua, vanakomana vaSauro.+ 3 Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana vakamukuvadza zvakaipisisa.+ 4 Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa+ varege kuuya kuzondibaya, vondiitira utsinye.” Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+ 5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa,+ iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa pamwe chete naye. 6 Saka Sauro nevanakomana vake vatatu, nemutakuri wezvombo zvake, nevarume vake vese, vakafa zuva iroro.+ 7 VaIsraeri vaiva munharaunda yebani nevaiva munharaunda yeJodhani pavakaona kuti varume vaIsraeri vakanga vatiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vakanga vafa, vakatanga kubuda mumaguta acho vachitiza;+ vaFiristiya vakabva vauya vakaatora.

8 Mangwana acho, vaFiristiya pavakauya kuzotora zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa, vakawana Sauro nevanakomana vake vatatu vakafa muGomo reGiribhoa.+ 9 Saka vakadimbura musoro wake, vakatora zvipfeko zvake zvehondo, vakatumira shoko munyika yese yevaFiristiya kuti vasvitse mashoko acho+ mudzimba* dzezvidhori+ zvavo nekuvanhu. 10 Vakabva vaisa zvipfeko zvake zvehondo muimba yezvifananidzo zvaAshtoreti, vakaroverera chitunha chake parusvingo rweBheti-shani.+ 11 Vagari vekuJabheshi-giriyedhi+ pavakanzwa zvakanga zvaitirwa Sauro nevaFiristiya, 12 varwi vese vakabva vasimuka, vakafamba usiku hwese, vakanobvisa mutumbi waSauro nemitumbi yevanakomana vake parusvingo rweBheti-shani. Vakadzokera kuJabheshi, vakapisa mitumbi yacho ikoko. 13 Vakabva vatora mapfupa avo+ vakaaviga pasi pemuti wemutamarisiki waiva muJabheshi,+ vakatsanya kwemazuva 7.

Kana kuti “muZufi, wekuRama.”

Kana kuti “anokotama.”

Kana kuti “akanga avhara chibereko chake.”

Kana kuti “nei mwoyo wako uchinetseka?”

Kureva, tebhenekeri.

Kana kuti “mweya waHana waishungurudzika.”

Kana kuti “Ndiri mukadzi ane mweya uri kunetseka chaizvo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Panguva yakakodzera.”

Kureva kuti “Zita raMwari.”

ChiHeb., “Ita zvakanaka mumaziso ako.”

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “kumukweretesa.”

Zvinoratidza sekuti pari kureva Erikana.

Kana kuti “Simba rangu rinokwidziridzwa.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Nyanga.”

ChiHeb., “asvava.”

Kana kuti “anopa upenyu.”

Kana kuti “kuSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “panorasirwa marara.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vaya vanorwisana naJehovha vachatya kwazvo.”

Kana kuti “simba remuzodziwa.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “chinopangwa nemweya wako.”

ChiHeb., “akasunga.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mwari ndiye achatonga nekuda kwake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti vakwidze utsi hwezvibayiro mudenga.”

ChiHeb., “yevanakomana vaIsraeri.”

ChiHeb., “muchikava.”

Kana kuti “mweya wako upere simba.”

Kana kuti “maererano nezviri mumwoyo mangu uye zviri mumweya wangu.”

Kureva, tebhenekeri.

ChiHeb., “richiwira pasi.”

ChiHeb., “Nei Jehovha atikunda?”

Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”

Kana kuti “uye haana kuisa mwoyo wake pazviri.”

Kureva kuti “Kukudzwa Kuri Kupi?”

Kana kuti “mutemberi.”

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

ChiHeb., “Dhagoni chete.”

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Kana kuti “vabude musana.”

Kana kuti “vakabuda musana.”

Kureva zvimapundu zvakafanana nezvinomera kunobuda netsvina.

ChiHeb., “varume 70, varume 50 000.”

Kana kuti “kuchema kuna.”

Kureva kuti “Dombo Rerubatsiro.”

ChiHeb., “zvakanga zvakaipa mumaziso aSamueri.”

Kana kuti “zvinonhuhwirira.”

Kana kuti “uye kubva pamapfudzi ake zvichikwira akanga akareba.”

ChiHeb., “madhongi makadzi.”

Kamari aka kaipinda ka4 mushekeri. Shekeri rimwe chete rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “afugura nzeve yaSamueri.”

Kana kuti “achadzora vanhu vangu kuti vasatsauke.”

ChiHeb., “zvese zviri mumwoyo mako.”

Kana kuti “chinu chemafuta.”

Kana kuti “maererano nemhuri dzenyu.”

Kana kuti “kubva pamapfudzi ake zvichikwira akanga akareba kupfuura vanhu vese.”

ChiHeb., “Uye akanga akaita semunhu asingatauri.”

Kana kuti “chibvumirano.”

ChiHeb., “vakaita semunhu mumwe chete.”

Kureva, kubva kuma2:00 dzeusiku kusvika kuma6:00 dzemangwanani.

ChiHeb., “ndateerera inzwi renyu pane.”

ChiHeb., “kufamba pamberi penyu.”

Kana kuti “mari yepfumbamuromo.”

Kana kuti “zvisiri zvechokwadi.”

Kana kuti “hazvisi zvechokwadi.”

Kana kuti “muchokwadi.”

Nhamba yacho haimo muzvinyorwa zvechiHebheru.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Chibayiso.”

Pimu hwaiva uremu hwakaenzana nemagiramu anoda kusvika 8.

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva urefu hwenzvimbo inogona kurimwa nechipani chemombe zuva rimwe chete.

ChiHeb., “pazuva iroro.”

ChiHeb., “Dzosa ruoko rwako.”

ChiHeb., “chingwa.”

ChiHeb., “Nyika.”

Kana kuti “iye akabva ava nesimba.”

ChiHeb., “vakadzikinura.”

Kana kuti “kunzwira tsitsi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “vakanzwira tsitsi Agagi.”

Kana kuti “Ndiri kurwadziwa chaizvo.”

Kana kuti “vakanzwira tsitsi.”

ChiHeb., “terafimu,” kureva, vanamwari vemumba.

Kana kuti “kuzvidemba.”

Kana kuti “angazvidemba.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “asingatombovhunduki.”

ChiHeb., “misasa yavo.”

ChiHeb., “makubhiti 6 nesipani.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Makirogiramu anenge 57. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Makirogiramu anenge 6,84. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “zvemukaka.”

Kana kuti “munhu wehondo.”

Kana kuti “shaya dzazvo.” ChiHeb., “ndebvu dzazvo.”

Aya matombo akaurungana.

ChiHeb., “ungano yese iyi ichaziva.”

Kana kuti “Neupenyu hwemweya wenyu.”

Kana kuti “mweya waJonatani wakanamatirana newaDhavhidhi.”

Kana kuti “aaiita mweya wake.”

Kana kuti “aaiita mweya wake.”

Kana kuti “aiita zvinhu neungwaru.”

Kana kuti “kuita semuprofita.”

ChiHeb., “uye aibuda nekupinda pamberi pevanhu.”

Kana kuti “achiita zvinhu neungwaru.”

Kana kuti “Ucharoora kwandiri.”

Kana kuti “aiita zvinhu neungwaru.”

Kana kuti “Akabatira mweya wake mumaoko.”

Kana kuti “Kana ukasapukunyutsa mweya wako.”

Kana kuti “terafimu akaiisa.”

Kana kuti “paina mwari wemumba; terafimu.”

Kana kuti “asina kunyatsopfeka.”

Kana kuti “vatsvage mweya wangu.”

Kana kuti “neupenyu hwemweya wako.”

Kana kuti “zvichataurwa nemweya wako.”

Kana kuti “aaiita mweya wake.”

ChiHeb., “pazuva rebasa.”

ChiHeb., “nekuti mwanakomana werufu.”

ChiHeb., “mbeu.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “vasina kuenda pedyo nevakadzi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “muruoko rwavo.”

Kana kuti “nevaiva nemweya yaishungurudzika.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “akatendeka.”

ChiHeb., “kuvamhanyi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya yese yeimba.”

Kana kuti “anotsvaga mweya wako.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “amutengesa.”

Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Varidzi venyika yeKeira.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “aitya nekuti.”

Kana kuti “mweya wake.”

ChiHeb., “akasimbisa ruoko rwake.”

ChiHeb., “kurudyi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kwegwenga; kwerenje.”

Kana kuti “pemhuri dzese dzaJudha.”

ChiHeb., “kuti afukidze tsoka dzake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “akaita kuti varume vake vapararire.”

Kana kuti “muuraye mweya wangu.”

ChiHeb., “mbeu.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Iri harisi Gomo reKameri; asi iguta raiva muJudha.

Kana kuti “ivai nerugare.”

ChiHeb., “pazuva rakanaka.”

Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Dzimwe shanduro dzinoti, “ngaaitire Dhavhidhi.”

ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

Kureva kuti “Benzi.”

Kana kuti “nemweya wenyu mupenyu.”

Kana kuti “kuunza ruponeso.”

ChiHeb., “chikomborero.”

Kana kuti “achitsvaga mweya wenyu.”

ChiHeb., “hamuzodzedzereki kana kugumburwa.”

Kana kuti “rwakaunza ruponeso.”

Kana kuti “ndirege kuunza ruponeso.”

ChiHeb., “chero munhu anoitira weti pamadziro.” Aya matauriro echiHebheru ekuzvidza aireva kuti vanhurume.

Dzimwe shanduro dzinoti, “negwenga; nerenje.”

Ava vanhu vaitumwa kunoongorora pachivande.

ChiHeb., “ngaanzwe kunhuwirira.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “mweya wangu.”

Kana kuti “mweya wenyu.”

Kana kuti “KuNegebhu.”

ChiHeb., “kuti uchengete musoro wangu mazuva ese.”

Kana kuti “kuteya mweya wangu.”

Kana kuti “chaiita kunge Samueri.”

Kana kuti “ndabatira mweya wangu mumaoko.”

Kana kuti “kuibayira.”

Kana kuti “kuNegebhu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

ChiHeb., “mweya wake wakadzokera maari.”

Kana kuti “kuNegebhu.”

Kana kuti “nekuNegebhu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

ChiHeb., “chikomborero.”

Kana kuti “yekumaodzanyemba.”

Kana kuti “mutemberi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe